-
Jehovha Anozviitira Zita RakanakaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
11. (a) Nei Jehovha achiunza “zuva rokutsiva”? (b) “Vakadzikinurwa” munguva dzekare vaiva vanaani uye ndivanaani munguva dzazvino?
11 Jehovha anowedzera kutsanangura kuti nei achiita basa racho iye pachake, achiti: “Nokuti ndakafunga zuva rokutsiva mumwoyo mangu; gore ravakadzikinurwa vangu rasvika.” (Isaya 63:4)b Jehovha bedzi ndiye ane kodzero yokutsiva ava vanokuvadza vanhu vake. (Dheuteronomio 32:35) Munguva dzekare “vakadzikinurwa” ndivo vaJudha vakatambudzwa nevaBhabhironi. (Isaya 35:10; 43:1; 48:20) Munguva dzazvino vakazodzwa ndivo vasara. (Zvakazarurwa 12:17) Kufanana nevakavafananidzira vekare, vakadzikinurwa pakusungwa kwechitendero. Uye kufanana nevaJudha ivavo, vakazodzwa, pamwe neshamwari dzavo dze“mamwe makwai,” vakatambudzwa nokushorwa. (Johani 10:16) Saka uprofita hwaIsaya hunovimbisa vaKristu nhasi kuti panguva yaMwari yakatemwa, Achapindira akavamiririra.
-
-
Jehovha Anozviitira Zita RakanakaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
b Mashoko okuti “gore ravakadzikinurwa vangu” angangoreva nguva yakafanana neinorehwa nemashoko okuti “zuva rokutsiva.” Ona nzira iyo mashoko akafanana akashandiswa nayo achireva izvozvo pana Isaya 34:8.
-