Ganhuro 20
‘Muduku Anova Rudzi Rune Simba’
1. (a) Kana kuri kukura kwokuwedzera kwavanamati vechokwadi, ko Jehovha akadeya kuzivisei? (b) Ndianiko chaizvoizvo anoparira ikoku, uye sei?
AVO vari vanamati vaJehovha vanguve vari vashomanene zvikuru muchiverengero pakuenzanisirwa nechiverengero chavanhu vose. Asika muzuva redu chiverengero chavo chiri kuwedzera nechiverengero chiri chinofadza vadi vokururama. Kana huri hukuru hwokuwedzera, Jehovha amene akadeya kuzivisa, kuti: “Muduku amene achava chiuru, uye mudukusa achava rudzi rune simba. Ini ndimene, Jehovha, ndichakukurumidzisa munguva yakwo imene.” (Isaya 60:22) Sokurondedzera kunoita rugwaro irworwo, Jehovha amene anoparira ikoku. Seiko? Kupfurikidza nokuita kuti pakati pavaranda vake pave nomugariro unovaparadzanisa chose chose namapoka amarudzi akavapoteredza uye iwowo unoyevedza zvakasimba vanhu vane mwoyo yakatendeseka.
2. (a) Ko Isaya 60:1, 2 inotaurirwa kuna ani? (b) Ko “kubwinya kwaJehovha kwakaitwa kuti kuvhenekere paari munzirai? (c) Ko vakasarira vaka“vheneka” sei?
2 Ikoku kwakadeya kuziviswa pana Isaya 60:1, 2, apo Jehovha anotaura ku“mukadzi” wake, sangano rake rinoumbwa nezvisikwa zvomudzimu zvakavimbika uyewo vanakomana vakaberekwa nomudzimu vari pasi pano, achiti: “Simuka, Haiwa mukadzi, vheneka, nokuti chiedza chako chasvika uye kubwinya kumene kwaJehovha kwakavheneka pamusoro pako. Nokuti, tarira! rima rimene richafukidza pasi, uye rima gurusa mapoka amarudzi; asi Jehovha uchavheneka pamusoro pako, uye kubwinya kwake amene kuchaonekwa pamsoro pako.” Chisakiso chouyu musiano ndiko kuberekwa kwoUmambo hwaMesia huri musimba raJesu Kristu muna 1914. Ipapo kwakaitika kuti “kubwinya kwaJehovha” kwakavheneka pasangano rake rokudenga, rakabereka Umambo. Pakanga pane chisakiso chikuru chokufara pakati pavo. (Zvakazarurwa 12:1, 2, 5, 10-12) Uye pasi pano vakasarira vakazodzwa vavadyi venhaka voUmambo vakagoverana mumufaro iwowo. Kuvambira muna 1919, ivo va“kavheneka” sezvavakaita kuparidzirwa kwenyika yose kwoUmambo hwaMwari setariro chaiyoiyo uye bedzi yavanhu.—1 Petro 2:9; Mateo 5:14-16.
3. (a) Neiko, zvikurukuru chifo cha 1914, ‘rima rakafukidza pasi’? (b) Chii chiri chigadzikiso chaichoicho bedzi?
3 Mukusiana, muna 1914 mapoka amarudzi enyika, achirwira kuchengeta uchangamire hwao amene, akapinda muzera ramasimba masimba nokusachengeteka raasina kutongobuda mariri. Kushaikwa kwokugadzikana chifocho kwakaparira vazhinji kuziva kuti, pasinei hapo no“kuenderera mberi kwesayenzi,” ivo havana nguva yemberi yakakotsekana yokuvimba nayo. Zvechokwadi, ‘rima rakafukidza pasi.’ Neiko vasingagoni kuwana nzira yokubuda nayo? Nemhaka yokuti marudzi akaramba Jehovha saChangamire. Vabati ushe vashomanene havaiti zvinopfuura kuita basa romuromo bedzi kuna “Mwari” ane zita ravasingatomboshandisi. Ivo vakarunda kuzviitira vamene zvinhu, asika zvinetso zvavanonangana nazvo hazvigoni kugadzikiswa nesimba romunhu. (Jeremia 8:9; Pisarema 146:3-6) Nyika iripoyi, namakaro ayo noushati, yakapinda “mazuva okupedzisira” ayo. Hapana nzira yaingagona kudzivisa nayo ruparadziko rwakaimirira. Vanhu bedzi vanotenda zvizere Umambo hwaMwari vanogona kutarira nguva yemberi nechivimbo. Muzviverengero zvinowedzera, vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari kuziva ikoku uye vari kuva vanobatana nomutoo wokushingaira neZvapupu zvaJehovha, zvisati zvichingotaura bedzi pamsoro poUmambo, asi zvinotamburira nokudisisa kurarama mukutsinhirana nezvazvinoparidza.
‘MUDUKUSA ANOVA CHIURU’
4. Mukuzadzika kwaIsaya 60:4, ibasai rokuunganidza rakatanga kupiwa ngwariro?
4 Apo Hondo yeNyika I yakaguma, kuunganidzwa kwavadyi venhaka voUmambo kwakanga kuchigere kupedzwa. Kwakanga kuchine vamwe “vanakomana” na“vanasikana” veJerusarema rokudenga vaidikanirwa kusvitsa vane 144 000 vakadeya kutaurwa kuti vaizobata ushe pamwe chete naKristu mudenga. Zvisinei, Jehovha akadeya kuzivisa kuguma kweiri basa, achiti: “Ringira kwose kwose nameso ako ugoona! Ivo vose vakaunganidzwa pamwe chete; vakauya kwauri. Vanakomana vako umene vanoramba vachibva kure, navanasikana vako avo vachatarisirwa pahudyu.” (Isaya 60:4) Somuuyo wokuparidzwa kwoUmambo kwakaitwa kubvira muna 1919 napashure pacho, zvimwe zviuru zvakazvitsaurira zvimene kuna Jehovha, zvikagobhapatidzwa uye zvakazodzwa nomudzimu mutsvene. Zvisinei, rose pamwe chete boka rose ravadyi venhaka voUmambo rakataurwa nezvaro naJesu serinongova bedzi “boka duku.” (Ruka 12:32) Kuzadzika zvakadeya kuziviswa pana Isaya 60:22, zvamazvirokwazvo kwaizova navamwe vaizounganidzirwa kukunamata kwechokwadi. Zvamazvirokwazvo ikoku kwakadaro!
5. Ko manyuko okumwezve kuwedzera ave ari sei sezvakarondedzerwa pana Isaya 55:5?
5 Vanotaurwa nezvavo pana Isaya 55:5 neiyi nzira: “Tarira! Iwe uchadana rudzi rwausingazivi, uye avo vorudzi vasati vakuziva vachatomhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, uye nokuda kwoMutsvene waIsraeri, nokuti iye achave akutsvindisa.” Ava vanhu vanobva kunze kwaIsraeri womudzimu. Vanobva mumarudzi mazhinji asi vanova vanhu vakabatana, bva vose vachipa tsigiro yokuvimbika kuUmambo hwaMwari. Ivo “rudzi” urwo vakasarira vaIsraeri womudzimu vasina “kuziva” panguva iyeyo mukuwirirana nokunzwisisa kwavo Magwaro, uyewo vanhu ava vakanga vasina kuziva zvakafanira kare vabatiri vaMwari. Asi somuuyo wokuparidza mashoko akanaka, ivo vanoyevedzwa nokuti vanoziva kuti ava vaIsraeri vomudzimu vanonamata Mwari wechokwadi uye nokuti vanocherekedza mavari runako rwomudzimu rwunogona kuparirwa bedzi nechikomborero chaMwari.
6. Ko shoko roUmambo riri kuitwa kure kwakadini, uye nemiuyoi inofadza?
6 Pasinei zvapo nezvose izvo Satani akaita kudzivisa kuparidzirwa kweshoko roUmambo uye kuti kutsausira ngwariro yavanhu kune zvimwe zvinorondwa, chiedza chezvokwadi chinopfuurira kusvika kunyange kumativi okumugumegume apasi. Muuyo wacho wave uri sokutaura kwakaita Mwari kare kare muchiporofita ku“mukadzi” wake: “Panguva iyoyo iwe uchaona ndokuva anopenya zvamazvirokwazvo, uye mwoyo wako uchadedera zvamazvirokwazvo ndokufutunuka, nokuti kupfuma kwegungwa kuchazvitungamirira iko kumene kwauri; pfuma imene yamarudzi ichauya kwauri. . . . Uye ivo vachazivisa kurumbidzwa kwaJehovha.” (Isaya 60:5, 6) Hungu, “boka guru” ravanhu vaichimbova rutivi rwe“gungwa” ravanhu vari kure naMwari, vanhu vanoupenyu hwakanga hwakasvibirwa ne“rima guru” rinofukidza marudzi, vakazvikumbanidza vamene naIsraeri womudzimu. Mumeso aMwari, ivava zvamazvirokwazvo vanhu vanokosha vanobva mumarudzi ose.
7. Kupfurikidza nenzira iyo kuwedzera kuri kudeya kutaurwa, ko Jehovha anoratidzira sei chiri chinoisvokosha zvechokwadi mumeso ake?
7 Panguva yokuvakwazve kwetembere yaJehovha muJerusarema, iye akamutsa muporofita wake Hagai kuzivisa, kuti: “‘Ini ndichazunungusa marudzi ose, uye zvinhu zvinodiwa zvamarudzi ose zvinofanira kuuya; uye ini ndichazadza imba iyi nokubwinya,’ ndozvakataurwa naJehovha wamauto.” (Hagai 2:7) Kuzununguswa nokutenhedzwa ikoko kwamarudzi pakupedzisira kunoparira kuparadzwa kwawo, asika ikoko kusati kwaitika “zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose” zvinofanira kuunganidzwa zvichibva pakati pawo ndokupinzwa mutembere huru yomudzimu yaJehovha, imba yake yokunamatira yapose pose. Muno ivo vachawana kotsekano apo nyika inoputsanyika kuva dongo. Ndivo vanamati vapenyu vari vanokosha kuna Jehovha. Pfuma yavo yokunyama haisati iri iyo yaanoda. (Mika 6:6-8) Chinhu chinokosha zvikuru chavanogona kupa Jehovha ndiko kunamata kwavo kwomweya wose. Vanouya nezvipiriso zvokuzvipira kwomwoyo nebasa rokushingaira, ivo vose va‘chizivisa kurumbidzwa kwaJehovha.’ Haiwa mufaro wakadini wakaunzwa nechitarisiko chavo kuvabatiri vakavimbika vaJehovha mose muri muviri kudenga napasi pano!
8. Ko Bhaibheri rinopa chiratidziroi pamsoro petambanuko yokuunganidzwa kwavadyi venhaka vanokarirwa vapasi voUmambo?
8 Vanganiko vavanamati ivava vaJehovha vane tariro youpenyu paParadhiso yapasi pano vachavapo? Bhaibheri harisati richitema chiverengero. Chinosiiwa chakazarukira vanhu vazhinji vanobva mumarudzi ose savangabatisisa gadziriro dzorudo dzaJehovha. Zvisinei, ratidziro yezvingakarirwa inowanwa muna Isaya 60:8, iyo inovarondedzera senjiva “dzinobhururuka kungofanana negore”—gore rinoti fukidzei pasi. Ikoku kunoreva kudirana kwechiverengero chikuru chavanhu munguva pfupi. Nouku kudirana kukuru kwavanamati vaJehovha, kwakadeya kuziviswa kuti, “muduku” waIsraeri womudzimu aizova “chiuru, uye mudukusa aizova rudzi rune simba,” uye Jehovha akataura kuti iye aizo“kukurumidzisa munguva yakwo imene.” (Isaya 60:22) Ko ikoku kunokodzera zvakaitika zvomenemene here?
9. Ko kuwedzera kwakadaro kwakaitika kusvikira kutambanukoi chifo cha 1935?
9 Pashure pehondo yokutanga yenyika kwaingova bedzi nezviuru zvishomanene zvinoshingaira mukugoverana mukupupurira pamhene pamsoro poUmambo. Pakuzosvika muna 1935 ivo vaiva vanoita hwerengedzo yavashomenene zvikuru vari pasi pavane 60 000 munyika yose. Muna 1941 chiverengero chavaparidziri voUmambo chakapfuura chiratidzo che 100 000. Pakuzosvika muna 1953, kwaiva navanopfuura 500 000. Makore ane gumi gare gare ivo vakava nechiverengero chemirioni. Pakuzosvika pakuvamba kwa 1984, kwaiva navane 2 652 323. Pamwerowo zvawo, ivo vanopira anopfuura maawa ane mirioni pazuva kukuratidzira vamwe chikonzero nei Umambo hwaMwari bedzi huchipa tariro nokuda kwenguva yemberi. Mukuenzanisira nechiverengero chaavo, seZvapupu zvaJehovha, vanobvumikisa kuti ivo vadzorwi voUmambo hwaMesia hwaJehovha, kunocherekedzwa kuti marudzi ane 60 enyika nhasi rimwe nerimwe rine chiverengero chavagari vemo chiduku zvikuru muchiverengero kupfuura “urwu rudzi” ruri kuwedzera. Zvisinei, urwu “rudzi” rwakasiana, harwuna rutivi mune zvamatongerwe enyika zvenyika asi rwakazvipira chose chose kubasa raMwari wechokwadi.
10. (a) Ko migariroi inoita kuti uku kuwedzera kuve kunoshamisa mumeso edu? (b) Chii chinoratidzira kuti kwakawanda kuchauyazve?
10 Ko iyi ndiyo tambanuko izere iyo ichi chiporofita chaizozadzika kusvikira kwairi here? Zvakatoitika zvakaringanira kukodzera kurondedzera kweBhaibheri. Uye kunoshamisawo, patinorangarira migariro iyo iri basa rave richiitirwa mairi—mhinganidzo dzakakurirwa, ufakazi hwenhungamiro youmwari yokuita kuti ribudirire, kuzvipira kwakaratidzirwa naavo vakagoverana mariri. Kunoshamisawo, ndiko kuchinja kwarakaparira muupenyu hwavanhu. Asika kuwedzera kwavanhu vari kuita kumira kwavo pamhene nokuda kwaJehovha hakuziri kumira, uyewo hakusati kuri kuderera. Mukati mamakore achangobva kupfuura aya mave mune, pamwerowo zvawo, vanosanopfuura 10 000 mwedzi mumwe nomumwe vanozvipa vamene nokuda kworuombeko rwomumvura, uye chiverengero chacho chave chichikwira gore rimwe nerimwe. Ivava vose, kupfurikidza nokurarama mukuwirirana nezvinoratidzirwa norubhapatidzo rwavo, vangava nekariro inosimbisira yokupukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva.”
11. (a) Ko Bhaibheri rinoratidzira sei kuti aya mamirioni anova rutivi rwesangano? (b) Chii chiri donzo guru resangano irero?
11 Aya mamirioni avanhu haasati ari vadzidzi veBhaibheri vanongozvimirirawo havo, mumwe nomumwe achibatira Mwari munzira yake amene. Ivo vanhu avo nomutoo wokuzviisa pasi vanova rutivi rwesangano rinooneka raJehovha. Sezvataona, pakutanga vadyi venhaka voUmambo “vakaunganidzwa pamwe chete.” Zvino vamwe vanobva mumarudzi, vane tariro youpenyu hwapasi, vari ‘kuuya kwavari.’ (Isaya 64:4, 5) Ivo vakava vakabatana mu“boka rimwe” mukutungamirira kwo“mufudzi mumwe,” Jesu Kristu. (Johane 10:16) Muapostora Petro akarondedzera maKristu echokwadi se“boka rehama” renyika yose, uye Pauro akavakuchidzira kusazviparadzanisa vamene asi ku‘ungana pamwe chete,’ uye zvikuru kwazvo sezvo zuva rokuitwa kworutongeso rwoumwari roswedera pedyo. (1 Petro 5:9; VaHebheru 10:23-25) Nenzira iyeyo vanosimbaradzwa uye vanoshongedzerwa kugoverana mudonzo rakaisvonaka iro iri sangano riripo nokuda kwaro. Uye nderipiko iroro? Rokukudza zita raJehovha.—1 Petro 2:9; Isaya 12:4, 5.
BASA RINODA KUITWA
12. (a) Ko Jesu akaratidzira sei basa iro isu tose tinofanira kugoverana mariri? (b) Ko iro rinokosha zvakadini, uye nei?
12 Avo vanobatana nesangano raJehovha nokukurumidza vanoziva kuti avo vari mariri vashandi. Mukutevedzera Jesu Kristu ivo vose vaparidzi vanoshingaira voUmambo hwaMwari, huri mutoo uyo zita raJehovha richarevererwa kupfurikidza nawo. Jesu amene akati: “Ini ndinofanira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, nokuti ini ndakatumirwa ikoku.” (Ruka 4:43) Iye akataura nomwoyo wose pamsoro pokudikanwa kwokuti vamwe vavakire upenyu hwavo mukuitwa kwokuda kwaMwari. Akadzidzisa vateveri vake kuita basa rimwe chetero raakanga achiita. Nokuda kwenguva yatiri kurarama mairi, iye akadeya kuzivisa kuti “aya mashoko akanaka oUmambo” aizo“paridzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateo 24:14) Iri ibasa rinoisvokosha iro upi noupi wedu anogona kuita nhasi. Neiko kwakadaro? Nokuti kupfurikidza naro tinogona kutsigira uchangamire hwakafanira hwaJehovha Mwari, uhwo garikano yechisiko chose inotsamira pahuri. Kupfurikidza nokugoverana nomwoyo wose muno uyu mubato, tinoratidzira kuonga kwedu tsitsi dzakakomba dzakawanda dzaJehovha. Tinobetserawo vanhu biyedu kuzvibetsera vamene nomutoo bedzi unovabvirira kupfurikidza nawo kupukunyuka dambudziko guru rinouya.—Enzanisa 1 Timotio 4:15, 16.
13. (a) Pana Isaya 60:17, mugariroi wakadeya kuziviswa nokuda kwesangano raJehovha? (b) Ko isu tinofanira kuitei kuti tigoruwana zvizere? (c) Ko ikariroi iri pamberi paavo vanodaro?
13 Migariro yavanowana musangano raJehovha inofadza mwoyo yavo. Sokudeya kuzivisa kwakaita Jehovha kupfurikidza naIsaya: “Ndichagadza rugare savatariri vako nokururama savagoveri vebasa vako.” (Isaya 60:17) Rugare runokurira harusati ruchingovawo harwo dzidziso asi chinhu chaichoicho, chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. Ikoku hakusati kuchireva kuti munhu anowana rugare irworwo zvizere nemhaka yokuti iye anosonganirana nesangano. Iye amene anofanira kudzidza ku“ronda zvinhu zvinoita rugare nezvinhu zvinovaka kuno mumwe nomumwe.” (VaRoma 14:19) Iye anodikanirwa kudzidza kuratidzira uchenjeri hwoumwari mukugonana nokusakwana kwavamwe, kubvumikisa mwoyo murefu nokuzvidzora, kuva anokanganwira vamwe sezvo iye achida kuti Mwari amukanganwire. Hungu, iyewo anofanira ‘kuita rugare.’ (Jakobho 3:17, 18; VaGaratia 5:22, 23; VaKorose 3:12-14) Avo vanoita kudaro vanowana mufaro mukuru mukuva rutivi rwo“rudzi rune simba” urwo zvino rwuri kuumbika uye rwakazvipira kubasa raJehovha, “Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11) Ndiyo mitezo yourwu “rudzi” ichachengetwa apo Jehovha anoita rutongeso panyika yose inozviisa pasi paSatani somubati ushe wayo.