Chitsauko 10
“Nguva Yokufarirwa”
1, 2. (a) Chikomborero chei icho Isaya akawana? (b) Ndivanaani vanobatanidzwa mumashoko ouprofita akanyorwa muhafu yokutanga yechitsauko 49 chaIsaya?
VANHU vose vakatendeka kwenguva yakareba vave vachitenderwa uye vachidzivirirwa naMwari. Asi Jehovha haaratidzi kufarira kwake zvachero. Munhu anofanira kunge achikodzera kuwana chikomborero chisingaenzaniswi chakadaro. Isaya akanga ari mumwe akadaro. Akawana nyasha dzaMwari uye akashandiswa naJehovha sechishandiso chokuita kuti kuda Kwake kuziviswe kuna vamwe. Muenzaniso weizvi wakanyorwa muhafu yokutanga yechitsauko 49 chouprofita hwaIsaya.
2 Mashoko aya anotaurirwa kumbeu yaAbrahamu nenzira youprofita. Mukuzadzika kwokutanga, mbeu iyoyo rudzi rwaIsraeri, urwo rwakabva kuna Abrahamu. Zvisinei, mashoko acho mazhinji anoratidza pachena kuti anoshanda kuMbeu yakatarisirwa kwenguva refu yaAbrahamu, Mesiya akapikirwa. Mashoko acho akafuridzirwa anoshandawo kuhama dzomudzimu dzaMesiya, dzinova rutivi rwembeu yomudzimu yaAbrahamu uye “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 3:7, 16, 29; 6:16) Chikamu chino chouprofita hwaIsaya chinonyanya kurondedzera ukama hunokosha huripo pakati paJehovha noMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu.—Isaya 49:26.
Akagadzwa Nokudzivirirwa naJehovha
3, 4. (a) Mesiya anotsigirwa nei? (b) Mesiya ari kutaura kunaani?
3 Mesiya anofarirwa naMwari, kana kuti kutenderwa. Jehovha anomupa chiremera nesimba zvinodiwa kuti aite basa rake. Saka, nenzira yakakodzera, Mesiya womunguva yemberi anoti: “Ndinzwei, imi zviwi, teererai imi marudzi avanhu ari kure: Jehovha wakandidana ndiri muchizvaro, wakareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu.”—Isaya 49:1.
4 Pano Mesiya anotaurira mashoko ake kumarudzi ari “kure.” Kunyange zvazvo Mesiya achipikirwa kuvanhu vechiJudha, ushumiri hwake huchashanda kukomborera marudzi ose. (Mateu 25:31-33) “Zviwi” ne“marudzi avanhu,” kunyange zvazvo asiri musungano naJehovha, anofanira kuteerera Mesiya waIsraeri nemhaka yokuti anotumirwa kuti aunze ruponeso kuvanhu vose.
5. Mesiya anotumidzwa sei kunyange asati aberekwa somunhu?
5 Uprofita hwacho hunoti Jehovha achatumidza Mesiya asati aberekwa somunhu. (Mateu 1:21; Ruka 1:31) Nguva refu asati aberekwa, Jesu anotumidzwa kuti “Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.” (Isaya 9:6) Imanueri, sezvingabvira zita romwanakomana waIsaya, rinozobudawo kuti izita rouprofita raMesiya. (Isaya 7:14; Mateu 1:21-23) Kunyange zita raanopiwa iro Mesiya achasvika pakuzivikanwa naro—Jesu—rinofanotaurwa asati aberekwa. (Ruka 1:30, 31) Zita iri rinobva mushoko rechiHebheru rinoreva kuti “Jehovha Ruponeso.” Sezviri pachena, Jesu haasi Kristu akaita zvokuzvigadza.
6. Muromo waMesiya wakaita somunondo unopinza munzirai, uye anovanzwa kana kuti kuvigwa sei?
6 Mashoko aMesiya ouprofita anoenderera mberi achiti: “Wakaita muromo wangu somunondo unopinza; wakandivanza mumumvuri wechanza chake, akandiita museve unopenya, akandichengeta mugoba rake.” (Isaya 49:2) Nguva painosvika yokuti Mesiya waJehovha atange ushumiri hwake hwepasi pano muna 29 C.E., mashoko aJesu nezviito zvinoratidza zvechokwadi kuva zvombo zvinopinza, zvinopenya, zvinokwanisa kupinda mumwoyo yevateereri vake. (Ruka 4:31, 32) Mashoko ake nezviito zvinomutsa hasha dzomuvengi waJehovha mukuru, Satani, nevamiririri vake. Kubva panguva yokuberekwa kwaJesu, Satani anoedza kumuuraya, asi Jesu anoita somuseve wakavigwa mugoba raJehovha pachake.a Nechivimbo anogona kutarisira kudzivirirwa naBaba vake. (Pisarema 91:1; Ruka 1:35) Panguva yakagadzwa, Jesu anopa upenyu hwake nokuda kwevanhu. Asi nguva ichauya apo achabuda somurwi wokudenga ane simba akapakata zvombo mupfungwa yakasiyana, ane munondo unopinza unobuda mumuromo make. Panguva ino munondo unopinza unomirira chiremera chaJesu chokuzivisa nokuita kutonga kwaJehovha pavavengi vake.—Zvakazarurwa 1:16.
Kutambura Kwomuranda waMwari Hakusi Pasina
7. Mashoko aJehovha ari pana Isaya 49:3 anoshanda kunaani, uye nei?
7 Zvino Jehovha anotaura mashoko ouprofita aya: “Ndiwe [mushumiri, NW] wangu; Israeri wandinozvirumbidza maari.” (Isaya 49:3) Jehovha anotaura nezvorudzi rwaIsraeri somushumiri wake. (Isaya 41:8) Asi Jesu Kristu ndiye Mushumiri waMwari mukuru. (Mabasa 3:13) Hapana nechimwe chezvisikwa zvaMwari chinogona kuratidza “runako,” (NW) rwaJehovha zviri nani kupfuura Jesu. Nokudaro, kunyange zvazvo achitaurirwa kuna Israeri, mashoko aya anoshanda chaizvoizvo kuna Jesu.—Johani 14:9; VaKorose 1:15.
8. Vanhu vaMesiya pachake vanoita sei kwaari, asi Mesiya anotarira kunaani kuti ayere kubudirira kwake?
8 Zvisinei, hachisi chokwadi here kuti Jesu anozvidzwa nokurambwa nevazhinji vevanhu vake pachake? Hungu. Ruzhinji rworudzi rwaIsraeri harugamuchiri Jesu soMushumiri akazodzwa waMwari. (Johani 1:11) Zvose izvo Jesu anoita ari pasi pano zvingaratidzika kuvanhu vomuzuva rake sezvisinganyanyi kukosha kana kuti, sezvisina basa. Kunoratidza sokukundikana muushumiri hwake uku ndiko kunotevera kutaurwa naMesiya, kwokuti: “Ndakatambura pasina, ndakapedza simba rangu pasina pazvinhu zvisina maturo.” (Isaya 49:4a) Mashoko aya haataurwi nokuti Mesiya aora mwoyo. Funga zvaanotevera kutaura kuti: “Asi zvirokwazvo kururamisirwa kwangu kuri kuna Jehovha, nomubayiro wangu kuna Mwari wangu.” (Isaya 49:4b) Kubudirira kwaMesiya kuchayerwa, kwete nevanhu, asi naMwari.
9, 10. (a) Nderipi riri basa raMesiya raakapiwa naJehovha uye anobuda nei? (b) VaKristu vangakurudzirwa sei nhasi nezvakaitika kuna Mesiya?
9 Jesu anonyanya kufarira kutenderwa naMwari, kana kuti nyasha dzake. Muuprofita uhwu, Mesiya anoti: “Zvino zvanzi naJehovha, wakandiumba kubva pachizvaro, kuti ndive [mushumiri, NW] wake, ndidzosere Jakobhozve kwaari, uye kuti Israeri vaunganidzwezve kwaari, (nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, Mwari wangu ndiye wava simba rangu).” (Isaya 49:5) Mesiya anouya kuzodzosazve mwoyo yevanakomana vaIsraeri kuna Baba vavo vokudenga. Vazhinji havanzwi, asi vamwe vanobvuma. Zvisinei, mubayiro wake chaiwo una Jehovha Mwari. Kubudirira kwake kunoyerwa, kwete sokuona kwevanhu, asi maererano nemitemo yaJehovha pachake.
10 Nhasi, vateveri vaJesu pane dzimwe nguva vanganzwa sokuti vari kutamburira pasina. Mune dzimwe nzvimbo, zvinobuda muushumiri hwavo zvingaratidzika sezvisingakoshi pazvinoenzaniswa noukuru hwebasa nesimba rinenge raiswa. Kunyange zvakadaro, vanotsungirira, vachikurudzirwa nomuenzaniso waJesu. Vanokurudzirwawo nemashoko omuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, ivai vakasimba, musingazununguki, muchigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.”—1 VaKorinde 15:58.
“Chiedza Chemamwe Marudzi”
11, 12. Mesiya ave ari “chiedza chemamwe marudzi” sei?
11 Muuprofita hwaIsaya, Jehovha anokurudzira Mesiya nokumuyeuchidza kuti kuva Mushumiri waMwari hachisi “chinhu chiduku.” Jesu acha“muts[a] marudzi aJakobho, nokudzosazve vakasara vaIsraeri.” Jehovha anowedzera kutsanangura kuti: “Ndichakuitawo chiedza [chemamwe marudzi], kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika.” (Isaya 49:6) Jesu anovhenekera marudzi “kusvikir[a] kumugumo wenyika” sei ihwo ushumiri hwake huchingogumira muIsraeri?
12 Chinyorwa cheBhaibheri chinoratidza kuti “chiedza” chaMwari che“mamwe marudzi” hachina kudzimwa nokubva kwaJesu pasi pano. Anenge makore 15 Jesu afa, mamishinari Pauro naBhanabhasi vakatora uprofita hwaIsaya 49:6 vakahushandisira pavadzidzi vaJesu, hama dzake dzomudzimu. Vakatsanangura kuti: “Chaizvoizvo, Jehovha akatirayira nemashoko aya, ‘Ndakakugadzai sechiedza chemamwe marudzi, kuti imi muve ruponeso kusvika kumigumo yepasi.’” (Mabasa 13:47) Asati afa, Pauro akaona mashoko akanaka oruponeso achiwaniswa kwete vaJudha bedzi asi ku“zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaKorose 1:6, 23) Nhasi, vasara vehama dzakazodzwa dzaKristu vanopfuudzira basa iri. Vachitsigirwa ne“boka guru revanhu” rinosvika mamiriyoni, rinoshanda se“chiedza chemamwe marudzi” munyika dzinopfuura 230 munyika yose.—Zvakazarurwa 7:9.
13, 14. (a) Mesiya nevateveri vake vakasangana nechii pabasa rokuparidza? (b) Kuchinjai kwemamiriro ezvinhu kwakaitika?
13 Jehovha zvechokwadi akaratidza kuva simba riri seri kwoMushumiri wake Mesiya, hama dzakazodzwa dzaMesiya, uye veboka guru revanhu vose, avo pamwe chete navo, vanopfuudzira basa rokuparidza mashoko akanaka. Chokwadi, kufanana naJesu, vadzidzi vake vakatarisana nokuzvidzwa nokushorwa. (Johani 15:20) Asi munguva yake yakafanira, Jehovha nguva dzose anochinja mamiriro ezvinhu kuitira kuti anunure nokupa mubayiro vashumiri vake vakavimbika. Pamusoro paMesiya, uyo “unozvidzwa navanhu” uye “unovengwa norudzi rwose,” Jehovha anopikira kuti: “Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda kwaJehovha wakatendeka, iye Mutsvene waIsraeri, wakakusanangura.”—Isaya 49:7.
14 Gare gare muapostora Pauro akanyorera vaKristu vomuFiripi nezvemamiriro ezvinhu aya aizochinja akanga afanotaurwa. Akarondedzera Jesu somunhu akanga anyadziswa padanda rokutambudzikira asi akazokwidziridzwa naMwari. Jehovha akapa Mushumiri wake “nzvimbo yepamusoro akamupa nomutsa zita riri pamusoro pemamwe mazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame.” (VaFiripi 2:8-11) Vateveri vaKristu vakatendeka vakanyeverwa kuti naivowo vachatambudzwa. Asi kufanana naMesiya, vane chokwadi chokuti vanofarirwa naJehovha.—Mateu 5:10-12; 24:9-13; Mako 10:29, 30.
“Nguva Yokufarirwa”
15. I“nguva” ipi chaiyo inotaurwa muuprofita hwaIsaya, uye izvi zvinoratidzei?
15 Uprofita hwaIsaya hunoenderera mberi nokutaura kunokosha zvikuru. Jehovha anoudza Mesiya kuti: “Ndakakupindura nenguva [yokufarirwa, NW], ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu.” (Isaya 49:8a) Uprofita hwakafanana nouhwu hwakanyorwa pana Pisarema 69:13-18. Munyori wePisarema anotaura nezve“nguva yokufarirwa,” (NW), achishandisa mashoko okuti “nguva yakafanira.” Mashoko aya anoratidza kuti nguva yokufarirwa naJehovha nokudzivirira zvinopiwa nenzira chaiyo asi munguva yakananga uye duku.
16. Ndeipi yakanga iri nguva yokufarirwa kwaIsraeri wekare naJehovha?
16 Nguva yokufarirwa iyoyo yakanga iri rini? Pakutanga, mashoko acho akanga ari mamwe ouprofita hwokudzorerwa uye aifanotaura nezvokudzoka kwevaJudha kubva pakutapwa. Rudzi rwaIsraeri rwakaona nguva yokufarirwa parwakakwanisa ku“muts[a] nyika” nokutorazve “nhaka dzakanga dzaparadzwa.” (Isaya 49:8b) Vakanga vasisirizve va“sungwa” muBhabhironi. Murwendo rwavo rwokudzokera kumusha, Jehovha akava nechokwadi chokuti vaisazonzwa “nzara” kana kuti “nyota,” uyewo havana kana kumbo“bayiw[a] nokupiswa kunyange nezuva.” VaIsraeri vakanga vakapararira vakaita gurusvusvu vachidzokera kunyika yokumusha kwavo “vachibva kure . . . ; vach[i]bva kurutivi rwokumusoro nokumavirazuva.” (Isaya 49:9-12) Pasinei nokuzadzika kwokutanga kunoshamisa, Bhaibheri rinoratidza kuti pane kumwezve kushanda kunoita uprofita uhwu.
17, 18. Inguva ipi yokufarira iyo Jehovha akagadza muzana remakore rokutanga?
17 Kutanga, pakuberekwa kwaJesu, ngirozi dzakazivisa rugare uye kutendera kwaMwari, kana kuti nyasha, kuvanhu. (Ruka 2:13, 14) Kufarira uku kwakaitwa, kwete kuvanhu vose vose, asi kuvaya bedzi vakatenda Jesu. Gare gare Jesu akaverenga pachena uprofita hwaIsaya 61:1, 2 ndokuhushandisira kwaari somuzivisi we“gore rakanaka raJehovha.” (Ruka 4:17-21) Muapostora Pauro akataura nezvaKristu achiti akanyatsodzivirirwa naJehovha neimwe nzira mumazuva ake enyama. (VaHebheru 5:7-9) Naizvozvo nguva yokufarirwa iyi inoshanda kunyasha dzaMwari pana Jesu munguva youpenyu hwake somunhu.
18 Zvisinei, uprofita uhwu hune pamwezve pahunoshanda. Pashure pokutora mashoko aIsaya pamusoro penguva yokufarirwa iyi, Pauro akaenderera mberi achiti: “Tarira! Ino ndiyo nguva yakanaka chaizvo. Tarira! Rino ndiro zuva roruponeso.” (2 VaKorinde 6:2) Pauro akanyora mashoko aya makore 22 Jesu afa. Sezviri pachena, nokuberekwa kweungano yechiKristu paPendekosti ya33 C.E., Jehovha akawedzera gore rokufarira iri kuitira kuti ribatanidze vateveri vakazodzwa vaKristu.
19. VaKristu nhasi vangabatsirwa sei nenguva yaJehovha yokufarira?
19 Zvakadini nevateveri vaJesu nhasi vasina kuzodzwa sevadyi venhaka voumambo hwaMwari hwokudenga? Avo vane tariro yepasi pano vanogona kubatsirwa here nenguva yokufarirwa iyi? Hungu. Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoratidza kuti ino ndiyo nguva yokufarira kwaJehovha boka guru revanhu richa“buda mukutambudzika kukuru” kuti rive noupenyu muparadhiso yepasi. (Zvakazarurwa 7:13-17) Nokudaro, vaKristu vose vanogona kushandisa nguva pfupi iyi umo Jehovha anoratidza kufarira kwake vanhu vasina kukwana.
20. Munzirai umo vaKristu vangadzivisa kupotsa chinangwa chomutsa usina kufanirwa waJehovha?
20 Muapostora Pauro asati azivisa nezvenguva yakafanira yaJehovha akatanga nenyevero. Akateterera vaKristu kuti va“sagamuchira mutsa usina kufanirwa waMwari [v]opotsa chinangwa chawo.” (2 VaKorinde 6:1) Saizvozvo, vaKristu vanoshandisa mukana wose kufadza Mwari nokuita kuda kwake. (VaEfeso 5:15, 16) Vanoita zvakanaka kutevera zano raPauro rokuti: “Hama, chenjerai, nemhaka yokutyira kuti mune upi noupi wenyu mungamuka mwoyo wakaipa usina kutenda nokubva pana Mwari mupenyu; asi rambai muchirayirana zuva rimwe nerimwe, chero bedzi kunganzi ‘Nhasi,’ kutyira kuti mumwe wenyu angaomeswa nesimba rinonyengera rechivi.”—VaHebheru 3:12, 13.
21. Mashoko api omufaro anopedzisa chikamu chokutanga chechitsauko 49 chaIsaya?
21 Mashoko ouprofita pakati paJehovha naMesiya wake sezvaanoguma, Isaya anotaura mashoko omufaro achiti: “Imbai, imi denga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwazvo, nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, uchanzwira tsitsi vanotambudzika.” (Isaya 49:13) Mashoko akanaka sei enyaradzo kuvaIsraeri vekare uye kuMushumiri mukuru waJehovha, Jesu Kristu, uye kuvashumiri vaJehovha vakazodzwa neshamwari dzavo “mamwe makwai” nhasi!—Johani 10:16.
Jehovha Haakanganwi Vanhu Vake
22. Jehovha anosimbisa sei kuti haazombokanganwi vanhu vake?
22 Isaya zvino anoenderera mberi achishuma zvakataurwa naJehovha. Anofanotaura kuti vaIsraeri vakatapwa vachaneta nokurasikirwa netariro. Isaya anoti: “Ziyoni rakati: Jehovha wakandisiya, Ishe wakandikanganwa.” (Isaya 49:14) Ichokwadi here ichi? Jehovha akasiya vanhu vake here ndokuvakanganwa? Achishanda somutauriri waJehovha, Isaya anoenderera mberi achiti: “Ko mukadzi ungakanganwa mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo ava vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi.” (Isaya 49:15) Imhinduro yorudo yakadini inobva kuna Jehovha! Rudo rwaMwari kuvanhu vake rukuru pane rwaamai kumwana wavo. Anogara achingofunga vakavimbika vake. Anovayeuka sokunge mazita avo akanyorwa muzvanza zvake: “Tarira, ndakakunyora pazvanza zvangu; masvingo ako ari pamberi pangu nguva dzose.”—Isaya 49:16.
23. Pauro akakurudzira sei vaKristu kuvimba kuti Jehovha haazombovakanganwi?
23 Mutsamba yake kuvaGaratiya, muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.” (VaGaratiya 6:9) KuvaHebheru akanyora mashoko anokurudzira okuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Hatifaniri kumbonzwa sokuti Jehovha akanganwa vanhu vake. Kufanana neZiyoni rekare, vaKristu vane chikonzero chakanaka chokufara nokumirira Jehovha nokushivirira. Haachinji pazvibvumirano zvesungano yake nezvipikirwa.
24. Ziyoni richadzorerwa munzirai, uye richabvunza mibvunzo ipi?
24 Jehovha, achishandisa Isaya, anopa imwe nyaradzo. “Vaparadzi” veZiyoni, vangave vaBhabhironi kana kuti vaJudha vakaramba kutenda, havachatyisi. “Vana” veZiyoni, vaJudha vakatapwa vanoramba vakavimbika kuna Jehovha, va“kurumidza.” Vacha“ungana pamwe chete.” Vakurumidza kudzokera kuJerusarema, vaJudha vakadzorerwa vachava zvishongo zveguta ravo guru, kungofanana ne“mwenga” akapfekedzwa “chishongo.” (Isaya 49:17, 18) Nzvimbo dzeZiyoni dza“kaparadzwa.” Fungidzira kushamisika kwaro kamwe kamwe parinova nevagari vakawanda zvokuti nzvimbo yaro yokugara inoratidza seyakatsvikinyidzika. (Verenga Isaya 49:19, 20.) Sezvingatarisirwa, rinobvunza kuti vana vose ava vabvepi: “Ipapo uchati mumwoyo mako; Ndianiko wakandiberekera vana ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kwose kwose? Ndianiko wakarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiyiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?” (Isaya 49:21) Mamiriro ezvinhu anofadza sei kuZiyoni raimbova ngomwa!
25. Munguva dzazvino, kudzorerwai uko Israeri womudzimu akaona?
25 Mashoko aya ane kuzadzika kwazvino. Mumakore akaoma ehondo yenyika yokutanga, Israeri womudzimu akaona nguva yokuparadzwa uye kutapwa. Asi akazodzorerwa ndokusvika pakuva muparadhiso yomudzimu. (Isaya 35:1-10) Kufanana neguta raimbova rakaparadzwa rakarondedzerwa naIsaya, rakaita serafara—kungozviona razara nevanamati vaJehovha vanofara, vanoita basa.
“Kumisira Vanhu Mureza”
26. Jehovha anopa nhungamiro yei kuvanhu vake vakasunungurwa?
26 Nenzira youprofita, Jehovha zvino anoendesa Isaya kunguva apo vanhu Vake vachasunungurwa muBhabhironi. Vachawana chero nhungamiro kubva kuna Mwari here? Jehovha anopindura kuti: “Tarirai, ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu, nokumisira vanhu mureza wangu; vachauya navanakomana vako vanavo pachifuva chavo, navakunda vako vachatakurwa pamafudzi avo.” (Isaya 49:22) Mukuzadzika kwokutanga, Jerusarema iro raichimbova guta rehurumende uye maiva netemberi yaJehovha, rinova “mureza” waJehovha. Kunyange vanhu vakakwirira uye vane simba vedzimwe nyika, vakadai se“madzimambo” navana“vahosi,” vanobatsira vaIsraeri murwendo rwavo kudzokera ikoko. (Isaya 49:23a) Madzimambo ePersia Koreshi naAtashasta Longimanus nedzimba dzavo vanova pakati pevabatsiri ava. (Ezra 5:13; 7:11-26) Uye mashoko aIsaya ane pamwezve paanoshanda.
27. (a) Mukuzadzika kukuru, vanhu vachadirana vachienda ku“mureza” wechii? (b) Chii chichaitika apo marudzi ose achamanikidzwa kukotamira kutonga kwaMesiya?
27 Isaya 11:10 inotaura nezvo“mureza wavanhu.” Muapostora Pauro akashandisira mashoko aya kuna Kristu Jesu. (VaRoma 15:8-12) Nokudaro, mukuzadzika kukuru, Jesu nevachatonga pamwe naye vakazodzwa nomudzimu “mureza” waJehovha uko marudzi anodirana kwavari. (Zvakazarurwa 14:1) Nokufamba kwenguva marudzi ose epasi—kunyange boka riri kutonga nhasi—achafanira kukotamira kutonga kwaMesiya. (Pisarema 2:10, 11; Dhanieri 2:44) Zvichiguma nei? Jehovha anoti: “Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanondimirira havanganyadziswi.”—Isaya 49:23b.
“Zvino Ruponeso Rwedu Rwava Pedyo”
28. (a) Jehovha anopikirazve vanhu vake kuti vachasunungurwa nemashoko okuti chii? (b) Jehovha achakazvipira kuitirei vanhu vake?
28 Vamwe venhapwa dziri muBhabhironi vanganetseka kuti, ‘Zvinobvira zvechokwadi here kuti Israeri achasunungurwa?’ Jehovha anofungawo nezvomubvunzo iwoyo nokubvunza kuti: “Ko une simba ungatorerwa zvaakapamba here, kana vatapwa vowakarurama vangarwirwa here?” (Isaya 49:24) Mhinduro ndeyokuti hungu. Jehovha anovapikira kuti: “Kunyange navatapwa voune simba vachamutorerwa, nezvakapambwa zvounotyisa zvicharwirwa.” (Isaya 49:25a) Chipikirwa chinonyaradza zvikuru! Uyezve, kufarira kwaJehovha vanhu vake kunouya nokuzvipira kuvachengeta kwakasimba. Pasina mubvunzo anoti: “Nokuti ndicharwa nounorwa newe, nokuponesa vana vako.” (Isaya 49:25b) Kuzvipira ikoko kuchiripo. Sezvakanyorwa pana Zekaria 2:8, Jehovha anoti kuvanhu vake: “Unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso ra[ngu].” Chokwadi, zvino tiri munguva yokufarirwa umo marudzi mupasi rose ane mukana wokudirana achienda kuZiyoni romudzimu. Zvisinei, nguva yokufarirwa iyoyo ichaguma.
29. Itarisiro yechii inotyisa yakamirira vanoramba kuteerera Jehovha?
29 Chii chichaitika kune avo vanoramba kuteerera Jehovha vachiomesa musoro uye vanototambudza vanamati vake? Iye anoti: “Vanokumanikidza ndichavadyisa nyama yavo imene, vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka.” (Isaya 49:26a) Itarisiro inotyisa chaizvo! Vashori vanoomesa musoro vakadaro havana nguva yemberi refu. Vachaparadzwa. Nokudaro, nokuponesa vanhu vake nokuparadza vavengi vavo, Jehovha achaonekwa soMuponesi. “Nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Une Simba waJakobho.”—Isaya 49:26b.
30. Mabasa api okuponesa ayo Jehovha akaitira vanhu vake, uye chii chaachaita?
30 Mashoko iwayo akatanga kushanda apo Jehovha akashandisa Koreshi kusunungura vanhu Vake pakuva vasungwa muBhabhironi. Akashandawo muna 1919 apo Jehovha akashandisa Mwanakomana wake akagadzwa, Jesu Kristu, kusunungura vanhu Vake pakuva varanda vomudzimu. Nokudaro, Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha naJesu sevaponesi. (Tito 2:11-13; 3:4-6) Jehovha ndiye Muponesi wedu, uye Jesu, Mesiya ndiye “Mumiririri Mukuru.” (Mabasa 5:31) Zvechokwadi, mabasa aMwari okuponesa achishandisa Jesu Kristu anoshamisa. Achishandisa mashoko akanaka, Jehovha anosunungura vane mwoyo yakarurama pakusungwa nechitendero chenhema. Achishandisa chibayiro chorudzikinuro, anovanunura pakusungwa nechivi norufu. Muna 1919 akanunura hama dzaJesu pakusungwa kwomudzimu. Uye muhondo yeAmagedhoni iri kuuya nokukurumidza, achanunura boka guru revanhu vakatendeka pakuparadzwa kuchauya pavatadzi.
31. VaKristu vanofanira kuita sei zvavari vanhu vanofarirwa naMwari?
31 Naizvozvo, iropafadzo yakadini kuva vanhu vanofarirwa naMwari! Tose ngatishandise nguva ino yakafanira nokuchenjera. Uye ngatiitei sezvinodiwa nokukurumidzira kwenguva yedu, tichiteerera mashoko aPauro kuvaRoma okuti: “Itaiwo izvi, nokuti munoziva mwaka, kuti yatova awa yokuti mumuke muhope, nokuti zvino ruponeso rwedu rwava pedyo kupfuura panguva yatakava vatendi. Usiku hwodokupfuura; kwoedza. Naizvozvo ngatibvisei mabasa erima uye ngatishonge zvombo zvechiedza. Ngatifambei nenzira yakafanira sepamasikati, kwete mumitambo yokuzvifadza nenguva dzokunwira kudhakwa, kwete kurarana kusiri kwepamutemo nounzenza, kwete mukukakavadzana negodo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musafanorongera kuchiva kwenyama.”—VaRoma 13:11-14.
32. Vanhu vaMwari vane vimbiso dzei?
32 Jehovha acharamba achiratidza nyasha vanoteerera zano rake. Achavapa simba nemano zvinodiwa kuti vaparidze mashoko akanaka. (2 VaKorinde 4:7) Jehovha achashandisa vashumiri vake sokushandisa kwaanoita Mutungamiriri wavo, Jesu. Achaita muromo wavo “somunondo unopinza” kuitira kuti vataure shoko rinosvika pamwoyo yevanyoro nemashoko akanaka. (Mateu 28:19, 20) Achadzivirira vanhu vake “mumumvuri wechanza chake.” Kufanana no“museve unopenya,” vachavigwa mu“goba rake.” Zvechokwadi, Jehovha haazosiyi vanhu vake!—Pisarema 94:14; Isaya 49:2, 15.
[Mashoko Omuzasi]
a “Satani, pasina mubvunzo achiona Jesu soMwanakomana waMwari uye akaprofitwa kuti achamupwanya musoro (Ge 3:15), akaita zvose zvaaigona kuti aparadze Jesu. Asi, payakanga ichizivisa nezvokunambwa kwaJesu muna Mariya, ngirozi Gabrieri yakamuudza kuti: ‘Mudzimu mutsvene uchaburukira pauri, uye simba roWokumusorosoro richakufukidza. Nokuda kwechikonzero ichi chichaberekwa chichanziwo chitsvene, Mwanakomana waMwari.’ (Ru 1:35) Jehovha akachengetedza Mwanakomana wake. Kuedza kuparadza Jesu paakanga ari kasvava kwakakundikana.”—Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, peji 868, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 139]
Mesiya akaita so“museve unopenya” uri mugoba raJehovha
[Mufananidzo uri papeji 141]
Mesiya ave ari “chiedza chemamwe marudzi”
[Mufananidzo uri papeji 147]
Rudo rwaMwari kuvanhu vake rukuru kupfuura rwaamai kumwana wavo