PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 58-62
“Zivisa Gore Rokufarirwa naJehovha”
“Gore rokufarirwa naJehovha” harisi gore chairo rine mwedzi 12
Inguva inopiwa vanyoro naJehovha kuti vasarudze kuteerera zvaanotaura kuti vasunungurwe
Kare, gore iri rakatanga muna 29 C.E. Jesu paakatanga ushumiri hwake, rikazoguma ‘pazuva rokutsiva’ raJehovha pakaparadzwa Jerusarema muna 70 C.E.
Iye zvino, gore iri rakatanga muna 1914 Jesu paakagadzwa samambo kudenga uye richaguma pakutambudzika kukuru
Jehovha anokomborera vanhu vake nekuvapa “miti mikuru yokururama”
Miti yakareba kudarika mimwe pasi rose inowanzokura pamwe chete mumasango, uye inobatsirana
Midzi yacho inogona kupindana-pindana zvoita kuti miti yacho isimbe uye isatorwa nemhepo ine simba
Miti mirefu inodzivirira miti midiki uye mashizha ainodonhedza anoita kuti ivhu riwane mupfudze
Vose vari muungano yechiKristu pasi rose vanotsigirwa uye vanodzivirirwa ‘nemiti mikuru yokururama,’ kureva vaKristu vakazodzwa