Nyaradza Vanochema
“Jehovha wakandizodza . . . kuti ndinyaradze vose vanochema.”—ISAYA 61:1, 2.
1, 2. Ndivanaani vatinofanira kunyaradza, uye nei?
JEHOVHA, Mwari wenyaradzo yechokwadi, anotidzidzisa kuva nehanya apo vamwe vanotambura. Anotidzidzisa ‘kutaura nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza’ uye kunyaradza vose vanochema. (1 VaTesaronika 5:14) Panenge pachidiwa rubatsiro rwakadaro, tinorupa kune vatinonamata navo. Tinoratidzawo rudo vaya vari kunze kweungano, kunyange vaya vangave vasina kumboratidza kuti vaitida kare.—Mateu 5:43-48; VaGaratiya 6:10.
2 Jesu Kristu akaverenga akaratidza kushanda kwezvakataurwa muuprofita kwaari zvinoti: “Mweya waShe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, . . . kuti ndinyaradze vose vanochema.” (Isaya 61:1, 2; Ruka 4:16-19) VaKristu vakazodzwa vemazuva ano vave vachiziva kwenguva refu kuti murayiro uyu unoshandawo kwavari, uye “mamwe makwai” anobatana navo mubasa iroro nomufaro.—Johani 10:16.
3. Vanhu pavanobvunza kuti, “Nei Mwari achibvumira matambudziko?,” tingavabatsira sei?
3 Panoitika njodzi uye vanhu vosiyiwa vachirwadziwa pamwoyo, vanowanzobvunza kuti, “Nei Mwari achibvumira matambudziko?” Bhaibheri rinopindura mubvunzo wakadaro zvakajeka. Zvisinei, zvingatora nguva kuti mumwe munhu ave asingadzidzi Bhaibheri anzwisise mhinduro yacho zvizere. Rubatsiro runopiwa mumabhuku eZvapupu zvaJehovha.a Zvisinei, chokutanga, zvakaratidza kuti zvinonyaradza kune vamwe vanhu kungoona muBhaibheri ndima yakadai seinowanikwa pana Isaya 61:1, 2, sezvo ichiratidza chido chaMwari chokuti vanhu vanyaradzwe.
4. Chimwe Chapupu kuPoland chakakwanisa sei kubatsira mumwe musikana wokuchikoro akanga akaora mwoyo, uye chiitiko ichocho chingakuyamura sei kuti ubatsire vamwe?
4 Vechiduku, uyewo vakura, vanoda kunyaradzwa. Mumwe wechiduku akanga akaora mwoyo kuPoland akakumbira mazano kune imwe shamwari yake. Yamubvunzisisa nenzira younyoro, shamwari yacho, iyo iri mumwe weZvapupu zvaJehovha, yakaziva kuti musikana uyu akanga achinetseka nemibvunzo uye zvimwe zvinhu zvaakanga asina chokwadi nazvo, zvokuti: “Nei kuine uipi hwakawanda zvakadai? Nei vanhu vachitambura? Nei munun’una wangu akaremara achitambura? Nei mwoyo wangu usina utano? Chechi inoti Mwari ndizvo zvaanoda. Asi kana zvirizvo zvazvakaita, handichatendi maari!” Chapupu chacho chakanyengetera kuna Jehovha chinyararire ndokubva chati: “Ndafara kuti wandibvunza maererano neizvi. Ndichaedza kukubatsira.” Akarondedzera kuti iyewo aiva nezvinhu zvaakanga asina chokwadi nazvo paaiva mwana uye akabatsirwa neZvapupu zvaJehovha. Akatsanangura kuti: “Ndakadzidza kuti Mwari haaiti kuti vanhu vatambure. Anovada, anoda zvakavanakira kupfuura zvose, uye nokukurumidza achaita kuti zvinhu zvichinje chaizvo panyika. Urwere, zvinetso zvokukwegura, uye rufu zvichava zvisisipo, uye vanhu vanoteerera vachararama nokusingaperi—pano panyika chaipo.” Akaratidza musikana uyu Zvakazarurwa 21:3, 4; Jobho 33:25; Isaya 35:5-7 uye 65:21-25. Pashure pokukurukura kwenguva refu, musikana wacho achiratidza kuti anyevenuka akati: “Iye zvino ndava kuziva kuti ndinoraramirei. Ndingauya kuzokuonazve here?” Akatanga kudzidziswa Bhaibheri kaviri pavhiki.
Nenyaradzo Iyo Mwari Anopa
5. Patinoratidza kunzwira tsitsi, chii chichapa nyaradzo yechokwadi?
5 Patinoedza kunyaradza vamwe, tinofanira kutaura mashoko okunzwira tsitsi. Tinoedza kuratidza munhu ari kuchema nemashoko nechimiro chenzwi redu kuti tiri kunetseka zvikuru nemamiriro ake ezvinhu. Izvi hazviitwi nokushandisa mashoko asingabvi pamwoyo. Bhaibheri rinotiudza kuti “nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro tive netariro.” (VaRoma 15:4) Tichifunga izvi, tinogona kutsanangura panguva yakakodzera kuti Umambo hwaMwari chii, uye tinogona kuratidza kubva muBhaibheri mapedzero ahuchaita zvinetso zviripo iye zvino. Zvadaro, tinogona kukurukura chikonzero nei iri tariro yakavimbika. Nenzira iyi, tichanyaradza.
6. Tinofanira kubatsira vanhu kunzwisisei kuitira kuti vabatsirwe zvizere nenyaradzo inobva muMagwaro?
6 Kuti munhu abatsirwe zvizere nenyaradzo inopiwa, anofanira kuziva Mwari wechokwadi, kuti Munhu worudzii, uye kuvimbika kwezvipikirwa zvake. Kana tichiedza kubatsira munhu asati ava munamati waJehovha nechakare, zvakanaka kutsanangura pfungwa dzinotevera. (1) kuti nyaradzo inowanikwa muBhaibheri inobva kuna Jehovha, Mwari wechokwadi. (2) Jehovha ndiye Wemasimba ose, Musiki wedenga nepasi. NdiMwari worudo uye ane mutsa une rudo nechokwadi zvikuru. (3) Tinogona kupiwa simba rokubata nemamiriro ezvinhu kana tikaswedera pedyo naMwari nokuwana zivo yakarurama inobva muShoko rake. (4) Bhaibheri rine magwaro ane chokuita nemiedzo chaiyo inosangana nevanhu vakasiyana-siyana.
7. (a) Chii chinogona kupedzwa nokusimbisa kuti nyaradzo iyo Mwari anopa i“nowanda nokuda kwaKristu”? (b) Unganyaradza sei mumwe munhu anoona kuti mufambiro wake wave wakaipa?
7 Vamwe vakakurudzira mumudzimu vaya vanochema avo vanoziva Bhaibheri nokuverenga 2 VaKorinde 1:3-7. Pakuita kudaro, vakasimbisa mashoko anoti “kunyaradzwa kwatinowana kunowanda nokuda kwaKristu.” Rugwaro urwu rungabatsira munhu kuziva kuti Bhaibheri ndiro rine nyaradzo yaanofanira kufungisisa nezvayo. Runogonawo kuita kuti muzokurukuriranazve, zvichida pane dzimwe nguva. Kana munhu achifunga kuti nhamo dzake dzinokonzerwa nezvinhu zvakaipa zvaakaita, ipapo, tisingatongi, tingamuudza kuti zvinonyaradza kuziva zvakanyorwa pana 1 Johani 2:1, 2 naPisarema 103:11-14. Nenzira idzi tinonyaradza vamwe zvechokwadi nenyaradzo iyo Mwari anopa.
Apo Upenyu Hunokanganiswa Nechisimba Kana Kuti Nenhamo Dzemari
8, 9. Nyaradzo ingapiwa sei kuvanhu vakatambura nechisimba?
8 Upenyu hwemamiriyoni asingaverengeki hwakakanganiswa nechisimba—chisimba choutsotsi munharaunda kana kuti chisimba chehondo. Tingavanyaradza sei?
9 VaKristu vechokwadi vanongwarira kuti havatsigiri rimwe bato muhondo dzenyika mushoko kana muchiito. (Johani 17:16) Asi vanoshandisa Bhaibheri zvakakodzera kuratidza kuti mamiriro ezvinhu akaipa kwazvo haazorambi aripo nokusingaperi. Vangaverenga Pisarema 11:5 kuratidza manzwiro anoita Jehovha maererano nevanoda chisimba kana kuti Pisarema 37:1-4 kuratidza zvinokurudzirwa naMwari kuti tisatsiva pachedu asi kuti tivimbe naMwari. Mashoko ePisarema 72:12-14 anoratidza manzwiro ayo Soromoni Mukuru, Jesu Kristu, ava kutonga saMambo wokudenga, anoita pamusoro pevanhu vasina mhosva vari kutambura nechisimba.
10. Kana wakararama mumakore ehondo, magwaro akanyorwa mundima anogona kukunyaradza sei?
10 Vamwe vanhu vakapfuura nomukurwisana kwakawanda sezvo mapato anorwisana airwira kutonga. Vanopedzisira vava kufunga kuti hondo nemigumisiro yayo ndiwo magariro muupenyu. Tariro yavanongova nayo chete ndeyokuti zvinhu zvingangovaitira nani kana vakatizira kune imwe nyika. Asi vakawanda vavo havambobudiriri kuita izvozvo, uye vanoverengeka vakazviedza vakarasikirwa noupenyu hwavo. Vaya vanosvika kune imwe nyika vanowanzoona kuti vangochinjanisa zvinetso. Pisarema 146:3-6 ingashandiswa kubatsira vanhu vakadaro kuisa tariro yavo mune chimwe chinhu chiri nani zvikuru pane kutama. Uprofita huri pana Mateu 24:3, 7, 14 kana kuti 2 Timoti 3:1-5 hungavabatsira kunyatsonzwisisa mamiriro ezvinhu avari kutsungirira uye zvaanoreva, kureva kuti, tiri kurarama mumagumo enyika yekare. Magwaro akadai saPisarema 46:1-3, 8, 9 naIsaya 2:2-4 angavabatsira kuziva kuti kune tariro yenguva yemberi ine rugare zvechokwadi.
11. Magwaro api akanyaradza mumwe mukadzi muWest Africa, uye nei?
11 Panguva yehondo yaipfuurira muWest Africa, mumwe mukadzi akatiza musha wake uku mabara achinaya. Upenyu hwake hwakasvika pakuzadzwa nokutya, kusuwa, uye kuora mwoyo kukuru. Gare gare, apo mhuri yake yakanga ichigara mune imwe nyika, murume wake akasarudza kupisa tsamba yavo yomuchato, kudzinga mudzimai wake uyo panguva iyoyo akanga ava nepamuviri uye mwanakomana wavo aiva nemakore gumi, obva ava mupristi. Paakaverengerwa VaFiripi 4:6, 7 naPisarema 55:22, pamwe chete nenyaya dzeMagwaro dzinobva muNharireyomurindi neMukai!, pakupedzisira akanyaradzwa ndokuwana chinangwa muupenyu.
12. (a) Magwaro anonyaradza sei vaya vari kutambura nokushayiwa mari? (b) Chimwe Chapupu muAsia chakakwanisa sei kubatsira mutengi?
12 Kuparara kwoupfumi kwavhiringidza upenyu hwemamiriyoni evanhu. Dzimwe nguva izvi zvinokonzerwawo nehondo nemigumisiro yayo. Dzimwe nguva, zvirongwa zvokusachenjera zvehurumende uye makaro nokusavimbika kwevaya vane simba zvakaita kuti mari yose ipere uye zvakamanikidza vanhu kusiya zvinhu zvavo. Vamwe havana kumbova nezvakawanda zvezvinhu zvenyika ino. Vose vakadaro vanogona kunyaradzwa nokuziva kuti Mwari anovimbisa kununurwa kwevaya vanovimba naye uye anovimbisa nyika yakarurama umo vanhu vachafadzwa nemabasa emaoko avo. (Pisarema 146:6, 7; Isaya 65:17, 21-23; 2 Petro 3:13) Apo chimwe Chapupu mune imwe nyika yokuAsia chakanzwa mutengi achinyunyuta nemamiriro ezvoupfumi ikoko, chakatsanangura kuti zvakanga zvichiitika ikoko zvaiva zvimwe zvezviitiko zviri kuitika pasi pose. Kukurukurirana magwaro aMateu 24:3-14 naPisarema 37:9-11 kwakaita kuti vadzidze Bhaibheri nguva dzose.
13. (a) Vanhu pavanenge vaora mwoyo nokungovimbiswa zvenhema, tingashandisa sei Bhaibheri kuvabatsira? (b) Kana vanhu vachifunga kuti zvinhu zvakaipa zvinoratidza kuti hakuna Mwari, ungaedza sei kukurukura navo?
13 Vanhu pavanenge vatambura kwemakore akawanda kana kuti vaora mwoyo nokungovimbiswa zvenhema, vangava sevaIsraeri vaiva muIjipiti avo vasina kuteerera pamusana pe“shungu dzomweya.” (Eksodho 6:9) Muzviitiko zvakadaro, zvingabatsira kuratidza nzira idzo Bhaibheri rinogona kubatsira nadzo kubata zvinobudirira nezvinetso zvenguva ino uye kudzivisa kuwira mumisungo inokanganisa upenyu hwevakawanda zvisina kufanira. (1 Timoti 4:8b) Vamwe vangaona mamiriro ezvinhu akaipa avanorarama maari seanoratidza kuti hakuna Mwari kana kuti haana hanya navo. Ungatsanangura magwaro akakodzera kuti uvabatsire kuona kuti Mwari akagovera rubatsiro asi vakawanda havana kurugamuchira.—Isaya 48:17, 18.
Kana Tatarisana Nemadutu Nokudengenyeka Kwepasi
14, 15. Apo imwe njodzi yakasiya vakawanda vachitya, Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza sei kuti zvine hanya?
14 Pangaitika njodzi inokonzerwa nedutu, kudengenyeka kwepasi, moto, kana kuti kuputika. Vanhu kwose kwose vangave vachichema. Chii chingaitwa kunyaradza vanenge vapukunyuka?
15 Vanhu vanofanira kuziva kuti pane mumwe munhu ane hanya. Pashure pokurwisa kwemagandanga mune imwe nyika, vakawanda vakasiyiwa vachitya. Vakawanda vavo vakarasikirwa nevamwe vomumhuri, variritiri, shamwari, basa, kana kuti chero chinhu chavaifunga kuti chichavachengetedza. Zvapupu zvaJehovha zvakaenda kune vaiva munharaunda dzazvo, zvichiratidza kunzwira urombo nokuda kwokurasikirwa zvikuru kwakanga kwaita vanhu uye kuvapa mashoko enyaradzo anobva muBhaibheri. Vakawanda vakaonga kwazvo kuva nehanya kwavakaratidzirwa.
16. Pakaitika njodzi mune imwe nharaunda yeEl Salvador, nei basa romumunda reZvapupu zvemo rakabudirira chaizvo?
16 MuEl Salvador kudengenyeka kwepasi kukuru muna 2001 kwakateverwa nokuondomoka kwemadhaka kwakaurayisa vanhu vakawanda. Mwanakomana wemakore 25 wechimwe Chapupu nevanunun’una vaviri vomusikana womwanakomana wacho vakaurayiwa. Amai vomukomana uyu pamwe chete nomusikana wake vakabatikana mubasa romumunda nokukurumidza. Vakawanda vakavaudza kuti aiva Mwari akanga atora vaya vakanga vafa kana kuti kwaiva kuda kwaMwari. Zvapupu izvi zvakataura mashoko aZvirevo 10:22 (maererano neshanduro itsva) kuratidza kuti Mwari haadi kuti tive nemarwadzo. Vakaverenga VaRoma 5:12 kuratidza kuti rufu rwakaunzwa nechivi chomunhu, kwete nokuda kwaMwari. Vakaratidzawo mashoko enyaradzo anowanikwa pana Pisarema 34:18, Pisarema 37:29, Isaya 25:8, naZvakazarurwa 21:3, 4. Vanhu vakatanga kuteerera, kunyanya sezvo vakadzi vaviri ava pachavo vakanga varasikirwa nevamwe vomumhuri munjodzi yacho, uye vakawanda vakatanga kudzidziswa Bhaibheri.
17. Munguva dzenjodzi, tinogona kubatsira nenzira dzipi?
17 Panoitika njodzi, ungasangana nomumwe munhu ari kuda kubatsirwa nokukurumidza. Izvi zvingasanganisira kudana chiremba, kubatsira munhu wacho kuenda kukiriniki, kana kuita chero chinodiwa kupa zvokudya nepokugara. Muna 1998 pakaitika imwe njodzi yakadaro muItaly, mumwe mutori wenhau akaona kuti Zvapupu zvaJehovha “zvinoshanda nenzira inobudirira, zvichibatsira vaya vanotambura, zvisinganetseki nokuti ndevechitendero chipi.” Mune dzimwe nharaunda, zviitiko zvakaprofitwa nokuda kwemazuva okupedzisira zvinokonzera kutambura kukuru. Munzvimbo idzodzo, Zvapupu zvaJehovha zvinotaura nezvouprofita hweBhaibheri, uye zvinonyaradza vanhu nevimbiso yeBhaibheri yokuti Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vachengeteke.—Zvirevo 1:33; Mika 4:4.
Panenge Pafa Mumwe Womumhuri
18-20. Kana paine munhu afa mumhuri, ungataura kana kuitei kuti unyaradze?
18 Mazuva ose mamiriyoni evanhu anochema kufa kwomudiwa. Ungasangana nevanochema paunenge uchiita ushumiri hwechiKristu kana kuti paunenge uchiita mabasa oupenyu hwezuva nezuva. Chii chaungataura kana kuita chingaita kuti vanyaradzwe?
19 Munhu wacho ari kutambura mupfungwa here? Imba yakazara nehama dziri kuchema here? Pangava nezvakawanda zvaungada kutaura, asi kunzwisisa kunokosha. (Muparidzi 3:1, 7) Pamwe chinhu chakakodzera kuratidza kuti uri kunzwa urombo, wosiya bhuku reBhaibheri rakakodzera (bhurocha, magazini, kana kuti turakiti), wozodzoka pashure pemazuva mashomanana kuti uone kana paine rumwe rubatsiro rungapiwa. Panguva yakakodzera, ipa pfungwa dzinokurudzira dzinobva muBhaibheri. Izvi zvingava nomugumisiro unodzikamisa uye unopodza. (Zvirevo 16:24; 25:11) Haungagoni kumutsa vakafa, sezvaiita Jesu. Asi unogona kuudza vamwe zvinotaura Bhaibheri nezvemamiriro ezvinhu evakafa, kunyange iyi ingasava nguva yokuedza kuvhara maonero asiriwo. (Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Munogona kuverenga mose zvipikirwa zveBhaibheri maererano norumuko. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Mungakurukura zvazvinoreva, zvichida uchishandisa imwe nyaya iri muBhaibheri yorumuko kuita kudaro. (Ruka 8:49-56; Johani 11:39-44) Uyewo taura nezvounhu hwaMwari ane rudo uyo anotipa tariro yakadaro. (Jobho 14:14, 15; Johani 3:16) Tsanangura kubatsirwa kwawakaitwa nedzidziso idzi uye chikonzero nei uchivimba nadzo.
20 Kumukoka kuImba yoUmambo kungabatsira ari kuchema kusvika pakuziva vanhu vanonyatsoda vavakidzani vavo uye vanoziva nzira yokuvakana nayo. Mumwe mukadzi muSweden akawana kuti izvi ndizvo zvaakanga ave achitsvaka upenyu hwake hwose.—Johani 13:35; 1 VaTesaronika 5:11.
21, 22. (a) Chii chinodiwa kwatiri kana tichizonyaradza? (b) Unganyaradza sei mumwe munhu anotoziva Magwaro zvakanaka?
21 Paunoziva kuti mumwe munhu ari kutambura, mungava muungano yechiKristu kana kuti kunze, unombonzwa usina chokwadi chokuti wotaurei kana kuti woitei here? Shoko rechiGiriki rinowanzoshandurwa kuti “nyaradzo” muBhaibheri sezvariri rinoreva “kudanira parutivi pako.” Kuva munyaradzi wechokwadi kune pfungwa yokuzviita anowanikwa kune vaya vari kutambura.—Zvirevo 17:17.
22 Zvakadini kana munhu waunoda kunyaradza achitoziva zvinotaura Bhaibheri nezvorufu, rudzikinuro, uye rumuko? Kungovapo kweshamwari inodavira zvakafanana kunogona kunyaradza. Kana achida kutaura, iva muteereri akanaka. Usafunga kuti unofanira kupa hurukuro. Kana pakaverengwa magwaro, aone semashoko aMwari anosimbisa mwoyo yenyu mose. Ratidza kutenda kwakasimba uko mose munako mukuvimbika kwezvaanopikira. Nokuratidza tsitsi dzaMwari uye kutaurira vamwe chokwadi chinokosha chiri muShoko raMwari, unogona kubatsira vaya vari kutambura kuti vawane nyaradzo nesimba zvinobva kuna “Mwari wokunyaradza kwose,” Jehovha.—2 VaKorinde 1:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona mabhuku anoti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, chitsauko 8; Kurangarira muMagwaro, mapeji 149-155, 362-66; Is There a Creator Who Cares About You?, chitsauko 10; uye bhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?
Unoti Kudii?
• Vanhu vanopomera ani mhosva yematambudziko, uye tingavabatsira sei?
• Tingaita sei kuti tiyamure vamwe kuti vabatsirwe zvizere nenyaradzo iyo Bhaibheri rinopa?
• Zvii zviri kuchemedza vakawanda vari munharaunda yako, uye ungavanyaradza sei?
[Mifananidzo iri papeji 23]
Kupa shoko renyaradzo yechokwadi munguva dzokutambura
[Kwazvakatorwa]
Musasa wevapoteri: UN PHOTO 186811/J. Isaac
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kungovapo kweshamwari kunogona kunyaradza