Chitsauko 23
“Zita Idzva”
1. Chipikirwa chei chakanyorwa muchitsauko 62 chaIsaya?
KURUDZIRO, nyaradzo, tariro yokudzorerwa—ndizvo zvinodiwa nevaJudha vakaora mwoyo vari muBhabhironi. Makumi nemakumi emakore apfuura kubva pakaparadzwa Jerusarema netemberi yaro. Anenge makiromita 800 kubva Bhabhironi, nyika yeJudha inongova matongo, uye vaJudha vanoita sevakanganikwa naJehovha. Chii chinogona kuvandudza mamiriro avo ezvinhu? Zvipikirwa zvaJehovha zvokuti achavadzosa kumusha ndokuvabvumira kudzorera kunamata kwakachena. Ipapo mashoko okurondedzera akadai sookuti “musiyiwa” uye “dongo” achatsiviwa nemazita anoratidza kutendera kwaMwari. (Isaya 62:4; Zekaria 2:12) Chitsauko 62 chaIsaya chakazara nezvipikirwa izvi. Zvisinei, kufanana nohumwe uprofita hwokudzorera, chitsauko chino hachingotauri nezvokusunungurwa kwevaJudha pakutapwa neBhabhironi chete. Mukuzadzika kwacho kukuru, chitsauko 62 chaIsaya chinotipikira kuti ruponeso rworudzi rwaJehovha rwomudzimu, “Israeri waMwari,” ndorwechokwadi.—VaGaratiya 6:16.
Jehovha Haarambi Akanyarara
2. Jehovha anoratidza nyasha kuZiyoni zvekare munzirai?
2 Bhabhironi rinokundwa muna 539 B.C.E. Zvadaro, Mambo Koreshi wePersia anobudisa murayiro unogonesa vaJudha vanotya Mwari kudzokera kuJerusarema ndokudzorera kunamatwa kwaJehovha. (Ezra 1:2-4) Muna 537 B.C.E., vaJudha vakatanga kudzoka vave munyika yokumusha kwavo. Jehovha anoratidza nyasha zvakare kuJerusarema, sezvinoratidzwa nemanzwire ake mukuzivisa kwake uprofita achiti: “Nokuda kweZiyoni handingarambi ndinyerere, nokuda kweJerusarema handingazorori, kusvikira kururama kwaro kuchibuda sechadzera, nokuponeswa kwaro somwenje unopfuta.”—Isaya 62:1.
3. (a) Nei Ziyoni repasi pano richirambwa naJehovha pakupedzisira, uye ndiani anoritsiva? (b) Kutsaukai kunoitika, uye rini, uye tiri kurarama munguva ipi nhasi?
3 Muna 537 B.C.E., Jehovha akazadzika uprofita hwake hwokudzorera Ziyoni, kana kuti Jerusarema. Vagari varo vakaponeswa naye, uye kururama kwavo kwakapenya zvakajeka. Zvisinei, gare gare, vakatsaukazve pakunamata kwakachena. Pakupedzisira, vakaramba Jesu saMesiya, uye Jehovha pakupedzisira akavasiya sorudzi rwake rwakasanangurwa. (Mateu 21:43; 23:38; Johani 1:9-13) Jehovha akaita kuti rudzi rutsva, “Israeri waMwari,” aberekwe. Rudzi rutsva urwu rwakava vanhu vake chaivo, uye muzana remakore rokutanga, nhengo dzacho dzakaparidza mashoko akanaka nokushingaira munyika yaizivikanwa panguva iyoyo. (VaGaratiya 6:16; VaKorose 1:23) Zvinosuruvarisa kuti pashure porufu rwevaapostora, pakava nokutsauka pachitendero chechokwadi. Somugumisiro, chiKristu chokuramba kutenda chakatanga, sezvinowanikwa nhasi muchiKristudhomu. (Mateu 13:24-30, 36-43; Mabasa 20:29, 30) Kwemazana emakore, chiKristudhomu chakanga chabvumirwa kuunza ruzvidzo rukuru pazita raJehovha. Zvisinei, pakupedzisira, muna 1914 “gore rengoni” raJehovha rakatanga, pamwe nokuzadzika kukuru kwechikamu chino chouprofita hwaIsaya.—Isaya 61:2.
4, 5. (a) Ziyoni nevana varo rinofananidzira ani nhasi? (b) Jehovha akashandisa Ziyoni sei kuti riite “kuponeswa kwaro somwenje unopfuta”?
4 Nhasi chipikirwa chaJehovha chokudzorera Ziyoni chakazadzika pasangano rake rokudenga, “Jerusarema riri kumusoro,” rinomiririrwa pasi pano nevana varo, vaKristu vakazodzwa nomudzimu. (VaGaratiya 4:26) Sangano raJehovha rokudenga rinoshanda somubatsiri akazvipira rakangwarira, rine rudo, uye rinoshanda nesimba. Chakanga chiri chiitiko chinofadza zvikuru muna 1914 apo rakabereka Umambo hwaMesiya! (Zvakazarurwa 12:1-5) Kunyanya kubva muna 1919, vana varo vepasi pano vakaparidzira marudzi nezvokururama kwaro noruponeso. Sezvakafanotaurwa naIsaya, vana ava vakavheneka murima somwenje, vachiita kuti chiedza chavo chipenye.—Mateu 5:15, 16; VaFiripi 2:15.
5 Jehovha anofarira vanamati vake zvikuru uye haazozorori kana kuti kuramba akanyarara, kusvikira azadzika zvipikirwa zvose zvaakaitira Ziyoni nevana varo. Vakazodzwa vasara pamwe neshamwari dzavo dze“mamwe makwai” vanorambawo kugara vakanyarara. (Johani 10:16) Vanoita ruzha kwazvo sezvavanoratidza vanhu nzira bedzi inoenda kuruponeso.—VaRoma 10:10.
“Zita Idzva” Rinopiwa naJehovha
6. Jehovha ari kufungei nezveZiyoni?
6 Jehovha ari kufungei nezveZiyoni “mukadzi” wake wokudenga anomirirwa neJerusarema rekare? Anoti: “Marudzi avanhu achaona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; uchatumidzwa zita idzva, richarehwa nomuromo waJehovha.” (Isaya 62:2) Sezvo vaIsraeri vanoita zvakarurama marudzi anomanikidzwa kunyatsovatarisisa. Kunyange madzimambo anomanikidzwa kubvuma kuti Jehovha ari kushandisa Jerusarema uye kuti kutonga kupi nokupi kwavanoita hapana zviripo kana kuchienzaniswa noUmambo hwaJehovha.—Isaya 49:23.
7. Zita idzva reZiyoni rinoratidzei?
7 Jehovha zvino anosimbisa kuchinja kwemamiriro eZiyoni nokuripa zita idzva. Zita idzva iroro rinoratidza mamiriro ezvinhu okukomborerwa nokuremekedzwa zvinowanikwa nevana veZiyoni vepasi pano kubvira muna 537 B.C.E.a Rinoratidza kuti Jehovha anobvuma kuti Ziyoni nderake. Nhasi, Israeri waMwari anofara kuva anofarirwa naJehovha nenzira iyi, uye mamwe makwai anofara navo.
8. Jehovha anokudza Ziyoni munzira dzipi?
8 Jehovha apa Ziyoni zita raro idzva, zvino anopikira kuti: “Iwe uchavawo korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.” (Isaya 62:3) Jehovha anosimudzira “mukadzi” wake wokufananidzira, Ziyoni rokudenga, rinofanira kuyemurwa. (Pisarema 48:2; 50:2) Korona yorunako no“ukomba hwoumambo” zvinoratidza kuti rakapfekedzwa mbiri nechiremera. (Zekaria 9:16) Achimiririra Ziyoni rokudenga, kana kuti “Jerusarema riri kumusoro,” Israeri waMwari mugumisiro unoshamisa woruoko rwaMwari—kushandiswa kwesimba rake—riri kutoshanda. (VaGaratiya 4:26) Ruchibatsirwa naJehovha, rudzi rwomudzimu irworwo rwakaita mukurumbira wakasimba wokuvimbika nokuzvipira. Mamiriyoni, anosanganisira vose vakazodzwa nemamwe makwai, anosimbiswa kuti aratidze kutenda kunoshamisa norudo. MuKutonga kweMireniyamu kwaKristu, vakazodzwa, vachinge vawana mubayiro wavo wokudenga une mbiri, vachave vari zvokushandisa zviri muruoko rwaJehovha kuti asimudzire zvisikwa zviri kugomera kuti zvisvike paupenyu husingaperi.—VaRoma 8:21, 22; Zvakazarurwa 22:2.
‘Jehovha Akakufarira’
9. Rondedzera kuchinja kweZiyoni.
9 Kupiwa zita idzva rutivi rwokuchinja kunofadza kweZiyoni rokudenga sezvinomiririrwa nevana varo vepasi pano. Tinoverenga kuti: “Hauchazonzi Musiyiwa; nenyika yako haichazonzi Dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi Hefziba, nenyika yako Bheura; nokuti Jehovha unokufarira, nenyika yako ichawanikwa.” (Isaya 62:4) Ziyoni repasi pano rave riri dongo kubva pakuparadzwa kwaro muna 607 B.C.E. Zvisinei, mashoko aJehovha anoripikira nezvokudzorerwa nokugarwazve kwenyika yacho. Ziyoni raichimbova raparadzwa harizovizve mukadzi akasiyiwa zvachose, uye nyika yake haizovizve dongo. Kudzorerwa kweJerusarema muna 537 B.C.E. kunoreva mamiriro ezvinhu matsva kwariri, kusiyana kwazvo nechimiro charo charaimbova nacho chokuparadzwa. Jehovha anozivisa kuti Ziyoni richanzi “Mufaro Wangu Uri Maari,” (NW) uye nyika yaro, “Wakaroorwa Kuva Mudzimai.” (NW)—Isaya 54:1, 5, 6; 66:8; Jeremia 23:5-8; 30:17; VaGaratiya 4:27-31.
10. (a) Israeri waMwari akashandurwa sei? (b) “Nyika” yaIsraeri waMwari chii?
10 Kutangira muna 1919 kuchinja kwakafanana kwakaonekwa naIsraeri waMwari. Muhondo yenyika yokutanga, vaKristu vakazodzwa vakaratidza sevasiyiwa naMwari. Asi muna 1919 chimiro chavo chokufarirwa chakamutsiridzwa uye manamatire avo akacheneswa. Izvi zvakachinja dzidziso dzavo, sangano ravo, uye basa ravo. Israeri waMwari akasvika mu“nyika” yake, nyika yomudzimu, kana kuti nzvimbo yebasa.—Isaya 66:7, 8, 20-22.
11. VaJudha vanotora sei amai vavo somukadzi?
11 Achiwedzera kusimbisa nzvimbo itsva yenyasha yevanhu vake, Jehovha anozivisa kuti: “Nokuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye chikomba sezvachinofarira mwenga saizvozvo Mwari wako uchakufarira.” (Isaya 62:5) VaJudha, “vanakomana” veZiyoni vangatora amai vavo somudzimai sei? Mukuti vanakomana veZiyoni vanodzoka vasunungurwa pakuva nhapwa muBhabhironi vanotora guta ravo guru rekare vogara mariri zvekare. Izvozvo pazvinoitika, Ziyoni harizorambi riri dongo asi richazara nevanakomana.—Jeremia 3:14.
12. (a) Jehovha akaita kuti zvive pachena sei kuti vaKristu vakazodzwa rutivi rwesangano raakaroora? (b) Kubata kwaJehovha nevanhu vake kunopa muenzaniso wakanaka kwazvo sei nhasi pakuroorana? (Ona bhokisi riri papeji 342.)
12 Saizvozvowo, kubva muna 1919 vana veZiyoni rokudenga vakatora nyika yavo yomudzimu, ine zita rouprofita ‘Wakaroorwa Kuva Mudzimai.’ Basa ravo rechiKristu munyika iyoyo rakaita kuti zvive pachena kuti vaKristu vakazodzwa ava “vanhu vezita” raJehovha. (Mabasa 15:14) Kuuyisa kwavo zvibereko zvoUmambo nokuzivisa zita raJehovha kwakaita kuti zvive pachena kuti Jehovha anofarira vaKristu ava. Akaita kuti zvive pachena kuti ivo rutivi rwesangano rakabatanidzwa naye mukubatana kusingaputsiki. Nokuzodza vaKristu ava nomudzimu mutsvene, kuvasunungura muutapwa hwomudzimu, uye kuvashandisa kuparidza tariro yoUmambo kuvanhu vose, Jehovha akaratidza kuti anofara navo nokufara kwechikomba chinofarira mwenga.—Jeremia 32:41.
“Regai Kunyarara”
13, 14. (a) Munguva dzekare, Jerusarema rinova sei guta rinochengetedza? (b) Munguva dzazvino Ziyoni razova sei “guta rinorumbidzwa panyika”?
13 Zita idzva rokufananidzira rinopiwa naJehovha rinoita kuti vanhu vake vanzwe vakachengeteka. Vanoziva kuti anovabvuma uye kuti iye ndiye muridzi wavo. Zvino achishandisa muenzaniso wakasiyana, Jehovha anotaura nevanhu vake seanotaura neguta rine masvingo achiti: “Ndakagadza nharirire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangatongonyarari masikati nousiku; imi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara, uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusarema guta rinorumbidzwa panyika.” (Isaya 62:6, 7) Munguva yaJehovha yakakodzera pashure pokudzoka kwevasara vakatendeka kubva Bhabhironi, Jerusarema rinova “guta rinorumbidzwa panyika”—guta rine masvingo rinodzivirira vagari varo. Masikati nousiku, nharirire dziri pamasvingo acho dzakangwarira kuti dzive nechokwadi chokuchengeteka kweguta racho uye kuti dzifambise mashoko enyevero kuvanogaramo.—Nehemia 6:15; 7:3; Isaya 52:8.
14 Munguva dzazvino Jehovha akashandisa nharirire dzake dzakazodzwa kuratidza vanyoro nzira yokuenda kurusununguko kubva pakutapwa nechitendero chenhema. Ivava vakakokwa kuti vauye musangano rake, umo vanowana dziviriro pakusvibiswa kwomudzimu, kufurirwa, uye kusafarirwa naJehovha. (Jeremia 33:9; Zefania 3:19) Chinokosha pakudzivirira kwakadaro ibasa rinoitwa neboka renharirire, “muranda akatendeka, akangwara,” anogovera “zvokudya . . . panguva yakafanira.” (Mateu 24:45-47) Richishanda pamwe neboka renharirire, “boka guru revanhu” rinoitawo basa rinokosha mukuita Ziyoni “guta rinorumbidzwa panyika.”—Zvakazarurwa 7:9.
15. Boka romuranda neshamwari dzaro rinoshumira sei Jehovha nguva dzose?
15 Basa reboka renharirire neshamwari dzaro rinoenderera mberi! Pfungwa yavo yokuita nomwoyo wose inoonekwa mubasa rokushingaira remamiriyoni evanhu vakatendeka vanotsigirwa nevatariri vanofambira nevadzimai vavo; vazvipiri mumisha yeBheteri yakasiyana-siyana nenzvimbo dzokudhindira dzeZvapupu zvaJehovha; mamishinari; uye mapiyona chaiwo, enguva dzose, uye anobatsira. Uyezve, vanoshanda zvakaoma mukuvaka Horo dzoUmambo itsva, kushanyira vanorwara, kubatsira vanhu vanotarisana nemamiriro ezvinhu akaoma pakurapwa, uye kupa ruyamuro panguva yakakodzera kune vanowirwa nematambudziko uye netsaona. Vazhinji vevanhu vanozvipira ava kazhinji vanoshumira “masikati nousiku” zvechokwadi!—Zvakazarurwa 7:14, 15.
16. Munzirai umo vashumiri vaJehovha ‘vasingamutenderi kuzorora’?
16 Vashumiri vaJehovha vanokurudzirwa kuramba vachinyengetera, kukumbira Mwari kuti “kuda” kwake “kuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:9, 10; 1 VaTesaronika 5:17) Vanorayirwa kuti: “Musamutendera [Jehovha] kuzorora” kusvikira zvinodiwa netariro pamusoro pokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi zvaitwa. Jesu akasimbisa kudikanwa kwokunyengetera nguva dzose, achikurudzira vateveri vake ku“dana [kuna Mwari] masikati nousiku.”—Ruka 18:1-8.
Basa Rinoitirwa Mwari Richaripwa
17, 18. (a) Vagari veZiyoni vanotarisira kufara nezvibereko zvesimba ravo munzirai? (b) Vanhu vaJehovha nhasi vanofadzwa sei nezvibereko zvesimba ravo?
17 Zita idzva iro Jehovha anopa vanhu vake rinovapa chivimbo chokuti kuedza kwavo hakusi kusina maturo. “Jehovha wakapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti: Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazonwi waini yako itsva, yawakatamburira; asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachainwa pamavazhe eimba yangu tsvene.” (Isaya 62:8, 9) Ruoko rwaJehovha rworudyi noruoko rune simba zviratidzo zvesimba rake. (Dheuteronomio 32:40; Ezekieri 20:5) Kupika kwake nazvo kunoratidza kuti akatsunga kuchinja mamiriro ezvinhu zveZiyoni. Muna 607 B.C.E., Jehovha anobvumira vavengi veZiyoni kuripamba nokuritorera zvinhu zvaro. (Dheuteronomio 28:33, 51) Asi zvino, zvinhu zveZiyoni zvichashandiswa bedzi neavo vane kodzero kwazviri.—Dheuteronomio 14:22-27.
18 Mukuzadzika kwomuzuva ranhasi kwechipikirwa ichi, vanhu vaJehovha vakadzorerwa vanoona kubudirira kwomudzimu kukuru. Vanofadzwa zvizere nezvibereko zvesimba ravo—nhamba iri kuwedzera yevadzidzi vechiKristu uye mafashafasha ezvokudya zvomudzimu. (Isaya 55:1, 2; 65:14) Nemhaka yokuti vanhu vake vakatendeka, Jehovha haabvumiri kuti vavengi vavo vapindire mukubudirira kwavo kwomudzimu kana kuti kuvatadzisa kuwana zvibereko zvebasa ravo romwoyo wose. Hapana chero basa rinoitirwa Jehovha rinoitirwa pasina.—Maraki 3:10-12; VaHebheru 6:10.
19, 20. (a) Nzira inogadzirwa sei kuti vaJudha vadzokere Jerusarema? (b) Munguva dzazvino nzira yakagadzirwa sei kuti vanyoro vauye musangano raJehovha?
19 Zita idzva rinoitawo kuti sangano raJehovha rikwezve kuvanhu vane mwoyo yakatendeka. Mapoka nemapoka evanhu anomhanyira kwariri, uye anoramba akavhurirwa nzira. Uprofita hwaIsaya hunoti: “Pindai, pindai napamasuo, gadzirirai nzira yavanhu; tutirai, tutirai mugwagwa, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza. (Isaya 62:10) Pakutanga, pamwe kudanidzira uku kunoreva kubuda nepamasuo eguta reBhabhironi kuti vadzoke kuJerusarema. Vari kudzoka vacho vanofanira kubvisa matombo munzira kuitira kuti rwendo ruve nyore uye kusimudza mureza wokuratidza nzira.—Isaya 11:12.
20 Kubva muna 1919, vaKristu vakazodzwa vakatsaurirwa basa raMwari uye vari kufamba mu“Nzira yoUtsvene.” (Isaya 35:8) Ndivo vakanga vari vokutanga kufamba munzira yomudzimu kubuda muBhabhironi Guru. (Isaya 40:3; 48:20) Mwari akavapa ropafadzo yokutungamirira mukuzivisa mabasa ake makuru uye mukuratidza vamwe nzira yokuenda kunzira yacho. Kuibvisa matombo—kubvisa zvipinganidzo—kwakanyanya kubatsira ivo pachavo. (Isaya 57:14) Vaifanira kuona zvinangwa zvaMwari uye dzidziso zvakajeka. Dzidziso dzenhema imhinganidzo dziri munzira yokuenda kuupenyu, asi Shoko raJehovha rakaita “senyundo inoputsanya dombo.” Naro, vaKristu vakazodzwa vakaputsa mhinganidzo dzaigona kupinga avo vaida kushumira Jehovha.—Jeremia 23:29.
21, 22. Mureza wei uyo Jehovha akadzika nokuda kweavo vari kusiya chitendero chenhema, uye tinoziva sei?
21 Muna 537 B.C.E., Jerusarema rakava mureza waitungamirira vaJudha vakanga vasara kuti vadzokere kunovakazve temberi. (Isaya 49:22) Muna 1919 apo vakazodzwa vakanga vasara vakasunungurwa pakusungwa nechitendero chenhema, havana kungodzungaira vasina chinangwa. Vaiziva kwavaienda, nokuti Jehovha akanga avamisira mureza. Mureza wei? Iwo mureza uya wakafanotaurwa pana Isaya 11:10, iyo inoti: “Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.” Muapostora Pauro anoshandisira mashoko aya kuna Jesu. (VaRoma 15:8, 12) Hungu, mureza ndiKristu Jesu, ari kutonga saMambo muGomo reZiyoni rokudenga!—VaHebheru 12:22; Zvakazarurwa 14:1.
22 Vakakomba Jesu Kristu, vakazodzwa nemamwe makwai vanounganidzwa kuti vapinde mukunamata kunobatanidza kwaMwari Wokumusorosoro. Kutonga kwake kunoitirwa kureverera uchangamire hwaJehovha pazvakasikwa zvose uye kukomborera vanhu vane mwoyo yakatendeka vanobva kumarudzi ose epasi. Ichi hachisi chikonzero chokuti mumwe nomumwe wedu amurumbidzewo nomufaro here?
“Ruponeso Rwako Runouya”!
23, 24. Ruponeso ruri kuunzwa sei pane avo vane kutenda muna Mwari?
23 Zita idzva iro Jehovha anopa sangano rake rakaita somukadzi rine chokuita noruponeso rusingaperi rwevana vake. Isaya anonyora kuti: “Tarirai, Jehovha wakaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti: Udzai mukunda weZiyoni, muti: Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake unawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.” (Isaya 62:11) Ruponeso rwakauya kuvaJudha apo Bhabhironi rakawa ndokubva vadzokera kunyika yokumusha kwavo. Asi mashoko aya anoreva chimwe chinhu chikuru. Kuzivisa kwaJehovha kunoyeuchidza uprofita hwaZekaria pamusoro peJerusarema hunoti: “Fara kwazvo, iwe mukunda weZiyoni; pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unouya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.”—Zekaria 9:9.
24 Makore matatu nehafu Jesu abhabhatidzwa mumvura nokuzodzwa nomudzimu waMwari, akatasva mbongoro achipinda muJerusarema ndokuchenesa temberi yaro. (Mateu 21:1-5; Johani 12:14-16) Nhasi, Jesu Kristu ndiye ari kuunza ruponeso kubva kuna Jehovha kune vose vane kutenda muna Mwari. Kubva pakugadzwa kwake pachigaro choUmambo muna 1914, Jesu avawo Mutongi akagadzwa naJehovha uye Anoshandiswa Kuuraya. Muna 1918, makore matatu nehafu agadzwa pachigaro choUmambo, akachenesa temberi yaJehovha yomudzimu inomiririrwa pasi pano neungano yevaKristu vakazodzwa. (Maraki 3:1-5) Kusimudzwa kwake somureza kwakaratidza kutanga kwebasa guru rokuunganidzwa kwevanhu vanobva munyika yose, vachitsigira Umambo hwaMesiya. Zvichitevera muenzaniso wekare, “ruponeso” rwakauya kuna Israeri waMwari pavakasunungurwa paBhabhironi Guru muna 1919. “Mubayiro” kana kuti “zvaanoripira” zvakamirira vashandi vokukohwa vanozvipira upenyu hwokusafa mudenga kana kuti upenyu husingaperi pasi pano. Vose vanoramba vakatendeka vanogona kuva nechivimbo chokuti “basa r[avo] harisi pasina munaShe.”—1 VaKorinde 15:58.
25. Vanhu vaJehovha vanovimbiswei?
25 Tariro yacho ine chivimbo zvikuru kusangano raJehovha rokudenga, kuvamiririri varo vakazodzwa vari pasi pano, uye kumunhu wose ari kusonganirana navo! (Dheuteronomio 26:19) Isaya akaprofita kuti: “Vachavatumidza zita rinonzi Vanhu vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; newe uchatumidzwa zita rinonzi Mutsvakwa, Guta risina kusiyiwa.” (Isaya 62:12) Pane imwe nguva “Jerusarema riri kumusoro,” richimiririrwa naIsraeri waMwari, rakanzwa serasiyiwa. Harichazombonzwizve saizvozvo. Jehovha achachengeta vanhu vake nokusingaperi, vachifadzwa nokutenderwa naye.
[Mashoko Omuzasi]
a Muuprofita hweBhaibheri “zita idzva” rinogona kureva nzvimbo itsva kana kuti ropafadzo.—Zvakazarurwa 2:17; 3:12.
[Bhokisi riri papeji 342]
Muenzaniso Wakanaka Kwazvo Pakuroora
Vanhu pavanoroorana, vanouya nezvavanotarisira kumubatanidzwa wokuroorana. Asi chii chinotarisirwa naMwari? Ndiye akavamba zvokuroorana. Ndechipi chaiva chinangwa chake?
Chimwe chinoratidza maonere aMwari chinobva paukama hwake norudzi rwaIsraeri. Isaya anoratidza ukama uhwu sokuroorana. (Isaya 62:1-5) Cherechedza izvo Jehovha Mwari anoitira “mwenga” wake so“murume.” Anomuchengetedza nokumutsvenesa. (Isaya 62:6, 7, 12) Anomukudza nokumukoshesa. (Isaya 62:3, 8, 9) Uye anofarira mwenga, sezvinoratidzwa nemazita matsva aanomupa.—Isaya 62:4, 5, 12.
MuMagwaro echiKristu echiGiriki, Pauro anodzokororawo kurondedzera kwaIsaya ukama huri pakati paJehovha naIsraeri paanoenzanisa ukama hwomurume nomudzimai nohwaKristu neungano yevaKristu vakazodzwa.—VaEfeso 5:21-27.
Pauro akakurudzira vaKristu kutevedzera ukama huri pakati paJesu neungano pakuroorana kwavo. Hakugoni kuva norudo rukuru runopfuura rwakaratidzwa naJehovha kuna Israeri norwakaratidzwa naKristu kuungano. Ukama hwokufananidzira ihwohwo hunopa muenzaniso wakanaka kwazvo hunobudirira nohunofadza pakati pevaKristu vakaroorana.—VaEfeso 5:28-33.
[Mufananidzo uri papeji 339]
Jehovha achatumidza Ziyoni rokudenga zita idzva
[Mifananidzo iri papeji 347]
Munguva dzazvino boka renharirire raJehovha harina kuramba rakanyarara