RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha Anoshongedza Vanhu Vake Nechiedza
    Nharireyomurindi—2002 | July 1
    • 4, 5. (a) Jehovha anorayira mukadzi kuitei, uye chii chaanopikira? (b) Chitsauko 60 chaIsaya chine mashoko api anofadza?

      4 Mashoko okutanga aIsaya chitsauko 60 ari kutaurwa kumukadzi ari kusiririsa zvikuru—akazvambarara pasi nouso murima. Chiedza chinoerekana chati bhaa murima imomo, uye Jehovha anodanidzira kuti: “Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.” (Isaya 60:1) Nguva yasvika yokuti mukadzi wacho asimuke oratidza chiedza chaMwari, kubwinya kwake. Nei? Tinoona mhinduro yacho mundima inotevera, inoti: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.” (Isaya 60:2) Mukadzi wacho paanoita zvaarayirwa naJehovha, anovimbiswa kuwana mugumisiro wakanaka kwazvo. Jehovha anoti: “Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.”—Isaya 60:3.

      5 Mashoko anofadza ari mundima nhatu idzi isumo uye pfupiso yezvose zviri muchitsauko 60 chaIsaya. Anofanotaura zvaizoitika kumukadzi wouprofita uye anotsanangura kugara kwatingaita muchiedza chaJehovha pasinei nerima rafukidza vanhu. Zvisinei, mifananidzo youprofita iri mundima nhatu idzi inorevei?

      6. Mukadzi anotaurwa muna Isaya chitsauko 60 ndiani, uye ndivanaani vanomumiririra pasi pano?

      6 Mukadzi anotaurwa pana Isaya 60:1-3 iZiyoni, sangano raJehovha rokudenga rezvisikwa zvomudzimu. Nhasi, Ziyoni rinomiririrwa pasi pano nevasara va“Israeri waMwari,” ungano yepasi pose yevaKristu vakazodzwa nomudzimu, vane tariro yokutonga naKristu kudenga. (VaGaratiya 6:16) Rudzi urwu rwomudzimu runopedzisira rwava nenhengo 144 000, uye kuzadzika kwemazuva ano kwechitsauko 60 chaIsaya kunoitika pane dziri kurarama pasi pano mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1; Zvakazarurwa 14:1) Uprofita hwacho hunewo zvakawanda zvokutaura nezveshamwari dzevaKristu vakazodzwa ava, “boka guru” re“mamwe makwai.”—Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16.

  • Jehovha Anoshongedza Vanhu Vake Nechiedza
    Nharireyomurindi—2002 | July 1
    • 8. Chii chakachinja zvinoshamisa muna 1919, zvikazoguma sei?

      8 Zvisinei, mugore ra1919 zvinhu zvakachinja zvinoshamisa. Jehovha akavhenekera Ziyoni! Vamwe vaIsraeri vaMwari vakanga vapona vakasimuka ndokupenya nechiedza chaMwari, vachitangazve kuzivisa mashoko akanaka vasingatyi. (Mateu 5:14-16) Pamusana pokushingaira kutsva kwevaKristu ava, vamwe vakakweverwa kuchiedza chaJehovha. Pakutanga, vatsva ava vakazodzwa sedzimwe nhengo dzaIsraeri waMwari. Dzinorondedzerwa se“madzimambo” pana Isaya 60:3, sezvo vachizogara nhaka pamwe naKristu muUmambo hwaMwari hwokudenga. (Zvakazarurwa 20:6) Gare gare, boka guru remamwe makwai rakatanga kukweverwa kuchiedza chaJehovha. Ava ndivo “marudzi” anotaurwa muuprofita.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe