RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mukadzi Asingabereki Anofara
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 9, 10. Murayiridzo woku‘futunura tende’ waizorevei kumukadzi aigara mutende womunguva yekare, uye nei iyi yaizova nguva yomufaro kumukadzi akadaro?

      9 Isaya anoenderera mberi achiprofita nezvenguva yokukura kunoshamisa achiti: “Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatanure micheka yougaro hwako; usarega asi urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako. Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe; marudzi avanhu achava avana vako, vachagarisa maguta aiva matongo navanhu. Usatya hako, nokuti haunganyadziswi; usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwoumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwouchirikadzi hwako.”—Isaya 54:2-4.

      10 Pano Jerusarema riri kutaurwa sokunge mudzimai uye amai vari kugara mumatende, kungofanana naSara. Pavanokomborerwa nemhuri inokura, inguva yokuti amai vakadaro vatarisire kukura kwomusha wavo. Vanofanira kuisa micheka yetende mirefu netambo vorovera mbambo dzetende munzvimbo dzadzo itsva. Iri ibasa rinovafadza, uye munguva yokubatikana yakadaro, vangakanganwa nyore nyore makore avakapedza vachinetseka nokufunga kana vaizombobereka vana vokuti vapfuudzire dzinza remhuri.

  • Mukadzi Asingabereki Anofara
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • a Maererano naZvakazarurwa 12:1-17, “mukadzi” waMwari akakomborerwa zvikuru nokubereka “mwana” anokosha zvikuru—kwete mwanakomana womudzimu mumwe, asi Umambo hwaMesiya mudenga. Kubereka uku kwakaitika muna 1914. (Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 177-86.) Uprofita hwaIsaya hunonyanya kutaura nezvomufaro wakava nomukadzi wacho zvichitevera chikomborero chaMwari pavanakomana vake vakazodzwa vari pasi pano.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe