RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Farai Mufarisise Nokusingaperi Pamusoro Pezvandinosika”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 7, 8. Vanhu vaJehovha vakaomesa musoro vakamudenha munzira dzipi?

      7 VaJudha vakaoma musoro vakaramba vachinyandura Jehovha nomufambiro wavo unonyadzisa. Jehovha anorondedzera zviito zvavo zvinogumbura achiti: “Vanhu vanogara vachinditambudza pachena, vanobayira zvibayiro paminda, vachipisa zvinonhuwira pamusoro pezvidhinha; vanogara pakati pamabwiro, vachivata panzvimbo dzakavanda; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza uri mumidziyo yavo; vanoti: Mira woga, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe. Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.” (Isaya 65:3-5) Vanoratidzika sevatsvene ava vanogumbura Jehovha ‘pameso pake chaipo’—mashoko angaratidza kusvibisa nokusaremekedza. Havatomboedzi zvavo kuvanza zvinonyangadza zvavo. Hazvitonyanyi kuzvidza here kutadza pamberi peAnofanira kuremekedzwa wacho nokuteererwa?

      8 Vatadzi vanozviita vakarurama ava naizvozvo, vari kuti kune vamwe vaJudha: ‘Musaswedera pedyo, nokuti ndiri mutsvene kupfuura imi.’ Unyengeri hwakadini! “Vatsvene” ava vari kupa zvibayiro nokupisira zvinonhuwira kuvanamwari venhema, avo Mutemo waMwari unoshora. (Eksodho 20:2-6) Vagere pakati pemakuva, izvo zvinovaita kuti vave vasina kuchena maererano noMutemo. (Numeri 19:14-16) Vari kudya nyama yenguruve, zvokudya zvisina kuchena.a (Revhitiko 11:7) Asi, mabasa echitendero anovaita kuti vanzwe sokuti vatsvene kupfuura vamwe vaJudha, uye vanoda kuti vamwe vanhu vasaswedera kuita sokunge kuti vasatsvenesa kana kuti kucheneswa nokungoswedera pedyo navo. Kunyange zvakadaro, iyoyo handiyo zvachose nzira iyo Mwari ane “godo” anoona nayo zvinhu!—Dheuteronomio 4:24.

  • “Farai Mufarisise Nokusingaperi Pamusoro Pezvandinosika”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • a Vazhinji vanofunga kuti vatadzi ava vakanga vari munzvimbo dzamakuva vachiedza kutaura nevafi. Kudya kwavo nyama yenguruve kungadaro kwaive kwakabatana nokunamata zvifananidzo.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe