Chitsauko 8
Jehovha Mwari Ari Mutemberi Yake Tsvene
1, 2. (a) Muprofita Isaya anogamuchira rini zvaanoratidzwa zvetemberi? (b) Nei Mambo Uziya akarasikirwa nenyasha dzaJehovha?
“PAGORE rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguo dzake ichizadza temberi.” (Isaya 6:1) Namashoko aya omuprofita, chitsauko chechitanhatu chebhuku raIsaya chinotanga. Igore ra778 B.C.E.
2 Kutonga kwaUziya kwemakore 52 samambo wenyika yeJudha, muzvinhu zvizhinji, kwakabudirira zvikuru. Achiita “zvakarurama pamberi paJehovha,” akatsigirwa naMwari mumabasa ake ehondo, okuvaka, neokurima. Asi kubudirira kwake ndikowo kwakamuparadza. Pakupedzisira, mwoyo wake wakazvikudza, “akazoita zvakashata akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti wakapinda patemberi yaJehovha kunopisa zvinonhuwira paatari yezvinonhuwira.” Nemhaka yechiito chokuzvikudza ichi nokutsamwira kwake vapristi vakamutsiura, Uziya akafa ava nemaperembudzi. (2 Makoronike 26:3-22) Yakanga yava inenge nguva ino apo Isaya akatanga basa rake rouprofita.
3. (a) Isaya anoona Jehovha chaiye here? Tsanangura. (b) Chii icho Isaya anoona, uye nokuda kwechikonzero chei?
3 Hatitaurirwi kuti Isaya aripi paanoona zvaanoratidzwa. Asi zvaanoona nemaziso ake chaiwo sezviri pachena ndezvekuratidzwa, kwete kuona Wemasimba Ose chaiko, nokuti “Hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo.” (Johani 1:18; Eksodho 33:20) Kunyange zvakadaro, kuona Musiki, Jehovha, kunyange uchiratidzwa, chinhu chinotyisa kuona. Akagara pachigaro choUmambo chakakwirira, chinomirira basa rake saMambo noMutongi asingagumi, ndiye Mutungamiriri weZvakasikwa Zvose neMuridzi wehurumende yakarurama! Mipendero yenguo yake, nguo inopepereka inozadza temberi. Isaya ari kudanirwa basa rouprofita richakwidziridza simba rouchangamire nokururamisira zvaJehovha. Mukugadzirira, acharatidzwa kuti aone utsvene hwaJehovha.
4. (a) Nei kurondedzerwa kwaJehovha kunooneka mune zvinoratidzwa kwobva kwanyorwa muBhaibheri kuchifanira kuva kwokufananidzira? (b) Chii chinodzidzwa pamusoro paJehovha kubva mune zvinoratidzwa Isaya?
4 Isaya haarondedzeri kuti Jehovha akaita sei mune zvaakaratidzwa—kusiyana nezvinotaurwa naEzekieri, Dhanieri, naJohani pane zvavakaratidzwa. Uye nhoroondo idzi dzose dzinosiyana pazvinoonekwa mudenga. (Ezekieri 1:26-28; Dhanieri 7:9, 10; Zvakazarurwa 4:2, 3) Zvisinei, rudzi nechinangwa chezvinoratidzwa izvi zvinofanira kurangarirwa. Hazvisi kurondedzerwa kwekuvapo kwaJehovha chaiko. Ziso renyama harigoni kuona zvomudzimu, chero ndangariro yomunhu ine painogumira haigoni kunzwisisa nzvimbo yomudzimu. Saka, zvinoratidzwa zvacho zvinopa mukufunga kwevanhu mashoko anofanira kupiwa. (Enzanisa naZvakazarurwa 1:1.) Mune zvinoratidzwa Isaya kurondedzerwa kwezvakaita Mwari hakudikanwi. Zvaanoratidzwa zvacho zvinozivisa Isaya kuti Jehovha ari mutemberi yake tsvene uye kuti mutsvene uye kutonga kwake kwakachena.
Maserafi
5. (a) Maserafi chii, uye shoko racho rinorevei? (b) Nei maserafi achivanza zviso netsoka zvawo?
5 Teerera! Isaya anopfuurira achiti: “Kumusoro kwake kwakanga kumire maserafi; rimwe nerimwe rakanga rine mapapiro matanhatu; namaviri rakafukidza chiso charo. Namaviri rakafukidza makumbo aro, namaviri rakanga richibhururuka nawo.” (Isaya 6:2, NW) Isaya chitsauko 6 ndiyo nzvimbo bedzi muBhaibheri yatinowana inotaura nezvemaserafi. Sezviri pachena, zvisikwa zviri ngirozi zvinoita basa raJehovha zviri pamusorosoro paropafadzo nemumbiri, zviri pachigaro chaJehovha choUmambo chokudenga. Kusiyana naMambo anozvikudza Uziya, anogara munzvimbo dzawo nokuzvininipisa kukuru nokudzikama. Nemhaka yokuva pamberi paChangamire wokudenga, maserafi anofukidza zviso zvawo nemamwe mapapiro maviri; uye nokuremekedza nzvimbo tsvene anofukidza tsoka dzawo nemamwe maviri. Ari pedyo naChangamire weZvakasikwa Zvose, maserafi anonyara zvikuru, kuitira kuti asatsausa mbiri yaMwari. Shoko rokuti “maserafi,” rinoreva kuti “zvinopisa” kana kuti “zviri kupfuta,” anoratidza kuti anopenya zvakajeka, asi anovanza zviso zvawo pakubwinya kukuru nembiri yaJehovha.
6. Ndeipi iri nzvimbo yemaserafi kuna Jehovha?
6 Maserafi anoshandisa mapapiro awo maviri echitatu kubhururuka, uye pasina mubvunzo, kuyengerera, kana kuti ‘kumira,’ munzvimbo dzawo. (Enzanisa naDheuteronomio 31:15.) Nezvenzvimbo yawo, Purofesa Franz Delitzsch anoti: “Maserafi zvechokwadi aisazogara pamusoro pomusoro waIye akagara pachigaro choUmambo, asi aiyengerera ari pamusoro penguo Yake iyo yakanga yakazadza temberi.” (Commentary on the Old Testament) Izvi zvinoratidzika sezvine musoro. Aka‘mira pamusoro,’ kwete ari makuru kuna Jehovha, asi akamumirira, achiteerera uye akagadzirira kushumira.
7. (a) Maserafi anoita basa rei? (b) Nei maserafi achizivisa utsvene hwaMwari katatu?
7 Teerera zvino maserafi akaropafadzwa iwayo! “Rimwe rakadanidzira kune rimwe, richiti: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.” (Isaya 6:3, NW) Basa rawo nderokuona kuti utsvene hwaJehovha hwaziviswa uye kuti mbiri yake inobvumwa nezvakasikwa zvose zvinosanganisira pasi. Mbiri yake inoonekwa mune zvaakasika zvose uye nokukurumidza ichanzwisiswa nevanogara pasi vose. (Numeri 14:21; Pisarema 19:1-3; Habhakuki 2:14) Kuzivisa katatu kwokuti, “mutsvene, mutsvene, mutsvene,” hakusi uchapupu hweUtatu. Asi kutaura katatu kwokusimbisa utsvene hwaJehovha. (Enzanisa naZvakazarurwa 4:8.) Jehovha mutsvene pamwero mukuru kwazvo.
8. Kuzivisa kwemaserafi kunoguma nei?
8 Kunyange zvazvo nhamba yemaserafi isingataurwi, kungava nemapoka emaserafi akamira pedyo nechigaro choUmambo. Nerwiyo runonakidza, anodzokorora rimwe pashure perimwe kuzivisa utsvene hwaMwari nembiri. Tinoona mugumisiro wei? Teerera zvakare sezvo Isaya anopfuurira: “Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nenzwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.” (Isaya 6:4) MuBhaibheri, utsi kana kuti gore kazhinji zvinopa uchapupu hunooneka hwokuvapo kwaMwari. (Eksodho 19:18; 40:34, 35; 1 Madzimambo 8:10, 11; Zvakazarurwa 15:5-8) Zvinoratidza mbiri iyo isu zvisikwa zviri vanhu tisingagoni kusvika.
Haana Kukodzera, asi Anocheneswa
9. (a) Zvinoratidzwa Isaya zvinomutapura sei? (b) Musiyanoi unooneka pakati paIsaya naMambo Uziya?
9 Zvinoratidzwa Isaya zvechigaro chaJehovha choUmambo izvi zvinomutapura zvikuru. Anonyora kuti: “Ipapo ndikati: Ndine nhamo! nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo ine tsvina, ndigere pakati pavanhu vemiromo ine tsvina; nokuti meso angu akaona Mambo, Jehovha wehondo.” (Isaya 6:5) Musiyano mukuru sei uripo pakati paIsaya naMambo Uziya! Uziya akabvuta nzvimbo yavapristi vakazodzwa ndokupinda zvisina mvumo nokusaremekedza mukamuri Dzvene retemberi. Kunyange zvazvo Uziya akaona zvigadziko zvemwenje zvendarama, atari yezvinonhuwira yendarama, uye tafura ye“zvingwa zvoKuvapo,” haana kuona chiso chaJehovha chichimubvumira kana kuti kuita zvokutumwa naye chaiko. (1 Madzimambo 7:48-50, NW; mashoko omuzasi) Kune rumwe rutivi, muprofita Isaya haazvidzi upristi kana kuti kupfuura muganhu patemberi. Asi anoona zvaanoratidzwa Jehovha ari mutemberi yake tsvene uye anoremekedzwa nokutumwa zvakananga naMwari. Kunyange zvazvo maserafi asingatarisiri kutarira Ishe wetemberi ari pachigaro choUmambo, Isaya anobvumirwa, mune zvaanoratidzwa, kutarira “Mambo, Jehovha wehondo!”
10. Nei Isaya achitya paanoona zvaanoratidzwa?
10 Musiyano uyo Isaya anoona pakati poutsvene hwaMwari nokuva mutadzi kwake unomuita kuti anzwe asina kuchena kwazvo. Azere nokutya, anofunga kuti achafa. (Eksodho 33:20) Anonzwa maserafi achirumbidza Mwari nemiromo yakachena, asi miromo yake pachake haina kuchena uye inowedzera kusvibiswa nokusachena kwemiromo yevanhu vaanogara pakati pavo uye vaanonzwa kutaura kwavo. Jehovha mutsvene, uye vashumiri vake vanofanira kuratidza izvozvo. (1 Petro 1:15, 16) Kunyange zvazvo Isaya atosarudzwa kare somutauriri waMwari, anoshushikana nokuziva nezvekuva kwake mutadzi uye haana miromo yakachena yakakodzera mutauriri waMambo mutsvene ane mbiri. Mhinduro yokudenga ichati kudii?
11. (a) Rimwe remaserafi rinoitei, uye chiito ichi chinoratidzirei? (b) Kufungisisa zvinotaurirwa Isaya neserafi kungatibetsera sei patinonzwa tisingakoshi sevashumiri vaMwari?
11 Pane kudzinga Isaya seakaderera pamberi paJehovha, maserafi anoshanda kuti amubetsere. Nhoroondo yacho inoti: “Ipapo rimwe serafi rakabhururukira kwandiri, rakabata zimbe rinopfuta muruoko rwaro, rarakanga ratora nembato paatari; rikagumura muromo wangu naro, rikati: Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikinurwa.” (Isaya 6:6, 7) Mupfungwa yokufananidzira, moto une simba rokuchenesa. Pakuisa zimbe rinopisa rabva pamoto mutsvene wepaatari pamiromo yaIsaya, serafi rinoita kuti Isaya ave nechivimbo kuti zvivi zvake zvayananiswa kusvika panodikanwa kuti awane nyasha dzaMwari uye atumwe naye. Izvi zvinotisimbisa sei! Nesuwo tiri vatadzi uye hatina kukodzera kuswedera kuna Mwari. Asi takadzikinurwa nechibayiro chorudzikinuro chaJesu uye tinogona kuwana nyasha dzaMwari ndokuswedera kwaari mumunyengetero.—2 VaKorinde 5:18, 21; 1 Johani 4:10.
12. Isaya anoona atari yechii, uye moto unoitei?
12 Chinotiyeuchidza zvakare kuti izvi zvinhu zvaari kuratidzwa kutaurwa kwe“atari.” (Enzanisa naZvakazarurwa 8:3; 9:13.) Kwakanga kune atari mbiri patemberi muJerusarema. Pamberi chaipo pechidzitiro cheNzvimbo Tsvene Tsvene pakanga pane atari duku yezvinonhuwira, uye mberi kwemukova wenzvimbo tsvene kwakanga kune atari hombe yezvibayiro, apo moto waigara uchipfuta. (Revhitiko 6:12, 13; 16:12, 13) Asi atari dzepano pasi idzi dzaiva dzokufananidzira, mucherechedzo wezvinhu zvikuru. (VaHebheru 8:5; 9:23; 10:5-10) Wakanga uri moto wakabva kudenga wakapisa chibayiro chinopiswa paatari temberi yacho payakakumikidzwa naMambo Soromoni. (2 Makoronike 7:1-3) Uye zvino wave moto unobva paatari yacho chaiyo yokudenga, unobvisa kusachena kwemiromo yaIsaya.
13. Mubvunzoi uyo Jehovha anomutsa uye ndiani waanobatanidza paanoti “-ti-”?
13 Ngatiteererei naIsaya. “Ipapo ndakanzwa inzwi raShe richiti: Ndingatuma aniko? Ndiani ungatiendira? Ipapo ndakati: Ndiri pano ini, nditumei.” (Isaya 6:8) Mubvunzo unomutswa naJehovha sezviri pachena unoitirwa kuti Isaya apindure, sezvo pasina mumwe munhu anoprofita anoonekwa pane zvaanoratidzwa. Pasina mubvunzo kukokwa kwaIsaya kuti ave nhume yaJehovha. Asi nei Jehovha achibvunza kuti, “Ndiani ungatiendira?” Nokuchinja kubva kuchisazitasingwi chomunhu mumwe “ndi-” kuenda kuchisazitasingwi chevazhinji “-ti-,” Jehovha zvino anobatanidza anenge munhu mumwe chete pamwe naye. Ndiani? Uyu akanga asiri Mwanakomana wake akaberekwa mumwe oga, uyo akazova munhu Jesu Kristu here? Zvechokwadi, akanga ari Mwanakomana mumwe iyeyu uyo Mwari akati kwaari, “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu.” (Genesi 1:26; Zvirevo 8:30, 31) Hungu, parutivi paJehovha mumatare okudenga pane Mwanakomana wake akaberekwa mumwe oga.—Johani 1:14.
14. Isaya anoti kudii nezvaanokumbirwa naJehovha, uye muenzanisoi waanotigadzira?
14 Isaya haazezi kupindura! Pasinei nokuti richava shoko ripi, anopindura nokukurumidza kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.” Uye haambobvunzi kuti angawanei nokugamuchira basa racho. Pfungwa yake yechido muenzaniso wakanaka kwazvo kuvashumiri vaMwari vose nhasi, vakatumwa kuparidza ‘mashoko akanaka oumambo mupasi rose rinogarwa.’ (Mateu 24:14) SaIsaya, vanorambira pabasa ravo nokutendeka uye vanopedza kupa “uchapupu kumarudzi ose,” pasinei nokuoma mwoyo kwakapararira. Uye, vanopfuurira nechivimbo, sezvakaita Isaya, vachiziva kuti akavatuma ane chiremera chikuru kwazvo.
Zvakatumwa Isaya
15, 16. (a) Isaya anofanira kutaurira “vanhu ava” kuti chii, uye vachati kudii? (b) Kuita kwevanhu imhaka yokukanganisa kupi nokupi kwaIsaya here? Tsanangura.
15 Jehovha zvino anorondedzera izvo Isaya anofanira kutaura uye ichava mhinduro yacho, achiti: “Enda, unondoudza vanhu ava, uti: Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa. Kodzai mwoyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemwoyo yavo, vadzoke vapodzwe.” (Isaya 6:9, 10) Izvi zvinoreva kuti Isaya anofanira kungopotsera mashoko asingangwariri oita kuti vaJudha varambe, achivapesanisa naJehovha here? Handizvo kana! Ava vanhu vaIsaya pachake avo anonzwa achida. Asi mashoko aJehovha anoratidza kuti vanhu vachapindura sei shoko rake, pasinei nokuti Isaya angaita basa rake nokutendeka sei.
16 Mhosva iri pavanhu vacho. Isaya acha“ramba” achitaura navo, asi havazogamuchiri shoko racho kana kuti kunzwisisa. Vazhinji vachaomesa musoro nokuoma mwoyo, vachiita sevasingaoni zvachose uye vasinganzwi. Nokuramba achienda kwavari, Isaya achaita kuti “vanhu ava” varatidze kuti havadi kunzwisisa. Vacharatidza kuti vari kuvharira mwoyo yavo nepfungwa shoko raIsaya—shoko raMwari—kwavari. Zvakafanana sei nezvakaita vanhu nhasi! Vazhinji vavo havadi kuteerera Zvapupu zvaJehovha sezvazvinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari huri kuuya.
17. Isaya paanobvunza kuti “kusvikira riniko?” ari kutaura nezvei?
17 Isaya anonetseka: “Zvino ndikati: Ishe kusvikira riniko? Akapindura, akati: Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose, kusvikira Jehovha abvisira vanhu kure, nenzvimbo, dzashanduka matongo, dzava zhinji panyika.” (Isaya 6:11, 12) Nokubvunza kuti, “Kusvikira riniko?” Isaya haasi kubvunza kuti achafanira kuramba achiparidzira vanhu vakaoma mwoyo kusvika rini. Asi ari kushushikana pamusoro pevanhu uye anobvunza kuti zvavari mumudzimu zvinosiririsa zvichapfuurira kusvikira rini uye kuti zita raJehovha richazvidzwa kusvikira rini pasi pano. (Ona Pisarema 74:9-11.) Saka zvino, uku kusindimara kuchapfuurira kusvikira rini?
18. Kuipa kwezvinhu kwomudzimu kwevanhu kuchapfuurira kusvikira rini, uye Isaya achararama kuti aone kuzadzika kwakakwana kwouprofita hwacho here?
18 Maiwe, mhinduro yaJehovha inoratidza kuti kuipa kwakaita vanhu vacho mumudzimu kuchapfuurira kusvikira migumisiro yakakwana yokusateerera Mwari, sezvakanyorwa musungano yake, yazadzika. (Revhitiko 26:21-33; Dheuteronomio 28:49-68) Nyika yacho ichaparadzwa, vanhu vacho vachatorwa, uye nyika yacho ichasara iri dongo. Isaya haazorambi ari mupenyu kuti aone kuparadzwa kweJerusarema netemberi yaro neuto reBhabhironi muna 607 B.C.E., kunyange zvazvo achaprofita kweanopfuura makore 40, achipfuurira kunosvika mukutonga kwaMambo Uziya muzukuruchibvi waHezekia. Kunyange zvakadaro, Isaya acharambira pane zvaakatumwa nokutendeka kusvikira afa, anopfuura makore 100 dambudziko renyika yacho yose risati raitika.
19. Kunyange zvazvo rudzi rwacho ruchatemwa somuti, Mwari anovimbisei kuna Isaya?
19 Kuparadza kuchasiya nyika yeJudha “yaparadzwa chose” kuchatouya chete, asi hazvirevi kuti hapana tariro. (2 Madzimambo 25:1-26) Jehovha anovimbisa Isaya kuti: “Kana kuchinge kwasara mukati mayo chegumi, naichowo chichadyiwazve; sezvakaita muterebhinti nomuouki wasiyirwa hunde kana watemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ndiyo hunde yawo.” (Isaya 6:13) Hungu, “chegumi, . . . rudzi rutsvene,” ruchasara, kungofanana nechigutsa chomuti mukuru unotemwa. Kuvimbiswa uku, pasina mubvunzo, kunonyaradza Isaya—vachasara vatsvene vachawanikwa pakati pavanhu vake. Kunyange zvazvo rudzi rwacho ruchiramba ruchipiswa, somuti mukuru unotemerwa huni, chigutsa chinokosha chomuti wokufananidzira waIsraeri chicharamba chiripo. Chichava rudzi, kana kuti chibereko, chitsvene kuna Jehovha. Nokufamba kwenguva chichatunga zvakare, uye muti wacho uchakurazve.—Enzanisa naJobho 14:7-9; Dhanieri 4:26.
20. Chikamu chokupedzisira chouprofita hwaIsaya pakutanga chakazadzika sei?
20 Mashoko ouprofita hwacho akaitika here? Hungu. Makore makumi manomwe pashure pokunge nyika yeJudha yasara iri dongo, vakasara vanotya Mwari vakadzoka kubva Bhabhironi kwavakanga vatapwa. Vakavakazve temberi neguta racho, uye vakadzorera kunamata kwechokwadi munyika yacho. Uku kudzorerwa kwevaJudha munyika yokumusha kwavo yavakapiwa naMwari kwakaita kuti kuzadzika kwechipiri kweuhwu uprofita uhwo Jehovha akapa Isaya kuitike. Chaizova chii ichocho?—Ezra 1:1-4.
Kumwe Kuzadzika
21-23. (a) Uprofita hwaIsaya hwakazadzika panaani muzana rokutanga remakore, uye sei? (b) Ndiani aiva “rudzi rutsvene” muzana rokutanga remakore, uye rwakachengetedzwa sei?
21 Basa rouprofita raIsaya raifananidzira basa iro Mesiya, Jesu Kristu, aizoita anenge makore 800 aizotevera. (Isaya 8:18; 61:1, 2; Ruka 4:16-21; VaHebheru 2:13, 14) Kunyange zvazvo ari mukuru kuna Isaya, Jesu akanga achida zvakafanana kutumwa naBaba vake vokudenga, achiti: “Tarirai! ndauya, kuzoita kuda kwenyu.”—VaHebheru 10:5-9; Pisarema 40:6-8.
22 Kufanana naIsaya, Jesu akaita basa rake raakagoverwa nokutendeka uye akasangana nemaitiro akafanana. VaJudha vomuzuva raJesu naivowo vakanga vasingadi kugamuchira shoko kungofanana neavo muprofita Isaya akanga aparidzira. (Isaya 1:4) Kushandisa mienzaniso kwaiva chinhu chikuru muushumiri hwaJesu. Izvi zvakaita kuti vadzidzi vake vabvunze kuti: “Munotaurirei kwavari muchishandisa mifananidzo?” Jesu akapindura kuti: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene zvoumambo hwokumatenga, asi vanhu ivavo havana kukupiwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari ndichishandisa mifananidzo, nokuti, kutarira, vanotarira pasina, uye kunzwa, vanonzwa pasina, uyewo havawani pfungwa yacho; uye uprofita hwaIsaya huri kuzadzika kwavari, hunoti, ‘Kunzwa, muchanzwa asi hamungambowani pfungwa yacho; uye, kutarira, muchatarira asi hamungambooni. Nokuti mwoyo worudzi urwu wave mukukutu, uye nenzeve dzavo vakanzwa vasingadavidzi, uye vakatsinzina maziso avo; kuti varege kumboona nemaziso avo uye kunzwa nenzeve dzavo vowana pfungwa yacho nemwoyo yavo vadzoke, ndivaporese.’”—Mateu 13:10, 11, 13-15; Mako 4:10-12; Ruka 8:9, 10.
23 Nokudzokorora mashoko ari muna Isaya, Jesu akanga achiratidza kuti uprofita hwacho hwaizozadzika muzuva rake. Vanhu vacho vose zvavo vakanga vane mwoyo yakafanana neyevaJudha vomuzuva raIsaya. Vakazviita mapofu nematsi kushoko rake uye nenzira yakafanana vakaparadzwa. (Mateu 23:35-38; 24:1, 2) Izvi zvakaitika pakauya mauto eRoma achitungamirirwa neMukuru weMauto Titus kuzorwa neJerusarema muna 70 C.E. ndokuparadza guta racho netemberi yaro. Asi, vamwe vakanga vateerera Jesu ndokuva vadzidzi vake. Jesu akavati va“nofara.” (Mateu 13:16-23, 51) Akanga avaudza kuti pavaiona “Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa,” vaifanira ku“tang[a] kutizira kumakomo.” (Ruka 21:20-22) Saka “rudzi rutsvene” rwakanga rwaratidza kutenda uye rwakanga rwaumbwa kuva rudzi rwomudzimu, “Israeri waMwari,” rwakaponeswa.a—VaGaratiya 6:16.
24. Pauro akashandisa sei uprofita hwaIsaya, uye izvi zvinoratidzirei?
24 Munenge muna 60 C.E. muapostora Pauro akangoerekana asungwa achigara pamba muRoma. Ikoko akaronga musangano ne“varume vakatanhamara vevaJudha” pamwe chete nevamwe uye akava“pupurira kwazvo pamusoro poUmambo hwaMwari.” Vazhinji pavairamba kugamuchira shoko rake, Pauro akatsanangura kuti uku kwakanga kuri kuzadzika uprofita hwaIsaya. (Mabasa 28:17-27; Isaya 6:9, 10) Saka vadzidzi vaJesu vakaita basa ringafananidzwa nerakaitwa naIsaya.
25. Zvapupu zvaMwari zvomuzuva ranhasi zvakanzwisisei, uye zvinoita sei?
25 Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinonzwisisa kuti Jehovha Mwari ari mutemberi yake tsvene. (Maraki 3:1) Kufanana naIsaya, zvinoti: “Ndiri pano ini, nditumei.” Nokushingaira, vanotaura shoko renyevero pamusoro pomugumo wave pedyo wegadziriro ino yezvinhu yakaipa. Asi sezvakaratidza Jesu, vanhu vashomanene kwazvo vanovhura maziso avo nenzeve kuti vaone nokunzwa kuti vagoponeswa. (Mateu 7:13, 14.) Vanofara, zvechokwadi, ndeavo vanorerekera mwoyo yavo kuti vateerere kuti “vapodzwe”!—Isaya 6:8, 10.
[Mashoko Omuzasi]
a Muna 66 C.E., nemhaka yokumukira kwevaJudha, mauto eRoma achitungamirirwa naCestius Gallus akakomberedza Jerusarema ndokumanikidza kupinda muguta kunosvika pamadziro etemberi. Ipapo vakadzokera shure, vachibvumira vadzidzi vaJesu kutizira kumakomo ePerea vaRoma vasati vadzoka muna 70 C.E.
[Mufananidzo uri papeji 94]
“Ndiri pano ini, nditumei.”
[Mufananidzo uri papeji 97]
‘Kusvikira maguta ava matongo, asisina vanogaramo’