Chitsauko 27
Jehovha Anokomborera Kunamata Kwakachena
1. Misoro ipi inosimbiswa muchitsauko chokupedzisira chaIsaya, uye mibvunzo ipi inopindurwa?
MUCHITSAUKO chokupedzisira chaIsaya, imwe yemisoro mikuru yebhuku iri rouprofita inosvitswa panhongonya payo chaipo, uye mibvunzo inokosha inoverengeka inopindurwa. Mimwe yemisoro inosimbiswa, pane ukuru hwaJehovha, kuvenga kwake unyengeri, kutsunga kwake kuranga vakaipa, uye kuda kwake nokuva nehanya nevakatendeka. Uyezve, mibvunzo inotevera inopindurwa: Chii chinosiyanisa kunamata kwechokwadi nokwenhema? Tinogona kuva nechokwadi sei chokuti Jehovha achatsiva vanyengeri vanoedzesera kuva vatsvene asi vachidzvinyirira vanhu vaMwari? Uye Jehovha achakomborera sei avo vanoramba vakatendeka kwaari?
Kiyi Yokunamata Kwakachena
2. Jehovha anozivisei pamusoro poukuru hwake, uye zvaanozivisa izvi hazvirevi kuti chii?
2 Kutanga uprofita hwacho hunosimbisa ukuru hwaJehovha hunoti: “Zvanzi naJehovha: Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiniko? Ndeipiko nzvimbo pandingazorora?” (Isaya 66:1) Vamwe vanofunga kuti muprofita wacho ari kurambidza vaJudha kuvakira Jehovha temberi kana rudzi rwacho rwadzorerwa kunyika yokumusha kwarwo. Handizvo; Jehovha pachake acharayira kuti temberi ivakwezve. (Ezra 1:1-6; Isaya 60:13; Hagai 1:7, 8) Saka ndima iyi inorevei kana zvakadaro?
3. Nei zvakakodzera kuti pasi parondedzerwe se“chitsiko chetsoka” dzaJehovha?
3 Kutanga tingakurukura kuti nei pasi pachirondedzerwa se“chitsiko chetsoka” dzaJehovha. Iri harisi shoko rokuzvidza. Pakati pemabhiriyoni ezvinhu zvose zvakasikwa zviri mudenga, pasi poga ndipo panopiwa zita iri rinokosha. Nyika yedu icharamba yakasiyana nezvimwe zvose nokusingaperi, nokuti ndepano apo Mwanakomana waJehovha mumwe oga akaripira rudzikinuro, uye ndepano apo Jehovha achareverera uchangamire hwake achishandisa Umambo hwaMesiya. Naizvozvo zvakakodzera sei kuti pasi panzi chitsiko chetsoka dzaJehovha! Mambo angashandisa chitsiko chakadaro kuti akwire pachigaro chake choumambo chakakwirira uye adaro sepokuzororera petsoka dzake.
4. (a) Nei zvisingabviri kuti pave nechivako chiri pasi pano chingave nzvimbo yokuzororera yaJehovha Mwari? (b) Chii chinorehwa nemashoko okuti “zvinhu izvi zvose,” uye chii chatinofanira kuguma tataura pamusoro pokunamata Jehovha?
4 Chokwadi, mambo aisazogara pachitsiko chetsoka dzake, uyewo Jehovha haagari pasi pano. Chokwadi, kunyange matenga nokukura kwawo haakwani kuti agare maari! Ndoda chivakowo zvacho chiri pasi pano, hachingagari Jehovha kuti chishande seimba yake. (1 Madzimambo 8:27) Chigaro chaJehovha choUmambo nechitsiko chetsoka dzake zviri munyika yomudzimu, iyo iri pfungwa yeshoko rokuti “kudenga” semashandisirwo arakaitwa pana Isaya 66:1. Ndima inotevera inobudisa pfungwa yacho ichiti: “Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 66:2a) Fungidzira Jehovha achinongedza kwose kwose “zvinhu izvi zvose”—zvose zviri mudenga nezviri pasi. (Isaya 40:26; Zvakazarurwa 10:6) Zvaari Musiki Mukuru wezvakasikwa zvose, akakodzera kupiwa zvinopfuura chivako chinongonzi ndechake. Akakodzera kupiwa zvinopfuura kunamata kwechipameso.
5. Tinoratidza sei kuti tiri “murombo une mweya wakaputsika”?
5 Kunamata kworudzii kwakakodzera Changamire Wezvakasikwa zvose? Iye pachake anotiudza kuti: “Asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo une mweya wakaputsika, unodedera neshoko rangu.” (Isaya 66:2b) Hungu, chinokosha pakunamata kwakachena mwoyo wakarurama womunamati. (Zvakazarurwa 4:11) Munamati waJehovha anofanira kuva “murombo une mweya wakaputsika.” Izvi zvinoreva kuti Jehovha anoda kuti tisafara here? Kwete, iye ndi“Mwari anofara,” uye anoda kuti vanamati vake vafarewo. (1 Timoti 1:11; VaFiripi 4:4) Zvisinei, tose tinogara tichitadza, uye hatifaniri kurerutsa zvivi zvedu. Tinofanira kunzwa ta“putsika” nokuda kwazvo, kusuwiswa nokuti tapotsa chiratidzo chemitemo yaJehovha yakarurama. (Pisarema 51:17) Tinofanira kuratidza kuti tine “mweya wakaputsika” nokupfidza, kurwisana netsika yedu yokutadza, uye kunyengetera kuna Jehovha kuti atikanganwire.—Ruka 11:4; 1 Johani 1:8-10.
6. Vanamati vechokwadi vanofanira ku‘dedera shoko raMwari’ mupfungwai?
6 Kunze kwezvo, Jehovha anotarisa kune vano‘dedera shoko rake.’ Izvi zvinoreva here kuti anoda kuti tibvunde nokutya pose patinoverenga zvirevo zvake? Aiwa, pane kudaro anoda kuti tione zvaanotaura nokutya nokuremekedza. Tinotsvaka zano rake nomwoyo wose, tichirishandisa kuti rititungamirire muzvinhu zvose zvoupenyu. (Pisarema 119:105) Tinga‘dedera’wo mupfungwa yokuti tinotya pfungwa yokusateerera Mwari, kusvibisa chokwadi chake netsika dzevanhu, kana kuti kurerutsa chokwadi. Pfungwa yakadaro yokuzvininipisa inokosha mukunamata kwakachena—asi, zvinosuruvarisa kuti haiwaniki nyore munyika yanhasi.
Jehovha Anovenga Kunamata Kwounyengeri
7, 8. Jehovha anoona sei manamatiro echipameso evanyengeri vechitendero?
7 Isaya sezvaanofunga nezvevanhu vomuzuva rake, anonyatsoziva kuti vashomanana vane unhu hunotsvakwa naJehovha muvanamati vake. Saka Jerusarema rakaramba kutenda rakakodzera kuparadzwa kwakarimirira. Ona kuti Jehovha anoona sei kunamata kuri kuitwa mariri: “Unouraya nzombe wakaita sounouraya munhu, unobayira gwayana sounovhuna mutsipa wembwa, unouya nechipiriso choupfu sounouya neropa renguruve, unopisira zvinonhuwira sounotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyadza zvavo.”—Isaya 66:3.
8 Mashoko aya anotiyeuchidza nezvemashoko aJehovha akanyorwa muchitsauko chokutanga chaIsaya. Jehovha ipapo akaudza vanhu vake vakatsauka kuti tsika dzavo dzechipameso dzokunamata dzaisangokundikana kumufadza chete asi dzaitokwidza hasha dzake dzakarurama nokuti vanamati vacho vainyengera. (Isaya 1:11-17) Saizvozvowo, Jehovha zvino anofananidza zvipiriso zvavo nemhosva dzakakomba. Kupisira kwavo nzombe inodhura kwaisafadza Jehovha sezvakangoita kuuraya munhu! Zvimwe zvibayiro zvinofananidzwa nokubayira imbwa kana nguruve, mhuka dzisina kuchena muMutemo waMosesi uye zvechokwadi dzisina kukodzera kuva zvibayiro. (Revhitiko 11:7, 27) Jehovha anongobvumira hake kunyengera kwechitendero kwakadaro kuchingoenda pasina chirango here?
9. VaJudha vazhinji vakaita sei nezviyeuchidzo zvaJehovha nokuna Isaya, uye ndoupi uchava mugumisiro usingadzivisiki?
9 Jehovha zvino anoti: “Neniwo ndichasanangura zvinovadadira, ndichawisira pamusoro pavo izvo zvavanotya; nokuti panguva yandakadana, hakuna wakapindura, panguva yandakataura, havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakasanangura zvakanga zvisingandifadzi.” (Isaya 66:4) Pasina mubvunzo Isaya anogona kutaura mashoko aya zvichibva pamwoyo. Nokuti kwemakore akawanda ave achishandiswa naJehovha ‘kudana’ no‘kutaura’ nevanhu Vake. Muprofita wacho anonyatsoziva kuti vazhinji vanga vasingateereri. Nokuti vakaramba vachiita zvakaipa, kutsiviwa hakudzivisiki. Zvechokwadi Jehovha achasarudza chirango chavo oisa zviitiko zvinotyisa pavanhu vake vakaramba kutenda.
10. Kubata kwaJehovha nenyika yeJudha kunotiudzei pamusoro pemaonere ake chiKristudhomu?
10 ChiKristudhomu chomuzuva ranhasi naichowo chakaita zvisingafadzi Jehovha. Kunamata zvidhori kwakazara muchechi dzacho, uzivi husiri hwomumagwaro netsika zvinokudzwa pazvikuva zvacho uye kuda simba rezvematongerwe enyika kwakatungamirira mukuva noukama hwoupombwe hwomudzimu hunoramba huchiwedzera nenyika dzepasi pose. (Mako 7:13; Zvakazarurwa 18:4, 5, 9) Sezvakangoitikawo kuJerusarema rekare, kutsiviwa kwakarurama kwechiKristudhomu—chinhu chino“tyisa”—chiri kuuya pachiri nenzira isingadzivisiki. Pakati pezvikonzero zvichaita kuti chitorangwa chete, panewo chikonzero chenzira yachakabata nayo vanhu vaMwari.
11. (a) Chii chinowedzera chivi chevakaramba kutenda muzuva raIsaya? (b) Mupfungwai umo vanorarama panguva imwe naIsaya vanodzinga vakatendeka ‘nemhaka yezita raMwari’?
11 Isaya anoenderera mberi achiti: “Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake: Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati: Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa.” (Isaya 66:5) “Hama” dzaIsaya, vanhu vomunyika yake, vane mutoro wavakapiwa naMwari wokumiririra Jehovha Mwari nokuzviisa pasi pouchangamire hwake. Chivi chavo chokutadza kuita saizvozvo chakakomba zvechokwadi. Asi chinowedzera chivi chavo ndechokuti vanovenga vanhu vakatendeka uye vanozvininipisa vakadai saIsaya. Vakaramba kutenda ava vanovenga uye vanodzinga vakatendeka nokuti vanomirira Jehovha Mwari zvechokwadi. Mupfungwa iyoyo kudzingwa kwacho kunoitwa ‘nemhaka yezita raMwari.’ Panguva imwe chete, vashumiri vaJehovha venhema ava vanoti vanomumiririra, sevatsvene vachishandisa mashoko anonzwika seechitendero akadai sokuti “Jehovha ngaakudzwe!”a
12. Ndeipi mimwe mienzaniso yokutambudzwa kwevashumiri vakatendeka vaJehovha nevanyengeri vechitendero?
12 Kuvenga kunoita chitendero chenhema vanotsigira kunamata kwakachena hachisi chinhu chitsva. Kuwedzera kwokuzadzika kwouprofita hwaGenesi 3:15, uhwo hwakafanotaura nezvoruvengo ruchagara ruripo pakati pembeu yaSatani neMbeu yomukadzi waMwari. Jesu akaudza vateveri vake vakazodzwa muzana remakore rokutanga kuti naivowo vaizotambudzwa nevanhu vokwavo—kudzingwa mumasinagogi nokutambudzwa kusvika pakuurawa. (Johani 16:2) Uye zvakadini nemazuva ano? Pakutanga kwe“mazuva okupedzisira,” vanhu vaMwari vakaona kuti kutambudzwa kwakadaro kwakanga kwakavamirira. (2 Timoti 3:1) Kare muna 1914, Nharireyomurindi yechiRungu yakatora mashoko aIsaya 66:5, ichiti: “Kunenge kutambudzwa kwose kwakauya pavanhu vaMwari kwakabva kuvanozviti vaKristu.” Nyaya iyoyo yakatiwo: “Hatizivi kana vanganyanyisa muzuva redu—pamwe kusambotiona sevanhu munzanga, kuuraya sangano, zvimwe kuuraya chaiko.” Mashoko iwaya akaratidza kuva echokwadi kwazvo! Isiri nguva refu abudiswa, kutambudzwa kwaitungamirirwa nevafundisi kwakapisa kwazvo mukati meHondo Yenyika I. Asi chiKristudhomu chakanyadziswa sezvakanga zvangofanotaurwa chaizvo. Sei?
Kudzorerwa Nokukurumidza uye Kamwe Kamwe
13. Mukuzadzika kwokutanga chii chiri “mubvumo webope riri muguta”?
13 Isaya anoprofita kuti: “Inzwai mubvumo webope riri muguta, mubvumo unobva kutembere, mubvumo waJehovha unoripidzira vavengi vake.” (Isaya 66:6) Pakuzadzika kwokutanga kwemashoko aya, “guta” iJerusarema, umo mune temberi yaJehovha. “Mubvumo webope” unoratidza kunyongana kwehondo, uyo unonzwika muguta racho apo mauto eBhabhironi anopinda nechisimba anoriparadza muna 607 B.C.E. Zvisinei, zvakadini nokuzadzika kwomuzuva razvino?
14. (a) Maraki akafanotaurei pamusoro pokuuya kwaJehovha kutemberi Yake? (b) Maererano nouprofita hwaEzekieri, chii chakaguma chaitika Jehovha paakauya kutemberi yake? (c) Jehovha naJesu vakaongorora temberi yomudzimu rini, uye avo vaiti vanomiririra kunamata kwakachena vakaitwei?
14 Mashoko ari muna Isaya aya anowirirana nokumwe kutaura kwouprofita kuviri, kumwe kwakanyorwa pana Ezekieri 43:4, 6-9 uye kumwe pana Maraki 3:1-5. Vose Ezekieri naMaraki vanofanotaura nezvenguva apo Jehovha Mwari anouya kutemberi yake. Uprofita hwaMaraki hunoratidza kuti Jehovha anouya kuzotarisa imba yake yokunamata kwakachena nokuita soMunatsi, achirasa vanomumiririra zvisizvo. Zvakaratidzwa Ezekieri zvinobudisa Jehovha achipinda mutemberi achirayira kuti zvisarira zvose zvounzenza nokunamata zvifananidzo zvibviswe.b Mukuzadzika kwouprofita uhwu kwomuzuva ranhasi, pakava nechimwe chiitiko chomudzimu chinokosha muna 1918 pamusoro pokunamata Jehovha. Jehovha naJesu sezviri pachena vakaongorora vose avo vaiti vaimiririra kunamata kwakachena. Kuongorora ikoko kwakatungamirira pakubviswa kwokupedzisira kwechiKristudhomu chakaipa. Nokuda kwevateveri vakazodzwa vaKristu, kuongorora kwacho kwaireva nguva pfupi yokunatswa ichiteverwa nokudzorerwa kwomudzimu nokukurumidza muna 1919.—1 Petro 4:17.
15. Kubereka kupi kunofanotaurwa, uye izvi zvinozadzika sei muna 537 B.C.E.?
15 Kudzorerwa uku kunotsanangurwa zvakajeka mundima dzinotevera dzaIsaya: “Wakapona asati arwadziwa, wakabereka mwanakomana kurwadziwa kwake kusati kwasvika. Ndianiko wakambonzwa chinhu chakadai? Ndianiko wakamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwa nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwa pakarepo? Nokuti Ziyoni rakangoti kurwadziwa, nokubereka vana varo.” (Isaya 66:7, 8) KuvaJudha vakatapwa kuBhabhironi, mashoko aya anozadzika kokutanga zvinofadza. Ziyoni, kana kuti Jerusarema, rinomirirwa zvekare nomukadzi ari kubereka mwana, asi kubereka kwacho kunozoshamisa! Kunokurumidza, uye kamwe kamwe, zvokuti kunoitika marwadzo okubereka asati atanga! Uyu mufananidzo wakakodzera. Kuberekwa patsva kwevanhu vaMwari sorudzi rwakazvimiririra muna 537 B.C.E. kunoitika nokukurumidza uye kamwe kamwe zvokuti kunoita sechishamiso. Chokwadi, kubva panguva apo Koreshi anosunungura vaJudha pakutapwa kusvika panguva apo vakatendeka vasara vanodzokera kunyika yokumusha kwavo inongova mwedzi mishomanana! Izvi zvinopesana kwazvo nezviitiko zvakatungamirira kuberekwa kwokutanga kworudzi rwaIsraeri! Muna 537 B.C.E., hapana chikonzero chokuteterera mambo asingadi kuti ape rusununguko, hapadikanwi kutiza uto rinotyisa, hapadikanwi kuita rwendo rwemakore 40 murenje.
16. Mukuzadzika kwomuzuva ranhasi kwaIsaya 66:7, 8, Ziyoni rinomirirei, uye vana varo vakaberekwazve sei?
16 Mukuzadzika kwomuzuva ranhasi, Ziyoni rinomiririra “mukadzi” waJehovha wokudenga, sangano rake rokudenga rezvisikwa zvomudzimu. Muna 1919 “mukadzi” uyu akafara kuona kuberekwa kwevanakomana vake vakazodzwa pasi pano sevanhu vakarongwa, “rudzi.” Kuberekwazve ikoko kwakakurumidza uye kwakaitika kamwe kamwe.c Mumwedzi mishomanana bedzi, boka revakazodzwa rakamuka pakuita serakafa risingachaiti basa, richivazve benyu rakasimba mu“nyika” yaro, nyika yavo yebasa romudzimu yavakapiwa naMwari. (Zvakazarurwa 11:8-12) Pakazosvika matsutso a1919, vakatozivisa kubudiswa kwemagazini itsva yaizotsigira Nharireyomurindi. Yainzi The Golden Age (zvino yava Mukai!), magazini itsva iyoyo yakanga iri uchapupu hwokuti vanhu vaMwari vakanga vapiwa simba idzva zvekare uye vakanga varongwa nokuda kwebasa.
17. Jehovha anovimbisa sei vanhu vake kuti hapana chinogona kumudzivisa kuita chinangwa chake naIsraeri womudzimu?
17 Hapana simba pazvakasikwa zvose raigona kudzivisa kuberekwazve kwomudzimu uku. Ndima inotevera inotosimbisa izvozvi ichiti: “Zvanzi naJehovha: Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here? Ndizvo zvinotaura Mwari wako.” (Isaya 66:9) Sezvo kubereka kusingadzivisiki kana kwangotanga, ndizvo zvakaitawo kuberekwazve kwaIsraeri womudzimu, pakwakangotanga chete, kwakanga kusingachamisiki. Chokwadi paiva nokushorwa, uye pamwe kuchatowedzera munguva yemberi. Asi Jehovha bedzi ndiye anogona kumisa zvaanenge atanga, uye haamboiti kudaro! Zvisinei, Jehovha anobata sei vanhu vake vavazve nesimba?
Kutarisira Nounyoro kwaJehovha
18, 19. (a) Jehovha anoshandisa muenzanisoi unofadza zvikuru, uye unoshanda sei kuvanhu vake vari nhapwa? (b) Vakazodzwa vasara nhasi vakabatsirwa sei nezvokudya zvorudo nokutarisirwa?
18 Ndima ina dzinotevera dzinopa mufananidzo unofadza zvikuru wokutarisira nounyoro kwaJehovha. Kutanga Isaya anoti: “Farai pamwe chete neJerusarema, mufare pamusoro paro, imi mose munorida; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema; kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti mukame, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro.” (Isaya 66:10, 11) Jehovha pano anoshandisa muenzaniso womukadzi anoyamwisa mwana wake. Mwana paanenge ave kurumwa nenzara, anopangura mhere asinganyarari. Asi paanoswededzwa pedyo nezamu raamai vake kuti ayamwe, nhamo yake inochinja kuva mufaro wokugutsikana nokuguta. Saizvozvowo, vaJudha vakatendeka vasara vari muBhabhironi vachanyaradzwa nokukurumidza vofara nokugutsikana apo nguva yokusunungurwa nokudzorerwa inosvika. Vachafara. Kubwinya kweJerusarema kuchamutsiridzwa sezvarinovakwazve nokugarwazve. Kubwinya kweguta racho kuchabatanidzawo vagari varo vakatendeka. Vachagutswa zvekare mumudzimu noupristi hunoshanda.—Ezekieri 44:15, 23.
19 Israeriwo womudzimu akakomborerwa nezvokudya zvakawanda pashure pokudzorerwa muna 1919. Kubva ipapo kudururuka kwezvokudya zvomudzimu zvinopiwa noku“muranda akatendeka, akangwara” kwave kuchiitika nguva dzose. (Mateu 24:45-47) Iyi zvechokwadi yave iri nguva yokunyaradzwa nokufara kwevakazodzwa vasara. Asi kwave kune zvimwe zvikomborero.
20. Jerusarema rakakomborerwa sei no“rwizi runofema kunze,” munguva yekare neyanhasi?
20 Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Nokuti zvanzi naJehovha: Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nepfuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchanwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.” (Isaya 66:12) Pano mufananidzo wokuyamwisa unobatanidzwa nomufananidzo wokudururuka kwezvikomborero—“rwizi” ne“rwizi runofema kunze.” Jerusarema richakomborerwa kwete bedzi norugare rukuru kubva kuna Jehovha asiwo ne“pfuma yemarudzi,” inodurukira nokukomborera vanhu vaMwari. Izvi zvinoreva kuti vanhu vemamwe marudzi vachadirana vachienda kuvanhu vaJehovha. (Hagai 2:7) Mukuzadzika kwekare, vanhu vanoverengeka vakabva kumamwe marudzi akasiyana-siyana zvechokwadi vakazvibatanidza naIsraeri, vachiva vatendeuki vechiJudha. Zvisinei, kuzadzika kwakatokura nokure kwakaitika munguva yedu apo “boka guru revanhu, . . . vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi”—chokwadi rwizi chairwo rwevanhu ruri kufema kunze—rwakazvibatanidza nevasara vevaJudha vomudzimu.—Zvakazarurwa 7:9; Zekaria 8:23.
21. Mumufananidzo wemashoko unofadza, kunyaradza kworudzii kunofanotaurwa?
21 Isaya 66:12 inotaura nezvemashoko orudo rwaamai—vachirezva mwana pamakumbo nokumutakura parutivi. Mundima inotevera, pfungwa yakafanana inotsanangurwa nokuchinja kunofadza kwemaonero. “Somunhu unovaraidzwa naamai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusarema.” (Isaya 66:13) Mwana wacho zvino ava “munhu” mukuru. Asi amai vake havana kurasa chido chavo chokumunyaradza munguva yenhamo.
22. Jehovha anoratidza sei unyoro nokusimba kworudo rwake?
22 Nenzira inofadza iyi, Jehovha anoenzanisira simba nounyoro zvorudo rwake kuvanhu vake. Kunyange rudo rwaamai rwakasimba kwazvo harumboenzani norudo rwaJehovha rwakadzama nokuda kwevanhu vake vakatendeka. (Isaya 49:15) Zvinokosha sei kuti vaKristu vose varatidzewo unhu uhwu hwaBaba vavo vokudenga! Muapostora Pauro akadaro, nokudaro achisiyira vakuru vari muungano yechiKristu muenzaniso wakanaka kwazvo. (1 VaTesaronika 2:7) Jesu akataura kuti kuda hama kwaizova chiratidzo chikuru chevateveri vake.—Johani 13:34, 35.
23. Rondedzera mufaro wevanhu vaJehovha vakadzorerwa.
23 Jehovha anoratidza rudo rwake nechiito. Nokudaro, anoenderera mberi achiti: “Muchazviona, mwoyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazivikanwa kuna varanda vake, asi uchava nehasha navavengi vake.” (Isaya 66:14) Mumwe mazvikokota womutauro wechiHebheru anotaura kuti shoko rokuti “muchazviona” rinoratidza kuti chero apo nhapwa dziri kudzoka dzinotarisa munyika yadzo yakadzorerwa, “zvichafadza meso adzo.” Zvechokwadi vachafara, vachanakidzwa zvisingatauriki kuti vadzorerwa munyika yokumusha kwavo. Vachanzwa vamutsiridzwa, sokunge mapfupa ave kusimba zvekare, vachipiwa simba souswa munguva yechirimo. Vose vachaziva kuti kukomborerwa uku kwauya, kwete nesimba revanhu, asi no“ruoko rwaJehovha.”
24. (a) Unogumisa kuti chii paunofunga zviitiko zvinobatanidza vanhu vaJehovha nhasi? (b) Tinofanira kutsunga kuitei?
24 Unoona ruoko rwaJehovha ruchishanda pakati pevanhu vake nhasi here? Hapana munhu angadaro akadzorera kunamata kwakachena. Hapana munhu angave akakonzera kudirana kwemamiriyoni evanhu vanokosha vanobva kumarudzi ose kuti vazobatana nevakazodzwa vasara vakatendeka munyika yavo yomudzimu. Jehovha Mwari bedzi ndiye anogona kuita zvinhu zvakadaro. Kuratidza rudo kwaJehovha uku kunotipa chikonzero chokufara zvikuru. Ngatiregei kumborerutsa rudo rwake. Ngatirambe tichi‘dedera shoko rake.’ Ngatitsungei kurarama maererano nenheyo dzeBhaibheri nokuwana mufaro mukushumira Jehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Nhasi vazhinji muchiKristudhomu vanoramba kushandisa zita raJehovha pachake, kunyange kutoribvisa mushanduro dzeBhaibheri zhinji. Vamwe vanozvidza vanhu vaMwari nokuda kwokushandisa zita rake. Asi vazhinji vevanhu ava vanoshandisa shoko rokuti “Hareruya,” kuti vanzwike sevatsvene, rinoreva kuti “Rumbidzai Jah.”
b Mashoko okuti “zvitunha zvamadzimambo avo,” anoshandiswa pana Ezekieri 43:7, 9, anoreva zvidhori. Vatungamiriri vanopandukira veJerusarema uye vanhu vakanga vasvibisa temberi yaMwari nezvidhori uye naizvozvo, vakanga vazviita madzimambo.
c Kuberekwa kunoprofitwa pano hakuna kufanana nokunorondedzerwa pana Zvakazarurwa 12:1, 2, 5. Muchitsauko ichocho chaZvakazarurwa, “mwanakomana, munhurume,” anomiririra Umambo hwaMesiya, uhwo hwakatanga kushanda muna 1914. Zvisinei, “mukadzi” womuuprofita hwacho huri huviri mumwe chete.
[Mufananidzo uri papeji 395]
“Zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu”
[Mufananidzo uri papeji 402]
Jehovha achapa Ziyoni “nepfuma yamarudzi avanhu”