Chitsauko 11
“Regai Kuvimba Namachinda”
1, 2. (a) Izano ripi rakafuridzirwa iro vaJudha vanokundikana kuteerera, uye zvinoguma sei? (b) Nei Jehovha achibvunza kuti: ‘ruripiko rugwaro rwokurambana?’
“REGAI kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. . . . Une mufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye wakaita kudenga nepasi.” (Pisarema 146:3-6) Kudai vaJudha vairarama muzuva raIsaya vaizongoita havo sezvakarayirwa naIsaya! Kudai vaizongovimba havo, kwete neIjipiti kana kuti imwe nyika yevahedheni, asi na“Mwari waJakobho”! Zvadaro, vavengi venyika yeJudha pavaizouya kuzorwa nayo, Jehovha ane zvaaizoita kuti aidzivirire. Zvisinei, nyika yeJudha yaramba kuenda kuna Jehovha kunobatsirwa. Somugumisiro, Jehovha achabvumira kuti Jerusarema riparadzwe uye vagari venyika yeJudha vaendeswe kuBhabhironi senhapwa.
2 Nyika yeJudha haina wokushora kunze kwayo. Haingagoni kutaura nenzira yakarurama kuti kuparadzwa kwayo kwauya nemhaka yokuti Jehovha akabata nayo nounyengeri kana kuti akaregeredza sungano yake norudzi rwacho. Musiki haaputsi sungano. (Jeremia 31:32; Dhanieri 9:27; Zvakazarurwa 15:4) Achisimbisa pfungwa iyi, Jehovha anobvunza vaJudha kuti: “Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, rwandakavaramba narwo?” (Isaya 50:1a) MuMutemo waMosesi, murume anoramba mudzimai wake anofanira kumupa rugwaro rwokumuramba. Zvadaro anenge asununguka kuva womumwe murume. (Dheuteronomio 24:1, 2) Mupfungwa yokufananidzira, Jehovha akapa rugwaro rwakadaro kuumambo hwaIsraeri mukoma waJudha asi haana kudaro kuna Judha.a Achiri “murume” wake. (Jeremia 3:8, 14) Sezviri pachena nyika yeJudha haina rusununguko rwokufambidzana nemarudzi echihedheni. Ukama hwayo naJehovha huchapfuurira “kusvikira Shiro [Mesiya] auya.”—Genesi 49:10.
3. Jehovha ano‘tengeserei’ vanhu vake?
3 Jehovha anobvunzawo Judha kuti: “Kana ndakakutengesai kunaani vandakanga ndine chikwereti navo here?” (Isaya 50:1b) VaJudha havasi kuzotumirwa kuva nhapwa muBhabhironi kuti vabhadhare chingafungidzirwa kuti chikwereti icho Jehovha akaita. Jehovha haana kuita somuIsraeri murombo anofanira kutengesa vana vake kune waane chikwereti naye kuitira kuti zvitsivane. (Eksodho 21:7) Pane kudaro, Jehovha anopa chikonzero chaicho nei vanhu vake vachaitwa varanda: “Tarirai makatengeswa nokuda kwezvakaipa zvenyu, mai venyu vakarambwa nokuda kwokudarika kwenyu.” (Isaya 50:1c) VaJudha ndivo vakasiya Jehovha; iye haana kuvasiya.
4, 5. Jehovha anoratidza sei rudo rwake kuvanhu vake, asi Judha anoita sei?
4 Mubvunzo waJehovha unotevera unoratidza pachena kuda kwake vanhu vake: “Ndakashayiwireiko munhu pakusvika kwangu? Ndakashayiwireiko wakapindura pakudana kwangu?” (Isaya 50:2a) Nokuvaranda vake vaprofita, Jehovha anoita seakauya, kumusha kwevanhu vake kuzovateterera kudzoka kwaari nemwoyo yavo yose. Asi havana kupindura. VaJudha vanoda havo kutarira kuvanakomana vevanhu kuti vavatsigire, pane dzimwe nguva vachitoenda kuIjipiti.—Isaya 30:2; 31:1-3; Jeremia 37:5-7.
5 Ijipiti muponesi akavimbika kupfuura Jehovha here? VaJudha vasina kutendeka ivavo sezviri pachena vakanganwa zviitiko zvakatungamirira kukuberekwa kworudzi rwavo mazana emakore akapfuura. Jehovha anovabvunza kuti: “Ko ruoko rwangu rwatongopfupiswa kuti rukoniwe kudzikinura here? Handina simba rokurwira here? Tarirai, ndinopwisa gungwa kana ndichirituka, nzizi ndinodziita renje; hove dzadzo dzinonhuwa, nokuti hadzina mvura, dzinofa nenyota. Denga rose ndinorifukidza nokusviba, chifukidziro charo ndinochiita makudza.”—Isaya 50:2b, 3.
6, 7. Jehovha akaratidza sei simba rake rokuponesa pakutyisidzira kweIjipiti?
6 Muna 1513 B.C.E., Ijipiti yakanga iri mudzvinyiriri—kwete mununuri aitarisirwa—wevanhu vaMwari. VaIsraeri vakanga vari varanda munyika yevahedheni iyoyo. Asi Jehovha akavanunura, uye kwaiva kununurwa kunofadza zvikuru! Kutanga akaunza Matambudziko Gumi munyika yacho. Pashure pedambudziko rechigumi raiparadza kwazvo, Farao weIjipiti akakurudzira vaIsraeri kubuda munyika yacho. (Eksodho 7:14–12:31) Zvisinei, nokukurumidza pashure pokunge vadaro, Farao akachinja mwoyo. Akakokorodza mauto ake ndokutevera kuti anomanikidza vaIsraeri kudzoka kuIjipiti. (Eksodho 14:5-9) Neboka guru revarwi veIjipiti raivatevera neGungwa Dzvuku raiva mberi kwavo, vaIsraeri vakanga vave parumano! Asi Jehovha akanga aripo kuti avarwire.
7 Jehovha akamisa vaIjipiti pavaiva ipapo nokuisa shongwe yegore pakati pavo nevaIsraeri. Kurutivi rwevaIjipiti rwegore, kwakanga kusina kujeka, kurutivi rwevaIsraeri kwaiva nechiedza. (Eksodho 14:20) Ipapo, mauto eIjipiti akamiswa, Jehovha “akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma.” (Eksodho 14:21) Mvura payakanga yangokamuka chete, vanhu vose—varume, vakadzi, nevana—vakakwanisa kuyambuka Gungwa Dzvuku vakachengeteka. Vanhu vake vatofamba chinhambwe kuenda mhiri, Jehovha akasimudza gore. Vachitevera vari chamhungwe, vaIjipiti vakaita chipitipiti kupinda mugungwa. Vanhu vake pavakanga vave pamhenderekedzo zvakachengeteka, Jehovha akaregedza mvura, achinyudza Farao nemauto ake. Nokudaro Jehovha akarwira vanhu vake. Izvozvo zvinokurudzira vaKristu chaizvo nhasi!—Eksodho 14:23-28.
8. Vagari venyika yeJudha vanotapwa pakupedzisira nokuda kwokusateerera nyevero dzipi?
8 Munguva yaIsaya, kwapera makore mazana manomwe kubva pakukunda kwaMwari ikoko. Judha zvino yava nyika yakazvimirira. Dzimwe nguva, inomboita kurukurirano dzenyika nehurumende dzokumwe, dzakadai seAsiria neIjipiti. Asi vatungamiriri venyika dzechihedheni idzi havagoni kuvimbwa navo. Nguva dzose vachaisa udyire pamberi pesungano dzipi nedzipi dzavanoita nenyika yeJudha. Vachitaura muzita raJehovha, vaprofita vanonyevera vanhu kuti vasavimba nevanhu vakadaro, asi mashoko evaprofita anowira panzeve dzakaiswa zvimiti. Pakupedzisira, vaJudha vachaendeswa kuutapwa kuBhabhironi kunopedza makore 70 muuranda. (Jeremia 25:11) Zvisinei, Jehovha haazokanganwi vanhu vake, uyewo haasi kuzovarasa nokusingaperi. Panguva yakagadzwa, achavarangarira, uye ozarura nzira yokuti vadzokere kunyika yokumusha kwavo kunodzorera kunamata kwakachena. Nechinangwa chei? Kugadzirira kuuya kwaShiro, uyo achateererwa nevanhu vose!
Shiro Anouya
9. Shiro ndiani, uye mudzidzisi worudzii?
9 Mazana emakore anopfuura. “Nguva yacho . . . [ino]nyatsokwana,” uye anonzi Shiro, Ishe Jesu Kristu, anooneka pasi pano. (VaGaratiya 4:4; VaHebheru 1:1, 2) Nemhaka yokuti Jehovha akagadza shamwari yake yapedyo-pedyo soMutauriri wake kuvaJudha, zvinoratidza kuti Jehovha anoda vanhu vake zvakadini. Jesu anoratidza kuva mutauriri akadini? Akakwirira zvikuru! Jesu haasi mutauriri chete, mudzidzisi—Mudzidzisi Mukuru. Izvozvo hazvishamisi, nokuti ane Murayiridzi anoshamisa—Jehovha Mwari pachake. (Johani 5:30; 6:45; 7:15, 16, 46; 8:26) Izvi zvinosimbiswa nezvinotaurwa naJesu nenzira youprofita achishandisa Isaya kuti: “Ishe Jehovha wakandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko; unondimutsa mangwanani ose, unomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.”—Isaya 50:4.b
10. Jesu anoratidza sei rudo rwaJehovha nokuda kwevanhu Vake, uye Jesu anopindurwa sei?
10 Asati auya pasi pano, Jesu aishanda ari parutivi paBaba vake mudenga. Ukama hwapedyo huri pakati paBaba noMwanakomana hunorondedzerwa nenzira yokudetemba pana Zvirevo 8:30 panoti: “Nenguva iyo ndaiva na[Jehovha], ndiri mhizha; . . . ndichitamba pamberi pake nguva dzose.” Kuteerera Baba vake kwakaunzira Jesu mufaro mukuru. Aivawo norudo sorwaBaba vake ku“vanakomana vevanhu.” (Zvirevo 8:31) Paanouya pasi pano, Jesu anopindura “vakaneta namashoko.” Anotanga ushumiri hwake nokuverenga ndima inozorodza youprofita hwaIsaya inoti: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, . . . uye kuzoita kuti vakadzvinyirirwa vaende vakasununguka.” (Ruka 4:18; Isaya 61:1) Mashoko akanaka kuvarombo! Kuzorodza vakaneta! Kuzivisa ikoko kunofanira kuunza mufaro wakadini kuvanhu! Vamwe vanofara—asi kwete vose. Pakupedzisira, vazhinji vanoramba kugamuchira simba raJesu saiye akadzidziswa naJehovha.
11. Ndivanaani vanopinda mujoko naJesu, uye vanowanei?
11 Zvisinei, vamwe vanoda kunzwa zvakawanda. Vanopindura nomufaro kukoka kwaJesu kwoushamwari achiti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu.” (Mateu 11:28, 29) Pakati pevanoswedera pedyo naJesu ivavo pane varume vanozova vaapostora vake. Vanoziva kuti kupinda mujoko naJesu ibasa rakaoma kwavari. Basa iri rinosanganisira kuparidza mashoko akanaka oUmambo kunosvika kumigumo yenyika sezvimwe zvacho. (Mateu 24:14) Vaapostora nevamwe vadzidzi sezvavanoita basa iri, vanowana kuti chaizvo rinozorodza mweya yavo. Basa iroro riri kuitwa nevaKristu vakatendeka nhasi, uye kuriita kunovaunzira mufaro wakadaro.
Haapandukiri
12. Jesu anoratidza kuteerera kwake Baba vake vokudenga munzirai?
12 Jesu haambokanganwi chinangwa chake chokuuya pasi pano—kuita kuda kwaMwari. Maonere ake zvinhu anofanotaurwa, okuti: “Ishe Jehovha wakadziura nzeve dzangu, handina kuramba kana kudzokera shure.” (Isaya 50:5) Jesu anoteerera Mwari nguva dzose. Zvechokwadi, anototi: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu chimwe chake oga, asi bedzi chaanoona Baba vachiita.” (Johani 5:19) Asati ava munhu, pamwe Jesu akashanda ari pedyo naBaba vake kwemamiriyoni, kunyange mabhiriyoni, emakore. Auya pasi pano, anoenderera mberi achitevera mirayiridzo yaJehovha. Isu vateveri vaKristu vasina kukwana, tinotofanira kunyatsongwarira zvikuru, kuita seizvo Jehovha anorayira!
13. Chii chakamirira Jesu mberi, asi anoratidza sei kushinga kwake?
13 Vamwe vevanoramba Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga vanomutambudza, uye izvi zvinofanotaurwawo kuti: “Ndakarinzira varovi musana wangu, namatama angu kune vakataura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.” (Isaya 50:6) Maererano nouprofita hwacho, Mesiya achatambura kurwadziswa nokunyadziswa nevashori. Jesu anozviziva izvi. Uye anoziva kuti kutambudzwa uku kuchasvika kure zvakadini. Asi, nguva yake yepasi pano sezvainosvika kumugumo, haaratidzi kutya. Nokutsunga sebwe romusarasara anonanga Jerusarema, uko upenyu hwake somunhu huchagumira. Ari munzira kuenda ikoko, Jesu anoudza vadzidzi vake kuti: “Tarirai, tiri kukwira Jerusarema, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru nevanyori, uye vachamutongera rufu uye vachamuisa kuvanhu vemamwe marudzi, vachamuseka uye vachamupfira mate vachimuzvambura vomuuraya, asi mazuva matatu gare gare achamuka.” (Mako 10:33, 34) Kubatwa zvisina kufanira kwose uku kuchave kuchikuchidzirwa nevanhu vanofanira kudai vachiziva zviri nani—vapristi vakuru nevanyori.
14, 15. Mashoko aIsaya okuti Jesu aizorohwa nokunyadziswa anozadzika sei?
14 Usiku hwaNisani 14, 33 C.E., Jesu ari mubindu reGetsemane nevamwe vevateveri vake. Ari kunyengetera. Kamwe kamwe, imwe mhomho inouya yomusunga. Asi haatyi. Anoziva kuti Jehovha anaye. Jesu anosimbisa vaapostora vake vabatwa nokutya kuti kudai aida, aigona kuteterera kuna Baba vake kuti vatumire mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri kuzomununura, asi anowedzera kuti: “Ipapo, Magwaro aizozadzika sei?”—Mateu 26:36, 47, 53, 54.
15 Zvose zvakafanotaurwa pamusoro pokutongwa norufu rwaMesiya zvinoitika. Pashure pokutongwa kwokunyepedzera pamberi peSanihedhirini, Jesu anoongororwa naPondiyo Pirato, uyo anoita kuti arohwe nechihwepu. Varwi veRoma vano“murova mumusoro netsanga nokumupfira mate.” Saka mashoko aIsaya anozadzika. (Mako 14:65; 15:19; Mateu 26:67, 68) Kunyange zvazvo Bhaibheri risinganyatsodomi kuti rimwe rebvudzi rendebvu dzaJesu rinodzurwa chaizvo—chiito chokuzvidza kukuru—pasina mubvunzo izvi zvinoitika, sezvo Isaya akafanotaura chaizvo.c—Nehemia 13:25.
16. Mukutarisana nokumanikidzwa kukuru, chimiro chaJesu chakadini, uye nei asinganzwi kunyara?
16 Jesu paanomira pamberi paPirato, haatetereri kuti asaurawa asi anoramba akadzikama zvine chiremera, achiziva kuti anofanira kufa kuitira kuti Magwaro azadzike. Gavhuna weRoma paanotaura kuti ane simba rokutongera Jesu rufu kana kuti kumusunungura, Jesu nokusatya anopindura kuti: “Maisambova nesimba pandiri kudai musina kuripiwa kubva kumusoro.” (Johani 19:11) Varwi vaPirato vanobata Jesu noutsinye, asi vanokundikana kumunyadzisa. Nei achifanira kunzwa kunyara? Haasi kurangwa zvakarurama nokuda kwokumwe kudarika. Asi, ari kutambudzwa nokuda kwokururama. Panyaya iyoyi, mamwe mashoko aIsaya ouprofita anozadzika anoti: “Nokuti Ishe Jehovha uchandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu sebwe romusarasara, ndinoziva kuti handinganyadziswi.”—Isaya 50:7.
17. Jehovha akamira parutivi paJesu munzirai muushumiri hwake hwose?
17 Ushingi hwaJesu huri pachivimbo chake chakakwana muna Jehovha. Kudzikama kwake kunoratidza kuti ari kuwirirana zvizere nemashoko aIsaya okuti: “Unondiruramisira uri pedyo; ndiani ucharwa neni? Ngatisimukei pamwe chete; ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri. Tarirai, Ishe Jehovha uchandibatsira; ndiani ungandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfunho.” (Isaya 50:8, 9) Pazuva rokubhabhatidzwa kwaJesu, Jehovha anozivisa kuti akarurama somwanakomana waMwari womudzimu. Kutaura zvazviri, inzwi raMwari pachake rinonzwika pachiitiko ichocho, richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” (Mateu 3:17) Pedyo nokunopera kwoushumiri hwake hwepasi, Jesu sezvaanopfugama achinyengetera mubindu reGetsemane, ‘ngirozi inobva kudenga inozviratidza kwaari ndokumusimbisa.’ (Ruka 22:41-43) Naizvozvo Jesu anoziva kuti Baba vake vanotendera mararamire ake. Mwanakomana waMwari akakwana uyu haana kuita chivi. (1 Petro 2:22) Vavengi vake vanomupomera zvenhema kuti muputsi weSabata, chidhakwa, uye munhu ane dhimoni, asi Jesu haanyadziswi nenhema dzavo. Mwari anaye, naizvozvo ndiani angarwa naye?—Ruka 7:34; Johani 5:18; 7:20; VaRoma 8:31; VaHebheru 12:3.
18, 19. Zviitikoi zvakafanana nezvaJesu izvo vaKristu vakazodzwa vakava nazvo?
18 Jesu anonyevera vadzidzi vake kuti: “Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Johani 15:20) Zviitiko zvinoratidza nokukurumidza izvi kuva chokwadi. PaPendekosti ya33 C.E., mudzimu mutsvene unouya pamusoro pevateveri vaJesu vakatendeka, uye ungano yechiKristu inoberekwa. Panenge pakare pakarepo vatungamiriri vechitendero vanoedza kudzivisa basa rokuparidza revarume nevakadzi vakatendeka avo zvino vabatana naJesu seimwe ye“mbeu yaAbrahamu” uye vagamuchirwa sevanakomana vomudzimu vaMwari. (VaGaratiya 3:26, 29; 4:5, 6) Kubva muzana remakore rokutanga kusvika zvino, vaKristu vakazodzwa, vachitsigira zvakasimba kururama, vaitofanira kurwa nemashoko enhema anoparadzirwa uye kutambudzwa kwakaipa kwazvo kwaibva kuvavengi vaJesu.
19 Kunyange zvakadaro, vanoyeuka mashoko aJesu anokurudzira okuti: “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, sezvo mubayiro wenyu uri mukuru kumatenga; nokuti nenzira iyoyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.” (Mateu 5:11, 12) Nokudaro, kunyange mukurwiswa kwakaipisisa, vaKristu vakazodzwa vanosimudza misoro yavo. Pasinei nokuti vashori vavo vangati chii, vanoziva kuti vakanzi vakarurama naMwari. Mumaziso ake hava“na gwapa uye [hava]na cha[va]nopomerwa.”—VaKorose 1:21, 22.
20. (a) Ndiani anotsigira vaKristu vakazodzwa, uye chii chavakaona? (b) VaKristu vakazodzwa ne“mamwe makwai” vanosvika sei pakuva norurimi rwevakadzidziswa?
20 Munguva dzazvino vaKristu vakazodzwa vanotsigirwa ne“boka guru revanhu” ve“mamwe makwai.” Ivavawo vanotsigira kururama. Saka vakatambura pamwe nehama dzavo dzakazodzwa uye “vakageza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana.” Jehovha akavati vakarurama netarisiro yokupona pa“kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, 15; Johani 10:16; Jakobho 2:23) Kunyange zvazvo vavengi vavo vachiratidza sevakasimba panguva ino, Uprofita hwaIsaya hunoti munguva yaMwari yakafanira, vavengi ivavo vachaita senguo yakadyiwa nezvipfunho, yakangofanira kuraswa bedzi. Zvichingunodai, vaKristu vakazodzwa ne“mamwe makwai” vanoramba vakasimba nokugara vachinyengetera, vachidzidza Shoko raMwari, uye nokupinda misangano yokunamata. Nokudaro vanodzidziswa naJehovha uye vanodzidza kutaura norurimi rwevakadzidziswa.
Vimba Nezita raJehovha
21. (a) Ndivanaani vanofamba muchiedza, uye zvichavagumira sei? (b) Chii chinoitika kune vanofamba murima?
21 Zvino ona musiyano unoorora: “Ndianiko uripo pakati penyu unotya Jehovha, unoteerera inzwi ro[mushumiri, NW] wake? Unofamba murima, asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake.” (Isaya 50:10) Avo vanoteerera Mushumiri waMwari, Jesu Kristu, vanofamba muchiedza. (Johani 3:21) Havangoshandisi zita raMwari chete, Jehovha, asi vanovimbawo neane zita iroro. Kunyange kana pane imwe nguva vaimbofamba murima, zvino havachatyi munhu. Vanozvitsigira pana Mwari. Zvisinei, avo vanosimbirira kufamba murima, vakasungwa nokutya munhu. Ndizvo zvazvakaita naPondiyo Pirato. Kunyange zvazvo achiziva kuti Jesu haana mhaka dzezvaanopomerwa zvenhema, kutya kunotadzisa mukuru mukuru weRoma iyeye kusunungura Jesu. Varwi veRoma vanouraya Mwanakomana waMwari, asi Jehovha anomumutsa omupa korona yokubwinya norukudzo. Zvakadini naPirato? Maererano nomunyori wenhau dzakaitika wechiJudha Flavius Josephus, pangopera makore mana chete Jesu afa, Pirato akatsiviwa sagavhuna weRoma ndokurayirwa kuti adzokere kuRoma kunopindura mibvunzo yezvaaipomerwa zvokukanganisa kwakakomba. Zvakadini nevaJudha vakaurayisa Jesu? Asingasviki makore makumi mana gare gare, mauto eRoma akaparadza Jerusarema ndokuita kuti vagari varo vaurawe kana kuti kutorwa sevaranda. Hapana chakanaka chinobuda kune vanoda havo rima!—Johani 3:19.
22. Nei huri upenzi hwokupedzisira kutarisira kuponeswa nevanhu?
22 Kutarisira kuponeswa nevanhu ndihwo upenzi hwokupedzisira. Uprofita hwaIsaya hunotsanangura kuti nei: “Tarirai, imi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai mu[baribari, NW] [dz]enyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.” (Isaya 50:11) Vatungamiriri vevanhu vanouya vachienda. Munhu anokwezva angabata pfungwa dzevanhu kwechinguva. Asi kunyange munhu ari kuita nomwoyo wose zvakadini ane paanogumira pane zvaanogona kuita. Panzvimbo pokutungidza moto unonganduma, seizvo vatsigiri vake vangatarisira, angangobudirira kungobaritsa “baribari,” shomanana, dzinobudisa chiedza chishomanana nokupisa asi dzodzima pakarepo. Asi vaya vanovimba naShiro, Mesiya waMwari akapikirwa, havazomboodzwi mwoyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Mundima nhatu dzokutanga dzechitsauko 50 chaIsaya Isa 50 ndima 1-3, Jehovha anorondedzera rudzi rwaJudha rwose zvarwo somudzimai wake uye munhu mumwe nomumwe anogaramo sevana varwo.
b Kubva Isa 50 mundima 4-11 kunosvika kunoperera chitsauko chacho, munyori anoita seari kutaura nezvake. Isaya angave akaona mimwe yemiedzo yaanotaura mundima idzi. Zvisinei, mupfungwa yakazara, uprofita hwacho hunozadzika muna Jesu Kristu.
c Sezvineiwo, muSeptuagint, Isaya 50:6 inoti: “Ndakapa musana wangu uchipurwa, uye matama angu kuzvibhakera.”
[Mufananidzo uri papeji 155]
VaJudha vanotarira vanhu vari vatongi pane kuna Jehovha
[Mufananidzo uri papeji 156, 157]
PaGungwa Dzvuku, Jehovha akadzivirira vanhu vake nokuisa shongwe yegore pakati pavo nevaIjipiti