-
Kunamata Kwechokwadi Kunowedzera Pasi PoseUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
11, 12. (a) “Mukadzi” anotanga kuonei sezvaanotarira kumavirazuva? (b) Nei vakawanda kudaro vari kumhanyira kuJerusarema?
11 Jehovha zvino anorayira “mukadzi” wacho kuti atarire kumavirazuva, uye anobvunza kuti: “Ndianiko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumahwindi ezvirugu zvadzo?” Jehovha pachake anopindura kuti: “Zvirokwazvo, zviwi zvichandimirira, nezvikepe zveTarshishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokune Mutsvene waIsraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.”—Isaya 60:8, 9.
12 Fungidzira kuti wakamira no“mukadzi” wacho, wakatarira kumavirazuva nomuGungwa Guru. Unoonei? Gore riri kure rine madonwe machena richifamba nepamusoro pemvura. Anoita seshiri, asi sezvaanoswedera pedyo, unoona kuti zvikepe uye maseiri azvo akabhedhenurwa. Zvabva “kure.”a (Isaya 49:12) Zvikepe zvizhinji zviri kumhanya zvichienda kuZiyoni zvokuti zvinoita seboka renjiva dzava kudzokera kumatendere. Nei zvikepe zvacho zvichimhanya kudaro? Zvinoda kusvitsa zvazvakatakura—vanamati vaJehovha vanobva kuzviteshi zvezvikepe zviri kure. Zvechokwadi, vose vachangobva kusvika—vose vaIsraeri nevatorwa, vanobva kumabvazuva kana kuti kumavirazuva uye nzvimbo dziri pedyo kana kuti dziri kure—vari kumhanyira kuJerusarema kuti vanopira zvavanazvo zvose kuzita raJehovha, Mwari wavo.—Isaya 55:5.
-
-
Kunamata Kwechokwadi Kunowedzera Pasi PoseUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
a Tarshishi inenge yaive pane yave Spain nhasi. Zvisinei, sokutaura kwerimwe bhuku, mashoko okuti “zvikepe zveTarshishi” anoreva rumwe rudzi rwezvikepe—“zvikepe zvomugungwa zvine maseiri marefu”—zvakanga “zvakakodzera kufamba zvichienda kuTarshishi,” nemamwe mashoko, zvikepe zvaionekwa zvakakodzera kuita nzendo refu kuenda kuzviteshi zviri kure—1 Madzimambo 22:48.
-