-
“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene Ndiye Jehovha”Nharireyomurindi—2011 | December 1
-
-
KUDAI waizonzi usarudze shoko rimwe chete rokutsanangura zvakaita Jehovha Mwari, waizosarudza ripi? Muzana remakore rechisere B.C.E., muprofita Isaya akaratidzwa zvisikwa zvemudzimu zvairumbidza Jehovha zvichishandisa shoko rokuti mutsvene iro rinotsanangura zvakaita Mwari. Zvakaonekwa naIsaya nezvaakanzwa zvinofanira kutiomesa mate mukanwa zvoita kuti tiswedere pedyo naJehovha. Sezvatinokurukura mashoko ari pana Isaya 6:1-3, zvione uripowo pane zvaiitika.
-
-
“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene Ndiye Jehovha”Nharireyomurindi—2011 | December 1
-
-
Isaya anozoona zvimwe zvisati zvamboonekwa nemumwe munhu. Anonyora kuti: “Maserafi akanga akamira kumusoro kwake [Jehovha]. Rimwe nerimwe rakanga riine mapapiro matanhatu. Rairamba rakafukidza chiso charo nemaviri, uye rairamba rakafukidza tsoka dzaro nemaviri, uye raibhururuka nemaviri.” (Ndima 2) Maserafi zvisikwa zvemudzimu zvine chinzvimbo chepamusoro zvikuru. Isaya ndiye chete munyori weBhaibheri anotaura nezvemaserafi. Maserafi anogara akagadzirira kuenda kwose kwaanenge anzi naJehovha aende uye kuita zvaanenge atumwa. Ane ropafadzo yokushumira Jehovha saka akafukidza zviso netsoka kuratidza kuti anomunamata uye anomupa rukudzo rwakamukodzera.
-