MaKristu Anofanira Kubhejera Here?
MUKRISTU anofanira kubhejera kuti awane chimwe chinhu pachena here? Aiwa, nokuti Shoko raMwari rinomukurudzira kuti ashande kuti azvigovere amene nemhuri yake: “‘Kana munhu upi noupi asingadi kushanda, ngaarege kudya.’ . . . Kupfurikidza nokushanda chinyararire vanofanira kudya zvokudya izvo ivo vamene vanowana.”—2 VaTesaronika 3:10, 12, NW.
Nyanzvi yezvamagariro avanhu yakaidza rotari kuti ‘mutoo uyo vanhu varombo vazhinji vanopfumisa nawo vanhu vashomanene,’ uye ikoku kunowanzodaro mukubhejera. MuKristu angada kuzvipfumisa amene pandyiko yavamwe vanogona chinyararire kukwanisa here? MaKristu anofanira ‘kuda vavakidzani vavo sokuzvida kwaanozviita.’ (Marko 12:31) Asi kubhejera kunokuchidzira udyire panzvimbo porudo, kusaitira hanya panzvimbo petsitsi.
Kubhejera kunowanzosundwa noruchochoro—makaro—mudzimu wechienzi kuchiKristu. Pana VaRoma 7:7 (NW), Pauro akati: “Haufaniri kuchochora.” Shoko rokuti “kuchochora” rinoreva “kupanga, kuchiva.” Ikoko hakusati kuchirondedzera ruchiva rwokunyanyisa rwokuwana mari yavavakidzani vake here? Ruchiva rwakadaro haruwirirani nomufungo wechiKristu wokugoverana uye kupa.
Bhaibheri rinoti: “Rudo rwemari ndirwo chisakiso chamarudzi ose ezvinhu zvinokuvadza, uye kupfurikidza nokusvasvavirira urwu rudo vamwe . . . vakazvibaya vamene pose pose namarwadzo mazhinji.” (1 Timotio 6:10, NW) Ikoku kunorondedzera mugariro womubhejeri akapindwa muropa, akaitwa muranda nomuitiro unomubaya zvinorwadza, nguva nenguva.
Jesu akataura kuti vanhu vanogona kuva vanozivikanwa ne“zvibereko zvavo.” (Mateo 7:20) Kunze kwenhamo inotamburwa navabhejeri vakapindwa muropa nemhuri dzavo, kubhejera kwanguve kwakabatanidzwa nokusatendeseka noutsotsi. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Kurwadza kwakawanda kwakabatanidzwa nokubhejera kwakaparirwa nokusatendeseka kwavasimudziri vakwo.” Utsotsi hwakarongwa hwakabatanidzwa neyose iri miviri mibato yokubhejera yapamutemo neisati iri yapamutemo. MuKristu angada kutsigira iri basa here, kunyange nomutoo usina kunanga?
Sezvatsanangurwa munyaya yechipiri yeiyi nhevedzano, kubhejera kunowanzobatanidza kurondwa kwamashura nokuda kwenhamba dzemhanza, mazuva emhanza, kana kuti nhevedzano yemhanza. Kutaurwa somunhu kwemhanza kwaAmai Mhanza kwave kuchitsvakwa kwamazana amakore navabhejeri vanodisa kuwana nyasha dzake. Ainzi Fortuna navaRoma, uye guta reRoma pakupedzisira rakanga rine matembere 26 akavakwa murukudzo rwake.
Muporofita Isaya akanongedzera kuna mwari mumwe cheteyo, ainzi gadh, ainamatwa navaIsraeri vakawa pakutenda. Akanyora, kuti: “Imi varume muri avo vanosiya Jehovha, . . . avo vanogadza munhevedzano tafura nokuda kweMhanza Yakanaka [chiHebheru, gadh].” (Isaya 65:11) Pazuva rokupedzisira regore, yakanga iri tsika yokugadzirira mwari weMhanza Yakanaka tafura inofukidzwa namarudzi akasiana-siana ezvokudya. Nenzira iyi vakare vaikarira kuva nechokwadi chemhanza yakanaka mukati megore rinouya.
Mwari haana kutendera avo vaivimba nagadh vasina ruzivo rwokuzviwanira, kana kuti naAmai Mhanza, kuti vagadzikise zvinetso zvavo. Kutsamira pamhanza kwakafananidzirwa nokusiya Mwari wechokwadi, Jehovha. Panzvimbo pokuratidzira kuzvipira norutsamiro kumufungo usina kutsiga weRombo Rakanaka, maKristu anofanira kuvimba naMwari wechokwadi, Jehovha, Uyo anotopikira pfuma inokosha zvikuru kwazvo, Uyo asati achizotongotinyadzisa.