-
Vatakuri Vechiedza—Nokuda Kwedonzoi?Nharireyomurindi—1993 | January 15
-
-
16, 17. Jehovha akaita sei kuti mbiri yake ipenye pasangano rake rakafanana nomukadzi muna 1914, uye murairoi waakaripa?
16 Mumutauro unonyandura, Magwaro anorondedzera mutoo uyo chiedza choumwari chiri kuparadzirwa nawo kuvanhu kunzvimbo iri yose. Isaya 60:1-3, iyo inotaurwa ku“mukadzi” waJehovha, kana kuti sangano rake rokudenga ravabatiri vakavimbika, inoti: “Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako. Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.”
-
-
Vatakuri Vechiedza—Nokuda Kwedonzoi?Nharireyomurindi—1993 | January 15
-
-
18. (a) Neiko rima richifukidza nyika, sezvakadeya kutaurwa pana Isaya 60:2? (b) Vanhu vamwe navamwe vanogona sei kununurwa murima rapasi?
18 Mukupesana, rima rinofukidza nyika nerima guru mapoka amarudzi. Neiko? Nemhaka yokuti marudzi anoramba hurumende yoMwanakomana anodiwa waMwari achida utongi hwohunhu. Anofunga kuti kupfurikidza nokubvisa chimiro chimwe chehurumende yohunhu uye kugamuchira chimwe, achapedza zvinetso zvawo. Asi ikoku hakusati kuchiunza rusununguko rwaanokarira. Anokundikana kuona ari seri kwezvinoitika achidzora marudzi ari munzvimbo yomudzimu. (2 VaKorinte 4:4) Anoramba Manyuko echiedza chechokwadi uye naizvozvo ari murima. (VaEfeso 6:12) Pasinei zvapo nezvinoita marudzi, zvisinei, vanhu vamwe navamwe vanogona kununurwa murima iroro. Munzirai? Kupfurikidza nokuisa kutenda kwakazara muUmambo hwaMwari uye kuzviisa pasi pahwo.
19, 20. (a) Nei mbiri yaJehovha yakapenya pavateveri vakazodzwa vaJesu uye sei? (b) Jehovha akaita vakazodzwa vake vatakuri vechiedza nokuda kwechikonzeroi? (c) Sezvakadeya kutaurwa, “madzimambo” uye “marudzi” vakakweverwa sei kuchiedza chakapiwa naMwari?
19 ChiKristudhomu hachina kuisa kutenda muUmambo hwaMwari uye hachina kuzviisa pasi pahwo. Asi vateveri vakazodzwa nomudzimu vaJesu Kristu vakadaro. Somuuyo, chiedza chaJehovha chetendero youmwari chakapenya pavamiriri ivava vanooneka vomukadzi wake wokudenga, uye mbiri yake yakava inoratidzwa pavari. (Isaya 60:19-21) Vanofarikanya chiedza chomudzimu icho chisina chinjo mumugariro wezvamatongerwe enyika wenyika kana kuti wezvemari inogona kubvisa. Vakawana rununuro rwaJehovha muBhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:4) Vanofarikanya nyemwerero yake yetendero nemhaka yokuti vakagamuchira chirango chake uye vakatsigira nenzira yokuvimbika uchangamire hwake. Vane kariro dzakajeka nokuda kwenguva yemberi, uye vanofarira tariro yaakaisa pamberi pavo.
-