Chitsauko 15
Mukadzi Asingabereki Anofara
1. Nei Sara aida kwazvo kubereka vana, uye chii chakaitika kwaari panhau iyi?
SARA aida kwazvo kubereka vana. Zvinosiririsa kuti akanga asingabereki uye izvozvo zvaimushungurudza kwazvo. Muzuva rake, kusabereka kwaionekwa sokutukwa, asi pane chimwe chaitowedzera kurwadziwa kwaSara chinopfuura ipapo. Aida kwazvo kuona chipikirwa chaMwari kumurume wake chichizadzika. Abrahamu aifanira kubereka mbeu yaizova chikomborero kumhuri dzose dzepasi. (Genesi 12:1-3) Zvisinei, makumi emakore Mwari aita chipikirwa ichocho, kwakangoramba kusina mwana. Sara akakura akaramba asina mwana. Dzimwe nguva, angave akashamisika kana tariro yake yaive pasina. Zvisinei, rimwe zuva, kupera mwoyo kwake kwakashanduka kuva mufaro!
2. Nei uprofita hwakanyorwa muchitsauko 54 chaIsaya huchifanira kutifadza?
2 Dambudziko raSara rinotibatsira kunzwisisa uprofita hwakanyorwa muchitsauko 54 chaIsaya. Imomo Jerusarema rinotaurwa somukadzi asingabereki anosvika pakuziva mufaro mukuru wokuva nevana vakawanda. Nokufananidza vanhu vake vekare pamwe chete somudzimai wake, Jehovha anoratidza kuvabata kwake nounyoro. Uyezve, chitsauko ichi chaIsaya chinotibatsira kuwadzanyura nhau inokosha iyo Bhaibheri rinoti “chakavanzika chitsvene.” (VaRoma 16:25, 26) Kuzivikanwa kwo“mukadzi” nezvinoitika kwaari zvakafanotaurwa muuprofita uhwu zvinojekesa zvinhu zvinokosha pakunamata kwakachena nhasi.
“Mukadzi” Anoziviswa
3. Nei “mukadzi” asingabereki achava nechikonzero chokufara?
3 Chitsauko 54 chinotanga zvinofadza chichiti: “Imba, iwe [mukadzi asingabereki,] iwe usina kubereka; imba kwazvo, uimbise, iwe usina kumbosurumuka; nokuti zvanzi naJehovha: vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi wakawanikwa.” (Isaya 54:1) Isaya anofanira kufara zvikuru kutaura mashoko aya! Uye kuzadzika kwawo kuchaunza nyaradzo yakadini kuvaJudha vacho vakatapwa muBhabhironi! Panguva iyoyo Jerusarema rinenge richiri dongo. Mukuona kwomunhu, zvichaita sezvisina tariro kuti richazombogarwazve, kungofanana nomukadzi asingabereki aisagona kutarisira kubereka vana achembera. Asi “mukadzi” uyu ane chikomborero chikuru munguva yake yemberi—achava anobereka. Jerusarema richauruka nomufaro. Richazara ne“vanakomana,” kana kuti vanogaramo.
4. (a) Muapostora Pauro anotibatsira sei kuona kuti chitsauko 54 chaIsaya chinofanira kuva nokuzadzika kukuru kupfuura kwa537 B.C.E.? (b) “Jerusarema riri kumusoro” chii?
4 Isaya angasazviziva, asi uprofita hwake huchazadzika kanopfuura kamwe. Muapostora Pauro anotora mashoko echitsauko 54 chaIsaya otsanangura kuti “mukadzi” anomirira chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura guta reJerusarema repasi pano. Anonyora kuti: “Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndiro amai vedu.” (VaGaratiya 4:26) “Jerusarema riri kumusoro” chii? Sezviri pachena kwete guta reJerusarema riri muNyika Yakapikirwa. Guta iroro nderepasi, kwete “kumusoro” kumatenga. “Jerusarema riri kumusoro” “mukadzi” waMwari wokudenga, sangano rake rezvisikwa zvomudzimu zvine simba.
5. Mumufananidzo wakanyorwa pana VaGaratiya 4:22-31, ndiani anofananidzirwa (a) naAbrahamu? (b) Sara? (c) Isaka? (d) Hagari? (e) Ishmaeri?
5 Zvisinei, Jehovha angava nevakadzi vokufananidzira vaviri sei—mumwe wokudenga mumwe wepasi pano? Pane kusawirirana here pano apa? Nyangwe. Muapostora Pauro anoratidza kuti mhinduro inowanikwa mumufananidzo wouprofita wakapiwa nemhuri yaAbrahamu. (VaGaratiya 4:22-31; ona “Mhuri yaAbrahamu—Mufananidzo Wouprofita,” papeji 218.) Sara, “mukadzi akasununguka” uye mudzimai waAbrahamu, anofananidzira sangano rezvisikwa zvomudzimu raJehovha rakaita somudzimai. Hagari, musikana aishanda uye mudzimai waAbrahamu wechipiri, kana kuti murongo, anofananidzira Jerusarema repasi pano.
6. Sangano raMwari rokudenga rakagara nguva refu risingabereki mupfungwai?
6 Tichiziva mashoko iwayo, tinotanga kuona kukosha kukuru kwaIsaya 54:1. Apedza makumi emakore asingabereki, Sara akabereka Isaka paakanga ava nemakore 90. Saizvozvowo, sangano raJehovha rokudenga rakagara nguva refu risingabereki. Kare muEdheni, Jehovha akapikira kuti “mukadzi” wake aizobereka “mbeu.” (Genesi 3:15) Anopfuura makore 2 000 gare gare, Jehovha akaita sungano yake naAbrahamu pamusoro peMbeu yechipikirwa. Asi “mukadzi” waMwari wokudenga akatomirira mamwe mazana emakore asati abereka Mbeu iyoyo. Kunyange zvakadaro, nguva yakazouya apo vana vo“mukadzi” aichimbova ‘asingabereki’ uyu vakava vakawanda kupfuura vaIsraeri venyama. Muenzaniso womukadzi asingabereki unotibatsira kuona nei ngirozi dzaidawo kwazvo kupupurira kusvika kweMbeu yakapikirwa. (1 Petro 1:12) Izvozvo zvakazoitika rini?
7. “Jerusarema riri kumusoro” rakava nechiitiko chokufara rini, sezvakafanotaurwa pana Isaya 54:1, uye nei uchipindura kudaro?
7 Kuberekwa kwaJesu somwana womunhu pasina mubvunzo chakanga chiri chiitiko chinofadza pakati pengirozi. (Ruka 2:9-14) Asi ichocho chakanga chisiri icho chiitiko chakafanotaurwa pana Isaya 54:1. Jesu paakaberekwa nomudzimu mutsvene muna 29 C.E. ndipo paakava mwanakomana womudzimu we“Jerusarema riri kumusoro,” achibvumwa pachena naMwari pachake kuti “Mwanakomana” wake, “anodiwa.” (Mako 1:10, 11; VaHebheru 1:5; 5:4, 5) Pakanga pari ipapo apo “mukadzi” waMwari wokudenga akava nechikonzero chokufara, mukuzadzika kwaIsaya 54:1. Pakupedzisira akanga abereka Mbeu yakapikirwa, Mesiya! Mazana ake emakore asingabereki akanga apera. Zvisinei, iwoyo wakanga usiri mugumo womufaro wake.
Vanakomana Vakawanda Vomukadzi Asingabereki
8. Nei “mukadzi” waMwari wokudenga akava nechikonzero chokufara pashure pokubereka Mbeu yakapikirwa?
8 Jesu afa uye amutswa, “mukadzi” waMwari wokudenga akafara kugamuchira uyu Mwanakomana anodiwa zvekare se“dangwe kubva muvakafa.” (VaKorose 1:18) Ipapo akatanga kubereka vamwe vana vomudzimu. PaPendekosti ya33 C.E., vanenge 120 vevateveri vaJesu vakazodzwa nomudzimu mutsvene, nokudaro vachigamuchirwa sevadyi venhaka pamwe naKristu. Gare gare zuva iroro vamwe 3 000 vakawedzerwa. (Johani 1:12; Mabasa 1:13-15; 2:1-4, 41; VaRoma 8:14-16) Boka iri revanakomana rakaramba richikura. Mumazana emakore okutanga okuramba kutenda kwechiKristudhomu, kukura kwacho kwaderera kwazvo. Zvisinei, izvozvo zvaizochinja muzana remakore rechi20.
9, 10. Murayiridzo woku‘futunura tende’ waizorevei kumukadzi aigara mutende womunguva yekare, uye nei iyi yaizova nguva yomufaro kumukadzi akadaro?
9 Isaya anoenderera mberi achiprofita nezvenguva yokukura kunoshamisa achiti: “Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatanure micheka yougaro hwako; usarega asi urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako. Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe; marudzi avanhu achava avana vako, vachagarisa maguta aiva matongo navanhu. Usatya hako, nokuti haunganyadziswi; usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwoumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwouchirikadzi hwako.”—Isaya 54:2-4.
10 Pano Jerusarema riri kutaurwa sokunge mudzimai uye amai vari kugara mumatende, kungofanana naSara. Pavanokomborerwa nemhuri inokura, inguva yokuti amai vakadaro vatarisire kukura kwomusha wavo. Vanofanira kuisa micheka yetende mirefu netambo vorovera mbambo dzetende munzvimbo dzadzo itsva. Iri ibasa rinovafadza, uye munguva yokubatikana yakadaro, vangakanganwa nyore nyore makore avakapedza vachinetseka nokufunga kana vaizombobereka vana vokuti vapfuudzire dzinza remhuri.
11. (a) “Mukadzi” waMwari wokudenga akakomborerwa sei muna 1914? (Ona mashoko omuzasi.) (b) Kubva muna 1919 zvichienda mberi chikomborero chei icho vakazodzwa vari pasi pano vakawana?
11 Jerusarema repasi pano richakomborerwa nenguva yakadaro yokuvandudzwa pashure pokutapwa neBhabhironi. “Jerusarema riri kumusoro” rakatokomborerwa zvakatopfuura apa.a Kunyanya kubva muna 1919, “vana” varo vakazodzwa vakawedzera zvavari pakudzorerwa kwavo kutsva mumudzimu. (Isaya 61:4; 66:8) Va‘katora marudzi’ mukuti vakapararira munyika dzakawanda vachitsvaka vamwe vose vaizobatana nemhuri yavo yomudzimu. Somugumisiro, kukura kwakamwe kamwe kwakaitika mukuunganidzwa kwevanakomana vakazodzwa. Nhamba yavo pakupedzisira ye144 000 yakaratidza seyakazara panguva inenge yechapakati pema1930. (Zvakazarurwa 14:3) Panguva iyoyo basa rokuparidza rakamira kusimbisa kuunganidzwa kwevakazodzwa. Kunyange zvakadaro kuwedzera hakuna kugumira pane vakazodzwa.
12. Kuwedzera pane vakazodzwa, ndiani akapinzwa muungano yechiKristu kubva kuma1930?
12 Jesu pachake akafanotaura kuti kunze kwe“boka duku” rehama dzakazodzwa, aizova ne“mamwe makwai” anofanira kuunzwa mudanga revaKristu vechokwadi. (Ruka 12:32; Johani 10:16) Kunyange zvazvo vasiri pakati pevanakomana vakazodzwa ve“Jerusarema riri kumusoro,” shamwari dzakatendeka dzevakazodzwa idzi dzinoita basa rinokosha rakanguri raprofitwa. (Zekaria 8:23) Kubva muma1930 kusvika nhasi, “boka guru revanhu” ivava rakaunganidzwa, zvichiguma nokuwedzera kusina kumboitika kweungano yechiKristu. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Nhasi boka guru iroro revanhu rinosvika mamiriyoni. Kuwedzera uku kwose kwakamutsa kudikanwa kwokukurumidzira kweHoro dzoUmambo, Horo dzeMagungano, nezvivako zvemapazi. Mashoko aIsaya anoratidza seanongogara akakodzera. Iropafadzo yakadini kubatanidzwawo mukuwedzera ikoko!
Amai Vane Hanya Nevana Vavo
13, 14. (a) Chii chinoratidza sechakaoma chinoonekwa maererano nemamwe mashoko anoshandisirwa ku“mukadzi” waMwari wokudenga? (b) Kunzwisisai kwatinogona kuwana pakushandisa kwaMwari muenzaniso woukama hwemhuri?
13 Taona kuti mukuzadzika kukuru, “mukadzi” wouprofita anomirira sangano raJehovha rokudenga. Asi taverenga Isaya 54:4, tingashamisika kuti sangano iroro rezvisikwa zvomudzimu rakambonyadziswa kana kuti kuzvidzwa sei. Ndima dzinotevera dzinoti “mukadzi” waMwari acharambwa, otambudzwa, orwiswa. Achatomutsa hasha dzaMwari. Zvinhu zvakadaro zvingashanda sei kusangano rezvisikwa zvomudzimu zvakakwana zvisina kumbotadza? Mhinduro yacho iri murudzi rwemhuri yacho.
14 Jehovha anoshandisa ukama hwemhuri—murume nomudzimai, amai nevana—kubudisa chokwadi chomudzimu chakadzama nemhaka yokuti zviratidzo zvakadaro zvine zvazvinoreva kuvanhu. Pasinei noukuru kana kuti noruzivo rwemhuri yedu pachedu, pamwe tinoziva kuti kuroorana kwakanaka kana kuti ukama hwakanaka hwomubereki nomwana hunofanira kuva hwakaita sei. Saka Jehovha anotidzidzisa zvakajeka kwazvo kuti ane ukama hwoushamwari, hwapedyo uye hwokuvimbika nefararira revashumiri vake vomudzimu! Uye anotidzidzisa zvakasimba kwazvo kuti sangano rake rokudenga rine hanya nevana varo vakazodzwa nomudzimu vari pasi pano! Panotambura vanhu vanoshumira, vashumiri vokudenga vakatendeka, “Jerusarema riri kumusoro,” vanotambura. Saizvozvowo, Jesu akati: “Kusvikira kumwero wamakazviitira mumwe wevaduku pane vose vehama dzangu [dzakazodzwa nomudzimu] idzi, makazviitira ini.”—Mateu 25:40.
15, 16. Kuzadzika kwaIsaya 54:5, 6, kwokutanga chii, uye kuzadzika kukuru chii?
15 Saka hazvishamisi kuti zvizhinji zvezvinotaurirwa “mukadzi” waJehovha wokudenga zvinoratidza zvinoitika kuvana vake pasi pano. Funga nezvemashoko aya anoti: “Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake. Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako, iye uchanzi Mwari wenyika yose. Nokuti Jehovha wakakudana somukadzi, wakasiyiwa une shungu pamweya, somukadzi wakawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa—ndizvo zvinotaura Mwari wako.”—Isaya 54:5, 6.
16 Mukadzi ari kutaurwa pano ndiani? Mukuzadzika kwokutanga, iJerusarema, rinomirira vanhu vaMwari. Mukutapwa kwavo kwemakore 70 neBhabhironi, vachanzwa sokunge Jehovha avarasa uye avasiya zvachose. Mukuzadzika kukuru, mashoko acho anoreva “Jerusarema riri kumusoro” nezvakaitika kwariri zvokuzobereka “mbeu” pakupedzisira mukuzadzika Genesi 3:15.
Chirango Chenguva Duku, Zvikomborero Zvisingaperi
17. (a) Jerusarema repasi pano richaona ku“pupuma” kwehasha dzaMwari sei? (b) “Kupupuma” kwechii uko vanakomana ve“Jerusarema riri kumusoro” vakaona?
17 Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Ndakakusiya nguva duku, asi ndichakuunganidzazve nenyasha huru. Ndakakuvanzira chiso changu nguva duku nehasha dzakapupuma; asi ndichakunzwira nyasha nounyoro husingaperi—ndizvo zvinotaura Mudzikinuri wako.” (Isaya 54:7, 8) Jerusarema repasi pano riri kufashamirwa noku“pupuma” kwehasha dzaMwari apo mauto eBhabhironi anorwisa muna 607 B.C.E. Makore aro 70 okutapwa angaratidzika senguva refu. Kunyange zvakadaro, miedzo yakadaro ichagara “nguva duku” kana zvichienzaniswa nezvikomborero zvisingaperi zvakachengeterwa vanodzidza nechirango. Saizvozvowo, vanakomana vakazodzwa ve“Jerusarema riri kumusoro” vakanzwa sokunge vakanga vanyura muku“pupuma” muhasha dzaMwari, apo Iye akavabvumira kuti varwiswe nevezvematongerwe enyika vachikusvudzirwa neBhabhironi Guru. Asi chirango ichocho chakazoratidza kuti chakanga chiri chenguva duku zvikuru, mukusiyana nenguva yezvikomborero zvomudzimu zvakatevera kubvira muna 1919!
18. Inheyo ipi inokosha inogona kudzidzwa pamusoro pehasha dzaJehovha kuvanhu vake, uye izvi zvingatidzidzisei?
18 Ndima idzi dzinotaura chimwe chokwadi chikuru—Hasha dzaMwari ndedzenguva duku, asi nyasha dzake dzinogara nokusingaperi. Hasha dzake dzinopfuta somoto dzichirwa nokuita zvakaipa, asi nguva dzose dzinodzorwa, nguva dzose dzine chinangwa. Uye kana tikagamuchira chirango chaJehovha, hasha dzake dzinogara “kwenguva duku,” dzoserera. Dzinotsiviwa ne“nyasha” dzake “huru”—kukanganwira kwake nomutsa wake worudo. Izvi zvinogara noku“singaperi.” Saka, patinotadza, hatifaniri kumbozeza kupfidza totsvaka kugadzirisa zvinhu naMwari. Kana chivi chacho chiri chakakomba, tinofanira kuonana nevakuru veungano nokukurumidza. (Jakobho 5:14) Chokwadi, chirango chingadikanwa, uye izvozvo zvinogona kuva zvakaoma kubvuma. (VaHebheru 12:11) Asi chichava chenguva duku kana chichienzaniswa nezvikomborero zvokusingaperi zvinouya nokugamuchira kukanganwira kwaJehovha Mwari!
19, 20. (a) Sungano yomuraraungu chii uye yakakodzera sei kunhapwa dziri Bhabhironi? (b) “Sungano yorugare” inowanisa vimbiso yei kuvaKristu vakazodzwa nhasi?
19 Jehovha zvino anopa vanhu vake kurudziro inonyaradza achiti: “Nokuti izvi zvakaita kwandiri semvura zhinji yaNoa; nokuti sezvandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haingazofukidzizve nyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwirizve, kana kukutuka. Nokuti makomo angabva, nezvikomo zvingabviswa, asi unyoro hwangu haungabvi kwauri, sungano yangu yorugare haingabviswi—ndizvo zvinotaura Jehovha une nyasha newe.” (Isaya 54:9, 10) Pashure peBoporodzi, Mwari akaita sungano—dzimwe nguva inozivikanwa sesungano yomuraraungu—naNoa nemimwe mweya mipenyu yose. Jehovha akapikira kuti aisazoparadzazve pasi achishandisa mafashamo enyika yose. (Genesi 9:8-17) Izvozvo zvinorevei kuna Isaya nevanhu vake?
20 Zvinonyaradza kuziva kuti chirango chavanofanira kugamuchira—kutapwa kwemakore 70 muBhabhironi—chichangoitika kamwe bedzi. Kana chapera, hachizoitikizve. Kubva ipapo, “sungano . . . yorugare” yaMwari ichatanga kushanda. Shoko rechiHebheru rinoreva “rugare” rinobudisa pfungwa isiri yokusangovapo kwehondo chete asiwo kugara zvakanaka kworudzi rwose. Kuna Mwari sungano iyi ndeyechigarire. Zvikomo nemakomo zvingatoparara nokukurumidza pane kuti mutsa wake worudo kuvanhu vake vakatendeka upere. Zvinosiririsa kuti rudzi rwake rwepasi pano pakupedzisira ruchakundikana kurarama maererano nezvarwakabvuma kurutivi rwaro rwesungano uye ruchaparadza rugare rwaro pacharo nokuramba Mesiya. Zvisinei, vanakomana ve“Jerusarema riri kumusoro,” vakaita zviri nani. Nguva yavo yakaoma yechirango payakangopera, vakavimbiswa kuchengetwa naMwari.
Kuchengeteka Mumudzimu Kwevanhu vaMwari
21, 22. (a) Nei “Jerusarema riri kumusoro” richinzi rinotambudzwa nokunetswa? (b) Mamiriro ezvinhu okukomborerwa o“mukadzi” waMwari wokudenga aizorevei pamusoro pe“vana” vake vari pasi pano?
21 Jehovha anoenderera mberi achifanotaura nezvokuchengeteka kwevanhu vake vakatendeka achiti: “Haiwa, iwe mutambudziki, wakazununguswa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichavakira mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri. Ndichaita shongwe dzako namabwe anovaima, namasuo ako namabwe anopenya, nomuganho wako wose namabwe anokosha. Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru. Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti hauna chaungatya, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakuna chingasvika kwauri. Tarira, kunyange vakakuvamba, hazvingabvi kwandiri; ani naani unokuvamba uchaparadzwa nokuda kwako.”—Isaya 54:11-15.
22 Chokwadi, “mukadzi” waJehovha ari munyika yomudzimu haana kumbogara atambudzwa zvakananga kana kuti kunetswa. Asi akatambura apo “vana” vake vakazodzwa vari pasi pano vakatambura, kunyanya pavakanga vakatapwa mumudzimu munguva ya1918-19. Saizvozvowo, apo “mukadzi” wokudenga anokwidziridzwa, izvi zvinoratidza mamiriro ezvinhu akafanana anenge ari pavana vake. Funga zvino, nezvokurondedzerwa kunofadza kwe“Jerusarema riri kumusoro.” Mabwe anokosha ari pamasuo, “dhaka rakasimba,” (NW) rinodhura, hwaro, uye kunyange miganhu zvinoratidza, “runako, kubwinya, kuchena, simba, uye kuoma,” sezvinotaura rimwe bhuku. Chii chaizotungamirira vaKristu vakazodzwa kumamiriro ezvinhu akachengeteka kudaro uye akakomborerwa?
23. (a) “Kudzidziswa naJehovha” kwakaita kuti vaKristu vakazodzwa vaitei mumazuva okupedzisira? (b) Mupfungwai umo vanhu vaMwari vakakomborerwa ne“miganhu . . . namabwe anokosha”?
23 Ndima 13 yaIsaya chitsauko 54 inopa chikonzero chacho—vose vacha“dzidziswa naJehovha.” Jesu pachake akashandisa mashoko endima iyi kuvateveri vake vakazodzwa. (Johani 6:45) Muprofita Dhanieri akafanotaura kuti mu“nguva yokupedzisira” iyi, vakazodzwa vaizokomborerwa nezivo yakawanda yechokwadi nokunzwisisa kwomudzimu. (Dhanieri 12:3, 4) Kunzwisisa kwakadaro kwakaita kuti vakwanise kutungamirira basa guru kwazvo rokudzidzisa rati ramboitwa, vachiparadzira dzidziso yaMwari mupasi rose. (Mateu 24:14) Panguva imwe chete, kunzwisisa kwakadaro kwakavabatsira kuona kusiyana kwakaita chitendero chechokwadi nechenhema. Isaya 54:12 inotaura nezvo“muganho . . . namabwe anokosha.” Kubva muna 1919, Jehovha akapa vakazodzwa kunzwisisa miganhu zvakajeka kupfuura kare kose—mitsetse yepanogumira zvomudzimu—zvichivaparadzanisa nechitendero chenhema nevamwe vasingadi Mwari venyika. (Ezekieri 44:23; Johani 17:14; Jakobho 1:27) Saka vanoparadzaniswa sevanhu vaMwari pachake.—1 Petro 2:9.
24. Tingava sei nechokwadi chokuti tinodzidziswa naJehovha?
24 Nokudaro, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kudzidziswa naJehovha here?’ Hatingoerekani tagamuchira kudzidzisa kwakadaro. Tinofanira kushanda nesimba. Kana tikaverenga Shoko raMwari nguva dzose nokurifungisisa uye kana tikapinza mirayiridzo nokuverenga mabhuku eBhaibheri anobudiswa no“muranda akatendeka, akangwara” uye nokugadzirira nokupinda misangano yechiKristu, zvechokwadi tichadzidziswa naJehovha. (Mateu 24:45-47) Kana tikaedza kushandisa zvatinodzidza toramba takamuka mumudzimu uye takangwaririra, kudzidzisa kwaMwari kuchatiparadzanisa tova vakasiyana neavo vari munyika ino isingadi Mwari. (1 Petro 5:8, 9) Zvinotova nani zvekare, kuchatibatsira ku‘swedera pedyo naMwari.’—Jakobho 1:22-25; 4:8.
25. Chipikirwa chaMwari chorugare chinorevei kuvanhu vake munguva dzazvino?
25 Uprofita hwaIsaya hunoratidzawo kuti vakazodzwa vanokomborerwa norugare rukuru. Izvi zvinoreva here kuti havamborwiswi? Aiwa, asi Mwari anovavimbisa kuti haazomborayiri kuti kurwiswa kwakadaro kuitwe kana kuti kukubvumira kubudirira. Tinoverenga kuti: “Tarira, ndini ndakasika mupfuri unopfutidza moto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira basa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze. Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa, ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kunobva kwandiri—ndizvo zvinotaura Jehovha.—Isaya 54:16, 17.
26. Nei zvichikurudzira kuziva kuti Jehovha ndiye Musiki wevanhu vose?
26 Kechipiri muchitsauko chino chaIsaya, Jehovha anoyeuchidza vashumiri vake kuti ndiye Musiki. Pakutanga, anoudza mukadzi wake wokufananidzira kuti ndiye “Muiti” wake. Zvino anotaura kuti ndiye Musiki wevanhu vose. Ndima 16 inorondedzera mupfuri anopfutidza marasha echoto chake sezvaanogadzira zvombo zvake zvokuparadza nezvomurwi, “muparadzi, kuti aparadze.” Varume vakadaro vangaratidza sevanotyisa kuvamwe vanhu, asi vangatarisira sei kubudirira vachirwa noMusiki wavo pachavo? Naizvozvo nhasi, kunyange apo hondo dzakasimba kupfuura dzose dzenyika ino dzinorwisa vanhu vaJehovha, hadzimbovi nomukana wokubudirira pakupedzisira. Izvi zvingadaro sei?
27, 28. Tingava nechokwadi nezvechii munguva dzino dzinotambudza, uye nei tichiziva kuti kutirwisa kwaSatani kuchakundikana?
27 Nguva yokurwisa kunoparadza pavanhu vaMwari nokunamata kwavo mumudzimu nechokwadi yapfuura. (Johani 4:23, 24) Jehovha akabvumira Bhabhironi Guru kurwisa kamwe chete zvikabudirira kwechinguva. Kwechinguva chiduku, “Jerusarema riri kumusoro” rakaona vana varo vachipotsa vanyaradzwa sezvo basa rokuparidza pasi pano rakapotsa ramira. Hazvichafi zvakaitika zvekare! Zvino rinofara nevanakomana varo, nokuti mupfungwa yomudzimu havachakundiki. (Johani 16:33; 1 Johani 5:4) Haiwa, kwave kune zvombo zvokurwisa zvavakagadzirirwa, uye kuchave nezvakawanda. (Zvakazarurwa 12:17) Asi izvi hazvina uye hazvisi kuzobudirira. Satani haana chombo chinogona kuparadza kutenda nokushingaira kunopisa kwevakazodzwa neshamwari dzavo. Rugare rwomudzimu urwu i“nhaka yavaranda vaJehovha,” naizvozvo hapana anogona kuvatorera iyoyi nechisimba.—Pisarema 118:6; VaRoma 8:38, 39.
28 Aiwa, hapana chinhu chinogona kuitwa nenyika yaSatani chichazombomisa basa nokunamatwa kwaMwari kwakachena kunogara narini kwevashumiri vake vakazvitsaurira. Vana vakazodzwa ve“Jerusarema riri kumusoro” vanonyaradzwa zvikuru nevimbiso iyoyo. Veboka guru revanhu vanodarowo. Patinowedzera kuziva nezvesangano raJehovha rokudenga nokubata kwaro nevanamati vake pasi pano, kutenda kwedu kunowedzerawo kusimba. Chero bedzi kutenda kwedu kwakasimba, zvombo zvaSatani zvicharatidza kuva zvisina maturo mukurwa nesu!
[Mashoko Omuzasi]
a Maererano naZvakazarurwa 12:1-17, “mukadzi” waMwari akakomborerwa zvikuru nokubereka “mwana” anokosha zvikuru—kwete mwanakomana womudzimu mumwe, asi Umambo hwaMesiya mudenga. Kubereka uku kwakaitika muna 1914. (Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 177-86.) Uprofita hwaIsaya hunonyanya kutaura nezvomufaro wakava nomukadzi wacho zvichitevera chikomborero chaMwari pavanakomana vake vakazodzwa vari pasi pano.
[Bhokisi riri papeji 218, 219]
Mhuri yaAbrahamu—Mufananidzo Wouprofita
Muapostora Pauro akatsanangura kuti mhuri yaAbrahamu inoshanda somutambo wokufananidzira, mufananidzo wouprofita woukama hwaJehovha nesangano rake rokudenga uye norudzi rwaIsraeri rwepasi pano ruri musungano yoMutemo waMosesi.—VaGaratiya 4:22-31.
Abrahamu, somusoro wemhuri, anomirira Jehovha Mwari. Kuda kwaAbrahamu kubayira mwanakomana wake anodiwa Isaka sechibayiro kunofananidzira kuda kwaJehovha kubayira Mwanakomana wake anodiwa sechibayiro nokuda kwezvivi zvevanhu.—Genesi 22:1-13; Johani 3:16.
Sara anofananidzira “mukadzi” waMwari wokudenga, sangano rake rezvisikwa zvomudzimu. Sangano rokudenga iroro rinorondedzerwa nomazvo somudzimai waJehovha, nokuti rakabatana zvikuru naJehovha, rinoteerera kuva musoro kwake, uye rinoshandira pamwe zvizere mukuzadzika zvinangwa zvake. Anonziwo “Jerusarema riri kumusoro.” (VaGaratiya 4:26) “Mukadzi” iyeye anotaurwa pana Genesi 3:15, uye anoratidzwa mune zvakaratidzwa pana Zvakazarurwa 12:1-6, 13-17.
Isaka anofananidzira Mbeu yomudzimu yomukadzi waMwari. Zvikurukuru, uyu ndiJesu Kristu. Zvisinei, mbeu yacho yakasvika pakusanganisira hama dzakazodzwa dzaKristu idzo dzinogamuchirwa sevanakomana vomudzimu uye dzova vadyi venhaka pamwe naKristu.—VaRoma 8:15-17; VaGaratiya 3:16, 29.
Hagari, mukadzi wechipiri waAbrahamu, kana kuti murongo, akanga ari muranda. Anofananidzira nomazvo Jerusarema repasi pano, apo Mutemo waMosesi waidzora, uchifumura vose vaiutevera sevaranda vechivi norufu. Pauro akataura kuti “Hagari uyu anoreva Sinai, gomo riri muArabhiya,” nokuti sungano yoMutemo yakatangirwa ipapo.—VaGaratiya 3:10, 13; 4:25.
Ishmaeri, mwanakomana waHagari, anofananidzira vaJudha vomuzana remakore rokutanga, vanakomana veJerusarema vakanga vachiri muuranda hwoMutemo waMosesi. Sezvo Ishmaeri akatambudza Isaka, naizvozvo vaJudha ava vakatambudza vaKristu, avo vakanga vari vanakomana vakazodzwa vaSara wokufananidzira, “Jerusarema riri kumusoro.” Uye sezvo Abrahamu akadzinga Hagari naIshmaeri, Jehovha pakupedzisira akadzinga Jerusarema nevanakomana varo vanopandukira.—Mateu 23:37, 38.
[Mufananidzo uri papeji 220]
Abhabhatidzwa, Jesu akazodzwa nomudzimu mutsvene uye Isaya 54:1 yakatanga kuva nokuzadzika kwayo kunokosha kwazvo
[Mufananidzo uri papeji 225]
Jehovha akavanzira Jerusarema chiso chake “kwechinguva chiduku”
[Mifananidzo iri papeji 231]
Murwi nomupfuri vangakunda pakurwa noMusiki wavo here?