Rudo rwaMwari Runoonekwa Murudo Rwaamai
“Mudzimai angakanganwa mwana wake anoyamwa zvokuti angasanzwira tsitsi mwanakomana wedumbu rake here? Kunyange vakadzi ava vangakanganwa havo, asi ini handizokukanganwi.”—ISAYA 49:15.
MUCHECHE anotamba-tamba achifara akabatwa naamai vake pavanenge vachimuyamwisa. Aya mamiriro ezvinhu anoratidza kuva nehanya uye rudo. Vamwe amai vanonzi Pam vanoti: “Pandakatanga kubata mwana wangu mumaoko, ndakanzwa kumuda uye kuti ndaifanira kutarisira mwana uyu.”
Kunyange zvazvo zvichiita sezviri pachena, tsvakurudzo dzakatsigira kuti rudo rwaamai runobatsira zvikuru pakukura kwomwana. Rimwe gwaro rakabudiswa nesangano rinoona nezvoutano hwepfungwa rinonzi World Health Organization Programme on Mental Health rinoti: “Kutsvakurudza kwakabatsira kuziva kuti vacheche vanongosiyiwa uye vasingarerwi navanaamai vavo havafari uye vanoora mwoyo, dzimwe nguva vanenge vachitotya.” Gwaro iroro rinotaura nezvokumwe kutsvakurudza kunoratidza kuti vana vanoratidzwa kuti vanodiwa uye vanopiwa nguva nevabereki vavo vachiri vaduku vanongwara zvikuru kupfuura vaya vanongosiyiwa.
Achitaura nezvokukosha kworudo rwaamai, Alan Schore, purofesa wezvirwere zvepfungwa paUCLA School of Medicine kuUnited States anoti: “Ukama hunotanga kuita mwana naamai hunokosha zvikuru, nokuti huchamubatsira kuzogarisana nevamwe zvakanaka paanokura.”
Zvinosuruvarisa kuti kuora mwoyo, kurwara uye mamwe matambudziko zvingaita kuti amai vasiye mwana wavo kana kuti ‘kutokanganwa mwana wavo anoyamwa.’ (Isaya 49:15) Izvi hazvigari hazvo zvichiitika. Kutaura zvazviri, vanaamai vanoita sevakasikwa vachingoda vana vavo. Vanotsvakurudza vakawana kuti panoberekwa mwana, vanaamai vanobudisa mahormone akawanda anonzi maoxytocin anobatsira pakusununguka uye anoita kuti mukaka uwande. Mahormone aya, anobudiswawo nevarume, anonzi anoitawo kuti amai vade mwana wavo vasingangozvifungi ivo chete.
Rudo Rwakabva Kupi?
Vaya vanotsigira dzidziso yokushanduka-shanduka vanoti rudo rusina undingoveni sorwuya rwaamai nomwana, rwakangoerekana rwaitika uye vanhu vaishanduka-shanduka vakaramba vaine rudo urwu nokuti rwaivabatsira. Somuenzaniso, imwe magazini yepaindaneti inotaura nezvokurera vana inonzi Mothering Magazine inoti: “Manzwiro edu anobva pachikamu chokutanga chouropi hwedu chakashanduka-shanduka chichibva kuuropi hwemadzitateguru ayo akanga achiri mhuka. Chikamu ichi chouropi ndicho chinoita kuti vanaamai nevana vavo vadanane zvikuru.”
Chokwadi, kutsvakurudza kwakaratidza kuti chikamu ichocho ndicho chinoita kuti tive nemanzwiro atinoita. Zvisinei, kwauri zvine musoro here kuti rudo rwaamai nomwana wavo rwakangoerekana rwavapo ruchibva kuuropi hwemhuka?
Chimbofunga zvimwe zvingava zvakaitika. Bhaibheri rinoti vanhu vakasikwa nomufananidzo waMwari, kureva kuti vakasikwa vaine unhu hwakaita sehwaMwari. (Genesisi 1:27) Rudo ndihwo unhu hwaMwari hunonyanya kukosha. Muapostora Johani akanyora kuti: “Uyo asina rudo haasati asvika pakuziva Mwari.” Nemhaka yei? “Nokuti Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Tapota ona kuti ndima ino yeBhaibheri haiti Mwari ane rudo. Asi inoti iye Mwari, rudo. Rudo runobva kwaari.
Bhaibheri rinotsanangura rudo richiti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runoshivirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.” (1 VaKorinde 13:4-8) Zvine musoro here kudavira kuti unhu uhwu hwakanaka chaizvo hwakangoerekana hwavapo?
Unonzwa Sei?
Pawaverenga matsanangurirwo anoitwa rudo mundima yapfuura, mwoyo wako wadokwairira here kuti mumwe munhu akuratidze rudo rwakadaro? Takasikwa tichida kudiwa saizvozvo. Nei? Nokuti “tiri vana vaMwari.” (Mabasa 17:29) Takasikwa tichida kudiwa uye kudawo vamwe. Uye tine chokwadi chokuti Mwari anonyatsotida. (Johani 3:16; 1 Petro 5:6, 7) Rugwaro ruri panotangira nyaya ino runoratidza kuti kudiwa kwatinoitwa naMwari kunopfuura kwaamai nomwana wavo!
Asi unganetseka kuti: ‘Kana Mwari akachenjera, aine simba uye achitida, nei asingagumisi kutambura? Nei achirega vana vachifa, udzvanyiriri huchipfuurira uye pasi richikanganiswa nokusatarisirwa zvakanaka uye makaro?’ Iyi mibvunzo yakanaka inoda mhinduro dzine musoro.
Pasinei nezvinotaurwa nevaya vanoti Mwari haazivikanwi, mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi dzinowanikwa. Mamiriyoni evanhu munyika dzakawanda akawana mhinduro dzacho paaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vabudisi vemagazini ino vanokukumbira kuti uitewo saizvozvo. Paunowedzera kuziva Mwari nemhaka yokudzidza Shoko rake uye kudzidza nezvezvaakasika, uchanzwisisa kuti haasi kure uye kuti hazvina kuoma kuti umuzive. Asi uchatova nechokwadi chokuti Mwari haasi “kure nomumwe nomumwe wedu.”—Mabasa 17:27.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Kudiwa kwatinoitwa naMwari kunopfuura kwaamai nomwana wavo