-
Jehovha Anozviitira Zita RakanakaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
14. Zviyeuchidzoi zvakakodzera izvo Isaya anopa zvino?
14 Munguva dzakapfuura, vaJudha vakakurumidza kukanganwa kuonga zvinhu izvo Jehovha akavaitira. Saka nenzira yakakodzera, Isaya anovayeuchidza kuti nei Jehovha akaita zvinhu zvakadaro. Isaya anozivisa kuti: “Ndicharumbidza unyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwounyoro hwake. Nokuti wakati: Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera; naizvozvo wakava Muponesi wavo. Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo wakanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, wakavaponesa; wakavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.”—Isaya 63:7-9.
-
-
Jehovha Anozviitira Zita RakanakaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
17. (a) Jehovha akapa uchapupu hwei hwokuda kwake vaIsraeri? (b) Tinogona kuva nechivimbo chei nhasi?
17 Kunyange zvakadaro, munyori wepisarema anoti pamusoro pevaIsraeri: “Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, wakaita zvinhu zvikuru pa[Ijipiti].” (Pisarema 106:21) Mafungiro avo okusateerera, nokuomesa mutsipa kazhinji akaguma nokuvapinza pakaoma. (Dheuteronomio 9:6) Jehovha akamira kuvaratidza mutsa worudo here? Aiwa, Isaya anotorondedzera kuti “pakutambudzika kwavo kwose naiyewo wakanga achitambudzika.” Jehovha ane tsitsi dzakadini! Sezvinongoita baba vose vane rudo, zvairwadza Mwari kuona vana vake vachitambura, kunyange apo kutambura kwacho kwaiparirwa noupenzi hwavo pachavo. Sezvakanga zvafanotaurwa uye souchapupu hworudo rwake, akatumira “mutumwa,” pamwe Jesu asati ava munhu, kuti avatungamirire kuenda kuNyika Yakapikirwa. (Eksodho 23:20) Nokudaro Jehovha akasimudza rudzi rwacho akarutakura, “somunhu unobereka mwana wake.” (Dheuteronomio 1:31; Pisarema 106:10) Nhasi tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anozivawo kutambura kwedu uye kuti anofunga nezvedu patinenge tiri pakaoma. Tinogona nechivimbo ‘kukandira kufunganya kwedu kwose paari nemhaka yokuti ane hanya nesu.’—1 Petro 5:7.
-