Chitsauko 21
Kunamata Kwechokwadi Kunowedzera Pasi Pose
1. Ishoko ripi rinokurudzira riri muchitsauko 60 chaIsaya?
CHITSAUKO 60 chaIsaya chakanyorwa somutambo unokurudzira zvikuru. Mundima dzokuzarura, pfungwa dzedu dzinobatwa nechiitiko chinobaya mwoyo. Zviitiko zvakatevedzana zvinoteverana nokukurumidza zvikuru, zvichititungamirira kumugumo wazvo unokurudzira. Chitsauko chacho chinorondedzera chichishandisa nhapitapi yomutauro kudzorerwa kwokunamata kwechokwadi muJerusarema rekare uye kuwedzera kwokunamata kwechokwadi munyika yose nhasi. Uyezve, chinotaura nezvezvikomborero zvisingaperi zvakachengeterwa vanamati vose vaMwari vakavimbika. Mumwe nomumwe wedu ane chaanogona kuita mukuzadzika kwechikamu chinofadza ichi chouprofita hwaIsaya. Naizvozvo ngatinyatsochiongororai.
Chiedza Chinopenya Murima
2. Mukadzi akazvambarara murima anorayirwa kuti chii, uye nei achifanira kuteerera nokukurumidza?
2 Mashoko okuzarura echitsauko chino chaIsaya anotaurirwa mukadzi ari mumamiriro ezvinhu anosiririsa. Sezviri pachena akazvambarara pasi nouso murima. Kamwe kamwe, chiedza chinodzinga rima sezvo Jehovha achishandisa Isaya, anodanidzira kuti: “Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.” (Isaya 60:1) Hungu, “mukadzi” anofanira—kusimuka oratidza kubwinya kwaMwari! Nei iyi iri nyaya yokukurumidzira? Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.” (Isaya 60:2) Kuti vamwe vakamupoteredza vari kutsvangadzira murima vabatsirwe, “mukadzi” wacho anofanira ‘kuvheneka.’ Zvichiguma nei? “Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.” (Isaya 60:3) Mashoko okuzarura aya anofanotaura zvichatsanangurwa zvakazara mundima dzinotevera—kunamata kwechokwadi kunofanira kuwedzera munyika yose!
3. (a) “Mukadzi” ndiani? (b) Nei “mukadzi” ave akazvambarara murima?
3 Kunyange zvazvo achitaura pamusoro pezviitiko zvomunguva yemberi, Jehovha anoudza “mukadzi” wacho kuti chiedza chake “chasvika.” Izvi zvinosimbisa chokwadi chokuti uprofita hwacho huchazadzika. “Mukadzi” ari kurehwa iZiyoni kana kuti Jerusarema, guta guru renyika yeJudha. (Isaya 52:1, 2; 60:14) Guta racho rinomirira rudzi rwacho rwose. Panguva yokuzadzika kwokutanga kwouprofita uhwu, “mukadzi” anowanikwa akazvambarara murima, maave ari kubva pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E. Zvisinei muna 537 B.C.E., nhapwa dzechiJudha dzakatendeka dzasara dzinodzokera kuJerusarema dzodzorera kunamata kwakachena. Pakupedzisira, Jehovha anoita kuti chiedza chipenye pa“mukadzi” wake, uye vanhu vake vakadzorerwa vanovhenekera mamwe marudzi ari murima romudzimu.
Kuzadzika Kukuru
4. Ndivanaani pasi pano nhasi vanomirira “mukadzi,” uye mashoko acho ouprofita anoshandawo kunaani?
4 Chinotifadza pakuzadzika kwemashoko ouprofita aya hakusi kungozadzika kwawo paJerusarema rekare chete. Nhasi “mukadzi” waJehovha wokudenga anomirirwa pasi pano na“Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Kubva pakuvapo kwarwo paPendekosti ya33 C.E. kusvika zvino, rudzi rwomudzimu urwu rwakasvika pakuva nevakazodzwa nomudzimu 144 000, “vakatengwa vachibva pasi” vachitarisira kutonga naKristu mudenga. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Kuzadzika kwomuzuva ranhasi kwechitsauko 60 chaIsaya kwakabatana zvikuru nevachiri vapenyu vari pasi pano ve144 000 mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Uprofita hwacho hunotaurawo nezveshamwari dzevaKristu vakazodzwa ava, “boka guru revanhu” ve“mamwe makwai.”—Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:11, 16.
5. Vachiri vapenyu vaIsraeri waMwari vakazviona vazvambarara murima sei, uye chiedza chaJehovha chakavapenyera rini?
5 Kwenguva pfupi mukutanga kwema1900, vaIsraeri vaMwari vakanga vachiri pasi pano vakaita sevakazvambarara nouso murima. Hondo yenyika yokutanga yakapera vari muchimiro chinorondedzerwa nenzira yokufananidzira mubhuku raZvakazarurwa—zvitunha zvavo zvakati tasa “mumugwagwa wakafara weguta guru rinonzi Sodhomu neIjipiti mupfungwa yomudzimu.” (Zvakazarurwa 11:8) Zvisinei, muna 1919, Jehovha akavavhenekera nechiedza chake. Vaona kudaro, vakasimuka ndokupenya nechiedza chaMwari, vachizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari vasingatyi.—Mateu 5:14-16; 24:14.
6. Nyika yose zvayo yakabvuma kuziviswa kwokuva musimba roUmambo kwaJesu here, asi ndivanaani vakakweverwa kuchiedza chaJehovha?
6 Vachikurudzirwa naSatani, mukuru we“vatongi venyika verima rino,” vanhuwo zvavo vakaramba kuziviswa kwokuvapo kwaJesu Kristu musimba roUmambo, “chiedza chenyika.” (VaEfeso 6:12; Johani 8:12; 2 VaKorinde 4:3, 4) Kunyange zvakadaro, mamiriyoni akakweverwa kuchiedza chaJehovha, kusanganisira “madzimambo” (avo vanova vadyi venhaka vakazodzwa voUmambo hwokudenga) uye “marudzi” (boka guru revanhu vemamwe makwai).
Kuwedzera Kunounza Mufaro Kumwoyo
7. Chii chinofadza icho “mukadzi” anoona?
7 Achiwedzera mashoko omusoro wakanyorwa pana Isaya 60:3, Jehovha anopa “mukadzi” mumwe murayiro achiti: “Ringira kwose kwose nameso ako, uone!” “Mukadzi” wacho paanoteerera, anoona zvinofadza—vana vake vari kuuya kumusha! “Vose vanoungana pamwe chete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.” (Isaya 60:4) Kuziviswa kwoUmambo munyika yose kwakatanga muna 1919 kwakaguma nezviuru zve“vanakomana” ne“vanasikana” vokuwedzera vachibatana naIsraeri waMwari. Munzira iyi Jehovha akatora matanho okuzadzisa nhamba yakanga yafanotaurwa ye144 000, vachatonga naKristu.—Zvakazarurwa 5:9, 10.
8. Chikonzeroi chomufaro icho Israeri waMwari akava nacho kubva muna 1919?
8 Kuwedzera uku kwakaunza mufaro. “Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, mwoyo wako uchadedera nokufariswa; zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, pfuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.” (Isaya 60:5) Kuunganidzwa kwevakazodzwa muma1920 nema1930 kwakafadza Israeri waMwari zvikuru. Asi, vakava nechimwe chikonzero chokufara. Kunyanya kubva pakati pema1930, vanhu vakanga vachimbova rutivi rwe“gungwa” revanhu vakazviparadzanisa naMwari vakabuda mumarudzi ose kuzonamata naIsraeri waMwari. (Isaya 57:20; Hagai 2:7) Vanhu ava havabudi kuti vanoshumira Mwari, mumwe nomumwe munzira yake. Asi vanouya ku“mukadzi” waMwari voumba boka revanhu vakabatana raMwari. Somugumisiro, vashumiri vaMwari vose vanobatsirawo mukuwedzera kwokunamata kwechokwadi.
Marudzi Anosangana muJerusarema
9, 10. Ndivanaani vanoonekwa vachizosangana muJerusarema, uye Jehovha anovagamuchira sei?
9 Achishandisa mienzaniso yaizivikanwa nevanhu vomuzuva raIsaya, Jehovha anorondedzera kuwedzera kwacho. “Mukadzi” achitarira ari paGomo reZiyoni, anotanga kutarira-tarira kumabvazuva. Anoonei? “Makamera mazhinji-zhinji achakufukidza, nemhuru dzamakamera eMidhiani neEfa; vose veShebha vachauya, vachauya nendarama nezvinonhuwira, vachaparidza kurumbidzwa kwaJehovha.” (Isaya 60:6) Makamera mazhinji-zhinji aishandiswa nevaifamba vachitengesa vemarudzi akasiyana-siyana aifamba nomunzira yawo achipinda nomumigwagwa yaienda Jerusarema. (Genesi 37:25, 28; Vatongi 6:1, 5; 1 Madzimambo 10:1, 2) Makamera ari pose pose kuita semafashamo akafukidza nyika! Makamera mazhinji-zhinji aya anouya nezvipo zvinokosha, zvichiratidza kuti vatengesi vanouya nechinangwa chorugare. Vanoda kunamata Jehovha ndokumupa zvakanakisisa zvavanogona kupa.
10 Vatengesi ava havasi ivo voga vari kufamba. “Mapoka ose amakwai eKedhari achaunganidzirwa kwauri makondohwe eNebhayoti achakushumira.” Hungu, marudzi anofudza zvipfuwo ari kufambawo achienda kuJerusarema. Anouya nezvipo zvezvinhu zvawo zvinokosha pazvose—mapoka emakwai—uye anozvipira sevashumiri. Jehovha achaagamuchira sei? Anoti: “Zvichaiswa paatari yangu ndichizvifarira, ndichashongedza imba yokukudzwa kwangu.” (Isaya 60:7) Jehovha anogamuchira zvipo zvavo, izvo zvichashandiswa mukunamata kwakachena.—Isaya 56:7; Jeremia 49:28, 29.
11, 12. (a) “Mukadzi” anotanga kuonei sezvaanotarira kumavirazuva? (b) Nei vakawanda kudaro vari kumhanyira kuJerusarema?
11 Jehovha zvino anorayira “mukadzi” wacho kuti atarire kumavirazuva, uye anobvunza kuti: “Ndianiko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumahwindi ezvirugu zvadzo?” Jehovha pachake anopindura kuti: “Zvirokwazvo, zviwi zvichandimirira, nezvikepe zveTarshishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokune Mutsvene waIsraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.”—Isaya 60:8, 9.
12 Fungidzira kuti wakamira no“mukadzi” wacho, wakatarira kumavirazuva nomuGungwa Guru. Unoonei? Gore riri kure rine madonwe machena richifamba nepamusoro pemvura. Anoita seshiri, asi sezvaanoswedera pedyo, unoona kuti zvikepe uye maseiri azvo akabhedhenurwa. Zvabva “kure.”a (Isaya 49:12) Zvikepe zvizhinji zviri kumhanya zvichienda kuZiyoni zvokuti zvinoita seboka renjiva dzava kudzokera kumatendere. Nei zvikepe zvacho zvichimhanya kudaro? Zvinoda kusvitsa zvazvakatakura—vanamati vaJehovha vanobva kuzviteshi zvezvikepe zviri kure. Zvechokwadi, vose vachangobva kusvika—vose vaIsraeri nevatorwa, vanobva kumabvazuva kana kuti kumavirazuva uye nzvimbo dziri pedyo kana kuti dziri kure—vari kumhanyira kuJerusarema kuti vanopira zvavanazvo zvose kuzita raJehovha, Mwari wavo.—Isaya 55:5.
13. Munguva dzazvino, “vanakomana” ne“vanasikana” ndivanaani, uye “pfuma yamarudzi avanhu” ndivanaani?
13 Uyu mufananidzo wakajeka kwazvo uyo Isaya 60:4-9 inopa wokuwedzera kwomunyika yose kwave kuchiitika kubva apo “mukadzi” waJehovha akatanga kuvhenekera murima renyika ino! Kwakatanga kuuya “vanakomana” ne“vanasikana” veZiyoni rokudenga, avo vakava vaKristu vakazodzwa. Muna 1931 ivava vakazvizivisa pachena seZvapupu zvaJehovha. Ipapo vanyoro vakawanda zvikuru, “pfuma yamarudzi avanhu” uye “zvakawanda zvegungwa,” vakakurumidzira kuti vabatane nevasara vehama dzaJesu.b Nhasi vashumiri vaJehovha vose ava vanobva kumativi mana enyika nemarudzi ose vanobatana naIsraeri waMwari mukurumbidza Changamire Ishe Jehovha wavo nokukwidziridza zita rake guru pazvakasikwa zvose.
14. Zvinoitika sei kuti vachangobva kusvika va“chaiswa paatari” yaMwari?
14 Zvisinei, zvinorevei kuti vatsva vanosvika ava vanobva kumarudzi va“chaiswa paatari” yaMwari? Chibayiro chinoiswa paatari. Muapostora Pauro akashandisa shoko rinotaura nezvechibayiro paakanyora kuti: “Ndinokutetererai . . . kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari, basa dzvene nesimba renyu rokufunga.” (VaRoma 12:1) VaKristu vechokwadi vanoda kuzvipira. (Ruka 9:23, 24) Vanopira nguva yavo, simba, nounyanzvi kuti vatsigire kunamata kwakachena. (VaRoma 6:13) Mukudaro vanopa zvibayiro zvinogamuchirwa zvokurumbidza Mwari. (VaHebheru 13:15) Zvinofadza kwazvo kuti mamiriyoni evanamati vaJehovha nhasi, vakuru nevaduku vakaisa zvido zvavo munzvimbo yechipiri vachitanga nezvinodiwa noUmambo hwaMwari! Vanoratidza pfungwa yokuzvipira kwechokwadi sechibayiro.—Mateu 6:33; 2 VaKorinde 5:15.
Vanosvika Vanobatsirawo Mukuwedzera
15. (a) Munguva dzekare tsitsi dzaJehovha dzakaratidzwa sei kuvatorwa? (b) Munguva dzazvino, “vatorwa” vakabatanidzwawo sei mukuvaka kutenda kwechokwadi?
15 Vatsva vanosvika vanopa zvinhu zvavo ivo pachavo vanobatsira “mukadzi” waJehovha. “Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nokuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu.” (Isaya 60:10) Tsitsi dzaJehovha dzakaratidzwa muzana remakore rechitanhatu B.C.E. apo vatorwa vakabatsira mubasa rokuvaka Jerusarema. (Ezra 3:7; Nehemia 3:26) Mukuzadzika kukuru kwanhasi, “vatorwa,” boka guru revanhu, vanobatsira vakazodzwa vasara mukuvaka kunamata kwechokwadi. Vanobatsira kuvaka unhu hwechiKristu muvadzidzi vavo veBhaibheri nokudaro vachivaka ungano dzechiKristu nokusimbisa “masvingo” akaita seeguta esangano raJehovha. (1 VaKorinde 3:10-15) Vanoitawo basa rokuvaka chairo, vachishanda zvakaoma kuvaka Horo dzoUmambo, Horo dzeMagungano nezvivako zveBheteri. Nokudaro vanobatana nehama dzavo dzakazodzwa kutarisira zvinodiwa nesangano raJehovha riri kuwedzera.—Isaya 61:5.
16, 17. (a) “Masuo” esangano raJehovha akachengetwa akazaruka sei? (b) “Madzimambo” akashumira Ziyoni sei? (c) Chii chichaitika kune vanoedza kuvhara “masuo” ayo Jehovha anoda kuti arambe akavhurika?
16 Nemhaka yebasa rokuvaka romudzimu, gore rimwe nerimwe mazana ezviuru zve“vatorwa” anotanga kusonganirana nesangano raJehovha, uye nzira ichakazarukira vamwe vakawanda. Jehovha anoti: “Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri pfuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa.” (Isaya 60:11) Zvisinei, “madzimambo” ari kutungamirira kuunza zvinokosha zvemarudzi kuZiyoni ndivanaani? Munguva dzekare Jehovha akaita kuti vamwe vatongi “vashumire” Ziyoni. Somuenzaniso, Koreshi ndiye akatanga kuronga kuti vaJudha vadzorerwe kuJerusarema kunovakazve temberi. Gare gare Artashasta akapa pfuma ndokutuma Nehemia kunovakazve masvingo eJerusarema. (Ezra 1:2, 3; Nehemia 2:1-8) Chokwadi “mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura.” (Zvirevo 21:1) Mwari wedu anogona kuita kuti kunyange vatongi vane simba vaite mukuwirirana nokuda kwake.
17 Munguva dzazvino “madzimambo” mazhinji, kana kuti zviremera zvenyika, vakaedza kuvhara “masuo” esangano raJehovha. Zvisinei, vamwe vakashumira Ziyoni nokuita zvisarudzo zvakabatsira kuchengeta “masuo” iwayo akavhurika. (VaRoma 13:4) Muna 1919, zviremera zvenyika zvakasunungura Joseph F. Rutherford neshamwari dzake pakusungwa kusina kukodzera. (Zvakazarurwa 11:13) Hurumende dzevanhu dza“kamedza” mafashamo echitambudzo chakaunzwa naSatani pashure pokuwa kwake mudenga. (Zvakazarurwa 12:16) Dzimwe hurumende dzakabvumira zvitendero zvakasiyana-siyana, dzimwe nguva Zvapupu zvaJehovha zvakabvumirwa zvakananga. Urwu rudzi rwokushumira rwakazviita kuti zvive nyore kuti mapoka evanyoro apinde musangano raJehovha napa“masuo” akazaruka. Uye zvakadini nevashori vanoedza kuvhara “masuo” iwayo? Havazombobudiriri. Nezvavo Jehovha anoti: “Nokuti rudzi noushe, zvinoramba kukushumira, zvichaparara; zvirokwazvo marudzi iwayo achaparadzwa chose.” (Isaya 60:12) Vose vanorwa no“mukadzi” waMwari—vangave vakazvimirira kana kuti vari masangano—vachapera kana zvatononoka, muhondo iri kuuya yeAmagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16.
18. (a) Chii chinorehwa nechipikirwa chokuti miti ichakura zvakanaka muna Israeri? (b) ‘Nhasi nzvimbo yetsoka dzaJehovha’ chii?
18 Pashure pomutongo wokunyevera uyu, uprofita hwacho hunodzokera kuzvipikirwa zvomufaro nokubudirira. Achitaura no“mukadzi” wake, Jehovha anoti: “Zvinobwinya zveRebhanoni zvichauya kwauri, misipresi, nemipaini nemifiri pamwe chete, kuti ndishongedze nzvimbo yeimba yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.” (Isaya 60:13) Miti inokura zvakanaka inofananidzira runako nokubudirira. (Isaya 41:19; 55:13) Mashoko okuti “nzvimbo yeimba . . . tsvene” neokuti “nzvimbo yetsoka dzangu” mundima ino anoreva temberi yeJerusarema. (1 Makoronike 28:2; Pisarema 99:5) Zvisinei, muapostora Pauro akatsanangura kuti temberi yomuJerusarema yakanga iri mufananidzo chaiwo waifananidzira temberi yomudzimu huru, chirongwa chokunamata Jehovha nemhaka yechibayiro chaKristu. (VaHebheru 8:1-5; 9:2-10, 23) Nhasi Jehovha anobwinyisa ‘nzvimbo yetsoka dzake,’ chivanze chepasi pano chetemberi yake huru yomudzimu. Izvozvi zvinova zvinokwezva kwazvo zvokuti zvinokwezva vanhu vanobva kumarudzi ose kuti vauyewo mukunamata kwechokwadi imomo.—Isaya 2:1-4; Hagai 2:7.
19. Vashori vachamanikidzwa kubvuma chii, uye kana zvanonoka izvi vachazviita rini?
19 Zvino achitaurazve nezvevashori Jehovha anoti: “Vanakomana vavatambudzi vako vachauya kwauri vachikotama; vose vaikuzvidza vachazvikotamisa pasi pasi petsoka dzako; vachakutumidza zita rokuti, Guta raJehovha Ziyoni roMutsvene waIsraeri.” (Isaya 60:14) Hungu, kuona kuwedzera kukuru uye nzira youpenyu hwapamusoro hunounzwa nechikomborero chaMwari pavanhu vake kuchaita kuti vamwe vashori vakotame ndokudanidzira ku“mukadzi.” Ndiko kuti vachamanikidzwa kubvuma—kana zvatononoka, paAmagedhoni—kuti vakazodzwa vasara neshamwari dzavo vanomirira sangano raMwari rokudenga zvechokwadi, “guta raJehovha Ziyoni roMutsvene waIsraeri.”
Kushandisa Pfuma Iripo
20. Kuchinja kwemamiriro ezvinhu kwakakura sei uko “mukadzi” wacho anoona?
20 Zvechokwadi “mukadzi” waJehovha anoona kuchinja kwemamiriro ezvinhu kwakakura kwazvo! Jehovha anoti: “Wakanga wakasiyiwa nokuvengwa, kusisina munhu waipfuura nomukati mako, asi zvino ndichakuita chinhu chinorumbidzwa nokusingaperi, chinofarirwa kusvikira kumarudzi mazhinji. Uchamwawo mukaka wamarudzi, uchamwa mazamu amadzimambo; ipapo uchaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, nomudzikinuri wako, Wamasimba ose waJakobho.”—Isaya 60:15, 16.
21. (a) Jerusarema rekare rinova “chinhu chinorumbidzwa” sei? (b) Zvikomboreroi izvo vashumiri vakazodzwa vaJehovha vakave nazvo kubva muna 1919, uye vakanwa “mukaka wamarudzi” sei?
21 Kwemakore 70 Jerusarema rekare harizivikanwi panyika pasina ‘unopfuura nomukati maro.’ Asi kutangira muna 537 B.C.E., Jehovha anoita kuti guta racho rigarwe zvekare, achiriita “chinhu chinorumbidzwa.” Saizvozvowo, pedyo nokunopera kwehondo yenyika yokutanga, Israeri waMwari akava nenguva yaakasara oga paakanzwa “asiyiwa.” Asi muna 1919, Jehovha akadzikinura vashumiri vake vakazodzwa pakutapwa, uye kubva ipapo akavakomborera nokuwedzera kusati kwamboitika nokubudirira mumudzimu. Vanhu vake vakanwa “mukaka wemarudzi,” vachishandisa pfuma yemarudzi kuti vafambisire mberi kunamata kwechokwadi. Somuenzaniso, kushandisa nokuchenjera zvigadzirwa zvemazuva ano kwakaita kuti zvibvire kushandura nokubudisa maBhaibheri nemabhuku eBhaibheri mumazana emitauro. Somugumisiro, mazana ezviuru gore negore anodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha nokusvika pakuziva kuti Jehovha, achishandisa Kristu, ndiye Muponesi noMudzikinuri wawo.—Mabasa 5:31; 1 Johani 4:14.
Kufambira Mberi kweSangano
22. Jehovha anopikira kufambira mberi kwakadini?
22 Kuwedzera kwenhamba yevanhu vaJehovha kunoperekedzwa nokufambira mberi kwesangano. Jehovha anoti: “Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, pazvimbo yematanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.” (Isaya 60:17) Kutsiva ndarira nendarama kuvandudzika, ndizvo zvazvakaitawo nezvimwe zvinhu zvinotaurwa pano. Maererano neizvi, vanhu vaJehovha vave vachiona kuvandudzika kwemarongerwe ezvinhu musangano mumazuva okupedzisira ose.
23, 24. Kuvandudzikai kwesangano uko vanhu vaJehovha vave vari kuona kubva muna 1919?
23 Pakasvika 1919, ungano dzaiva nevakuru nevadhikoni vaisarudzwa nevanhu. Kutangira mugore iroro, mutungamiriri webasa akagadzwa nenzira yaMwari kuti atarisire basa romumunda muungano, asi pane dzimwe nguva apo vamwe vakuru vairamba kuteerera mutarisiri webasa wacho. Muna 1932 zvinhu zvakachinja. Ungano dzakarayirwa nomuNharireyomurindi, kumira kusarudza vakuru nevadhikoni. Asi dzaizosarudza dare rebasa rokuti rishande pamwe nomutariri webasa. Ikoko kwakanga kuri kuvandudzika kukuru.
24 Muna 1938 imwe “ndarama” yakaunzwa apo zvakatanga kuti vashumiri vose muungano vaifanira kugadzwa maererano nezvinodiwa naMwari. Kutarisirwa kweungano kwakava mumaoko omutariri wekambani (akazova mutariri weungano) uye vashumiri vakasiyana-siyana vakamubatsira, vose vaigadzwa vachitungamirirwa no“muranda akatendeka, akangwara.”c (Mateu 24:45-47) Zvisinei, muna 1972, zvakaonekwa kuti nzira yeMagwaro yokutarisira nayo ungano inoitwa nedare revakuru panzvimbo pomunhu mumwe chete. (VaFiripi 1:1) Kumwe kuchinja kwakaitwa pamwero weungano uye weDare Rinodzora. Muenzaniso weDare Rinodzora wakaonekwa musi waOctober 7, 2000, pakaziviswa kuti nhengo dzose dzeDare Rinodzora dzaimboshanda sevatungamiriri veWatch Tower Society of Pennsylvania nemamwe masangano ayo dzakanga dzazvibvisa nokuzvidira panzvimbo iyoyo. Nenzira iyi, Dare Rinodzora, rinomirira muranda akatendeka, akangwara, rinokwanisa kunyatsotarisira zvinhu zvomudzimu zve“ungano yaMwari” neshamwari dzayo, mamwe makwai. (Mabasa 20:28) Zvirongwa zvose zvakadaro kwave kuri kuvandudzika. Zvave zvichisimbisa sangano raJehovha ndokukomborera vanamati vake.
25. Ndiani ave achiita kuti sangano revanhu vaJehovha rifambire mberi, uye zviberekoi zvakakohwewa?
25 Ndiani ave achikonzera kuvandudzika uku? Kwave kuchiitika nemhaka yokukwanisa kwesangano here kana kuti kufunga kwoungwaru kwevamwe vanhu? Kwete, nokuti Jehovha akati: “Ndichauya nendarama.” Kufambira mberi kwose uku mugumisiro wokutungamirira kwaMwari. Vanhu vaJehovha vanokohwa zvibereko sezvavanozviisa pasi pokutungamirira kwake vachigadziridza. Panova norugare pakati pavo, uye kuda zvakarurama kunovakuchidzira kumushumira.
26. Chiratidzoi chinozivisa vaKristu vechokwadi icho kunyange vashori vanoonawo?
26 Rugare runobva kuna Mwari rune simba rokuchinja. Jehovha anopikira kuti: “Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika yako kana kurashwa nokuparadzwa pamiganho yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, Ruponeso, namasuo ako Rumbidzo.” (Isaya 60:18) Ichokwadi chakadini! Kunyange vashori vanobvuma kuti rugare chiratidzo chikuru chevaKristu vechokwadi. (Mika 4:3) Rugare naMwari urwu uye pakati peZvapupu zvaJehovha pachazvo runoita kuti nzvimbo yoga yoga inosangana vaKristu ive utiziro munyika ine chisimba. (1 Petro 2:17) Kufanoravidzwa kworugare rukuru ruchavapo apo vagari vose venyika vachava vanhu “vachadzidziswa naJehovha.”—Isaya 11:9; 54:13.
Chiedza Chinopenya Chokutenderwa naMwari
27. Chiedza chei chinoramba chichipenya pa“mukadzi” waJehovha?
27 Kuwanda kwechiedza chinopenya paJerusarema kunorondedzerwa naJehovha paanoti: “Zuva harichazovi chiedza chako masikati, mwedzi hauchazokuvhenekeri nokupenya kwawo; asi Jehovha uchava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako kunaka kwako. Zuva rako harichazoviri, mwedzi wako haungatapudziki; nokuti Jehovha uchava chiedza chako chisingaperi mazuva okuchema kwako achaguma.” (Isaya 60:19, 20) Jehovha acharamba ari “chiedza chisingaperi” cho“mukadzi” wake. Haazombo“viri” sezuva kana kuti ‘kutapudzika’ somwedzi.d Chiedza chake chokutendera chinopenya pavaKristu vakazodzwa, vanhu vanomiririra “mukadzi” waMwari. Ivo pamwe neboka guru revanhu, vane chiedza chomudzimu chakawanda kudaro icho chisingamboderedzwi nerima rinobva kunyika yezvematongerwe enyika kana kuti yezvoupfumi. Uye vane chivimbo mune remangwana rakajeka iro Jehovha akavaisira mberi kwavo.—VaRoma 2:7; Zvakazarurwa 21:3-5.
28. (a) Chii chinopikirwa pamusoro pevagari veJerusarema vari kudzoka? (b) Chii icho vaKristu vakazodzwa vakatora muna 1919? (c) Vakarurama vachava varidzi vepasi kwenguva yakareba sei?
28 Pamusoro pevagari veJerusarema, Jehovha anoenderera mberi achiti: “Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.” (Isaya 60:21) Apo vaIsraeri vakadzoka kubva kuBhabhironi, vakatora “nhaka yenyika.” Asi panguva iyoyo, “nokusingaperi” kwakaratidza kuva kusvikira muzana remakore rokutanga C.E. apo mauto eRoma akaparadza Jerusarema nenyika yevaJudha. Muna 1919 vaKristu vakazodzwa vasara vakabuda mukutapwa mumudzimu ndokutora nyika yomudzimu. (Isaya 66:8) Nyika iyi, kana kuti nzvimbo yebasa, inoratidzwa nokubudirira kwomudzimu kwakaita separadhiso kusingazoperi. Kusiyana naIsraeri wekare, Israeri womudzimu seboka revanhu haazombovi asina kutendeka. Uyezve, uprofita hwaIsaya huchava nokuzadzika chaiko apo pasi rinova paradhiso chaiyo ichazivikanwa noku“zara rugare.” Ipapo vakarurama vane tariro yepasi pano vachava varidzi venyika nokusingaperi.—Pisarema 37:11, 29.
29, 30. “Muduku” akava “chiuru” sei?
29 Pakunoguma kwechitsauko 60 chaIsaya panowanikwa chipikirwa chakasimba, icho Jehovha anosimbisa nezita rake pachake. Anoti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:22) Apo vakazodzwa vakanga vakapararira vakadzorerwa kubasa muna 1919, vakanga vari “muduku.”e Asi nhamba yavo yakawanda sezvo vaIsraeri vomudzimu vakanga vachiri pasi pano vakaunzwa. Uye kuwedzera kwacho kwakava kukuru sezvo kuunganidzwa kweboka guru revanhu kwakatanga.
30 Pasina nguva refu, rugare nokururama zvaiva pakati pevanhu vaMwari zvakakwezva vanhu vane mwoyo yakatendeka vakawanda zvokuti “muduku” akakura chaizvo akava “rudzi rune simba.” Panguva ino rwakura kupfuura nyika dzakazvimiririra dzinoverengeka dzepasi pano. Sezviri pachena, Jehovha achishandisa Jesu Kristu, akatungamirira basa roUmambo uye akarikurumidzisa. Zvinofadza chaizvo kuona kuwedzera kwenyika yose kwokunamata kwechokwadi uye kubatanidzwawo! Hungu, mufaro kuziva kuti kuwedzera uku kunounza mbiri kuna Jehovha, uyo akaprofita zvinhu izvi kare kare.
[Mashoko Omuzasi]
a Tarshishi inenge yaive pane yave Spain nhasi. Zvisinei, sokutaura kwerimwe bhuku, mashoko okuti “zvikepe zveTarshishi” anoreva rumwe rudzi rwezvikepe—“zvikepe zvomugungwa zvine maseiri marefu”—zvakanga “zvakakodzera kufamba zvichienda kuTarshishi,” nemamwe mashoko, zvikepe zvaionekwa zvakakodzera kuita nzendo refu kuenda kuzviteshi zviri kure—1 Madzimambo 22:48.
b Kunyange zvazvo kwakanga kune vaKristu vaiita basa nokushingaira vane tariro yepasi pano vakanga vakabatana naIsraeri waMwari 1930 asati asvika, nhamba yavo yakatanga kuwedzera zvinoonekwa muma1930.
c Mumazuva iwayo, ungano dzainzi makambani.
d Muapostora Johani anoshandisa mutauro wakafanana mukurondedzera “Jerusarema idzva,” 144 000 vari mumbiri yavo yokudenga. (Zvakazarurwa 3:12; 21:10, 22-26) Izvi zvakakodzera, nokuti “Jerusarema idzva” rinomiririra nhengo dzose dzaIsraeri waMwari pashure pokunge dzagamuchira mubayiro wadzo wokudenga, vachiva rutivi rukuru rwo“mukadzi” waMwari pamwe naJesu Kristu, “Jerusarema riri kumusoro.”—VaGaratiya 4:26.
e Muna 1918 paavhareji vanhu vaiparidza mwedzi nomwedzi vakanga vari pasi pe4 000.
[Mufananidzo uri papeji 305]
“Mukadzi” anorayirwa kuti ‘asimuke’
[Mufananidzo uri papeji 312, 313]
“Zvikepe zveTarshishi” zvinotakura vanamati vaJehovha