Upenyu hwaJesu Noushumiri
Inzwi raMwari Rinonzwiwa Kechitatu
ARI patembere, Jesu ave achitambudzika pamusoro porufu urwo anofanira kukurumidza kutarisana narwo. Itiro hanya yake huru ndeyokuti mukurumbira waBaba vake uchatapurwa sei, naizvozvo iye anonyengetera, achiti: “Baba, kudzai zita renyu.”
Pana ikoko, inzwi guru rinobva mumatenga, richizivisa, kuti: “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.”
Boka rakamira rakapoteredza rinoshamiswa. “Mutumwa wataura naye,” vamwe vanovamba kudaro. Vamwe vanotaura kuti kwatinhira. Asi, zvamazvirokwazvo, ndiJehovha Mwari ataura! Iyoyi, zvisinei, haisi nguva yokutanga inzwi raMwari rakanzwiwa pamusoro paJesu.
Parubhapatidzo rwaJesu, makore matatu nehafu pamberi pezvi, Johane Mubhapatidzi akanzwa Mwari achitaura nezvaJesu, achiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” Ipapo, pane imwe nguva pashure pePaseka yapamberi pezvi, apo Jesu akashandurwa chitarisiko pamberi pavo, Jakobho, Johane, uye Petro vakanzwa Mwari achizivisa, kuti: “Uye ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera; muteererei.” Uye zvino, kwenguva yechitatu, pana Nisani 10, mazuva mana pamberi porufu rwaJesu, inzwi raMwari rinonzwiwa zvakare navanhu. Asi nguva ino Jehovha anotaura zvokuti mapoka anogona kunzwa!
Jesu anotsanangura, kuti: “Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.” Rinogovera chibvumikiso chokuti Jesu zvamazvirokwazvo Mwanakomana waMwari, Mesia akapikirwa. “Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo,” Jesu anopfuurira, “zvino muchinda wenyika ino uchadzingwa.” Nzira youpenyu yokutendeka yaJesu, chaizvoizvo, inosimbisa kuti Satani Dhiabhorosi, mutongi wenyika, anofanirwa no“kudzingwa,” kuurawa.
Achinongedzera kumiuyo yorufu rwake rwuri kusvika, Jesu anoti: “Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.” Rufu rwake harutongovi rukundo, nokuti kupfurikidza narwo, iye achakwevera vamwe kwaari amene kuti vagofarikanya upenyu husingaperi.
Asi boka rinopopota, richiti: “Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu unosimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?”
Pasinei zvapo noufakazi hwose, kubatanidza kunzwa inzwi raMwari amene, vazhinjisa havadaviri kuti Jesu ndiye Mwanakomana wechokwadi womunhu, Mesia akapikirwa. Bva, sezvo akaita mwedzi mitanhatu pamberi pezvi paMutambo waMatumba, Jesu anotaurazve nezvake amene se“chiedza” uye anokurudzira vateereri vake, kuti: “Muchine chiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza.” Pashure pokutaura zvinhu izvi, Jesu anoenda uye anovanda, sezviri pachena nemhaka yokuti upenyu hwake hwakanga hwava mungozi.
Kushaiwa kwavaJudha kutenda muna Jesu kunozadzika mashoko aIsaya pamusoro pe‘meso avanhu achipofumadzwa uye mwoyo yavo ichiomeswa zvokuti havatendeuki kuti vaporeswe.’ Isaya akaona muchiono matare okudenga aJehovha, kubatanidza Jesu ari mumbiri yake asati ava munhu pamwe chete naJehovha. Bva, vaJudha, muzadziko yeizvo Isaya akanyora, vanoramba nechisimbwa ufakazi hwokuti uyu Ndiye Musununguri wavo akapikirwa.
Pano rumwe rutivi, vazhinji kunyange vavatongi (sezviri pachena mitezo yedare rapamusoro rechiJudha, Sanhedrini) vanoisa zvomenemene kutenda muna Jesu. Nikodhimo naJosefa weArimatia vaviri vaava vatongi. Asi vatongi, panenge panguva ino, vanokundikana kuzivisa kutenda kwavo, nokuda kwokutya kudzingwa munzvimbo dzavo musinagoge. Aiwa vakadaro vanorasikirwa nezvakawanda sei!
Jesu anopfuurira kuti: “Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi munhu wakandituma. Unondiona, unoona wakandituma. . . . Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika. . . . Shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.”
Rudo rwaJehovha nokuda kwenyika yorudzi rwomunhu rwakamusunda kutuma Jesu kuitira kuti avo vanoisa kutenda maari vagoponeswa. Kana vanhu vachiponeswa kuchasarudzwa nokuti vanoteerera zvinhu Mwari akaraidza Jesu kutaura here. Rutongeso ruchaitika “nezuva rokupedzisira,” mukati moKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu.
Jesu anogumisa nokutaura, kuti: “Nokuti handina kureva pachangu, asi Baba, vakandituma, ndiwo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura. Ndinoziva kuti murairo wavo ndihwo upenyu husingaperi; naizvozvo zvandinotaura, ndinotaura sezvandakaudzwa naBaba.” Johane 12:28-50; 19:38, 39; Mateo 3:17; 17:5; Isaya 6:1, 8-10.
◆ Inzwi raMwari rakanzwiwa pamusoro paJesu panhamboi nhatu?
◆ Muporofita Isaya akaona sei mbiri yaJesu?
◆ Ndivanaani vari vatongi vanoisa kutenda muna Jesu, asi neiko vasingamubvumi?
◆ Chii chiri “zuva rokupedzisira,” uye vanhu vachatongwa panguva iyeyo nomutooi?