Chitsauko 7
Dzokai Kuzonamata Jehovha
1. Vanamwari vakuru vaviri veBhabhironi vanonzi vanaani, uye chii chinofanotaurwa nezvavo?
ISRAERI paanotapwa muBhabhironi, achave akapoteredzwa nokunamata kwenhema. Munguva yaIsaya, vanhu vaJehovha vachiri munyika yavo, uye vane temberi nevapristi. Asi, vazhinji vorudzi rwakatsaurirwa rwaMwari vabvuma kunamata zvidhori. Saka zvinokosha kuvagadzirira pachine nguva mberi kuitira kuti vasanyanya kushamiswa navanamwari venhema veBhabhironi kana kuti kuedzwa kuti vavashumire. Nokudaro, achitaura nenzira youprofita pamusoro pavanamwari veBhabhironi vakuru vaviri, Isaya anoti: “Bheri unowira pasi, Nebho unokotama; zvifananidzo zvavo zviri pamusoro pezvipfuwo nemombe, zvinhu zvamaitakura zvakaitwa mutoro, wakatakudzwa zvipfuwo zvaneta.” (Isaya 46:1) Bheri ndiye mwari wechidhori mukuru pakati pevaKardhea. Nebho anonamatwa samwari wouchenjeri nokudzidza. Kukudza kunoita vazhinji vanamwari vaviri ava kunoonekwa nokuti mazita avo anobatanidzwa mumazita evanhu vanoverengeka veBhabhironi—Bhershazari, Nabopolassar, Nebhukadhinezari, Nebhuzaradhani, kungotaura hedu vashomanana.
2. Kusabatsira kwavanamwari veBhabhironi kunosimbiswa sei?
2 Isaya anoti Bheri a“wira pasi” uye Nebho a“kotama.” Vanamwari venhema ava vachaparadzwa. Jehovha paanoita mabasa ake okutonga Bhabhironi, vanamwari ava vachave vasingakwanisi kubatsira vanamati vavo. Vachange vasingakwanisi kunyange kuzviponesa! Bheri naNebho havazotakurwizve vari munzvimbo inoremekedzwa yomudungwe, zvakadai sepamutambo weBhabhironi weZuva reGore Idzva. Asi vachafanira kutakurirwa kure nengoro semimwe mitundu zvayowo nevanozvinamata. Kurumbidzwa nokunamatwa kwazvo kuchatsiviwa nokuzvidzwa nokushorwa.
3. (a) Chii chicharovesa vaBhabhironi nehana? (b) Chii chingadzidzwa nhasi pane zvakaitika kuvanamwari veBhabhironi?
3 VaBhabhironi vacharohwa nehana kwazvo kuziva kuti zvidhori zvavo zvavanokoshesa zvinongova mitundu zvayowo inofanira kutakurirwa kure nezvipfuwo zvaneta! Saizvozvowo nhasi, vanamwari venyika—zvinhu izvo vanhu vanovimba nazvo uye izvo vanopedzera simba ravo uye zvavanotopira upenyu hwavo nokuda kwazvo—hapana zviripo. Pfuma, zvombo zvehondo, mafaro, vatongi, nyika yemadzitateguru kana kuti zviratidzo zvayo, uye zvimwe zvinhu zvizhinji zvakasvika pakuva zvinhu zvokuzvipira kwazviri. Kuva pasina kwavanamwari vakadaro kuchafumurwa munguva yaJehovha yakakodzera.—Dhanieri 11:38; Mateu 6:24; Mabasa 12:22; VaFiripi 3:19; VaKorose 3:5; Zvakazarurwa 13:14, 15.
4. Vanamwari veBhabhironi vano“kotama” uye vano“wira pasi” mupfungwai?
4 Huchiwedzera kubudisa pachena kukundikana zvachose kwavanamwari veBhabhironi, uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Vanokotama, vanowira pasi pamwe chete, vanokoniwa kurwira mutoro, asi ivo vamene vakatapwa.” (Isaya 46:2) Vanamwari veBhabhironi vanoratidza se“vanokotama” vo“wira pasi” sokunge vakuvadzwa muhondo kana kuti vapera basa nokukwegura. Havatogoni kunyange kurerutsa mutoro kana kuti kupa nzira yokubuda nayo nokuda kwemhuka dzakaderera dzinovatakura. Naizvozvo, vanhu vaJehovha vesungano, kunyange zvazvo vari nhapwa muBhabhironi, vanofanira kutombovakudza here? Aiwa! Saizvozvowo, vashumiri vakazodzwa vaJehovha, kunyange pavakanga vari vasungwa vomudzimu, havana kukudza vanamwari venhema ve“Bhabhironi Guru,” avo vakakundikana kuridzivisa kuwa muna 1919 uye vachakundikana kuriponesa padambudziko richariwira pa“kutambudzika kukuru.”—Zvakazarurwa 18:2, 21; Mateu 24:21.
5. VaKristu nhasi vanodzivisa sei kudzokorora zvikanganiso zvevaBhabhironi vanonamata zvidhori?
5 VaKristu vechokwadi nhasi havapfugamiri zvidhori chero zvorudzi rupi zvarwo. (1 Johani 5:21) Michinjikwa, zvuma zveminyengetero, uye zvifananidzo zvevasande hazviiti kuti Musiki awanike zviri nyore. Hazvigoni kutimiririra. Muzana remakore rokutanga, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake nzira yakafanira yokunamata nayo Mwari paakati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri. Kana mukakumbira chimwe chinhu muzita rangu, ndichachiita.”—Johani 14:6, 14.
“Vakasimudzwa Kubva Pachizvaro”
6. Jehovha akasiyana sei navanamwari vemarudzi?
6 Apedza kufumura kusava nematuro kwokunamata vanamwari vezvidhori veBhabhironi, Jehovha anoti kuvanhu vake: “Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakasimudzwa kubva pachizvaro.” (Isaya 46:3) Musiyano wakadini uripo pakati paJehovha nezvifananidzo zvakavezwa zveBhabhironi! Vanamwari veBhabhironi havana chavanogona kuitira vanamati vavo. Kuti vafambe, vanoda kutotakurwa nechipfuwo chokutakura zvinhu. Kusiyana neizvi, Jehovha ave achitakura vanhu vake. Akavatsigira “kubva pachizvaro,” kubva panguva apo rudzi rwacho rwakaumbwa. Kuyeuka nomufaro kutakurwa naJehovha kunofanira kukurudzira vaJudha kusanamata zvidhori uye kuvimba naye saBaba wavo uye Shamwari.
7. Kutarisira norudo kwaJehovha vanamati vake kunotopfuura kwevabereki vevanhu pavana vavo sei?
7 Jehovha ane mamwe mashoko orudo nevanhu vake okuti: “Kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.” (Isaya 46:4) Kuva nehanya kwaJehovha nevanhu vake kunopfuura kwomubereki ane hanya zvikuru. Vana sezvavanokura, vabereki vanganzwa mutoro wavo uchiramba uchiderera pavari. Vabereki pavanokwegura, vana vanowanzovatarisira. Hazvina kumbodaro kuna Jehovha. Haambomiri kutarisira vana vake, vanhu—kunyange vakwegura. Vanamati vaMwari nhasi vanovimba uye vanoda Musiki wavo uye vanonyaradzwa zvikuru nemashoko aya ouprofita hwaIsaya. Havafaniri havo kufunganya pamusoro pemazuva asara kana kuti makore avachafanira kupedza vari munyika ino. Jehovha anovimbisa kuti “ndichakutakurai” kune avo vakwegura, achivapa simba rinodiwa rokutsungirira ndokuramba vakatendeka. Achavatakura, ovasimbisa, uye ovapukunyutsa.—VaHebheru 6:10.
Ngwarira Zvidhori Zvemazuva Ano
8. Chivi chipi chisingapembedzeki icho vamwe vevanhu vokwaIsaya vaita?
8 Fungidzira kuora mwoyo kwakamirira vaBhabhironi vanovimba nezvidhori, izvo zvicharatidza kuva zvisingabatsiri zvachose! Israeri anofanira kudavira kuti vanamwari ivavo vangaenzaniswa naJehovha here? Zvechokwadi kwete. Nenzira yakakodzera, Jehovha anobvunza kuti: “Muchandifananidza naaniko, nokundienzanisa naani, nokunditi ndakaita saani, wandingafanana naye?” (Isaya 46:5) Hazvitombopembedzeki kuti vamwe vevanhu vokwaIsaya vatanga kunamata zvifananidzo zvisingatauri, zvisina upenyu uye zvisingabatsiri! Nokuda kworudzi runoziva Jehovha, kuvimba nezvifananidzo zvisina upenyu, zvisingagoni kuzvidzivirira zvakagadzirwa nemaoko evanhu upenzi zvechokwadi.
9. Rondedzera mafungiro okushayiwa pfungwa evamwe vanamati vezvidhori.
9 Funga nezvemafungiro evanamati vezvidhori okushayiwa pfungwa. Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Ivo vanodurura ndarama pahombodo, nokuyera sirivha nechiyero, vanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mwari nayo; zvino vopfugama, nokunamata.” (Isaya 46:6) Dai chidhori chinodhura chaiva nesimba guru rokuponesa kupfuura chakaitwa nematanda, vanamati vacho vaizopedza mari zhinji vachichiumba kuti chive mwari wavo. Kunyange zvakadaro, pasinei nokuti isimba rakadini rinoshandiswa kana kuti zvinoshandiswa zvinodhura zvakadini, chidhori chisina upenyu chinongoramba chiri chidhori chisina upenyu, zvapera.
10. Kusabatsira zvachose kwokunamata zvidhori kunorondedzerwa sei?
10 Huchiwedzera kusimbisa upenzi hwokunamata zvidhori, uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Vanochikwidza pafudzi, vanochitakura, ndokuchigadzika panzvimbo yacho, icho ndokumira; hachibvi panzvimbo yacho, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwachiri, hachigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.” (Isaya 46:7) Upenzi hwakadini kunyengetera kuchifananidzo chisingagoni kunzwa kana kuita chimwe chinhu! Munyori wepisarema anorondedzera nomazvo kusabatsira kwezvinhu zvakadaro zvinonamatwa achiti: “Zvifananidzo zvavo isirivha nendarama, basa ramaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni; zvine nzeve, asi hazvinzwi; nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwidzi; zvine maoko, asi hazvibati; namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; hazvitauri napahuro pazvo. Ivo vanozviita vachafanana nazvo; zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.”—Pisarema 115:4-8.
“Muve Varume”
11. Chii chichabatsira vaya vane mwoyo miviri kuti va“ve varume”?
11 Apedza kuratidza kusabatsira kwokunamata zvidhori, Jehovha zvino anopa vanhu vake zvikonzero zvokuti nei vachifanira kumushumira, anoti: “Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi, imi vadariki. Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna wakafanana neni.” (Isaya 46:8, 9) Vaya vane mwoyo miviri pakunamata kwechokwadi nokunamata zvidhori vanofanira kurangarira zvakaitika. Vanofanira kurangarira zvinhu zvakaitwa naJehovha. Izvi zvichabatsira kuti vaite sevarume voita zvinhu zvakarurama. Zvichavabatsira kudzokera kukunamata Jehovha.
12, 13. VaKristu vakabatwa mukurwa kwei, uye vangakurira sei?
12 Kurudziro iyi ichiri kudikanwa nhasi. Kufanana nevaIsraeri, vaKristu vechokwadi vanofanira kurwisa miedzo nokusakwana kwavo pachavo. (VaRoma 7:21-24) Mukuwedzera, vari mubishi rehondo yomudzimu nomuvengi asingaoneki asi ane simba kwazvo. Muapostora Pauro anoti: “Tinorwa, kwete neropa nenyama, asi nehurumende, nevane simba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.”—VaEfeso 6:12.
13 Satani nemadhimoni ake vachaita zvose zvavanogona kuti vatsause vaKristu pakunamata kwechokwadi. Kuti varwe hondo inobudirira, vaKristu vanofanira kutevera zano raJehovha voita sevarume. Sei? Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.” Jehovha haatumiri vashumiri vake kuhondo vasina kushongedzerwa zvakakwana. Nhumbi dzavo dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu dzinosanganisira “nhoo huru yokutenda, ya[va]chakwanisa kudzima nayo zvombo zvinokandwa zvinopisa zvowakaipa.” (VaEfeso 6:11, 16) VaIsraeri vaiva vadariki nokuti vakasiya zvinhu zvomudzimu zvavakapiwa naJehovha. Kudai vakanga vafungisisa nezvemabasa esimba ayo Jehovha aigara achivaitira, vaizodai vasina kumboenda kune zvokunamata zvidhori zvinosemesa. Ngatidzidzei pamuenzaniso wavo totsunga kusambozununguka mukurwira kuita zvakarurama.—1 VaKorinde 10:11.
14. Jehovha anotaura nezvokukwanisa kwake kuitei kuratidza kuti ndiye bedzi Mwari wechokwadi?
14 Jehovha “iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, [a]chiti: Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda.” (Isaya 46:10) Ndoupi mumwe mwari angafanana naJehovha panhau iyi? Kukwanisa kufanotaura nguva yemberi uchapupu hunoshamisa hwokuva Mwari kwoMusiki. Zvisinei, zvinoda zvinopfuura kufanoona kuva nechokwadi chokuzadzika kwezvinhu zvinofanotaurwa. Kuzivisa kuti “zvandakarayira zvichamira” kunosimbisa kusachinjika kwechinangwa chaMwari chakagadzwa. Sezvo Jehovha aine simba risina parinogumira, hapana chinhu chingamutadzisa kuita zvaanoda pazvakasikwa zvose. (Dhanieri 4:35) Naizvozvo, tinogona kuva nechokwadi chokuti uprofita hwose husati hwazadzika huchaitika zvechokwadi panguva yaMwari yakakodzera.—Isaya 55:11.
15. Muenzaniso wechii unoshamisa wokukwanisa kwaJehovha kufanotaura nguva yemberi watinoudzwa nezvawo?
15 Muenzaniso unoshamisa wokukwanisa kufanotaura zviitiko zvomunguva yemberi kwaJehovha ozoita kuti mashoko ake azadzike ndiwo watinotevera kuudzwa nouprofita hwaIsaya hunoti: “Ndinodana gondo ribve kumabvazuva, munhu wandakarayirira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.” (Isaya 46:11) Sezvo ari iye “unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira,” Jehovha Mwari acharonga mamiriro ezvinhu zvevanhu kuitira kuti aite zvaakafunga. Achadana Koreshi “kubva kumabvazuva,” kana kuti Persia iri kumabvazuva, uko kuchava neguta guru rinodiwa naKoreshi Pasargadae. Koreshi achaita se“gondo,” achinonga Bhabhironi kamwe kamwe uye zvisingatarisirwi.
16. Jehovha anosimbisa sei kuva chokwadi kwezvaanofanotaura pamusoro peBhabhironi?
16 Kuve nechokwadi kwezvakafanotaurwa naJehovha pamusoro peBhabhironi kunosimbiswa nemashoko okuti, “ndakataura, ndichazviuyisawo.” Kunyange zvazvo vanhu vasina kukwana vachiwanzoda kuvimbisa zvavasingagoni, Musiki haambokundikani kuzadzika shoko rake. Nemhaka yokuti Jehovha ndiMwari “asingamborevi nhema,” tinogona kuva nechokwadi kuti kana “akazvitema,” acha“zviitawo.”—Tito 1:2.
Mwoyo Isina Kutenda
17, 18. Ndivanaani vangarondedzerwa seva“ne mwoyo mikukutu” (a) munguva dzekare? (b) nhasi?
17 Zvakare, Jehovha anoisa pfungwa dzake pavaBhabhironi achiprofita kuti: “Nditeererei, imi mune mwoyo mikukutu, imi muri kure nokururama.” (Isaya 46:12) Mashoko okuti “mune mwoyo mikukutu” anorondedzera vaya vakaoma musoro uye vanozivikanwa nokuda kwokushora kwavo kuda kwaMwari. Pasina mubvunzo, vaBhabhironi vari kure naMwari. Kuvenga kwavo Jehovha nevanhu vake kunovaita kuti vaparadze Jerusarema netemberi yaro uye kutapa vagari varo.
18 Nhasi avo vane mwoyo isina chokwadi uye isingatendi vanoomesa musoro vachiramba kuteerera shoko roUmambo, iro riri kuparidzwa mupasi rose rinogarwa. (Mateu 24:14) Havadi kubvuma Jehovha saChangamire akakodzera. (Pisarema 83:18; Zvakazarurwa 4:11) Nemwoyo iri “kure nokururama,” vanoramba uye vanoshora kuda kwake. (2 Timoti 3:1-5) Kufanana nevaBhabhironi, vanoramba kuteerera Jehovha.
Ruponeso rwaMwari Haruzononoki
19. Jehovha achaitira Israeri chiito chokururama munzirai?
19 Mashoko okupedzisa echitsauko 46 chaIsaya anosimbisa pfungwa younhu hwaJehovha yokuti: “Ndichaswededza kururama kwangu, hakungavi kure, noruponeso rwangu harunganonoki; ndichaisa ruponeso paZiyoni, nokubwinya kwangu pakati paIsraeri.” (Isaya 46:13) Kusunungura vaIsraeri kwaMwari kuchava chiito chokururama. Haazobvumiri vanhu vake kungopera mwoyo vari nhapwa. Ruponeso rweZiyoni ruchauya panguva yakafanira, “harunganonoki.” Pashure pokusunungurwa kwavo pakutapwa, vaIsraeri vachatariswa nemarudzi ose akapoteredza. Kununura kwaJehovha rudzi rwake kuchava chipupuriro chesimba rake rokuponesa. Kusabatsira kwavanamwari veBhabhironi Bheri naNebho kuchafumurwa kuti vose vaone, kusabatsira kwavo kuchiratidzwa.—1 Madzimambo 18:39, 40.
20. VaKristu vangava nechokwadi sei chokuti “ruponeso” rwaJehovha “haruzononoki”?
20 Muna 1919, Jehovha akaita kuti vanhu vake vasunungurwe pakutapwa kwomudzimu. Haana kunonoka. Chiitiko ichocho, pamwe nezviitiko zvomunguva dzekare apo Bhabhironi rakawa pamberi paKoreshi, zvinotikurudzira nhasi. Jehovha akavimbisa kugumisa nyika ino yakaipa, kusanganisira kunamata kwayo kwenhema. (Zvakazarurwa 19:1, 2, 17-21) Tichitarisa zvinhu sokuona kwevanhu, vamwe vaKristu vanganzwa sokuti ruponeso rwavo rwanonoka. Zvisinei, kushivirira kwaJehovha kusvikira panguva yake yakafanira kuti azadzise chipikirwa ichocho zvechokwadi chiito chokururama. Pamusoro pazvo “[Jehovha] hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Naizvozvo, ivai nechokwadi chokuti sepamazuva aIsraeri wekare, “ruponeso . . . harunganonoki.” Zvechokwadi, sezvo zuva roruponeso rinoswedera pedyo, Jehovha nenzira yorudo anoramba achikokera kuti: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo. Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye uchamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti uchakanganwira zvikuru.”—Isaya 55:6, 7.
[Mifananidzo iri papeji 94]
Vanamwari veBhabhironi havaridziviriri pakuparadzwa
[Mifananidzo iri papeji 98]
VaKristu nhasi vanofanira kungwarira zvidhori zvemazuva ano
[Mifananidzo iri papeji 101]
Ivai sevarume muite zvakarurama