-
Shanda Nesimba Kuti Paradhiso Yokunamata Iwedzere KunakaNharireyomurindi—2015 | July 15
-
-
1, 2. MuMagwaro echiHebheru, mashoko okuti “chitsiko chetsoka” anorevei?
JEHOVHA MWARI akati: “Matenga ndiwo chigaro changu choumambo uye nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu.” (Isa. 66:1) Achitaura ‘nezvechitsiko chetsoka’ dzake, akatiwo: “Ndichakudza nzvimbo yetsoka dzangu.” (Isa. 60:13) Anozviita sei? Uye isu tinofanira kuitei sezvo tichigara ‘pachitsiko chetsoka’ dzake?
2 Mashoko okuti “chitsiko chetsoka” anoshandiswawo muMagwaro echiHebheru achireva temberi yaishandiswa nevaIsraeri. (1 Mak. 28:2; Pis. 132:7) Mukuona kwaJehovha, temberi iyi yainge yakanaka chaizvo nokuti ndiyo yaiva muzinda wokunamata kwechokwadi panyika uye kuvapo kwayo kwaiita kuti Jehovha akudzwe.
3. Temberi huru yaJehovha chii, uye yakavapo riini?
3 Mazuva ano, muzinda wokunamata kwechokwadi hausisiri temberi chaiyo yepanyika. Asi kwava netemberi huru inokudza Jehovha kupfuura chivako chero chipi zvacho. Uhwu urongwa hunoita kuti vanhu vakwanise kuyananiswa naMwari pachishandiswa upristi hwaJesu Kristu uye chibayiro chake. Urongwa uhwu hwakatanga kushanda muna 29 C.E. pakabhabhatidzwa Jesu ndokuzodzwa kuva Mupristi Mukuru wetemberi huru yaJehovha.—VaH. 9:11, 12.
4, 5. (a) Pisarema 99 rinorondedzera sei chido chine vanamati vechokwadi vaJehovha? (b) Tinofanira kuzvibvunza mubvunzo upi?
4 Tinoonga chaizvo urongwa hwaMwari hwokunamata kwechokwadi. Tinoratidza kuti tinoonga Jehovha nokuudza vamwe nezvezita rake uye chipo chorudzikinuro chaakatipa. Zvinofadza chaizvo kuziva kuti mazuva ano kune vaKristu vechokwadi vanopfuura 8 000 000 vari kurumbidza Jehovha! Vanhu vari mune zvimwe zvitendero vane pfungwa dzisiridzo dzokuti vachazorumbidza Mwari kana vava kudenga, asi Zvapupu zvaJehovha zvose zvinoziva kuti zvinofanira kumurumbidza pano panyika, iye zvino.
5 Saka tinotevedzera zvaiitwa nevashumiri vakatendeka vaJehovha zviri pana Pisarema 99:1-3, 5. (Verenga.) Pisarema iroro rinoratidza kuti Mosesi, Aroni uye Samueri vakanyatsotsigira urongwa hwokunamata kwechokwadi panguva yavakararama. (Pis. 99:6, 7) Mazuva ano, hama dzakazodzwa dzichiri panyika dzinoshumira dzakatendeka muchivanze chepasi pano chetemberi huru dzisati dzaenda kudenga kunoshumira sevapristi pamwe naJesu. Mamiriyoni ‘emamwe makwai’ anorambawo achitsigira hama idzi. (Joh. 10:16) Kunyange zvazvo mapoka maviri aya aine tariro yakasiyana, ose anonamata Jehovha akabatana ari pachitsiko chetsoka dzaMwari. Asi mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kunyatsotsigira urongwa hwaJehovha hwokunamata kwakachena here?’
-
-
Shanda Nesimba Kuti Paradhiso Yokunamata Iwedzere KunakaNharireyomurindi—2015 | July 15
-
-
7 Pakazosvika gore ra1919, zvakanga zvava kunyatsooneka kuti ndivanaani vaifarirwa naJehovha uye vaimushumira patemberi yake. Vanhu ivavo vakanga vacheneswa mune zvokunamata kuitira kuti basa ravo riwedzere kufarirwa naMwari. (Isa. 4:2, 3; Mar. 3:1-4) Zvakaratidzwa muapostora Pauro mazana emakore ainge apfuura, zvakatanga kuzadziswa.
8, 9. ‘Iparadhiso’ ipi yakaonekwa naPauro?
8 Zvakaratidzwa Pauro zvinowanikwa pana 2 VaKorinde 12:1-4. (Verenga.) Pauro akaratidzwa zvinhu zvinoshamisa chaizvo zvaizozadziswa mune ramangwana. ‘Iparadhiso’ ipi yaakaona paakatorwa “akaendeswa kudenga rechitatu”? Paradhiso iyi inogona kureva Paradhiso ichava panyika munguva pfupi iri kuuya. (Ruka 23:43) Inogona kureva paradhiso yokunamata iripo iye zvino iyo ichazonyatsozadziswa munyika itsva. Inogona kurevawo “paradhiso yaMwari” kana kuti mamiriro ezvinhu akanaka ari kudenga.—Zvak. 2:7.
9 Saka nei Pauro akataura kuti akanga anzwa “mashoko asingatauriki ayo asingabvumirwi nomutemo kuti munhu ataure”? Nokuti nguva yokuti atsanangure zvinhu izvi zvinoshamisa zvaainge aona, yakanga isati yasvika. Asi iye zvino Jehovha ava kutibvumira kutaura nezvemakomborero ane vanhu vake.
10. Paradhiso yokunamata netemberi huru yaMwari zvakasiyana papi?
10 Tinowanzotaura nezveparadhiso yokunamata. Paradhiso iyoyo chii? Inoreva rugare rwatinarwo naMwari uyewo nehama dzedu. Rugare urwu rwunongowanikwa pakati pevanhu vaJehovha chete. Asi hatifaniri kufunga kuti paradhiso yokunamata netemberi huru yaMwari zvinoreva chinhu chimwe chete. Temberi huru yaMwari inoreva urongwa hwake hwokunamata kwechokwadi. Paradhiso yokunamata inoita kuti zvinyatsova pachena kuti ndevapi vanofarirwa naMwari uye vari kumushumira mazuva ano mutemberi yake.—Mar. 3:18.
11. Iropafadzo ipi yatiinayo mazuva ano?
11 Zvinofadza chaizvo kuziva kuti kubva muna 1919, Jehovha akabvumira vanhu vane chivi kuti vashande naye pakuita kuti panyika pave neparadhiso yokunamata, vachiisimbisa uye vachiita kuti iwedzere kukura. Uri kubatsirawo here pabasa iri rinofadza? Unokoshesa here ropafadzo iyi yokushanda naJehovha uchiita kuti ‘nzvimbo yetsoka dzake’ ikudzwe?
-