Kufanana Nenjiva Dzinobhururuka Dzichienda Kuzvirugu Zvadzo Zvenjiva
NJIVA zvichida dzakanga dziri pakati peshiri dzokutanga kupfuiwa nomunhu. Zviuru zvamakore zvapfuura, vaEgipita—vane donzo rokuva nomugove wezvokudya gore rose—vaivakira zvirugu zvenjiva pedyo nemisha yavo. Nyama yeshiri yaiongwa zvikuru, uye matosi adzo aishandiswa nokuda kwomupfudze. Pakasvika Middle Ages, zvirugu zvenjiva zvaiva zvinhu zvakadaro zvinochiviwa zvokuti mudzimwe nyika machinda bedzi kana kuti masangano orudzidziso vaibvumirwa kuva nazvo.
Kunyange zvazvo huku zvino dzakatsiva njivarungu samanyuko enyama pamatafura mazhinjisa, zvirugu zvenjiva zvakare zvinogona kungoonwa. Zvirugu zvenjiva zvinoratidzirwa pano zvinowanwa muEgypt.
Dzichidzokera pamwe chete mumadekwana, gore chairoiro reshiri rinobhuruka pachirugu chenjiva. Muporofita wechiHebheru Isaya akanongedzera kuna ikoku apo iye akabvunza, kuti: “Ndianiko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo?” Imwe shanduro inoti: “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore, vanobhururuka senjiva dzichienda kuzvirugu zvadzo zvenjiva?”—Isaya 60:8; The New English Bible.
Mhinduro inowanwa nhasi mumazana ezviuru avanhu vanotya Mwari anodirana kusangano raJehovha. MuHoro dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha, ivo vanodzidza kuvimba naMwari. (Isaya 60:9) Pakati pavanhu vaMwari, ivo vanowana kuti zvinokosha zvomudzimu, kutenda kupenyu, uye ushamwari hwakanaka zvinopa pfungwa yorugare nechengeteko zvakafanana neizvo zvinowanwa nenjiva muchirugu chayo chenjiva.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.