Chitsauko 13
“Pururudzai Nomufaro, Imbai Pamwe Chete”!
1. Nei mashoko ouprofita echitsauko 52 chaIsaya achifadza, uye ane kuzadzika kupi kuviri?
RUSUNUNGUKO! Pangave nechimwe chokutarisira chinofadza kupfuura apa kuvanhu vakatapwa here? Sezvo musoro mukuru mubhuku raIsaya uri wokusunungurwa nokudzorerwa, hazvishamisi kuti kunze kweMapisarema, bhuku reBhaibheri iri rine mashoko akawanda omufaro kupfuura mamwe ose. Chitsauko 52 chaIsaya chinonyanya kupa chikonzero chokuti vanhu vaMwari vafare. Mashoko acho ouprofita anozadzika paJerusarema muna 537 B.C.E. Uye ane kuzadzika kukuru kunobatanidza “Jerusarema riri kumusoro,” sangano raJehovha rokudenga rezvisikwa zvomudzimu, iro dzimwe nguva rinorondedzerwa saamai uye mudzimai.—VaGaratiya 4:26; Zvakazarurwa 12:1.
“Iwe Ziyoni, Uzvifukidze Nesimba Rako”
2. Ziyoni rinomuka rini, uye izvi zvinoitika sei?
2 Jehovha, achishandisa Isaya, anodanidzira kuguta Rake rinodiwa, Ziyoni achiti: “Muka, muka iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; fuka nguo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusarema, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna usina kudzingiswa nousakanaka ungapinda mukati mako. Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusarema; sunungura zvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda weZiyoni wakatapwa.” (Isaya 52:1, 2) Nemhaka yokuti vagari varo vakadenha hasha dzaJehovha, Jerusarema rave rakagara riri dongo kwemakore 70. (2 Madzimambo 24:4; 2 Makoronike 36:15-21; Jeremia 25:8-11; Dhanieri 9:2) Iye zvino yave nguva yokuti rimuke kubva panguva yaro refu yokungogara roshonga nguo dzakanaka dzorusununguko. Jehovha aita kuti mwoyo waKoreshi usunungure “mukunda weZiyoni wakatapwa” kuitira kuti vaichimbogara Jerusarema nevana vavo vabve Bhabhironi, vadzokere Jerusarema, nokudzorera kunamata kwechokwadi. Hapana vasina kudzingiswa kana kuti vasina kuchena vanofanira kuwanikwa muJerusarema.—Ezra 1:1-4.
3. Nei ungano yevaKristu vakazodzwa ichigona kunzi “mukunda weZiyoni,” uye yakasununguka mupfungwai?
3 Mashoko aIsaya aya anozadzikawo paungano yechiKristu. Ungano yevaKristu vakazodzwa inogona kurondedzerwa so“mukunda weZiyoni” womuzuva razvino, sezvo “Jerusarema riri kumusoro” varivo amai vayo.a Vasunungurwa padzidziso dzechihedheni nedzidziso dzokuramba kutenda, vakazodzwa vanofanira kuramba vakachena pamberi paJehovha, kwete nokudzingiswa panyama, asi nokudzingiswa mumwoyo yavo. (Jeremia 31:33; VaRoma 2:25-29) Izvi zvinosanganisira kuchengeta kuchena kwomudzimu, kwomupfungwa, uye kwetsika pamberi paJehovha.—1 VaKorinde 7:19; VaEfeso 2:3.
4. Kunyange zvazvo “Jerusarema riri kumusoro” risati ramboramba kuteerera Jehovha, zviitiko zvipi zvevamiririri varo pasi pano zvinofananidzira izvo zvevagari veJerusarema vekare?
4 Chokwadi, “Jerusarema riri kumusoro” harina kumbogara raramba kuteerera Jehovha. Zvisinei, muhondo yenyika yokutanga, vamiririri varo vepasi pano—vaKristu vakazodzwa—vakaputsa mutemo waJehovha nokusaziva nokuti vakanga vasinganzwisisi zvakanaka kusava nokwawakarerekera kwechiKristu. Varasikirwa nenyasha dzaMwari, vakapinda muutapwa hwomudzimu mu“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 17:5) Kuva kwavo varanda kwakanyanya muna June 1918 apo vamiririri vasere veWatch Tower Society vakaisirwa mujeri mhosva dzenhema, kusanganisira kumukira. Panguva iyoyo kuparidzirwa kwakarongwa kwemashoko akanaka kwakada kumira. Zvisinei, muna 1919, kudanidzira kunotokonya mwoyo kwokumuka mumudzimu kwakaziviswa. VaKristu vakazodzwa vakatanga kuzvitsaura zvakakwana pakusachena kwetsika nokwomudzimu kweBhabhironi Guru. Vakasimuka muguruva rokutapwa, uye “Jerusarema riri kumusoro” rakasvika pakuva norunako rwe“guta dzvene” uko kusachena kwomudzimu kusingabvumirwi.
5. Nei Jehovha ane kodzero yakakwana yokudzikinura vanhu vake asingapi muripo kuvatapi vavo?
5 Muna 537 B.C.E. nomuna 1919 C.E., Jehovha akanga ane kodzero yakakwana yokusunungura vanhu vake. Isaya anotsanangura kuti: “Nokuti zvanzi naJehovha: Makatengeswa kusina mutengo; muchadzikinurwa kusina mari.” (Isaya 52:3) Bhabhironi rekare kana kuti Bhabhironi Guru harina charakabhadhara parakatora vanhu vaMwari vesungano sevaranda. Sezvo pasina zvokutengeserana zvinobatanidza mari zvakaitika, Jehovha akanga achiri Muridzi wepamutemo wevanhu vake. Aifanira kunzwa ane chikwereti nomumwe munhu here? Chokwadi kwete. Muzviitiko zviviri izvi, Jehovha aigona nenzira yakakodzera kudzikinura vanamati vake pasina kupa muripo kuvatapi vavo.—Isaya 45:13.
6. Zvidzidzoi izvo vavengi vaJehovha vakakundikana kudzidza kubva mune zvakaitika?
6 Vavengi vaJehovha havana chavakanga vadzidza pane zvakaitika. Tinoverenga kuti: “Nokuti zvanzi naShe Jehovha: Vanhu vangu vakaburukira [“Ijipiti,” NW] kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.” (Isaya 52:4) Farao weIjipiti akaita vaIsraeri varanda, avo vakanga vadanwa kunyika yake kuzogara sevaeni. Asi Jehovha akanyudza Farao neuto rake muGungwa Dzvuku. (Eksodho 1:11-14; 14:27, 28) Mambo Sanheribhi weAsiria paakatyisidzira Jerusarema, ngirozi yaJehovha yakauraya varwi vamambo 185 000. (Isaya 37:33-37) Saizvozvowo, Bhabhironi rekare kana Bhabhironi Guru haringagoni kutiza migumisiro yokudzvinyirira vanhu vaMwari.
“Vanhu Vangu Vachaziva Zita Rangu”
7. Kutapwa kwevanhu vaJehovha kunoita kuti zita rake rionekwe sei?
7 Kutapwa kwevanhu vaJehovha kunozvidzisa zita rake, seizvo uprofita hunoratidza kuti: “Ko zvino ndinoonei pano—ndizvo zvinotaura Jehovha—vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose—ndizvo zvinotaura Jehovha. Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye unotaura; tarirai, ndini.” (Isaya 52:5, 6) Jehovha anofarirei pamamiriro acho ezvinhu? Zvine basa rei naye kuti Israeri muranda muBhabhironi? Jehovha ane zvaanofanira kuita nemhaka yokuti Bhabhironi rakatapa vanhu vake uye rakavadzvovera richifara nokuvakunda. Kuzvikudza kwakadaro kwakatungamirira kuti Bhabhironi rizvidze zita raJehovha. (Ezekieri 36:20, 21) Ratadza kuona kuti kuva dongo kweJerusarema imhaka yokusafara kwaJehovha nevanhu vake. Asi, Bhabhironi raona uranda hwevaJudha souchapupu hwokusava nesimba kwaMwari wavo. Bhershazari uyo anotonga Bhabhironi nababa vake anotoshora Jehovha nokushandisa midziyo yomutemberi Yake pamutambo wokuremekedza vanamwari veBhabhironi.—Dhanieri 5:1-4.
8. Zita raJehovha rakabatwa sei kubva pakufa kwevaapostora?
8 Zvose izvi zvinoshanda sei ku“Jerusarema riri kumusoro”? Kubvira pakatanga kuramba kutenda pakati pevaizviti vaKristu, zvaigona kutaurwa kuti “zita raMwari riri kumhurwa pakati pemarudzi nemhaka” yavo. (VaRoma 2:24; Mabasa 20:29, 30) Nechikonzero ichi, nemhaka yokudavira mashura vaJudha pakupedzisira vakatanga kurega kushandisa zita raMwari. Nokukurumidza vaapostora vafa, vaKristu vakaramba kutenda vakaitawo zvimwezvo ndokumira kushandisa zita raMwari pachake. Kuramba kutenda kwakaguma nokuvapo kwechiKristudhomu, rutivi rukuru rweBhabhironi Guru. (2 VaTesaronika 2:3, 7; Zvakazarurwa 17:5) Unzenza husingadzorwi hwechiKristudhomu nokuva nemhaka yeropa kwokuoma mwoyo zvakasvibisa zita raJehovha kwazvo.—2 Petro 2:1, 2.
9, 10. Vanhu vaMwari vesungano vomunguva dzazvino vakasvika pakunzwisisa chii zvakadzama pamitemo yaJehovha uye zita rake?
9 Apo Koreshi Mukuru, Jesu Kristu, akasunungura vanhu vaMwari vesungano pakutapwa neBhabhironi Guru muna 1919, vakasvika pakunzwisisa zviri nani zvinodiwa naJehovha. Vakanga vatozvichenesa padzidziso zhinji dzechiKristudhomu dzine midzi yadzo muchihedheni chakatangira chiKristu, dzakadai soUtatu, kuti mweya haufi, uye kutambudzwa kusingaperi mumoto wehero. Zvino vakaronga kubvisa pavari zvisarira zvose zvakabva Bhabhironi. Vakasvikawo pakuziva kukosha kwokuramba vasina kwavakarerekera pamusoro penhau dzemapato enyika. Vaitoda kuzvinatsa kunyange pamhaka yeropa iyo vamwe vangave vakava nayo.
10 Vashumiri vaMwari vomuzuva razvino vakasvikawo pakunzwisisa zvakadzama kukosha kwezita raJehovha. Muna 1931 vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha, nokudaro vachizivisa pachena kuti vaitsigira Jehovha nezita rake. Uyezve, nokubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva kubva muna 1950, Zvapupu zvaJehovha zvakadzorera zita raMwari munzvimbo yaro yakakodzera muBhaibheri. Hungu, zvakasvika pakukoshesa zita raJehovha uye zviri kurizivisa kumigumo yenyika.
“Unouya Namashoko Akanaka”
11. Nei kuzivisa kuti “Mwari wako unobata ushe!” kwakakodzerana nezviitiko zva537 B.C.E.?
11 Iye zvino pfungwa dzedu dzinodzorerwa kuZiyoni richiri dongo. Nhume inosvika ine mashoko akanaka okuti: “Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, unoparidza rugare, unouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, unoparidza ruponeso, unoti kuZiyoni: Mwari wako unobata ushe!” (Isaya 52:7) Muna 537 B.C.E., zvingataurwa sei kuti Mwari weZiyoni ava Mambo? Jehovha haana kungogara ari Mambo here? Zvechokwadi, ndi“Mambo asingagumi”! (Zvakazarurwa 15:3) Asi kudanidzira kuti “Mwari wako unobata ushe!” kwakakodzera nemhaka yokuti kuwa kweBhabhironi uye kuzivisa kwoumambo kwokuvakazve temberi muJerusarema nokudzorera kunamata kwakachena imomo kunoreva kuratidzwa patsva kwoumambo hwaJehovha.—Pisarema 97:1.
12. Ndiani akatungamirira muku“uya namashoko akanaka,” uye sei?
12 Muzuva raIsaya, hapana munhu kana kuti boka revanhu rainzi “unouya namashoko akanaka.” Zvisinei, nhasi, mutakuri wemashoko akanaka ava kuzivikanwa kuti ndiani. Jesu Kristu ndiye nhume huru yaJehovha yorugare kupfuura dzose. Paakanga ari pasi pano, akadzidzisa mashoko akanaka okuti kwaizova nokusunungurwa pazvose zvinokonzerwa nechivi chakagarwa nhaka kuna Adhamu, kusanganisira kurwara norufu. (Mateu 9:35) Jesu akagadza muenzaniso wokushingaira mukuzivisa mashoko akanaka aya echimwe chinhu chiri nani, achishandisa mukana wose kudzidzisa vanhu nezvoUmambo hwaMwari. (Mateu 5:1, 2; Mako 6:34; Ruka 19:1-10; Johani 4:5-26) Uye vadzidzi vake vakatevera muenzaniso wake.
13. (a) Muapostora Pauro anokudziridza sei zvinoreva mashoko okuti “Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka”? (b) Nei zvichigona kutaurwa kuti tsoka dzenhume “dzakanaka?”
13 Mutsamba yake kuvaRoma, muapostora Pauro anotora mashoko aIsaya 52:7 kusimbisa kukosha kwebasa rokuparidza mashoko akanaka. Anobvunza mibvunzo yakatevedzana inoita kuti munhu afunge, kusanganisira wokuti ‘vanhu vachanzwa sei pasina mumwe munhu anoparidza?’ Anozoti: “Sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: ‘Dzakanaka sei tsoka dzeavo vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!’” (VaRoma 10:14, 15) Naizvozvo Pauro anotambanudza kushanda kwaIsaya 52:7, achishandisa shoko rinoreva vazhinji “avo” panzvimbo perinoreva mumwe “iye,” iro rinoonekwa murugwaro rwepakuvamba rwaIsaya. Vachitevedzera Jesu Kristu, vaKristu vose inhume dzemashoko akanaka orugare. Tsoka dzavo “dzakanaka” pakudii? Isaya anotaura sokunge nhume yacho yava kusvika Jerusarema ichibva kumakomo ari pedyo enyika yeJudha. Uri kure, hazvibviri kuona tsoka dzenhume yacho. Asi, pano pfungwa dzose dziri panhume yacho, tsoka dzichimirira nhume yacho pachayo. Kungofanana naJesu nevadzidzi vake vakanga vachifadza pavaionekwa nevanyoro muzana remakore rokutanga, Zvapupu zvomuzuva ranhasi zvinofadza pazvinoonekwa nevanozvininipisa vanoteerera shoko rinoponesa upenyu remashoko akanaka.
14. Jehovha akava Mambo sei munguva dzazvino, uye izvi zvakaziviswa vanhu kubva rini?
14 Kudanidzira kwokuti “Mwari wako unobata ushe!” kwakatanga kunzwika rini munguva dzazvino? Kubva muna 1919. Mugore iroro pakokorodzano muCedar Point, Ohio, J. F. Rutherford, uyo akanga ari purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, akamutsa mwoyo yevateereri vake nehurukuro yaive nomusoro wokuti “Mashoko Kuvanoshanda Pamwe.” Hurukuro yacho, ichibva pana Isaya 52:7 naZvakazarurwa 15:2, yakakurudzira vose vakanga varipo kupinda mubasa rokuparidza. Nokudaro, ‘tsoka dzakanaka’ dzakatanga kuonekwa pa“makomo.” Kutanga vaKristu vakazodzwa uye gare gare shamwari dzavo dze“mamwe makwai” vakaenda nokushingaira kunoparidza mashoko akanaka okuti Jehovha akanga ava Mambo. (Johani 10:16) Jehovha akanga ava Mambo sei? Akaratidza umambo hwake patsva muna 1914 apo akagadza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, saMambo muUmambo hwokudenga hwakanga hwagadzwa patsva. Uye Jehovha akaitazve chimwe chiratidzo chokuva kwake Mambo muna 1919 apo akasunungura “Israeri waMwari” kubva kuBhabhironi Guru.—VaGaratiya 6:16; Pisarema 47:8; Zvakazarurwa 11:15, 17; 19:6.
“Inzwi Renharirire Dzako! Dzinodana Namanzwi”
15. “Nharirire” dzinodanidzira muna 537 B.C.E. ndivanaani?
15 Kudanidzira kwokuti “Mwari wako unobata ushe!” kunowana mhinduro here? Hungu. Isaya anonyora kuti: “Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwe chete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.” (Isaya 52:8) Hapana nharirire chaidzo dzinomira munzvimbo dzadzo muJerusarema muna 537 B.C.E. kuti dzigamuchire nhapwa dziri kutanga kudzoka. Guta racho rave riri dongo kwemakore 70. (Jeremia 25:11, 12) Naizvozvo “nharirire” dzinodana nemanzwi dzinofanira kuva vaIsraeri ivavo vanofanonzwa mashoko pamusoro pokudzorerwa kweZiyoni uye vanozova nebasa rokupfuudza mashoko acho kune vamwe vana vose veZiyoni. Padzinoona Jehovha achiisa Bhabhironi mumaoko aKoreshi muna 539 B.C.E., nharirire hadzina mubvunzo mupfungwa dzadzo kuti Jehovha ari kusunungura vanhu vake. Pamwe chete nevaya vanoita chimwe chinhu nokudanidzira kwadzo, nharirire dzinoramba dzichidanidzira nomufaro, pamwe chete, dzichiita kuti vamwe vanzwe mashoko akanaka.
16. “Nharirire” dzinoona ani “ziso neziso,” uye mupfungwa ipi?
16 Nharirire dzakangwarira idzi, idzo pachadzo dzinova noukama hwepedyo naJehovha, dzichiita sedziri kuonana naye chiso nechiso, kana kuti “ziso neziso.” (Numeri 14:14, NW) Kuva kwadzo pedyo naJehovha uye idzo pachadzo kunosimbisa kubatana kwadzo uye kufadza kweshoko radzo.—1 VaKorinde 1:10.
17, 18. (a) Boka renharirire dzomuzuva razvino rakadanidzira sei? (b) Boka renharirire rakadanidzira pamwe chete mupfungwai?
17 Mukuzadzika kwomuzuva razvino, boka renharirire, “muranda akatendeka, akangwara,” rinodanidzira, kwete kune vanotova musangano rinooneka raMwari chete asiwo kune vari kunze. (Mateu 24:45-47) Kudanidzira kwakaitwa muna 1919 kwokuunganidza vasara vevakazodzwa, uye muna 1922 kudanidzira kwacho kwakasimbiswa pakokorodzano yepaCedar Point, Ohio, nokuteterera kwokuti “zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noUmambo hwake.” Kubva muna 1935, pfungwa dzakaiswa pakuunganidza boka guru revanhu vakaita semakwai. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Mumakore mashoma apfuura kuziviswa kwokuva Mambo kwaJehovha kwakasimbiswa. Sei? Mugore ra2000, vanenge mamiriyoni matanhatu vakanga vachitaura nezvokuva Mambo kwaJehovha munyika dzinopfuura 230 nenharaunda. Uyezve, Nharireyomurindi, chishandiswa chikuru cheboka renharirire, inozivisa shoko racho romufaro mumitauro inopfuura 130.
18 Kuita basa iri rinoita kuti tibatane tinofanira kuzvininipisa nokuda hama. Kuitira kuti kudanidzira kwacho kubudirire, vose vanoriita vanofanira kuparidza shoko rimwe, vachizivisa zita raJehovha, gadziriro yake yorudzikinuro, uchenjeri hwake, rudo rwake uye Umambo hwake. VaKristu vari munyika yose sezvavanoshanda pamwe chete, kubatana kwavo pachavo naJehovha kunosimbiswa kuti vadanidzire mashoko akanaka pamwe chete.
19. (a) “Matongo eJerusarema” anofara sei? (b) Jehovha aka“fukura ruoko rwake rutsvene” mupfungwai?
19 Vanhu vaMwari pavanodanidzira nomufaro, kunyange nzvimbo yavanogara inofadza. Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Pururudzai nomufaro, imbai pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikinura Jerusarema. Jehovha wakafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.” (Isaya 52:9, 10) Nokusvika kwavaidzoka vachibva Bhabhironi, nzvimbo dzairatidza sedziri kuchema dzeJerusarema rava dongo zvino dzave kuratidza kufara nemhaka yokuti kunamata kwakachena kwaJehovha zvino kunogona kudzorerwa. (Isaya 35:1, 2) Sezviri pachena, Jehovha akaisa ruoko rwake ipapo. Aka“fukura ruoko rwake rutsvene,” sokunge ari kupeta maoko ehembe yake kuti ashande pabasa rokuponesa vanhu vake.—Ezra 1:2, 3.
20. Chii chakaitika uye chichaitikazve nokufukura kwaJehovha ruoko rwake rutsvene munguva dzazvino?
20 Mu“mazuva okupedzisira” ano, Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene kuitira kuti amutsiridze vakazodzwa vasara, “zvapupu zviviri” zvomubhuku raZvakazarurwa. (2 Timoti 3:1; Zvakazarurwa 11:3, 7-13) Kubva muna 1919, ivava vakaunzwa muparadhiso yomudzimu, mamiriro ezvinhu omudzimu ayo vari maari pamwe nemamiriyoni eshamwari dzavo, mamwe makwai. Pakupedzisira, Jehovha achafukura ruoko rwake rutsvene kuti aunze ruponeso kuvanhu vake pa“Ha-Magedhoni.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Saka, “migumo yose yenyika [inofanira kuona] ruponeso rwaMwari wedu.”
Chinodiwa Nokukurumidza
21. (a) Chii chinodiwa kuva“notakura nhumbi dzaJehovha”? (b) Nei pasina chikonzero chokuti vaJudha vari kubva Bhabhironi varohwe nehana?
21 Avo vanobuda muBhabhironi kuti vadzokere Jerusarema vane chavanofanira kuita. Isaya anonyora kuti: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha. Nokuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha uchakutungamirirai; Mwari waIsraeri uchakurindirai mumashure.” (Isaya 52:11, 12) VaIsraeri vari kuenda vanofanira kusiya muBhabhironi chinhu chipi nechipi chine kavara kokunamata kwenhema kweBhabhironi. Sezvo vachitakura midziyo yaJehovha yakabva mutemberi kuJerusarema, vanofanira kuva vakachena, kwete kunzewo zvakwo zvetsika, asi kunyanya mumwoyo yavo. (2 Madzimambo 24:11-13; Ezra 1:7) Uyezve, Jehovha ari kuvatungamirira naizvozvo havana chikonzero chokuti varohwe nehana, uyewo havafaniri kumhanya-mhanya nokutya, sokunge vari kuteverwa nevateuri veropa vave kutovabata. Mwari waIsraeri akavarinda kumashure.—Ezra 8:21-23.
22. Pauro anosimbisa sei kudikanwa kworucheno pakati pevaKristu vakazodzwa?
22 Mashoko aIsaya pamusoro pokuramba wakachena ane kuzadzika kukuru pavana ve“Jerusarema riri kumusoro.” Pauro paakarayira vaKristu veKorinde kuti vasasungwa zvisina kufanira pajoko nevasingatendi, akatora mashoko aIsaya 52:11 okuti: “‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena.’” (2 VaKorinde 6:14-17) Kungofanana nevaIsraeri vari kudzokera kumusha vachibva Bhabhironi, vaKristu vanofanira kugarira kure nokunamata kwenhema kwechiBhabhironi.
23. Vashumiri vaJehovha nhasi vanoedza kuzvichengeta vakachena munzira dzipi?
23 Izvi zvakanga zviri zvechokwadi kunyanya kuvateveri vakazodzwa ivavo vaJesu Kristu vakatiza Bhabhironi Guru muna 1919. Vakaramba vachizvichenesa pazvisaririra zvose zvokunamata kwenhema. (Isaya 8:19, 20; VaRoma 15:4) Kukosha kwokuchena mutsika kwakaramba kuchivajekera. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakangogara zvichitsigira tsika dzakakwirira, muna 1952 Nharireyomurindi yaive nenyaya dzaisimbisa kudikanwa kwokuranga vaiita unzenza kuitira kuchengeta ungano yakachena. Chirango chakadaro chinobatsirawo muiti wechakaipa pachake kuziva kudikanwa kwokupfidza kwomwoyo wose.—1 VaKorinde 5:6, 7, 9-13; 2 VaKorinde 7:8-10; 2 Johani 10, 11.
24. (a) Munguva dzazvino, “nhumbi dzaJehovha” chii? (b) Nei vaKristu nhasi vane chivimbo chokuti Jehovha acharamba achivatungamirira pamwe nokuvarinda shure kwavo?
24 VaKristu vakazodzwa pamwe neboka guru revanhu vemamwe makwai vakatsunga kusabata chinhu chisina kuchena mumudzimu. Chimiro chavo chakanatswa, chakachena chinovaita kuti vakwanise kutakura “nhumbi dzaJehovha”—zvinhu zvinokosha izvo Mwari anoita nokuda kwebasa rinoyera muushumiri hwepaimba neimba nehwezvidzidzo zveBhaibheri nemamwe marudzi ebasa echiKristu. Nokuramba vakachena, vanhu vaMwari nhasi vanogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha acharamba achivatungamirira pamwe nokuvarinda shure kwavo. Sevanhu vaMwari vakachena, vane zvikonzero zvakawanda zvoku“pururudza nomufaro . . . pamwe chete”!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Chitsauko 15 chebhuku rino nokuda kwokukurukurwa kwakadzama kwoukama huri pakati pe“Jerusarema riri kumusoro” nevana varo vakazodzwa vepasi.
[Mufananidzo uri papeji 183]
Ziyoni richasunungurwa pakutapwa
[Mufananidzo uri papeji 186]
Kutangira muna 1919, ‘tsoka dzakanaka’ dzakaoneka zvakare pamusoro pe“makomo”
[Mufananidzo uri papeji 189]
Zvapupu zvaJehovha zvinotaura pamwe chete
[Mufananidzo uri papeji 192]
Avo vano“takura nhumbi dzaJehovha” vanofanira kuva vakachena mutsika nomumudzimu