Iwe Uri Kuramba Wakachena Here Murutivi Rwuri Rwose?
“Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.”—ISAYA 52:11.
1. (a) Murairo woumambo wakabvumidza sei midziyo yaJehovha kudzorerwa kuJerusarema? (b) Mimwe yemidziyo iyoyo yakanga yasvibiswa sei?
NOKUKURUMIDZA ivo vakanga vasununguka—pashure pamakore 70 ouranda! Murairo woumambo womunenge muna 538 P.N.V. wakabvumira rudzi rwechiJudha kudzokera “ndokuvaka patsva imba yaJehovha Mwari waIsraeri.” (Ezra 1:2, 3, NW) Tevere, chimwe chinoitika chinokatyamadza: “Naiye Mambo Koreshiwo [wePersia] wakabudisa midziyo yeimba yaJehovha, yakanga yatorwa paJerusarema naNebhukadnezari.” (Ezra 1:7, 8) Pakati paiyoyi paiva nemidziyo inoyera Bhershazari namadzishe ake vakanga vasvibisa pausiku hwokuwa kweBhabhironi kupfurikidza nokuishandisa pasina manyadzi kurumbidza vamwari venhema! (Dhanieri 5:3, 4) Zvino dzaichimbova nhapwa dzaigona kudzorera iyi midziyo kuJerusarema ndokuishandisa murumbidzwo yaJehovha!
2. (a) Uporofitai hwaIsaya uhwo vadzokeri vaizoyeuka? Hwaizoshanda kuna vanaani? (b) Neiko ivo vakapiwa zano rokusabata chinhu chipi nechipi chisina kuchena?
2 Sezvo vakagadzirira namanyemwe nokuda kwokuenda, vaJudha vanodzokera pasina panikiro vakayeuka mashoko omuporofita Isaya, anoti: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.” (Isaya 52:11) VaRevhi, chokwadika, vakatakura chaizvoizvo nhumbi dzacho. (Numeri 1:50, 51; 4:15) Zvisinei, Isaya akanga adeya kutaura kuti vadzokeri vose vaizova vatakuri venhumbi vasingabhadharwi. Vose nokudaro vakasungirwa kuva vakachena. Ivo vaisafanira kutorera vaBhabhironi zvinokosha sezvakaita vaIsraeri pakubuda muEgipita. (Enzanisa naEksodho 12:34-38.) Vaifanira kuva vakasununguka pavavariro ipi neipi yokudisa zvenyika kana kuti youdyire mukudzokera. Kana zviri “zvidhori zvakashata” zveBhabhironi, kungobata chimwe chete kwaizova kunosvibisa.a (Jeremia 50:1, 2, NW) Kupfurikidza bedzi nokuva vakachena munzira iri yose vaJudha vaigona kufamba mu“Nzira yoUtsvene” vachidzokera kuJerusarema.—Isaya 35:8, 9.
3. Ndivanaani nhasi vanotakura “nhumbi” dzaJehovha? Neiko kuri kokero yakadaro kuti ivo varambe vakachena?
3 Zvapupu zvaJehovha nhasi nenzira yakafanana zvinofanira kuva zvakachena savatakuri ve“nhumbi” dzaJehovha. Muapostora Pauro akanokora mashoko aIsaya ndokuashandisira kumaKristu omuzuva rake, achiti: “Ngatizvichenesei timene pasvibiswo iri yose yenyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene murutyiwo rwaMwari.” (2 VaKorinte 6:17–7:1, NW) Kunze kwokugara munyika isina kuchena, tinofanira kurwisana nekombamiro dzedu dzakagarwa nhaka dzakawa. (Genesi 8:21) Jeremia 17:9 inotiyeuchidza, kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?” Vamwe vanozvinyengera vamene navamwe kupinda mukudavira kuti upenyu hwavo hwakachena uye hunogamuchirika kuna Mwari, apo chaizvoizvo kusina kudaro. Ivo vanoshandisa chimiro chakati chounyengeri. Naizvozvo mumwe nomumwe wedu anofanira kubvunza kuti, ‘Ndiri kushandisa here nhamburiko iri yose yokuva akachena pamberi paJehovha murutivi rwuri rwose?’ Kutibetsera mukuita saizvozvo, ngatinangidzirei zvino ngwariro yedu pamativi mana orucheno.
Rucheno Rwomuviri: Rukuru
4. (a) Neiko rucheno rwomuviri ruri chinhu chikuru pakati pavanhu vaJehovha? (b) Neiko kungava kwakaoma pane dzimwe nguva kuchengeta mupimo wakakwirira worucheno?
4 Rucheno rwomuviri rukuru pakati pavanhu vaJehovha nhasi sezvarwakanga rwakaita munguva dzakare. (Eksodho 30:17-21; 40:30-32) Pashure pokurangarira zvose, taizova here tichibata “nhumbi dzaJehovha” noruremekedzo kana vhudzi redu, maoko, chiso, mazino, kana kuti nzwara zvakasviba, kana kuti tichibudisa hwema hwomuviri husingafadzi? Kuri nyore, kunyanguvezvo, kurega mipimo yakaderera yenyika ichitipesvedzera.—VaRoma 12:2.
5. (a) Neiko kuchikosha kwazvo kuti tichengete mupimo wedu worucheno wakakwirira? Ipa mienzaniso yomunzvimbomo yokuti iri zano ringagona kushandiswa sei. (b) Vakuru vanogona kubatsira sei?
5 Tinogona sei kutanhamara savakasiana nenyika kana tikagamuchira mipimo yakaderera yenyika? Ko musha une tsvina kana kuti nzvimbo ine tsvina yenamato hazvingapariri here ‘shoko raMwari kutaurwa zvakaipa’? (Tito 2:5, NW) Asi patinoshandisa utsanana hwomunhu woga hwakanaka, tinonhonga tsvina panzvimbo dzekokorodzano, tinobatsira mukuchengeta Horo yoUmambo, uye kuchengeta misha yedu—kunyange nzvimbo yakadereresa—dzakatsvinda uye dzakachena, tinounza mbiri kuna Mwari! (Enzanisa na 1 Petro 2:12.) Vakuru, gadzai muenzaniso wakanaka womunhu oga murucheno. “Musarega” kupa zano rakafanira kwariri madikanwa.—Mabasa 20:20.
6. Ndoupi unofanira kuva mupimo wedu womupfekero nokuda kwemisangano nebasa romumunda?
6 Zvakadiniko nezvipfeko zvatinopfeka pakunamata pamisangano uye apo tinenge tiri mubasa romumunda? Hazvifaniri kuva here ‘zvine mwero nezvakanaka’? (1 Timotio 2:9; VaHebheru 10:23-25) Usarangarira kuti tinosungirwa kupfeka bedzi kana tine rutivi pamusangano. Zvipfeko zvakanyanyisa hazvina mwero uye hazvina kufanira nokuda kwenamato. Mabhegi amabhuku akasakara namaBhaibheri ane nzeve kana kuti akasviba zvinoderedzawo ukoshi hweshoko roUmambo.
Kudzivisa Kushatiswa Kwendangariro
7. Ndechipi chiri chinhu chikuru kurucheno rwendangariro, mukuwirirana naVaFiripi 4:8?
7 Pana VaFiripi 4:8 Pauro akapa zano, achiti: “Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.” Kunyanguvezvo, munzvimbo iri yose tinodenhwa nemiedzo yokupinda mu“‘zvinhu zvakadzika zvaSatani.’”—Zvakazarurwa 2:24, NW.
8. Ngozi dzinopiwa nezvimiro zvakasiana-siana zvevaraidzo dzingaenzanisirwa sei? Ipa mienzaniso yomunzvimbomo.
8 Somuenzaniso, kuwanika kuri nyore kwamashoko outere naamasimba masimba zvikuru kwakaguma nezvinetso zvakakomba nokuda kwavashandisi vamarekodha ekaseti evhidhiyo. MuEurope, imwe hama yakaroora yaitarira matepi asina kuchena pashure pokunge mudzimai wayo aenda kundorara. Mbeu yechakaipa yakasimwa zvakasimba, kuchiguma noupombwe. (Enzanisa naJakobho 1:14, 15.) Muimwe nyika yeAfrica, rimwe boka repwere Zvapupu rakabwereka matepi asina kuchena kushamwari dzokuchikoro ndokuatarira apo vabereki vavo vakanga vasipo. Mumwe mukuru womuNigeria, zvisinei, anoti: ‘Ngozi huru kazhinji kazhinji iri mupurogiramu dzenguva dzose dzeTV idzo nenzira yakafanana dzinoratidzira masimba masimba, utsotsi, hondo, zviono zvenyengano, uye ruzvidzo nokuda kweperero muroorano.’ Mapepanhau akashata ane mifananidzo yakawanda, magazini outere, manovhero anonyandura vatano, mabhaisikopo, uye nziyo dzamarimba dzakashata ingoziwo dzakapararira.
9. (a) Neiko tichifanira kuva vanosarudza pamsoro pechatinoteerera, kutarira, uye kurava? (b) Tinofanira kuita sei kana tikatarisana namashoko akashata?
9 Hatigoni kutsunga kusvibisa ndangariro dzedu nezvinhu “zvinonyadzisa kunyange kutaura.” (VaEfeso 5:12, NW) Naizvozvo iva anosarudza pamsoro pezvaunoteerera, kutarira, uye kurava. Ngwarira uye ita nokukurumidza kuramba mashoko akashata. (Pisarema 119:37) Ikoku kuchada kuzvidzora chaikoiko, zvichida ‘kurova [nenzira yokufananidzira] muviri wako nokuutungamirira somuranda.’ (1 VaKorinte 9:27) Nguva dzose yeuka, kunyanguvezvo, kuti zvatinotarira pachivande zvinocherechedzwa no“Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27, NW) Naizvozvo dzivisa chinopanikirika. “Rambai muchiva nechokwadi nechiri chinogamuchirika kuna Ishe.”—VaEfeso 5:10, NW.
“Kungwarira” Kuramba Wakachena Mutsika
10. (a) Ndechipi chiri chikonzero chimwe nei vazhinji kwazvo vachitsiurwa kana kuti kudzingwa gore rimwe nerimwe? (b) Inheyoi yeBhaibheri inofanira kutungamirira mufambiro wedu pamazororo nokubasa?
10 Pana VaEfeso 5:5 Pauro akanyevera, kuti: “Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakune mhombwe, kana munhu une tsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka ushe hwaKristu naMwari.” Bva, zviuru gore rimwe nerimwe zvinotsiurwa kana kuti kudzingwa nemhaka youtere hwevatano—‘kutadzira muviri.’ (1 VaKorinte 6:18) Kazhinji kazhinji, unongova zvawo muuyo wokusa“ngwarira mukuwirirana neshoko” raMwari. (Pisarema 119:9, NW) Hama dzakawanda, somuenzaniso, dzinorega kungwarira mutsika dzadzo mukati menhambo dzezororo. Dzichiregeredza songaniro youmwari, idzo dzinotanga ushamwari navari pazororo venyika. Achirangarira kuti ava ‘vanhu vakanaka chaizvoizvo,’ mamwe maKristu akavakumbanira mumibato inopanikirika. Nenzira yakafanana, vamwe vakava vanonyanyoita ushamwari navashandi biyavo. Mumwe mukuru wechiKristu akava akabatanidzwa kwazvo nomushandikadzi zvokuti iye akasiya mhuri yake ndokuvamba kugara naye! Kudzingwa kwakavapo somuuyo. Ndeechokwadi sei mashoko eBhaibheri anoti, “Songanirano dzakashata dzinoshatisa tsika dzinobetsera”!—1 VaKorinte 15:33, NW.
11. Neiko kuungana kwechiKristu kuchifanira kutarisirwa zvakafanira?
11 South Africa kunobva uyu mushumo: “Imwe ngozi inotyisidzira kururama kwetsika dzavazhinji mapati makuru . . . mamwe awo akaitwa pashure pamarusando ekokorodzano yeruwa.” Zvisinei, kuungana kuduku kwechiKristu kunosanotarisirwa hakuwanzoipa kuva “kutamba kwakaipa.” (VaGaratia 5:21) Kana zvinwiwa zvinodhaka zvichifanira kugoverwa, itai saizvozvo mukutarisirwa uye mumwero. “Waini mudadi,” uye dzadhakwa nayo, dzimwe hama dzakaderedza ngwariro yadzo yetsika kana kuti kumutsa utera hwakarara. (Zvirevo 20:1) Nokudaro, vashumiri vaduku vaviri vakapinda muzviito zvevatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yevatano pashure pokunyanyonwisa doro.
12, 13. (a) Vamwe vakaruramisa sei mufambiro woutere? Neiko kurangarira kwakadaro kwakashata? (b) Tinogona sei kungwarira tyisidziro kutsika dzakanaka?
12 Paunoedzwa kuita mhosho, yeuka kuti, hazvinei hazvo nokuti tingaratidzika kuva takachena sei nechokunze, ndicho chatiri mukati chinokosha. (Zvirevo 21:2) Vamwe sezviri pachena vanorangarira kuti Mwari achakanganwira kupinda wapindazve mumufambiro woutere nemhaka yokuti vakaneta. Asi ikoko hakusiri here “kushandura mutsa wakakomba waMwari wedu kuva pembedzo yomufambiro wokusazvibata”? (Judhasi 4, NW) Vamwe vanotofungidzira kuti “Jehovha haasi kutiona.” (Ezekieri 8:12, NW) Yeuka, kunyanguvezvo, kuti “hakune chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.”—VaHebheru 4:13.
13 Naizvozvo ngwarira tyisidziro dzokutsika dzakanaka! “Upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene.” (VaEfeso 5:3, 4) “Vengai zvakaipa,” hazvinei hazvo nokuti chingava chingafadza sei kunyama.—VaRoma 12:9.
Kuramba Wakachena Mumudzimu
14, 15. (a) Vamwe vakazviratidzira vamene sei kukushatiswa mumudzimu? (b) Vawi patenda vanoshandisa sei ‘miromo [yavo] kuparadza munhu biyavo’? (c) Vawi pakutenda havana kuchena chaizvoizvo munzirai, uye chii chavakakanganwa?
14 Vamwe vakazviratidzira vamene kukushatiswa kunobvira mumudzimu kupfurikidza nokuvhura nhepfenyuro yorudzidziso nokutepfenyura kweterevhizheni. Muimwe nyika yeAfrica, vamwe vakatarira zvinoitika zveTV zvinoratidzira kutenda mashura kwamarudzidziso amagamuchidzanwa anodavira kuti zvinhu zvose zvine mweya nefariro. Muapostora Pauro, kunyanguvezvo, akanyevera nezvengozi inouraya zvikuru—varume vakawa pakutenda vakanga “vachikanganisa kutenda kwavamwe.” (2 Timotio 2:16-18) Vanhu vakafanana naivavo vachiripo! (2 Petro 2:1-3) Uye padzimwe nguva ivo vakabudirira mukushatisa kufunga kwavamwe. Zvirevo 11:9 inoti: “Wakashata unoparadza wokwake nomuromo wake.”
15 Vawi pakutenda kazhinji kazhinji vanozvifadza, vachitaura kuti takanyimwa rusununguko rwedu, kubatanidza rusununguko rwokuturikira Bhaibheri nokuda kwedu timene. (Enzanisa naGenesi 3:1-5.) Chaizvoizvo, ava vaizova vasvibisi havapi chinhu chinopfuura kudzokera kudzidziso dzakashata dze“Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:5; 2 Petro 2:19-22) Vamwe vanofadza nyama, vachikurudzira vaichimbova vasonganiri “kungwarira” nokuti basa rakaderera rokupupurira paimba neimba “harisi madikanwa” kana kuti “harisi rapamagwaro.” (Enzanisa naMateo 16:22, 23.) Chokwadi, vanyengeri vakadaro vangaratidzika nechokunze kuva vakachena mumuviri nomutsika. Asi mukati ivo havana kuchena mumudzimu, vachiva vakatera kukufunga kwokudada, kwokuzvimirira. Ivo vakakanganwa zvose izvo ivo vakadzidza pamsoro paJehovha, zita rake dzvene namavara. Ivo havasati vachabvuma kuti zvose zvavakadzidza pamsoro pezvokwadi yeBhaibheri—tariro ine mbiri yoUmambo neparadhiso yapasi nokuparadzwa kwedzidziso dzenhema, zvakadai soUtatu, mweya womunhu usingafi, kutambudzwa kusingagumi, uye purigatori—hungu, zvose izvozvi zvakauya kwavari kupfurikidza no“muranda akatendeka nowakachenjera.”—Mateo 24:45-47, NW.
16. Vakarurama vanonunurwa sei ne“zivo”?
16 Nenzira inofadza, mumwe mutariri wedunhu muFrance anoti: “Dzimwe hama dzinonyengedzwa nemhaka yokuti dzinoshaiwa zivo yakarurama.” Ndokusaka Zvirevo 11:9 ichiti: “Wakarurama ucharwirwa nezivo.” Ikoku hakurevi kuteerera vawi pakutenda kana kuti kunzvera manyoro avo. Panzvimbo pezvo, kunoreva kusvika pa“zivo yakarurama yechakavanzika chinoyera chaMwari” kupfurikidza nefundo yomunhu oga yokushingaira yeBhaibheri nezvinyorwa zveSosaiti zvakavakirwa paBhaibheri. Tine iyi zivo yakarurama, ndiani aizova anoda kuziva kwazvo zvokupa ngwariro kumashoko avawi pakutenda? Munhu ngaarege “kukunyengerai namashoko okunyengera”! (VaKorose 2:2-4, NW) Paradziro yorudzidziso rwenhema inobva kumanyuko api naapi inofanira kudziviswa kufanana nechefu! Chaizvoizvo, sezvo Ishe wedu akashandisa “muranda akatendeka nowakachenjera” kupa kwatiri “mashoko oupenyu husingaperi,” tinofanirireiko kumboda kutarisa kune imwe nzvimbo ipi neipi zvayo?—Johane 6:68, NW.
Ucharamba Wakachena Here?
17, 18. Neiko kuchikosha kusakurira (a) rucheno rwomuviri, (b) rucheno rwendangariro, (c) rucheno rwetsika, uye (d) rucheno rwomudzimu?
17 Naizvozvo zvakawanda zvinobatanidzwa mukuramba takachena pamberi paJehovha Mwari. Kuchengeta miviri yedu, misha yedu, zvipfeko zvedu uye Horo dzedu dzoUmambo zvakachena zvikuru kunoshongedza shoko redu roUmambo. Kuramba takachena mundangariro kunotibetsera kuramba takachena mutsika nomumudzimu. Ikoku kunoraira kuteerera kwedu pangiro yaPauro iri pana VaFiripi 4:8, yokuchengeta ndangariro dzedu dziri pazvinhu zviri zvechokwadi, zvakachena, uye zvinorumbidzwa.
18 Tinogona kunzwisisawo kupfuura nakare kwose kuti tinofanira kuramba takachena mutsika muzvose zviri zviviri mushoko nechiito. Jehovha anotinyevera chaizvoizvo kuti avo vanopinda muchimiro chipi nechipi choutere havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari. (1 VaKorinte 6:9-11) Hazvinei hazvo nokuti zvinhu zvisina kuchena zvakadaro zvingaratidzika kuva zvinofadza sei, kana tikadyara kunyama, tichacheka kuora kunobva munyama. (VaGaratia 6:8) Pakupedzisira, kune nhau yokuramba takachena mumudzimu, takachena mudzidziso. Rucheno rwakadaro runotibetsera kuchengeta rucheno rwemwoyo yedu nendangariro. Isu nokudaro tinosundwa nguva dzose kutsvaka mifungo yaMwari pazvinhu—kwete yedu timene.
19. Chii chinogona kuyamura vose vari vaviri vakazodzwa ne“boka guru” mukuramba vakachena mumativi ose?
19 Nokukurumidza musimudziri mukuru wokusachena—Satani Dhiabhorosi—pamwe chete namadhemoni ake, vachakandirwa mugomba rakadzika-dzika. Kutozosvikira panguva iyeyo, vabatiri vose vaJehovha—vavakazodzwa na‘mamwe makwai’—ngavarambe vakachena savatakuri vemidziyo yaJehovha. (Zvakazarurwa 7:9, 13-15; 19:7, 8; 20:1-3) Kurwa kwacho hakuna ngoni uye kwakaoma. Yeuka, kunyanguvezvo, kuti Jehovha anopa norusununguko “mudzimu woutsvene” wake. (VaRoma 1:4, NW) Sangano rake rakachena, navakuru varo, rakagadzirirawo kutibatsira kupfurikidza nokupa pangiro yakanaka, yapaMagwaro. Nebetsero yakadaro uye nokutsunga kwedu timene, tinogona kuramba takachena murutivi rwuri rwose!
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rechiHebheru nokuda kwezvidhori zvakashata, gil·lu·limʹ, rakanga riri shoko roruzvidzo iro pakuvamba raireva “ndove duku”—chimwe chinhu chainyangadza kuvaJudha.—Dheuteronomio 23:12-14; 1 Madzimambo 14:10; Ezekieri 4:12-17.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Neiko vaJudha vaidzokera vachibva Bhabhironi vaifanira kuva vakachena?
◻ Tinogona sei kupa ngwariro kurucheno rwomuviri?
◻ Tinogona sei kudzivirira ndangariro dzedu pakushatiswa?
◻ Tinogona sei kungwarira ngozi dzetsika?
◻ Tinogona sei kuchengeta rucheno rwedu rwomudzimu?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Misha yedu inofanira kuva mienzaniso yorucheno
[Mufananidzo uri papeji 17]
MaKristu anofanira kushandisa chisarudzo chakanaka mukudzivisa matepi evhidhiyo nepurogiramu dzeTV izvo zvingagona kushatisa ndangariro
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kuungana kuduku kunogona kuva kunovaka mutsika
[Mufananidzo uri papeji 19]
Zvapupu zvinoshingaira zvinoramba zvakachena mumudzimu ndokuwana dziviriro nomufaro kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yokushingaira