Bhuku reBhaibheri Nhamba 23—Isaya
Munyori: Isaya
Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema
Kunyora Kwakapedzwa: Pashure pa732 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: Munenge muna 778–pashure pa732 B.C.E.
1. Ndaapi akanga ari mamiriro ezvinhu muMiddle East, uye zvikurukuru muna Israeri naJudha, muzana ramakore rechisere B.C.E.?
MUMVURI unotyisa wamambo aiva noutsinye weAsiria waiva pamusoro pohumwe umambo noushe huduku hweMiddle East. Nharaunda yose yakanga yakazara nokutaura nezverangano nomubatanidzwa. (Isa. 8:9-13) Israeri akaramba kutenda kuchamhembe aizokurumidza kuva nyajambwa weiyi rangano yamarudzi akawanda, nepo madzimambo aJudha kumaodzanyemba akanga achitonga nenzira ine ngozi. (2 Madz., maganh. 15-21) Zvombo zvitsva zvehondo zvakanga zvichiitwa ndokushandiswa, kuchiwedzera kutyisidziro yenguva dzacho. (2 Mako. 26:14, 15) Munhu upi noupi aigona kutarira kupi nokuda kwedziviriro noruponeso? Kunyange zvazvo zita raJehovha rakanga riri pamiromo yavanhu navaprista muumambo huduku hwaJudha, mwoyo yavo yakaenda kure mumamwe mativi, kutanga kuAsiria uye tevere kuEgipita. (2 Madz. 16:7; 18:21) Kutenda simba raJehovha kwakaderera. Uko kwakanga kusiri kunamatwa kwezvidhori zvakananga, kwakanga kwakapararira nzira yokunyengera yokunamata, yakavakirwa pamuitiro uye kwete kutyiwa kwechokwadi kwaMwari.
2. (a) Ndiani akapindura kudana kwokutaurira Jehovha, uye rini? (b) Chii chiri chinokosha pamusoro pezita rouyu muporofita?
2 Ndiani, ipapoka, aizotaurira Jehovha? Ndiani aizozivisa simba rake rinoponesa? “Ndiri pano ini, nditumei,” mhinduro yokudisa yakauya. Mutauri wacho akanga ari Isaya, uyo akanga atove achiporofita ikoku kusati kwaitika. Rakanga riri gore iro Mambo aiva namaperembudzi Uzia akafa, munenge muna 778 B.C.E. (Isa. 6:1, 8) Zita rokuti Isaya rinoreva kuti “Ruponeso rwaJehovha,” iri revo imwe cheteyo, kunyange zvazvo yakanyorwa ichichokera shure, yezita rokuti Jesu (“Jehovha Ndiye Ruponeso”). Kubvira pakutanga kusvikira kumugumo, uporofita hwaIsaya hunosimbisa iri idi, kuti Jehovha ndiye ruponeso.
3. (a) Chii chinozivikanwa pamusoro paIsaya? (b) Iye akaporofita munhambo yose ipi, uye ndivanaani vaiva vamwe vaporofita vezuva rake?
3 Isaya akanga ari mwanakomana waAmozi (haafaniri kuvhiringidzwa naAmosi, mumwe muporofita waJudha). (1:1) Magwaro haatauri chinhu pamusoro pokuberekwa nokufa kwake, kunyange zvazvo gamuchidzanwa rechiJudha richiti akachekwa napakati naMambo akaipa Manase. (Enzanisa naVaHebheru 11:37.) Manyoro ake anomuratidza agere muJerusarema nomudzimai wake muporofitakadzi uye vanenge vanakomana vaviri vane mazita ouporofita. (Isa. 7:3; 8:1, 3) Akabatira mukati menguva yaanenge madzimambo mana aJudha: Uzia, Jotami, Ahazi, uye Hezekia; sezviri pachena kuvambira munenge muna 778 B.C.E. (apo Uzia akafa, kana kuti sezvinobvira ikoku kusati kwaitika) uye kupfuurira kusvikira panenge pashure pa732 B.C.E. (gore rechi14 raHezekia), kana kuti makore asiri pasi pe46. Pasina kupanikira akanga anyorawo uporofita hwake pakasvika uyu musi wapashure. (1:1; 6:1; 36:1) Vamwe vaporofita vezuva rake vaiva Mika muJudha uye, kuchamhembe, Hosea naOdhedhi.—Mika 1:1; Hos. 1:1; 2Mako. 28:6-9.
4. Chii chinoratidzira kuti Isaya ndiye aiva munyori webhuku racho?
4 Kuti Jehovha akarayira Isaya kunyora rutongeso rwouporofita kunosimbiswa naIsaya 30:8: “Zvino chienda, uzvinyore pamberi pavo pahwendefa rebwe, uzvinyore mubhuku, zvivepo panguva inouya, [nokuda kwouchapupu, NW] nokusingaperi-peri.” Vanarabhi vakare vechiJudha vaiziva Isaya somunyori uye vakabatanidza bhuku racho sebhuku rokutanga ravaporofita vakuru (Isaya, Jeremia, uye Ezekieri).
5. Chii chinopupurira chinzwano chebhuku raIsaya?
5 Kunyange zvazvo vamwe vakanongedzera kuchinjo yebhuku yamanyorere kubvira paganhuro 40 zvichienda mberi seinoratidzira munyori akasiyana, kana kuti “Isaya Wechipiri,” chinjo mumashoko enhau inofanira kuva yakakwana kutsanangura iyoyi. Kune ufakazi huzhinji hwokuti Isaya akanyora bhuku rose rine zita rake. Somuenzaniso, humwe hwebhuku racho hunoratidzirwa nokutaura kwokuti, “Mutsvene waIsraeri,” uko kunooneka ka12 mumaganhuro 1 kusvikira ku39, uye ka13 mumaganhuro 40 kusvikira ku66, hwerengedzo yeka25; nepo kuchioneka bedzi ka6 murutivi rwasara rwose rwaMagwaro echiHebheru. Muapostora Pauro anopupurirawo chinzwano chebhuku racho kupfurikidza nokunokora mashoko mumativi ose ouporofita uye kuti bhuku rose rakanyorwa nomunyori mumwe chete, Isaya.—Enzanisa VaRoma 10:16, 20; 15:12 naIsaya 53:1; 65:1; 11:1.
6. Mupumburu Wamanyoro weGungwa Rakafa waIsaya unopa sei chibvumikiso chinopwisa (a) chokuti maBhaibheri edu nhasi anomirira manyoro akafuridzirwa apakuvamba uye (b) chokuti bhuku rose rakanyorwa naIsaya mumwe?
6 Nenzira inofadza, kutangira mugore ra1947, manyoro ekare akabudiswa murima ramapako kusati kuri kure neKhirbet Qumran, pedyo namahombekombe okuchamhembe kwakadziva kumadokero kweGungwa Rakafa. Iwawa akanga ari Manyoro eGungwa Rakafa, ayo akabatanidza uporofita hwaIsaya. Akanyorwa zvakaisvonaka muchiHebheru chakatangira Masoretic chakasanochengetwa uye agara kwamakore ane 2 000, kubvira pakupera kwezana ramakore rechipiri B.C.E. Rugwaro rwawo nokudaro rwagara anenge makore ane chiuru chimwe kupfuura manyoro aripo ekaresa orugwaro rweMasoretic, panovakirwa shanduro dzazvino uno dzaMagwaro echiHebheru. Kune misiyano miduku yakati yokuperetera nemisiyano yakati mukuumbwa kwegirama, asi harisiyani mudzidziso norugwaro rweMasoretic. Hechino chibvumikiso chinopwisa chokuti maBhaibheri edu nhasi ane shoko rakafuridzirwa rapakuvamba raIsaya. Uyezve, iyi mipumburu yamanyoro yekare inoramba kutaura kwavatsoropodzi vavana“Isaya” vaviri, sezvo ganhuro 40 ichivambira pamutsetse wokupedzisira wechikamu chokunyora chine ganhuro 39, mutsetse wokutanga wamashoko uchipedzerwa muchikamu chinotevera. Nokudaro, munyori sezvinooneka akanga asingazivi nezvechinjo ipi neipi inofungidzirwa mumunyori kana kuti yechikamu chipi nechipi chiri mubhuku papfundo rino.a
7. Chibvumikisoi chikuru chiripo pamusoro pouchokwadi hwebhuku raIsaya?
7 Kune ufakazi hwakawanda hwouchokwadi hwebhuku raIsaya. Kunze kwaMosesi, hakuna mumwe muporofita anowanzonokorwa mashoko zvikuru navanyori veBhaibheri vechiKristu. Nenzira yakafanana kune ufakazi hwakawanda hwenhau nohworuzivo rwokuchera matongo hunoribvumikisa kuva rechokwadi, hwakadai sezvinyorwa zvenhau zvamadzimambo eAsiria, kubatanidza ibwe rine mativi matanhatu raSanheribhi paanopa nhoroondo yake amene yokukombwa kweJerusarema.b (Isa., maganh. 36, 37) Murwi wamatongo weraichimbova Bhabhironi uchiri kupupurira zadziko yaIsaya 13:17-22.c Pakanga pane chipupuriro chakajeka mumumwe nomumwe wavane zviuru zvavaJudha vakadzoka vachibva Bhabhironi, vakasunungurwa namambo ane zita, Koreshi, rakanga ranyorwa naIsaya anodokuva makore 200 kutangirezvi. Kungasanova kuti Koreshi akaratidzwa gare gare aya manyoro ouporofita, nokuti, pakusunungura vakasarira vechiJudha, akataura nezvokuva akatumwa naJehovha kuita kudaro.—Isa. 44:28; 45:1; Ezra 1:1-3.
8. Kufuridzirwa kunobvumikiswa sei nokuzadzikwa kwouporofita hune chokuita naMesiya?
8 Hwakatanhamara mubhuku raIsaya uporofita hwaMesiya. Isaya akanzi “muporofita weEvhangeri,” kufanotaura kwakawanda kwazvo kunozadzikwa muzviitiko zvoupenyu hwaJesu. Ganhuro 53, kwenguva refu “ganhuro yakavanzika,” kwete bedzi kungomwa yeEtiopia inonongedzerwa kwairi muna Mabasa ganhuro 8 asi kuna vanhu vechiJudha vose zvavo, inofanotaura nenzira yakajeka kwazvo kubatwa kwakaitwa Jesu zvokuti yakafanana nenhoroondo yechapupu chakaona. Magwaro echiGiriki echiKristu anotaura kuzadzika kwouporofita kweiyi ganhuro inoshamisa yaIsaya, sokuratidza kunoita enzaniso dzinotevera: ndima 1—Johane 12:37, 38; ndima 2—Johane 19:5-7; ndima 3—Marko 9:12; ndima 4—Mateo 8:16, 17; ndima 5—1 Petro 2:24; ndima 6—1 Petro 2:25; ndima 7—Mabasa 8:32, 35; ndima 8—Mabasa 8:33; ndima 9—Mateo 27:57-60; ndima 10—VaHebheru 7:27; ndima 11—VaRoma 5:18; ndima 12—Ruka 22:37. Ndiani kunze kwaMwari aigona kuva manyuko okufanotaura kwakadaro kwakarurama?
ZVIRI MUBHUKU RAISAYA
9. Zviri muna Isaya zvinopinda muzvikamui?
9 Maganhuro matanhatu okutanga anopa mamiriro ezvinhu muna Judha neJerusarema uye anorondedzera kuva nemhaka kwaJudha pamberi paJehovha nokutumwa kwaIsaya. Maganhuro 7 kusvikira ku12 anobata nevhozhokero dzomuvengi dzokutyisidzira uye chipikirwa chorusununguko chakapiwa noMuchinda Worugare akatumwa naJehovha. Maganhuro 13 kusvikira ku35 ane nhevedzano yezviziviso pamarudzi akawanda nokufanotaurwa kworuponeso rwaizogoverwa naJehovha. Zviitiko zvenhau zvokutonga kwaHezekia zvinorondedzerwa mumaganhuro 36 kusvikira ku39. Maganhuro asara, 40 kusvikira ku66, ane somusoro wawo kusunungurwa muBhabhironi, kudzoka kwavakasarira vechiJudha, uye kudzorerwa kweZioni.
10. (a) Neiko Isaya achirayira rudzi rwacho kuti rwururamise zvinhu? (b) Anoporofitei nokuda kworutivi rwokupedzisira rwamazuva?
10 Shoko raIsaya “pamusoro paJudha neJerusarema” (1:1–6:13). Muone apo akapfeka masaga neshangu sezvaakamira muJerusarema achidanidzira, kuti: Vadzvinyiriri! Vanhu! Teererai! Rudzi rwenyu runorwara kubvira kumusoro kusvikira kuchigunwe, uye makanetesa Jehovha namaoko enyu ane ropa akasimudzwa mumunyengetero. Uyai, ruramisai zvinhu naye, kuti zvivi zvitsvuku zvigocheneswa sechando. Murutivi rwokupedzisira rwamazuva, gomo reimba yaJehovha richasimudzwa pamusoro, uye marudzi ose achadirana kwariri nokuda kwomurayiridzo. Havasati vachizodzidzazve hondo. Jehovha achakwidzwa pamusoro ndokutsveneswa. Asi panguva ino Israeri naJudha, kunyange zvazvo vakasimwa somuzambiringa wakaisvonaka, vanobereka mazambiringa okusateerera mutemo. Vanoita kuti zvakanaka zvive zvakashata uye zvakashata zvive zvakanaka, nokuti vakachenjera mumeso avo vamene.
11. Isaya anogamuchira basa pamwe chete nechionoi?
11 “Ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira,” anodaro Isaya. Basa raJehovha rinouya pamwe chete nechiono: “Enda, undoudza vanhu ava, uti: Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa.” Kwenguva yakareba seiko? “Kusvikira maguta ava matongo.”—6:1, 9, 11.
12. (a) Isaya navanakomana vake vanoshandiswa sei sezviratidzo zvouporofita? (b) Chipikirwai chakatanhamara chinopiwa muna Isaya ganhuro 9?
12 Vhozhokero dzomuvengi dzokutyisidzira uye chipikirwa chorusununguko (7:1–12:6). Jehovha anoshandisa Isaya navanakomana vake se‘zviratidzo nezvishamiso’ zvouporofita kuti aratidze kuti kutanga mubatanidzwa weSiria naIsraeri mukurwisana naJudha uchakundikana asi pashure penguva yakati Judha achapinda muutapwa vakasarira bedzi vachidzoka. Mhandara ichava nemimba ndokubereka mwanakomana. Zita rake richanzi aniko? Imanueri (kureva kuti, “Mwari Unesu”). Vavengi vakabatana mukurwisana neJudha ngavacherekedze! “Zvisungei zviuno, muputswe-putswe.” Kuchava nenguva dzakaoma, asi ipapo chiedza chikuru chichapenya pavanhu vaMwari. Nokuti takaberekerwa mwana, “zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.”—7:14; 8:9, 18; 9:6.
13. (a) Mugumisiroi unomirira muAsiria anovirima? (b) Chii chichabva mukutonga kwe“bukira” rinobva kuna Jese?
13 “Nhaiwe Asiria,” Jehovha anodanidzira kudaro, “shamhu yokutsamwa kwangu.” Pashure pokushandisa shamhu iyeyo mukurwisana no“rudzi rwakaramba kutenda” (NW), Mwari achaparadza muAsiria anovirima amene. Gare gare, “vakasara vachadzoka.” (10:5, 6, 21) Ona zvino davi, bukira rinobva pahunde yaJese (baba vaDhavhidhi)! Iri “bukira” richatonga mukururama, uye kupfurikidza naye pachava nokufarikanya kwechisiko chose, pasina kuvadziko kana kuti ruparadziko, “nemhaka yokuti pasi rose richazadzwa zvirokwazvo nokuziva Jehovha sezvo mvura dzinofukidza gungwa rimene.” (11:1, 9, NW) Naiyeyu sechiratidzo nokuda kwamarudzi, mugwagwa mukuru unobuda muAsiria nokuda kwavakasarira vanodzoka. Kuchava nomufaro mukuchera mvura dzoruponeso mutsime nokuimbira Jehovha.
14. Kuwai kunofanotaurwa nokuda kweBhabhironi?
14 Kuzivisa shurikidzwo yeBhabhironi (13:1–14:27). Isaya zvino anotarira kupfuura zuva romuAsiria achipinda munguva yesimba gurusa reBhabhironi. Teerera! Kunzwika kwavanhu vasingaverengeki, mheremhere yamadzimambo, yamarudzi akaungana pamwe chete! Jehovha ari kuunganidza uto rehondo! Izuva risingafadzi nokuda kweBhabhironi. Zviso zvashamiswa zvinopenya, uye mwoyo inonyauka. VaMedhia vasinganzwiri tsitsi vachakurira Bhabhironi, “chishongo choumambo.” Richava dongo risingagarwi uye nzvimbo yezvisikwa zvomusango “kwechizvarwa nechizvarwa.” (13:19, 20, NW) Vakafa vari muSheori vanonyandurwa kuti vagamuchire mambo weBhabhironi. Honye dzinova uvato hwake uye honye chokufuka chake. Haiwa kuwa kwakadini kwouyu ‘nyamasase, mwanakomana wamambakwedza’! (14:12) Aishuva kusimudza chigaro chake choumambo asi akava chitunha chakaraswa kunze, sezvo Jehovha anotsvaira Bhabhironi nomutsvairo woruparadziko. Hapana zita, hapana vakasarira, hapana rudzi, hapana vazukuru, vanofanira kusara!
15. Isaya anoporofita pamusoro pokuva matongoi kwamarudzi akawanda?
15 Matongo amarudzi akawanda (14:28–23:18). Isaya zvino anonongedzera shure kuFiristia iri mumhenderekedzo yeMediterranean Sea uye tevere kuMoabhi, kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweGungwa Rakafa. Anonangidzira uporofita hwake kumusoro kupfuura muganhu wokuchamhembe waIsraeri kusvikira kuDhamasko yeSiria, anodzika zasi kumaodzanyemba achipinda muEtiopia, uye anokwira naNairi achipinda muEgipita, aine rutongeso rwaMwari runoparira dongo munzira mose. Anotaura nezvamambo weAsiria Sagoni, mutsivi waSanheribhi, achitumira mutungamiriri wehondo Tatani kuzorwisana neguta reFiristia reAshdhodhi, kumadokero kweJerusarema. Panguva ino Isaya anoudzwa kupfekenura ndokufamba asina kupfeka uye asina shangu kwamakore matatu. Nokudaro anoratidzira zvakajeka kusava namaturo kwokuvimba neEgipita neEtiopia, idzo, ne“magaro akafukurwa,” dzichatapwa nomuAsiria.—20:4, NW.
16. Ingwavairai dzinoonwa nokuda kweBhabhironi, Edhomi, uye vanoita mheremhere veJerusarema, pamwe chete nokuda kweSidhoni neTire?
16 Murindi ari panharireyomurindi yake anoona kuwa kweBhabhironi navamwari varo, uye anoona ngwavaira dzeEdhomi. Jehovha amene anotaura navanhu vane mheremhere veJerusarema avo vari kuti, “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.” ‘Muchafa,’ anodaro Jehovha. (22:13, 14) Zvikepe zveTarshishiwo zvichauura, uye Sidhoni ichanyadziswa, nokuti Jehovha akapa zano mukurwisana neTire, ku“zvidza vose vanokudzwa panyika.”—23:9.
17. Rutongesoi uye kudzorerwai zvinofanotaurwa nokuda kwaJudha?
17 Rutongeso noruponeso zvaJehovha (24:1–27:13). Asika tarira zvino kuna Judha! Jehovha ari kubvisa vanhu munyika. Vanhu nomuprista, mubatiri natenzi, mutengi nomutengesi—vose vanofanira kuenda, nokuti vakadarika mitemo yaMwari uye vakaputsa sungano inogara kusvikira kunguva isingazivikanwi. Asi pashure penguva yakati achatendeudzira ngwariro yake kuvasungwa ndokuvaunganidza. Iye inhare noutiziro. Achaita madyo mugomo rake ndokuparadza rufu nokusingaperi, achipukuta misodzi pazviso zvose. “Uyu ndiye Mwari wedu” kuchataurwa kudaro. “Uyu ndiye Jehovha.” (25:9) Judha ane guta rine ruponeso nokuda kwamadziro. Rugare runopfuurira ndorwaavo vanovimba naJehovha, “nokuti muna Jehovha, iye Jehovha, mune dombo risingaperi.” Asi wakaipa “haangadzidzi zvakarurama.” (26:4, 10) Jehovha uchauraya vavengi vake, asi achadzorera Jakobho.
18, 19. (a) Inhamoi nemifaro zvinosiyana zvinoziviswa nokuda kwaEfraimi neZioni? (b) Jehovha ari munzvimboi kuti aponese ndokutonga vanhu vake?
18 Kutsamwa kwaMwari nezvikomborero (28:1–35:10). Nhamo kuzvidhakwa zvaEfraimi, rine “chishongo chorunako” chinofanira kupera! Asi Jehovha acha“va sekorona yechishongo uye soukomba hworunako” kuvakasarira vavanhu vake. (28:1, 5, NW) Zvisinei, vanozvitutumadza veJerusarema vanovimba nenhema nokuda kwoutiziro, panzvimbo peibwe renheyo rakaedzwa nerinokosha muZioni. Mafashamo anofamba nokukurumidza achavakukura vose. Vaporofita veJerusarema vavete, uye bhuku raMwari rakanamwa kwavari. Miromo inotaura, asi mwoyo iri kure. Bva zuva richasvika apo matsi dzichanzwa mashoko ebhuku. Mapofu achaona uye vanyoro vachafara.
19 Vane nhamo avo vanodzika Egipita nokuda kwoutiziro! Ava vanhu vane chisimbwa vanoda zviono zvakaterama, zvinonyengedza. Vachagurwa, asi Jehovha uchadzorera vakasarira. Ivava vachaona Murayiridzi wavo Mukuru, uye vachaparadzira mifananidzo yavo, vachiiidza kuti “tsvinawo zvayo!” (30:22, NW) Jehovha ndiye Mudziviriri wechokwadi weJerusarema. Mambo achatonga mukururama, pamwe chete namachinda ake. Achapinza rugare, runyararo, uye chengeteko kusvikira kunguva isingazivikanwi. Kunyengera kuchaparira nhume dzorugare kuchema zvakakasharara, asi kuvanhu vake amene Mukurusa, Jehovha, ndiye Mutongi, Mupi Wemitemo, uye Mambo, uye iye amene achavaponesa. Hakuna mugari panguva iyeyo uchati: “Ndinorwara.”—33:24.
20. Ihashai dzinofanira kuitirwa marudzi, asi chikomboreroi chakamirira vakasarira vanodzorerwa?
20 Kutsamwa kwaJehovha kunofanira kuitirwa marudzi. Zvitunha zvichanhuwa, uye makomo achanyauka neropa. Edhomi inofanira kuitwa dongo. Asi nokuda kwavakadzikinurwa vaJehovha, sango richatumbuka, uye “kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu,” zvichaoneka. (35:2) Mapofu, matsi, uye mbeveve vachaporeswa, uye Nzira Youtsvene ichazarurirwa vakadzikinurwa vaJehovha sezvavanodzokera kuZioni nokufara.
21. MuAsiria anokanda kushorai kuJerusarema?
21 Jehovha anodzosa Asiria muzuva raHezekia (36:1–39:8). Kurudziro yaIsaya yokuvimba naJehovha inoshanda here? Inogona kukurira muedzo here? Mugore rechi14 rokutonga kwaHezekia, Sanheribhi weAsiria anoita kuparadza kwakafanana nokucheka nejeko muPalestine yose uye anotsausa mamwe amauto ake kuti aedze kutyisidzira Jerusarema. Mutauriri wake anotaura chiHebheru, Rabhisheki, anokanda mibvunzo yokushora kuvanhu vari pamadziro eguta, achiti: ‘Chii chiri chivimbo chenyu? Egipita here? Rutsanga rwakapwanyika! Jehovha here? Hakuna mwari anogona kukununurai kuna mambo weAsiria!’ (36:4, 6, 18, 20) Mukuteerera mambo, vanhu havapinduri.
22. Jehovha anopindura sei munyengetero waHezekia, uye Anozadzika sei uporofita hwaIsaya?
22 Hezekia anonyengetera kuna Jehovha nokuda kworuponeso nokuda kwezita Rake, uye kupfurikidza naIsaya, Jehovha anopindura kuti Iye achaisa rwauro rwake mumhino dzomuAsiria ndokumudzosera nenzira yaakauya nayo. Ngirozi inouraya vaAsiria 185 000, uye Sanheribhi anokurumidza kudzoka kumusha, uko vanakomana vake amene gare gare vanomupondera mutembere yake yechihedheni.
23. (a) Chii chinoparira kunyora kwaHezekia pisarema kuna Jehovha? (b) Anoita kusachenjerai, kuchiguma nouporofitai hwakataurwa naIsaya?
23 Hezekia anorwara zvokudokufa. Zvisinei, Jehovha nenzira inoshamisa anosakisa mumvuri unoitwa nezuva kudzokera shure, sechiratidzo chokuti Hezekia achaporeswa, uye makore 15 anowedzerwa kuupenyu hwaHezekia. Mukuonga anonyora pisarema rakaisvonaka rerumbidzo kuna Jehovha. Apo mambo weBhabhironi anotuma nhume, dzichimukorokotedza nenzira yokunyengera pamusoro pokunaya kwake, Hezekia nenzira yokusachenjera anodziratidza pfuma youmambo. Somugumisiro, Isaya anoporofita kuti chinhu chiri chose chiri muimba maHezekia chichaendeswa kuBhabhironi pane rimwe zuva.
24. (a) Jehovha anozivisa mashokoi enyaradzo? (b) Vamwari vamarudzi vanogona kuenzana naJehovha nokuda kwoukuru here, uye anorayira uchapupui?
24 Jehovha anonyaradza zvapupu zvake (40:1–44:28). Shoko rokutanga reganhuro 40, “Nyaradzai,” rinosanorondedzera rutivi rwasara rwaIsaya. Inzwi riri murenje rinodanidzira, kuti: “Gadzirai nzira yaJehovha, imi vanhu!” (40:1, 3, NW) Kune mashoko akanaka eZioni. Jehovha anofudza makwai ake, achitakura makwayana pachifuva chake. Ari kumatenga akakwirira anotarira pasi padenderedzwa rapasi. Anogona kuenzaniswa nechii nokuda kwoukuru? Iye anopa simba rakazara nesimba guru kuna vakaneta navakapera simba vanovimba naye. Anozivisa mifananidzo yakaumbwa yamarudzi kuva mhepo uye isati iri chinhu. Wakasarudzwa wake achava sesungano nokuda kwavanhu uye chiedza chamarudzi kuti asvinudze meso amapofu. Jehovha anoti kuna Jakobho, “Ini pachangu ndakakuda,” uye anodana kumabvazuva, madokero, chamhembe, uye maodzanyemba, kuti: ‘Varege! Dzosera vanakomana vangu navanasikana vangu.’ (43:4, 6, NW) Dare richipfuurira, anodenha vamwari vamarudzi kuti vabudise zvapupu kuti zvibvumikise kuva kwavo vamwari. Vanhu vaIsraeri ndivo zvapupu zvaJehovha, mubatiri wake, vanopupurira kuti iye ndiMwari noMununuri. Kuna Jeshurani (“Wakarurama,” Israeri) anovimbisa mudzimu wake dzokonokei oisa nyadzi pavaiti vemifananidzo isingaoni chinhu, isingazivi chinhu. Jehovha ndiye Mudzikinuri wavanhu vake; Jerusarema richagarwazve uye tembere yaro ichivakwazve.
25. Vanhu vachazivei kupfurikidza norutongeso rwaJehovha paBhabhironi navamwari varo venhema?
25 Matsive paBhabhironi (45:1–48:22). Nokuda kwaIsraeri, Jehovha anodudza Koreshi kuti akurire Bhabhironi. Vanhu vachaitwa kuti vazive kuti Jehovha oga ndiMwari, Musiki wamatenga, pasi, uye munhu ari pariri. Anoseka vamwari veBhabhironi Bheri naNebho, nokuti Iye bedzi anogona kuzivisa mugumo kubvira pamavambo. Mhandara yeBhabhironi ichagara muhuruva, yabviswa pachigaro choumambo uye iri mushutu, uye vapi vezano vayo vakawanda vachatsva samashanga. Jehovha anoudza vanamati vezvidhori vechiIsraeri ‘vane mutsipa wedare, musoro wendarira’ kuti vangagona kuva norugare, kururama, uye rubudiriro kupfurikidza nokumuteerera, asi ‘hakuna rugare nokuda kwavakaipa.’—48:4, 22.
26. Zioni richanyaradzwa sei?
26 Zioni rinonyaradzwa (49:1–59:21). Achipa mubatiri wake sechiedza chamarudzi, Jehovha anodanidzira kuna avo vari murima, kuti: “Budai.” (49:9) Zioni richanyaradzwa, uye renje rayo richafanana neEdheni, bindu raJehovha, rinofashukira nomufaro, nokufara, kuonga, uye inzwi renziyo. Jehovha achapisa matenga, pasi kusakara senguo, uye vagari varo vachafa sounyunyuwo zvahwo. Naizvozvo hutyirei kuzvidza kwavanhu vanofa? Mukombe unovava uyo Jerusarema rakanwa zvino unofanira kupfuudzirwa kumarudzi akaritsika-tsika.
27. Mashokoi akanaka anoziviswa kuZioni, uye chii chinoporofitwa pamusoro po‘mubatiri waJehovha’?
27 ‘Muka, Haiwa Zioni, uye simuka muhuruva!’ Ona nhume, inokwakuka pamakomo ine mashoko akanaka uye ichidanidzira kuZioni ichiti, “Mwari wako ava mambo!” (52:1, 2, 7, NW) Budai munzvimbo isina kuchena uye zvichengetei mumene makachena, imi muri mubasa raJehovha. Muporofita zvino anorondedzera ‘mubatiri waJehovha.’ (53:11) Iye munhu anozvidzwa, anodziviswa, anotakura marwadzo edu bva anorangarirwa seanotambudzwa naMwari. Akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, asi akatiporesa kupfurikidza namaronda ake. Segwai rinounzwa kuzourawa, haana kuita masimba masimba uye haana kutaura nyengedzo. Akapa mweya wake sechipiriso chemhaka kuti atakure zvikanganiso zvavanhu vakawanda.
28. Kukomborerwa kunouya kweZioni kunorondedzerwa sei, uye pamusoro pesunganoi?
28 Somwene murume, Jehovha anoudza Zioni kudanidzira nomufaro nemhaka yokuva kwaro rinobereka zvibereko kunouya. Kunyange zvazvo rakatambudzwa uye rakazununguswa nedutu, richava guta renheyo dzesafiri, shongwe dzamabwe matsvuku, uye masuo amabwe matsvuku anopenya. Vanakomana varo, vachidzidziswa naJehovha, vachafarikanya rugare rukuru, uye hakuna chombo chichagadzirwa kurwisana navo chichabudirira. “Nhai, imi mose mune nyota!” anodanidzira kudaro Jehovha. Kana vakauya, achaita navo “sungano [yake] pamusoro petsitsi dzorudo dzakaitirwa Dhavhidhi”; achapa mutungamiriri nomurayiri sechapupu kumapoka amarudzi. (55:1-4, NW) Mifungo yaMwari yakakwirira zvikurusa kupfuura yomunhu, uye shoko rake richava nebudiriro yechokwadi. Ngomwa dzinochengeta mutemo wake, pasinei zvapo nokuti ndedzorudzi rupi, dzichagamuchira zita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana. Imba yaJehovha ichanzi imba yomunyengetero nokuda kwavanhu vose.
29. Jehovha anoudzei vanamati vezvidhori, asi anopa vanhu vake vimbisoi?
29 SoMunhu Akakwirira naari Pamusoro, ane zita riri dzvene, Jehovha anoudza vanamati vezvidhori vanopengeswa nevatano kuti haasati achizorwisana naIsraeri kusvikira kunguva isingazivikanwi. Kutsanya kwavo kwoutsvene zvifukidziro zvouipi. Ruoko rwaJehovha harusati rwakanyanyopfupika zvokusagona kuponesa, uyewo nzeve yake haisati iri isingagoni kunzwa, asi ndizvo ‘zvikanganiso zvimene zvenyu imi vanhu zvava zvinhu zvinokuparadzanisai naMwari wenyu,’ anodaro Isaya. (59:2) Ndokusaka vachikarira chiedza asi vachitsvangadzira murima. Kuno rumwe rutivi, mudzimu waJehovha uri pavanhu vake vesungano vakatendeka unovimbisa kuti shoko rake richaramba riri mukanwa mavo kusvikira kuzvizvarwa zvose zvomunguva yemberi, risingabvisiki.
30. Jehovha anonakisa sei Zioni, sezvinoratidzirwa namazitai matsva?
30 Jehovha anonakisa Zioni (60:1–64:12). “Simuka, [Haiwa mukadzi, NW], uvheneke, nokuti . . . kubwinya [kumene, NW] kwaJehovha kwabuda.” Mukupesana, rima gobvu rinofukidza pasi. (60:1, 2) Panguva iyeyo Zioni richasimudza meso aro ndokupenya, uye mwoyo waro uchadedera sezvarinoona pfuma yamarudzi ichiuya kwariri iri pamakamera mazhinji zhinji akatakura. Samakore enjiva dzinobhururuka, ichadirana kwariri. Vokumwe vachavaka masvingo aro, madzimambo acharishumira, uye masuo aro haasati achizotongopfigwa. Mwari waro anofanira kuva runako rwaro, uye achakurumidza kuwanziridza mumwe kuva chiuru chimwe nomuduku kuva rudzi rune simba. Mubatiri waMwari anokuwa kuti mudzimu waJehovha uri pamusoro pake, uchimuzodza kuti azivise aya mashoko akanaka. Zioni rinowana zita idzva, Mufaro Wangu uri Mariri (Hefzibha), uye nyika yaro inonzi Akaroorwa soMudzimai (Bheura). (62:4, NW, mashoko omuzasi) Murayiro unobuda kuti kuvakwe mugwagwa mukuru unobuda muBhabhironi uye kusimudza chiratidzo muZioni.
31. Ndiani anobva Edhomi, uye vanhu vaMwari vanotaura munyengeteroi?
31 MuBhozra muEdhomi munobuda munhu akapfeka nguo dzakatsvuka seropa. Mukutsamwa kwake akatsika vanhu muchisviniro chewaini, achivaparira kutsatika ropa. Vanhu vaJehovha vanonzwa zvikurusa mamirire avo asina kuchena uye vanopa munyengetero unonyandura, vachiti, ‘Haiwa Jehovha, muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, uye imi muri Muumbi wedu. Regai kutsamwa, Haiwa Jehovha, kusvikira kukunyanyisa. Isu tose tiri vanhu venyu.’—64:8, 9.
32. Mukupesana naavo vanosiya Jehovha, vanhu vaJehovha amene vangafara nechii?
32 “Matenga matsva nepasi idzva”! (65:1–66:24). Vanhu vakasiya Jehovha nokuda kwavamwari ve“Mhanza Yakanaka” neve“Mugumo Wakasarudzwa” vachafa nenzara ndokutambura manyadzi. (65:11, NW) Vabatiri vaMwari amene vachafara nezvakawanda. Tarira! Jehovha anosika matenga matsva nepasi idzva. Mufaro nomufarwa zvakadini zvichawanwa muJerusarema navanhu varo! Dzimba dzichavakwa uye minda yemizambiringa ichasimwa, apo bere negwayana zvinofura sezvimwe. Hapasati pachizova nekuvadziko kana kuti ruparadziko.
33. Kufarai, imbirii, uye kuva kwechigarirei zvinofanotaurwa nokuda kwavadi veJerusarema?
33 Matenga ndiwo chigaro chake choumambo uye pasi ndiro chitsiko chetsoka dzake, naizvozvo vanhu vangagona kuvakira Jehovha imba yakadini? Rudzi ruchaberekwa muzuva rimwe, uye vadi veJerusarema vose vanokokerwa kuzofara sezvo Jehovha anopa kwariri rugare sezvinoita rwizi. Achauya somwoto umene kuzorwisana navavengi vake—ngoro dzechamupupuri dzichiripira kutsamwa kwake mukurwisana nenyama yose isingateereri, nehasha huru namarimi omwoto. Nhume dzichabuda pakati pamarudzi ose uye kuzvitsuwa zviri kure kundotaura nezvembiri yake. Matenga matsva ake nepasi zvichava zvechigarire. Nenzira yakafanana, avo vanomubatira navana vavo vacharamba varipo. Ndikoku kana kuti zvimwe rufu rusingaperi.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
34. Ndeipi iri mimwe yemienzaniso yakajeka inowedzera simba kushoko raIsaya?
34 Richirangarirwa murutivi rwuri rwose, bhuku rouporofita raIsaya chipo chinobetsera zvikurusa chakabva kuna Jehovha Mwari. Rinoratidzira mifungo yakakwirira yaMwari. (Isa. 55:8-11) Vakurukuri vapachena vezvokwadi dzeBhaibheri vanogona kushandisa Isaya seimba yepfuma yemienzaniso yakajeka inojekesa nesimba rakafanana neremifananidzo yaJesu. Isaya anotiorora nesimba noufuza hwomunhu anoshandisa muti mumwe chetewo nokuda kwehuni uye nokuda kwokuita chidhori chokunamata. Anoita kuti tinzwe kusavata zvakanaka kwomunhu ari pauvato hwakanyanyopfupika nejira rakanyanyotetepa, uye anoita kuti tinzwe kuvata kukuru kwavaporofita vakafanana nembwa dzisingatauri, dzine usimbe zvikuru zvokusagona kuhukura. Kana isu timene, sezvo Isaya anorayira, ‘tikanzvera mubhuku raJehovha ndokurava zvinonzwika,’ tinogona kunzwisisa shoko rine simba rina Isaya nokuda kweiri zuva.—44:14-20; 28:20; 56:10-12; 34:16.
35. Isaya anonangidzira sei ngwariro paUmambo hunodzorwa naMesiya, uye pamutangiri, Johane Mubhapatidzi?
35 Uporofita hwacho hunonangidzira ngwariro zvikurukuru paUmambo hwaMwari hunodzorwa naMesiya. Jehovha amene ndiye Mambo mukurusa, uye iye ndiye unotiponesa. (33:22) Asika zvakadiniko naMesiya amene? Chiziviso chengirozi kuna Maria pamusoro pomwana aizoberekwa chakaratidza kuti Isaya 9:6, 7 yaizozadzikwa mukugamuchira kwake chigaro choumambo chaDhavhidhi; “uye iye uchatonga samambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hakusati kuchizova nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33, NW) Mateo 1:22, 23 rinoratidza kuti kuberekwa kwaJesu nemhandara kwakanga kuri kuzadzikwa kwaIsaya 7:14 uye rinomuzivisa sa“Imanueri.” Makore 30 gare gare, Johane Mubhapatidzi akauya achiparidza kuti “umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.” Vanyori vana vose veEvhangeri vanonokora mashoko Isaya 40:3 kuratidza kuti uyu Johane ndiye akanga achi‘dana murenje.’ (Mat. 3:1-3; Marko 1:2-4; Ruka 3:3-6; Joh. 1:23) Parubhapatidzo rwake Jesu akava Mesiya—Muzodziwa waJehovha, bukira kana kuti mudzi waJese—kuti atonge marudzi. Vanofanira kuisa tariro yavo paari, mukuzadzikwa kwaIsaya 11:1, 10.—VaR. 15:8, 12.
36. Kuzadzikai kwakawanda kwouporofita kunozivisa zvakajeka Mesiya Mambo?
36 Ona kuti Isaya anopfuurira sei kuzivisa Mesiya Mambo! Jesu anorava basa rake mumupumburu wamanyoro waIsaya kuti aratidze kuti iye ndiye Muzodziwa waJehovha, dzokonokei opfuurira ku“zivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari, nemhaka yokuti,” sezvo akataura, “ini ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:17-19, 43; Isa. 61:1, 2, NW) Nhoroondo ina dzeEvhangeri dzakazara noudzame pamusoro poushumiri hwapasi hwaJesu nomutoo wake worufu sezvakafanotaurwa muna Isaya ganhuro 53. Kunyange zvazvo vakanzwa mashoko akanaka oUmambo uye vakaona mabasa anoshamisa aJesu, vaJudha havana kuwana revo nemhaka yemwoyo yavo isingadaviri, mukuzadzikwa kwaIsaya 6:9, 10; 29:13; uye 53:1. (Mat. 13:14, 15; Joh. 12:38-40; Mabasa 28:24-27; VaR. 10:16; Mat. 15:7-9; Marko 7:6, 7) Jesu akanga ari ibwe rokugumbusa kwavari, asi akava ibwe rapakona renheyo iro Jehovha akaisa muZioni uye apo Iye anovakira imba yake yomudzimu mukuzadzikwa kwaIsaya 8:14 naIsa 28:16.—Ruka 20:17; VaR. 9:32, 33; 10:11; 1 Pet. 2:4-10.
37. Vaapostora vaJesu vakanokora sei mashoko ndokushandisa Isaya?
37 Vaapostora vaJesu Kristu vakapfuurira kushandisa zvakanaka uporofita hwaIsaya, vachihushandisira kuushumiri. Somuenzaniso, mukuratidza kuti vaparidzi vanodikanwa kuti vavake kutenda, Pauro anonokora mashoko Isaya mukuti: “Dzakanaka sei tsoka dzaavo vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!” (VaR. 10:15, NW; Isa. 52:7; onawo VaRoma 10:11, 16, 20, 21.) Petrowo anonokora mashoko Isaya mukuratidza kuva echigarire kwamashoko akanaka, achiti: “Nokuti ‘nyama yose yakaita souswa, uye mbiri yayo yose yakafanana neruva rouswa; uswa hunosvava, uye ruva rinodonha, asi shoko raJehovha rinogara nokusingaperi.’ Eya, iri ndiro ‘shoko,’ rakaziviswa kwamuri samashoko akanaka.”—1 Pet. 1:24, 25, NW; Isa. 40:6-8.
38. Musoroi une mbiri woUmambo unoratidzirwa muna Isaya, wakazotaurwa gare gare navamwe vanyori veBhaibheri?
38 Isaya anoratidzira nenzira ine mbiri tariro yoUmambo yomunguva yemberi! Tarira! Ndiwo “matenga matsva nepasi idzva,” umo “mambo achatonga nokuda kwokururama kumene” uye machinda achatonga nokuda kweruramisiro. Haiwa chisakiso chakadini chomufarwa nomufaro! (65:17, 18; 32:1, 2, NW) Zvakare, Petro anotaura shoko romufaro raIsaya, achiti: “Asi kuna matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira mukuwirirana nechipikirwa [chaMwari], uye kururama kuchagara muna izvozvi.” (2 Pet. 3:13, NW) Uyu musoro unoshamisa woUmambo unosvika kumbiri izere mumaganhuro okupfiga aZvakazarurwa.—Isa. 66:22, 23; 25:8; Zvak. 21:1-5.
39. Isaya anonongedzera kutariroi yakaisvonaka?
39 Nokudaro, bhuku raIsaya, nepo rine kushurikidzwa kwakakomba kwavavengi vaJehovha nekweavo vanonyepedzera nenzira yokunyengera kuva vabatiri vake, rinonongedzera nezvimiro zvenzwi zvakakwirira kutariro yakaisvonaka yoUmambo hwaMesiya uhwo zita raJehovha richatsveneswa nahwo. Rinoita zvizhinji kutsanangura zvokwadi dzinoshamisa dzoUmambo hwaJehovha nokufadza mwoyo yedu mukariro inofadza “yoruponeso runoitwa naye.”—Isa. 25:9; 40:28-31.
[Mashoko Omuzasi]
a Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 1221-3.
b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 957; Vhor. 2, mapeji 894-5.
c Insight on the Scriptures, Vhor. 2, peji 324.