Unoonga Sangano raJehovha Here?
“Zvanzi naJehovha: Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu.”—ISAYA 66:1.
1, 2. (a) Unogona kunongedzera kuufakazii hunooneka hwesangano raJehovha? (b) Jehovha anogara kupi?
UNODAVIRA kuti Jehovha ane sangano here? Kana zvakadaro, neiko uchikudavira? Ungapindura kuti: ‘Eya, tine Horo yoUmambo. Tine ungano yakanyatsorongwa ine mutumbi wavakuru. Tine mutariri wedunhu akagadzwa nenzira yakarurama anotishanyira nguva dzose. Tinopinda magungano nekokorodzano zvakarongwa. Tine hofisi yebazu yeWatch Tower Society munyika yedu. Zvirokwazvo, zvose izvi nezvimwe zvakawanda zvinobvumikisa kuti Jehovha ane sangano rinoshanda.’
2 Mativi akadaro akaenzana noufakazi hwesangano. Asi kana ratinoona nokuziva riri rapasi pano bedzi, hatina nzwisiso yakakwana yesangano raJehovha. Jehovha akaudza Isaya kuti pasi rinongova chitsiko chetsoka Dzake bedzi, asi matenga chigaro Chake choushe. (Isaya 66:1) Jehovha akanga achinongedzera ku“matenga” api? Kumhepo yedu yakapoteredza pasi here? Kuchadenga here? Kana kuti kune mumwe mwero woupenyu here? Isaya anotaura nezve“ugaro hutsvene hunobwinya” hwaJehovha, uye wezvamapisarema anorondedzera matenga awa sa“ipapo paagere.” Nokudaro, “matenga” pana Isaya 66:1 (NW), anonongedzera kunzvimbo yemidzimu isingaoneki umo Jehovha aine nzvimbo huru, kana kuti hurusa.—Isaya 63:15; Pisarema 33:13, 14.
3. Tinogona sei kukurira kusava nechokwadi?
3 Naizvozvo, kana tichida zvechokwadi kunzwisisa ndokuonga sangano raJehovha, tinofanira kutarira kumatenga. Uye imomo ndimo mune chinetso chavamwe. Sezvo sangano rokudenga raJehovha risingaoneki, tinoziva sei kuti riripo chaizvoizvo? Vamwe vangatova nenguva yokusava nechokwadi, vachishamisika kuti, ‘Tinogona sei kuva nechokwadi?’ Naizvozvo, kutenda kunogona sei kukurira kusava nechokwadi? Nzira mbiri dzinokosha ifundo yomunhu oga yakakomba yeShoko raMwari uye kupinda nguva dzose nokubatanidzwa mumisangano yechiKristu. Ipapo tinoona chiedza chechokwadi nechokumugumo kwenguva yacho. Pave pane vamwe vabatiri vaMwari vakambova vasina chokwadi. Ngatirangarirei nhau yomubatiri waErisha apo Israeri akanga achidenhwa namambo weSiria.—Enzanisa naJohane 20:24-29; Jakobho 1:5-8.
Mumwe Akaona Mapoka Okudenga
4, 5. (a) Chinetsoi chaiva nomubatiri waErisha? (b) Jehovha akapindura sei munyengetero waErisha?
4 Mambo weSiria akatumira uto guru usiku kuDhotani kunotapa Erisha. Apo mubatiri waErisha akamuka mangwanani-ngwanani ndokubuda panze, zvichida kunowana mhepo yakanaka padenga rakati sandara remba yavo muMiddle East, chokwadi, akashamiswa zvakadini! Uto rose reSiria rine mabhiza nengoro dzehondo rakanga rakakomberedza guta racho, richimirira kutapa muporofita waMwari. Mubatiri wacho akadanidzira kuna Erisha kuti: “Haiwa! Tenzi wangu, tichati kudiniko?” Sezviri pachena, nenzira yakaterama uye nokupwiswa, Erisha akapindura kuti: “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” Mubatiri wacho anofanira kuva akashamisika kuti, ‘Vari kupi? Handigoni kuvaona!’ Pane dzimwe nguva ichocho chingava chinetso cheduwo—kukundikana kuona namaziso okunzwisisa, kana kuti kunzwisisa, mapoka okudenga.—2 Madzimambo 6:8-16; VaEfeso 1:18.
5 Erisha akanyengeterera maziso omubatiri wake kuti asvinudzwe. Chii chakatevera kuitika? “Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.” (2 Madzimambo 6:17) Hungu, akaona mapoka okudenga, mauto engirozi akamirira kudzivirira mubatiri waMwari. Zvino aigona kunzwisisa chivimbo chaErisha.
6. Tinogona sei kuwana nzwisiso yesangano rokudenga raJehovha?
6 Pane dzimwe nguva tinova nechinetso chokunzwisisa chakafanana nechaiva nomubatiri waErisha here? Tinowanzoona bedzi rutivi rwunooneka rwamamiriro ezvinhu anotityisidzira kana kuti basa rechiKristu munyika dzakati here? Kana zvakadaro, tinogona kukarira chiono chaicho kutipa nzwisiso here? Aiwa, nokuti tine chimwe chinhu icho mubatiri waErisha akanga asina—bhuku rakazara rine zviono zvakawanda, Bhaibheri, rinogona kutipa nzwisiso musangano rokudenga. Shoko iroro rakafuridzirwa rinopa nheyo dzinotungamirira kururamisa kufunga kwedu namararamiro edu. Zvisinei, tinofanira kuita nhamburiko yokutsvaka nzwisiso ndokusakurira kuonga gadziriro yaJehovha. Uye tinogona kuita ikoko kupfurikidza nefundo yomunhu oga, pamwe chete nomunyengetero nokufungisisa.—VaRoma 12:12; VaFiripi 4:6; 2 Timotio 3:15-17.
Kufunda Kuti Unzwisise
7. (a) Chinetsoi icho vamwe vangava nacho nefundo yomunhu oga yeBhaibheri? (b) Neiko fundo yomunhu oga yakafanirwa nenhamburiko?
7 Fundo yomunhu oga haisati hayo iri kariro inofadza nokuda kwavanhu vakawanda, vakadai saavo vasina kutongofarikanya fundo kuchikoro kana kuti vasina kutongova nomukana wokupinda machiri. Zvisinei, kana tichida kunzwisisa ndokuonga sangano raJehovha namaziso edu okunzwisisa, tinofanira kusakurira chishuvo chokufunda. Unogona kufarikanya zvokudya zvakanaka pasina gadziriro here? Seizvo shefu kana kuti mubiki upi noupi achakuudza, basa rakawanda rinodikanwa kugadzirira zvokudya zvakanaka. Asi, zvingadyiwa muhafu yeawa kana kuti isingasviki. Kune rumwe rutivi, betsero dzefundo yomunhu oga dzinogona kuva dzoupenyu hwose. Fundo yomunhu oga inogona kuva chimwe chinhu chatingafarikanya apo tinoona fambiro mberi yatinogona kuita. Muapostora Pauro nenzira yakarurama akataura kuti tinofanira kuramba tichizvingwarira nokudzidzisa kwedu uye kupfuurira kuzvishandisa kurava pachena. Nhamburiko yenguva dzose inodikanwa, asi betsero dzinogona kuva dzisingaperi.—1 Timotio 4:13-16.
8. Murangariroi uyo Zvirevo anorumbidza?
8 Murume akachenjera wekare akati: “Mwanakomana [kana kuti, mwanasikana], wangu kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.”—Zvirevo 2:1-5.
9. (a) Ukoshi hwendarama hunoenzana sei ne“zivo yaMwari”? (b) Zvishandiswai zvatinoda kuti tiwane zivo yakarurama?
9 Unocherekedza pane mutoro wacho here? Kutaura kwokuti ‘kana uka’ ndiko kuri kudzokororwa. Uye cherekedza kutaura kwokuti, ‘Kana ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa.’ Funga nezvavacheri vemigodhi avo vakachera sirivha nendarama kwamazana amakore muBolivia, Mexico, South Africa, uye dzimwe nyika. Vakashanda zvakaoma, vachishandisa mapiki nefoshoro, kuchera dombo umo vaizowana simbi dzinokosha. Vaikoshesa ndarama zvikuru kwazvo zvokuti mune mumwe mugodhi muCalifornia, U.S.A., vakachera mikoto ine makiromita 591, ichisvika udzame hwakatwasuka hwaanenge makiromita 1,5—kuti vatsvake ndarama bedzi. Asi, unogona kudya ndarama here? Kunwa ndarama? Ichakutsigira here mugwenga kana wava kufa nenzara nenyota? Aiwa, ukoshi hwayo hahusi chaihwoihwo uye hahuna mutemo, huchichinja zuva nezuva sezvinoratidzirwa mumisika yenyika dzakawanda. Kunyange zvakadaro, vanhu vakaifira. Zvino inhamburiko huru zvakadini inodikanwa kuti tiwane ndarama yomudzimu yaMwari, “zivo yaMwari”? Funga nezvazvo, zivo chaiyo yaChangamire Ishe wechisiko chose, sangano rake, uye zvinangwa zvake. Munhau iyi, tinogona kushandisa mapiki nefoshoro zvomudzimu. Izvozvo zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvinotibetsera kuchera muShoko raJehovha ndokunzwisisa revo yaro.—Jobho 28:12-19.
Kuchera Nokuda Kwenzwisiso
10. Dhanieri akaonei muchiono?
10 Ngaticherei nenzira yomudzimu kuti tivambe kuwana zivo chaiyo yesangano rokudenga raJehovha. Nokuda kwenzwisiso inokosha, ngatitendeukirei kuchiono chaDhanieri chaAkakwegura paMazuva ari pachigaro chake choushe. Dhanieri anonyora kuti: “Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe wakakwegura pamazuva ake akagarapo; nguo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake yakanga iri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta. Rwizi rwomoto rwakanga ruchibuda ruchibva pamberi pake; zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira, uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi; kutonga kukatanga bhuku dzikazarurwa.” (Dhanieri 7:9, 10) Ndivanaani vakanga vari izvi zviuru zvakanga zvichishumira Jehovha? Dzichishandiswa sa“mapiki” na“mafoshoro,” nongedzero dzomumucheto dzomuNew World Translation, dzinotitungamirira kunongedzero dzakadai sePisarema 68:17 naVaHebheru 1:14. Hungu, avo vakanga vachishumira vaiva ngirozi dzokudenga!
11. Chiono chaDhanieri chinogona sei kutibetsera kunzwisisa mashoko aErisha?
11 Nhoroondo yaDhanieri haitauri kuti akaona ngirozi dzose dzakatendeka idzo Mwari anodzora. Kungagona kuva namamwe mamiriyoni. Asi zvirokwazvo tinogona zvino kunzwisisa chikonzero nei Erisha aigona kuti: “Vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” Uto ramambo weSiria, kunyange zvazvo raitsigirwa nengirozi dzisina kutendeka, madhimoni, rakapfuurwa namauto okudenga aJehovha!—Pisarema 34:7; 91:11.
12. Unogona sei kusvika pakuziva zvakawanda pamusoro pengirozi?
12 Zvichida ungada kuziva zvakawanda pamusoro peidzi ngirozi, zvakadai sebasa radzinoita mukubatira Jehovha. Kubva mushoko rechiGiriki nokuda kwengirozi, tinogona kuona kuti idzo vatumwa nokuti rinorevawo kuti “nhume.” Zvisinei, kune zvakawanda zvikuru kumabasa adzo. Kuwana kuti chii, zvisinei, unofanira kuchera. Kana une Insight on the Scriptures, unogona kufunda nyaya inoti “Angels,” kana kuti unogona kunongedzera kunyaya dzakapfuura muNharireyomurindi pamusoro pengirozi. Uchashamisika nezvakawanda zvaunogona kudzidza pamusoro paava vabatiri vokudenga vaMwari ndokusvika pakunzwisisa tsigiro yavo. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Zvisinei, musangano rokudenga raMwari, zvimwe zvisikwa zvomudzimu zvinobatira zvinangwa chaizvo.
Icho Isaya Akaona
13, 14. Isaya akaonei muchiono, uye izvi zvakamutapura sei?
13 Zvino ngaticherei muchiono chaIsaya. Apo unorava ganhuro 6, ndima 1 kusvika ku7, unofanira kuororwa. Isaya anotaura kuti “ndakaona Ishe agere pachigaro choushe,” uye “kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi.” Akanga achidanidzira pamusoro pembiri yaJehovha, achirumbidza utsvene hwake. Unofanira kutapurwa kunyange nokurava nhoroondo iyi. Chii chakanga chiri kuita kwaIsaya? “Ipapo ndikati: Ndine nhamo! Nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo ine tsvina, ndigere pakati pavanhu vemiromo ine tsvina; nokuti meso angu akaona Mambo, Jehovha wehondo.” Akaororwa sei nechiono ichocho! Unodaro here?
14 Naizvozvo Isaya aikwanisa sei kutsungirira ichi chiono chine mbiri? Anotsanangura kuti serafimi yakamubetsera ndokuti: “Zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikinurwa.” (Isaya 6:7) Isaya aigona kuvimba nengoni dzaMwari ndokuteerera kumashoko aJehovha. Zvino, ungada kuziva zvakawanda pamusoro peizvi zvisikwa zvomudzimu zvine nzvimbo yapamusoro here? Ipapo unofanira kuitei? Chera nokuda kwamashoko akawanda. Mumwe mudziyo wokushandisa ungava Watch Tower Publications Index, uchitevera nongedzero dzayo kumanyuko akawanda okujekesa mashoko.
Ezekieri Akaonei?
15. Chii chinoratidza kuti chiono chaEzekieri chakavimbika?
15 Tevere ngatitendeukirei kurumwe rudzi rwechisiko chomudzimu. Ezekieri akaropafadzwa kuva nechiono chinokurudzira apo akanga achiri nhapwa muBhabhironi. Vhura Bhaibheri rako kuna Ezekieri ganhuro 1, ndima nhatu dzokutanga. Nhoroondo yacho inotanga sei? Inotaura here kuti, ‘Kare kare, munyika iri kure . . .’? Aiwa, iyi haisi ngano yomunguva yengano. Ndima 1 inoti: “Zvino negore ramakumi matatu, nomwedzi wechina, nezuva rechishanu romwedzi, ini ndiri pakati pavakatapwa parwizi rwaKebhari, kudenga kwakazarurwa, ndikaona zvandakaratidzwa zvaMwari.” Unocherekedzei pamusoro pendima iyi? Inopa musi chaiwo nenzvimbo chaiyoiyo. Maudzame awa anonongedzera kugore rechishanu rokutapwa kwaMambo Jehoyakini, gore ra613 B.C.E.
16. Ezekieri akaonei?
16 Ruoko rwaJehovha rwakava pana paEzekieri, uye akavamba kuona chiono chinotyisa chaJehovha ari pachigaro choumambo mungoro huru yokudenga yaiva namavhiri makuru ane maziso akapoteredza marimu acho. Udzame hunotifadza pano ndohwokuti paiva nezvisikwa zvina, chimwe chakamira pavhiri rimwe nerimwe. “Zvakanga zvakadai: Zvakanga zvakafanana nomunhu; chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina, nechimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana. . . . Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondowo.”—Ezekieri 1:5, 6, 10.
17. Zviso zvina zvamakerubhi zvinomirirei?
17 Ndezvipi zvakanga zviri izvi zvisikwa zvipenyu zvina? Ezekieri pachake anotiudza kuti zvaiva makerubhi. (Ezekieri 10:1-3, 14) Neiko aiva nezviso zvina? Kumiririra mavara mana akatanhamara aChangamire Ishe Jehovha. Chiso chegondo chaiva chiratidzo chouchenjeri hunoona zviri kure. (Jobho 39:27-29) Chiso chenzombe chaimirirei? Nesimba gurusa romutsipa namapfudzi ayo, nzombe inorwa inozivikanwa kuti inosimudza bhiza nomutasvi mudenga. Zvirokwazvo, nzombe chiratidzo chesimba risingaganhurirwi raJehovha. Shumba inoshandiswa sechiratidzo cheruramisiro youshingi. Pakupedzisira, chiso chomunhu nenzira yakakodzera chinomirira rudo rwaMwari, sezvo munhu ari chisikwa chapasi bedzi chinogona kuratidzira vara iri noungwaru.—Mateo 22:37, 39; 1 Johane 4:8.
18. Muapostora Johane anowedzera sei kunzwisisa kwedu sangano rokudenga?
18 Pane zvimwe zviono zvinogona kutibetsera kupedzisa mufananidzo wacho. Izvi zvinobatanidza zviono zvaJohane zvinorondedzerwa mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Kufanana naEzekieri, iye, anoona Jehovha ari pachigaro choushe chine mbiri achikumbanirwa namakerubhi. Makerubhi ari kuitei? Anodzokorora ziviso yamaserafimi yaIsaya ganhuro 6, achiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, wamasimba ose, wakanga aripo, uripo nouchazouya.” (Zvakazarurwa 4:6-8) Johane anoonawo gwayana pedyo nechigaro choushe. Ringave richimirira ani? Gwayana raMwari chairo, Jesu Kristu.—Zvakazarurwa 5:13, 14.
19. Kupfurikidza neiyi fundo, wanzwisisei pamusoro pesangano raJehovha?
19 Naizvozvo kupfurikidza neizvi zviono, tanzwisisei? Kuti pamusoro zvikurusa pesangano rokudenga pana Jehovha Mwari ari pachigaro chake choushe achikumbanirwa neGwayana, Jesu Kristu, uyo ari Shoko, kana kuti Logos. Ipapo taona boka rokudenga rengirozi, kubatanidza maserafimi namakerubhi. Idzo rutivi rwesangano rakabatana rimwe guru, rinobatira zvinangwa zvaJehovha. Uye chimwe chezvinangwa izvozvo kuparidzwa kwamashoko akanaka munyika yose munguva ino yomugumo.—Marko 13:10; Johane 1:1-3; Zvakazarurwa 14:6, 7.
20. Mubvunzoi uchapindurwa munyaya inotevera?
20 Pakupedzisira, tine Zvapupu zvaJehovha pasi pano zvinosangana muHoro dzoUmambo dzazvo kuti zvidzidze nzira yokuita nayo kuda kwaChangamire Ishe. Zvirokwazvo, zvino tinogona kunzwisisa kuti kune vakawanda vanesu kupfuura avo vana Satani navavengi vechokwadi. Ipapo panosara mubvunzo wokuti, Sangano rokudenga rine chokuitai nokuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo? Nyaya inotevera icharangarira izvozvo nedzimwe nhau.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Kuti tionge sangano raJehovha, chii chatinofanira kunzwisisa?
◻ Chiitikoi icho mubatiri waErisha akava nacho, uye muporofita akamukurudzira sei?
◻ Tinofanira kurangarira sei fundo yomunhu oga?
◻ Danieri, Isaya, uye Ezekieri vanopa sei maudzame esangano rokudenga?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Betsero dzefundo yomunhu oga dzinopfuura zvikuru idzo dzezvokudya zvakasanogadzirirwa
[Mufananidzo uri papeji 15]
Chiono chamapoka okudenga chaiva mhinduro yaJehovha kumunyengetero waErisha