RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Unyengeri Hunofumurwa!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 17. Jehovha anoteterera sei vanhu vake kuti vateerere mitemo yeSabata?

      17 Sabata raiva nzira yokuratidza nayo kuva nehanya kwaMwari kwakakomba nezvokugara zvakanaka kwevanhu vake munyama uye pakumushumira. Jesu akati: “Sabata rakavapo nokuda kwomunhu.” (Mako 2:27) Zuva rakatsveneswa naJehovha iri rakapa vaIsraeri mukana chaiwo wokuratidza kuda kwavo Mwari. Zvinosuruvarisa kuti kuzosvika panguva yaIsaya rashayiswa simba kusvika pakuva zuva rokuchengeta tsika dzisina zvadzinoreva uye kuita zvido zvoudyire. Naizvozvo Jehovha ane chikonzero chokuranga vanhu vake zvakare. Uye, anoedzazve kusvika pamwoyo yavo. Anoti: “Kana uchidzora gumbo rako pazuva resabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako; ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.”—Isaya 58:13, 14.

  • Unyengeri Hunofumurwa!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 19. Zvikomboreroi zvakapfuma zvakamirira vanhu vaMwari kana vakatanga kuchengeta Sabata?

      19 Kunyange zvakadaro, kana vaJudha vakadzidza pachirango votanga kukudza zvinodiwa zveSabata, zvikomborero zvakapfuma zvakavamirira. Migumisiro yakanaka yokunamata kwechokwadi nokuremekedza Sabata ichapfachukira ichipinda muupenyu hwavo hwose. (Dheuteronomio 28:1-13; Pisarema 19:7-11) Somuenzaniso, Jehovha achaita kuti vanhu vake va“fambis[we] panzvimbo dzakakwirira dzenyika.” Mashoko aya anoratidza kuchengeteka uye kukurirwa kwevavengi vavo. Iye anodzora nzvimbo dzakakwirira—zvikomo nemakomo—ndiye anodzorawo nyika. (Dheuteronomio 32:13; 33:29) Pane imwe nguva vaIsraeri vaiteerera Jehovha, uye rudzi rwacho rwakafara nokuchengetwa naye uye rwairemekedzwa, ruchitotyiwa nemamwe marudzi. (Joshua 2:9-11; 1 Madzimambo 4:20, 21) Kana vakaenda kuna Jehovha zvakare vachimuteerera, imwe yembiri yavaimbova nayo iyoyo ichadzorerwa. Jehovha achapa vanhu vake mugove wakazara mu“nhaka yababa va[v]o Jakobho”—zvikomborero zvaakapikira nokusungano Yake namadzibaba avo, zvikurukuru chikomborero cheNyika Yakapikirwa yakachengeteka.—Pisarema 105:8-11.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe