Chitsauko 28
Chiedza Chavanhu Vose
1, 2. Nei chiedza chichikosha, uye irima rorudzii rinofukidza nyika nhasi?
JEHOVHA ndiye Tsime rechiedza, “Unopa zuva rive chiedza masikati, nemirayiro yomwedzi nenyeredzi zvive chiedza usiku.” (Jeremia 31:35) Nemhaka yechikonzero ichi bedzi, anofanira kubvumwa kunzi ndiye Tsime roupenyu, sezvo chiedza chichireva upenyu. Kudai pasi pano panga pasiri muchiedza uye pasina kupisa kwezuva nguva dzose, upenyu sezvatinohuziva hwaizodai husingabviri. Nyika yedu ingadai isingagariki.
2 Nokudaro, zvinokosha zvikuru kwatiri kuti Jehovha, achitarisira kuzuva redu, akafanotaura nezvenguva yerima, kwete chiedza. Afuridzirwa, Isaya akanyora kuti: “Tarira, rima richafukidza nyika nerima guru marudzi avanhu.” (Isaya 60:2) Chokwadi, mashoko aya aitaura nezverima romudzimu kwete rima chairo, asi kukomba kwacho hakufaniri kurerutswa. Pakupedzisira upenyu hunova husingabviri kune avo vasina chiedza chomudzimu, sezvahunongoita kune vasingawani chiedza kubva kuzuva.
3. Munguva dzino dzerima tingaendepi nokuda kwechiedza?
3 Munguva dzino dzerima, hatigoni kungorega chiedza chomudzimu icho Jehovha anotipa. Zvinokosha kuti titarise kuShoko raMwari kuti rivhenekere nzira yedu, tichiverenga Bhaibheri zuva nezuva kana zvichibvira. (Pisarema 119:105) Misangano yeungano inotipa mikana yokukurudzirana kuti tirambe tiri mu“gwara ravakarurama.” (Zvirevo 4:18; VaHebheru 10:23-25) Simba ratinowana mukudzidza Bhaibheri nokushamwaridzana kwechiKristu kwakanaka rinotibatsira kudzivisa kumedzwa murima re“mazuva okupedzisira” ano, ayo achaguma ne“zuva” guru “rokutsamwa kwaJehovha.” (2 Timoti 3:1; Zefania 2:3) Zuva iroro riri kuuya nokukurumidza! Rine chokwadi chokuuya sokuuya kwakaita rimwe zuva rakafanana naro pavagari veJerusarema rekare.
Jehovha ‘Anotanga Gakava’
4, 5. (a) Jehovha anouya kuzorwa neJerusarema munzirai? (b) Nei tingaguma tati nhamba duku chete ndiyo ichapona pakuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E.? (Ona mashoko omuzasi.)
4 Mundima dzokupedzisira dzouprofita hunofadza hwaIsaya, Jehovha anorondedzera zvakajeka zviitiko zvinotungamirira kuzuva rokutsamwa kwake. Tinoverenga kuti: “Nokuti tarirai, Jehovha uchauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto. Nokuti Jehovha uchatonga nyama yose nomoto uye nomunondo wake; vakaurawa naJehovha vachava vazhinji.”—Isaya 66:15, 16
5 Mashoko iwaya anofanira kubatsira vanhu vomuzuva raIsaya kuona kukomba kwemamiriro avo ezvinhu. Nguva iri kuswedera apo vaBhabhironi, sevanoshandiswa naJehovha kuuraya, vachauya kuzorwa neJerusarema, ngoro dzavo dzehondo dzichitibura makore ehuruva sechamupupuri. Zvichave zvichityisa zvikuru kuona! Jehovha achashandisa vanopinda nechisimba vacho kuita kutonga kwake kunopfuta somoto pa“nyama” yevaJudha vose vasina kutendeka. Zvichaita sokuti Jehovha pachake ari kurwa nevanhu vake. “Ukasha” hwake hahuzodzokeri shure. VaJudha vazhinji vachawa se“vakaurawa naJehovha.” Muna 607 B.C.E., uprofita uhwu hunozadzika.a
6. Itsikai dzakaipa dzinoitwa munyika yeJudha?
6 Zvakakodzera here zvakaitwa naJehovha ku‘mutsa gakava’ nevanhu vake? Chaizvo! Kazhinji mukukurukura kwedu bhuku raIsaya, taona kuti vaJudha, kunyange zvazvo vaifanira kunge vakazvitsaurira kuna Jehovha, vanyura mukunamata kwenhema—uye Jehovha anga asi bofu pavanga vachiita zviito zvavo. Izvi tinozviona zvakare mumashoko anotevera ouprofita hwacho anoti: “Vanozviita vatsvene navanozvinatsa kuti vaende kuminda, vachitevera mumwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinonyangadza, nembeva, ivavo vachapera vose—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 66:17) VaJudha ivavo vari ku“zviita vatsvene [noku]zvinatsa” kuti vazvigadzirire kunamata kwakachena here? Sezviri pachena kwete. Asi vari kutopinda mumitambo yetsika dzokuzvichenesa kune mimwe minda yokuitira izvi. Vapedza kudaro vachiratidza makaro vanodya nyama yenguruve neyezvimwe zvisikwa zvinonzi hazvina kuchena muMutemo waMosesi.—Revhitiko 11:7, 21-23.
7. ChiKristudhomu chakafanana sei nenyika yeJudha inonamata zvidhori?
7 Mamiriro ezvinhu anosemesa kwazvo kurudzi ruri muukama hwesungano naMwari mumwe bedzi wechokwadi! Asi funga: Mamiriro ezvinhu anosemesa zvakafanana aripo nhasi pakati pezvitendero zvechiKristudhomu. Ivava vanotiwo vanoshumira Mwari, uye vazhinji vevatungamiriri vavo vanozviidza vatsvene. Asi, vanozvisvibisa nedzidziso dzechihedheni netsika, vachiratidza kuti vari murima romudzimu. Rima iroro igobvu zvikuru!—Mateu 6:23; Johani 3:19, 20.
‘Vachafanira Kuona Mbiri Yangu’
8. (a) Chii chichawira Judha nechiKristudhomu? (b) Mamwe marudzi acha‘ona mbiri yaJehovha’ mupfungwai?
8 Jehovha anoona zviito zvechiKristudhomu zvisingagamuchiriki uye dzidziso dzenhema here? Verenga mashoko aJehovha anotevera, sezvakanyorwa naIsaya, uonewo kuti ungatii nazvo: “Nokuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; nguva inosvika yandichaunganidza marudzi ose namarimi ose, vachauya vachiona kubwinya kwangu.” (Isaya 66:18) Jehovha anoziva uye akagadzirira kutonga kwete bedzi mabasa asi pfungwa dzeavo vanozviti vashumiri vake. Nyika yeJudha inoti inotenda muna Jehovha, asi mabasa ayo okunamata zvifananidzo netsika dzechihedheni zvinoratidza kuti kutaura ikoko inhema. Vagari venyika yacho vanozvi“chenesa” pasina maererano netsika dzechihedheni. Rudzi rwacho ruchatemerwa pasi, uye izvozvo pazvinoitika, zvichave zvichinyatsoonekwa nevavakidzani vayo vanonamata zvidhori. Ivava ‘vachaona kubwinya kwaJehovha’ pakuti vachapupurira zviitiko zvacho ndokumanikidzwa kubvuma kuti shoko raJehovha raitika. Izvi zvose zvinoshanda sei kuchiKristudhomu? Pachinosvikirwa nomugumo wacho, dzaichimbova shamwari dzacho zhinji neshamwari dzebhizimisi vachamanikidzwa kungomira vachiyeva pasina zvavangagona kuita kubatsira shoko raJehovha sezvarinozadzika.—Jeremia 25:31-33; Zvakazarurwa 17:15-18; 18:9-19.
9. Mashokoi akanaka ayo Jehovha anozivisa?
9 Kuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. kunoreva here kuti Jehovha haachazovizve nezvapupu pasi pano? Aiwa. Vakavimbika vakakurumbira, vakadai saDhanieri neshamwari dzake nhatu, vacharamba vachishumira Jehovha kunyange senhapwa muBhabhironi. (Dhanieri 1:6, 7) Hungu, hochekoche yezvapupu zvakatendeka zvaJehovha icharamba yakabatana, uye pakupera kwemakore 70, varume nevakadzi vakatendeka vachabuda muBhabhironi vodzokera kunyika yeJudha kunodzorera kunamata kwakachena ikoko. Jehovha anotevera kutaura nezvazvo achiti: “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarshishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzviwi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu kana kuona kubwinya kwangu; ivo vachaparidza kubwinya kwangu pakati pamarudzi.”—Isaya 66:19.
10. (a) VaJudha vakatendeka vakasunungurwa paBhabhironi vachashanda sechiratidzo mupfungwai? (b) Ndivanaani nhasi vanoshanda sechiratidzo?
10 Varume nevakadzi vakatendeka vazhinji vanodzokera kuJerusarema muna 537 B.C.E. vachashanda sechiratidzo chinoshamisa, uchapupu hwokuti Jehovha anunura vanhu vake. Ndiani angadai akamborota kuti nhapwa dzechiJudha rimwe zuva dzaizosununguka kuti dzitevedze kunamata kwakachena patemberi yaJehovha? Saizvozvowo muzana remakore rokutanga, vakanga vachishanda se“zviratidzo nezvishamiso” vaiva vaKristu vakazodzwa, uko vanyoro vaida kushumira Jehovha vakadirana vachienda. (Isaya 8:18; VaHebheru 2:13) Nhasi vaKristu vakazodzwa, vachibudirira vari munyika yavo yakadzorerwa, vanoshanda sechiratidzo chinoshamisa munyika. (Isaya 66:8) Uchapupu upenyu hwesimba romudzimu waJehovha, vachikwezva vanyoro avo vane mwoyo inovakurudzira kushumira Jehovha.
11. (a) Pashure pokudzorerwa, zvichaitika sei kuti vemamwe marudzi vanosvika pakudzidza nezvaJehovha? (b) Zekaria 8:23 yakazadzika sei pakutanga?
11 Zvisinei, pashure pokudzorerwa muna 537 B.C.E., vanhu vemamwe marudzi vachave vasina kunzwa mushumo nezvaJehovha vachasvika sei pakumuziva? Havasi vaJudha vakatendeka vose vachadzokera kuJerusarema pakupera kwokuva nhapwa muBhabhironi. Vamwe, vakadai saDhanieri vachasara muBhabhironi. Vamwe vachapararira mumativi mana enyika. Panosvika zana remakore rechishanu B.C.E., kwakanga kune vaJudha vakanga vachigara muUmambo hwePersia mose. (Estere 1:1; 3:8) Hapana mubvunzo kuti vamwe vavo vakataurira vavakidzani vavo vechihedheni nezvaJehovha, nokuti vazhinji vakabva kumamwe marudzi iwayo vakava vatendeuki vechiJudha. Izvozvo sezviri pachena ndizvo zvaiva zvakaita mukuru mukuru wechiEtiopiya, uyo akaparidzirwa nomudzidzi wechiKristu Firipi muzana remakore rokutanga. (Mabasa 8:26-40) Zvose izvi zvakaitika sokuzadzika kwokutanga kwemashoko omuprofita Zekaria anoti: “Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu uri muJudha, vachiti: Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zekaria 8:23) Zvechokwadi, Jehovha akatumira chiedza kumamwe marudzi!—Pisarema 43:3.
Kuunza “Chipo Kuna Jehovha”
12, 13. Munzirai umo “hama” dzichaunzwa kuJerusarema kutangira muna 537 B.C.E.?
12 Jerusarema ravakwazve, vaJudha vakapararira kure nokumusha kwavo vachatarira guta noupristi hwaro hwakadzorerwa somuzinda wokunamata kwakachena. Vazhinji vavo vachafamba madaro marefu kuti vapinde mitambo yegore negore ikoko. Isaya anonyora akafuridzirwa kuti: “Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzine matenga, vakatasva mahesera, namakamera vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusarema, sezvinoitwa navana vaIsraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha—ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichatorawo vamwe vavo vave vaprist[i] navaRevhi.”—Isaya 66:20, 21.
13 Dzimwe dze“hama” idzodzo dzino“bva kumarudzi ose” dzakanga dziripo paPendekosti apo mudzimu mutsvene wakadururirwa pavadzidzi vaJesu. Nyaya yacho inoti: “MuJerusarema maigara vaJudha, vanhu vaitya Mwari, vakanga vabva kumarudzi ose avari pasi pedenga.” (Mabasa 2:5) Vakauya kuJerusarema kuzonamata maererano netsika dzechiJudha, asi pavakanzwa mashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu, vazhinji vakatenda maari uye vakabhabhatidzwa.
14, 15. (a) VaKristu vakazodzwa vakaunganidza sei vamwe ve“hama” dzavo dzomudzimu pashure peHondo Yenyika I, uye ivava vakaunzwa sei kuna Jehovha se‘chipo’ “mumudziyo wakanaka”? (b) Jehovha aka“torawo vamwe vavo vave vaprist[i]” sei? (c) Vamwe vevaKristu vakazodzwa vakabatanidzwa mukuunganidzwa kwehama dzavo dzomudzimu ndivanaani? (Ona bhokisi riri papeji ino.)
14 Uprofita uhwu hune kuzadzika kwomuzuva ranhasi here? Hungu, zvechokwadi. Pashure peHondo Yenyika I, vashumiri vaJehovha vakazodzwa vakanzwisisa muMagwaro kuti Umambo hwaMwari hwakanga hwagadzwa mudenga muna 1914. Nokunyatsodzidza Bhaibheri, vakadzidza kuti vamwe vadyi venhaka yoUmambo vokuwedzera, kana kuti “hama,” vaizounganidzwa. Vashumiri vasingatyi vakafamba “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi,” vachishandisa mitoo yose yokuparadzira mashoko, vachitsvaka dzinotarisirwa kuva nhengo dzevakazodzwa vasara, avo vazhinji vavo vakabuda muchechi dzechiKristudhomu. Ava pavakaonekwa vakaunzwa sechipo kuna Jehovha.—Mabasa 1:8.
15 Vakazodzwa vakaunganidzwa mumakore okutanga vakanga vasingatarisiri Jehovha kuvagamuchira sezvavakanga vari vasati vasvika pakuziva chokwadi cheBhaibheri. Vakatora matanho okuzvichenesa patsvina yetsika neyomudzimu kuitira kuti vakwanise kupiwa se‘chipo’ “mumudziyo wakanaka” kana kuti, sezvakataurwa nomuapostora Pauro, “mhandara yakachena” kuna Kristu.” (2 VaKorinde 11:2) Pamusoro pokuramba zvikanganiso zvedzidziso, vakazodzwa vaifanira kudzidza kuti vangaramba sei vasina kwavakarerekera mune zvematongerwe enyika. Muna 1931, apo vashumiri vake vakanga vanatswa kusvikira pamwero wakakodzera, Jehovha nenyasha dzake akavapa ropafadzo yokutakura zita rake seZvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10-12) Zvisinei, Jehovha aka“torawo vamwe vavo vave vaprist[i]” sei? Seboka, vakazodzwa ava vakava “upristi hwoumambo, rudzi rutsvene,” vachipa zvibayiro zvokurumbidza Mwari.—1 Petro 2:9; Isaya 54:1; VaHebheru 13:15.
Kuunganidza Kunoenderera Mberi
16, 17. Pashure peHondo Yenyika I, ndivanaani vanonzi “rudzi rwako”?
16 Nhamba yakazara yo“upristi hwoumambo” ihwohwo i144 000, uye nokufamba kwenguva, kuunganidzwa kwavo kwakapera. (Zvakazarurwa 7:1-8; 14:1) Ikoko ndiko kwakanga kuri kupera kwebasa rokuunganidza here? Aiwa. Uprofita hwaIsaya hunoenderera mberi huchiti: “Nokuti denga idzva nenyika itsva, zvandichaita sezvazvichagara zviripo pamberi pangu, saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 66:22) Mukuzadzika kwokutanga kwemashoko iwayo, vaJudha vanodzokera vachibva pakutapwa neBhabhironi vachatanga kubereka vana. Nokudaro, vaJudha vasara vakadzorerwa, “nyika itsva,” mukutonga kwoutungamiriri hutsva hwechiJudha, “matenga matsva,” vachanyatsosimbiswa. Zvisinei, uprofita hwacho hwakava nokuzadzika kunoshamisa muzuva redu.
17 “Rudzi” runoberekwa nehama dzomudzimu i“boka guru,” rine tariro youpenyu husingaperi pasi pano. “Vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana.” Ivava “vakageza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana.” (Zvakazarurwa 7:9-14; 22:17) Nhasi “boka guru revanhu” riri kufuratira rima romudzimu richienda kuchiedza chinopiwa naJehovha. Vanotenda Jesu Kristu, uye kufanana nehama uye hanzvadzi dzavo dzakazodzwa, vanoedza kuramba vakachena mumudzimu nepatsika dzavo. Seboka vanoramba vachishumira vachitungamirirwa naKristu uye va“chagara [va]ripo” nokusingaperi!—Pisarema 37:11, 29.
18. (a) Veboka guru revanhu vakazvibata sei sehama dzavo dzakazodzwa? (b) Vakazodzwa neshamwari dzavo vanonamata Jehovha sei “pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napasabata imwe neimwe”?
18 Varume nevakadzi vanoshanda nesimba ava vane tariro yepasi pano vanoziva kuti kunyange zvazvo zvichikosha kuramba vakachena patsika nomumudzimu, pane zvimwezve zvinodiwa pakufadza Jehovha. Basa rokuunganidza riri kufambira mberi, uye vanodawo kuriita. Bhuku raZvakazarurwa rinoprofita nezvavo kuti: “Vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari; uye vari kumuitira basa dzvene masikati nousiku mutemberi yake.” (Zvakazarurwa 7:15) Mashoko iwayo anotiyeuchidza nezvendima yechipiri kubva kune yokupedzisira muuprofita hwaIsaya inoti: “Zvino panguva iyo nyama yose ichauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napasabata imwe neimwe—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 66:23) Izvi zviri kuitika nhasi. “Pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napasabata imwe neimwe”—ndiko kuti, nguva dzose, vhiki imwe neimwe yomwedzi mumwe nomumwe—vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo, boka guru revanhu, vanoungana kuti vanamate Jehovha. Vanoita kudaro, kungotaura zvimwe zvacho, nokupinda misangano yechiKristu uye nokupinda muushumiri hunoitirwa vanhu vose. Uri mumwe weivavo vano‘uya kuzonamata pamberi paJehovha’ nguva dzose here? Vanhu vaJehovha vanowana mufaro mukuru mukuita izvi, uye avo veboka guru revanhu vanotarisira nguva apo “nyama yose”—vanhu vapenyu vose—vachashumira Jehovha “pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napasabata imwe neimwe” nokusingaperi.
Mugumo Wokupedzisira Wevavengi vaMwari
19, 20. Gehena raiita basa rei munguva inotaurwa muBhaibheri, uye rinofananidzirei?
19 Kwasara ndima imwe muchidzidzo chedu chouprofita hwaIsaya. Bhuku racho rinopedzisa nemashoko aya: “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvavanhu vakandidarikira; nokuti honye yavo haingafi, uye moto wavo haungadzimwi; vachava chinhu chinosemesa nyama yose.” (Isaya 66:24) Pamwe Jesu Kristu aifunga nezvouprofita uhwu paakakurudzira vadzidzi vake kurerutsa upenyu hwavo vachitanga kuita zvinodiwa noUmambo. Akati: “Zvino kana ziso rako richikugumbura, rirase; zvakanaka kwazvo kuti upinde muumambo hwaMwari une ziso rimwe pane kuti ukandirwe muGehena uine maziso maviri, umo honye yayo isingafi uye moto usingadzimwi.”—Mako 9:47, 48; Mateu 5:29, 30; 6:33.
20 Nzvimbo iyo inonzi Gehena chii? Mazana emakore akapfuura, imwe nyanzvi yechiJudha David Kimhi akanyora kuti: “Inzvimbo . . . yakabatana neJerusarema, uye inzvimbo inosemesa, uye vanokandira zvinhu zvisina kuchena imomo nezvitunha. Uyewo maiva nomoto usingaperi imomo wokupisa zvinhu zvisina kuchena nemapfupa ezvitunha. Saka kutongwa kwevakaipa kunopiwa zita rokufananidzira rokuti Gehinomi.” Kana Gehena raishandiswa kurasira marara nezvitunha zvevaionekwa sevasina kukodzera kuvigwa sezvinotaura nyanzvi yacho, moto waizova nzira yakakodzera yokuparadza nayo marara akadaro. Zvaisiyiwa nomoto, honye dzaipedzisa. Mufananidzo wakakodzera kwazvo womugumo wokupedzisira wevavengi vaMwari vose!b
21. Bhuku raIsaya rinopera nenzira inofadza kunaani, uye nei?
21 Nokutaura kwakadaro pamusoro pezvitunha, moto, nehonye, handizvo here kuti uprofita hwaIsaya hunofadza hunoguma nemashoko anotyisa? Vakazvipira kuva vavengi vaMwari pasina mubvunzo vangafunga kudaro. Asi kushamwari dzaMwari, kurondedzera kwaIsaya nezvokuparadzwa kusingaperi kwevakaipa kunokurudzira zvikuru. Vanhu vaJehovha vanoda kurudziro iyi yokuti vavengi vavo havasati vachizombokurira zvekare. Vavengi ivavo, vakaonesa vanamati vaMwari nhamo yakakura kudaro vakazvidzisa zita rake zvikuru, vachaparadzwa nokusingaperi. Zvadaro, “nhamo haingamukizve rwechipiri.”—Nahumi 1:9.
22, 23. (a) Tsanangura dzimwe dzenzira idzo wabatsirwa nadzo nokudzidza bhuku raIsaya. (b) Zvatapedza kudzidza bhuku raIsaya, chii chawatsunga kuita, uye tariro yako ndeyei?
22 Sezvatinopedzisa kudzidza kwedu bhuku raIsaya, chokwadi tinoonga kuti bhuku iri reBhaibheri hadzisi nhau dzakaitika dzakapera basa. Pane kuva rakadaro, rine mashoko kwatiri nhasi. Patinofunga nezvenguva dzerima dzakararama Isaya, tinogona kuona kufanana kwakaita nguva iyoyo nezuva redu. Kusagadzikana kwezvematongerwe enyika, unyengeri hwechitendero, uori mune zvematongerwe edzimhosva, uye kudzvinyirirwa kwevakatendeka nevarombo zvakanga zvizere munguva yaIsaya, uye zvakatekesherawo munguva yedu. VaJudha vakatendeka muzana remakore rechitanhatu B.C.E. vanofanira kuve vakafarira zvikuru uprofita hwaIsaya, uye isuwo nhasi tinonyaradzwa sezvatinohudzidza.
23 Munguva dzino dzakaoma apo rima rinofukidza nyika uye rima gobvu rinofukidza marudzi, tose tinoonga nomwoyo wose kuti Jehovha, achishandisa Isaya, akagovera chiedza kuvanhu vose! Chiedza chomudzimu ichocho hachirevi zvimwe kunze kwoupenyu husingaperi kune vose vanochigamuchira nomwoyo wose, pasinei nokuti ndevorudzi rupi kana dzinza. (Mabasa 10:34, 35) Naizvozvo ngatirambei tichifamba muchiedza cheShoko raMwari, tichiriverenga zuva nezuva, tichirifungisisa, nokukoshesa zvarinotaura. Izvi zvichaguma nokukomborerwa kwedu nokusingaperi nokurumbidzwa kwezita dzvene raJehovha!
[Mashoko Omuzasi]
a Pamusoro pemamiriro ezvinhu pashure pokunge Jerusarema rakundwa nevaBhabhironi, Jeremia 52:15 inotaura nezve“vamwe varombo chaivo vavanhu, navamwe vanhu vakanga vasara muguta.” Richitaura nezvazvo, Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, peji 415, rinoti: “Mashoko okuti ‘vakanga vasara muguta’ sezviri pachena anoratidza kuti vazhinji vakanga vafa, nenzara, hosha, kana kuti moto, kana kuti vakaita murakatira muhondo.”
b Sezvo zvitunha zvakafa, kwete vanhu vapenyu, zvichipiswa muGehena, nzvimbo iyi haimiriri kutambudzwa kusingaperi.
[Bhokisi riri papeji 409]
Zvipo Zvakazodzwa zvaJehovha Zvinobva Kumarudzi Ose
Muna 1920, Juan Muñiz akabva kuUnited States achienda kuSpain ndokuzopfuurira achienda kuArgentina, uko akaronga ungano dzevakazodzwa. Kubva muna 1923, chiedza chechokwadi chakapenyera vane mwoyo yakatendeka muWest Africa apo mumishinari anonzi William R. Brown (anowanzonzi Bible Brown) akaenda kunoparidza shoko roUmambo munzvimbo dzakadai seSierra Leone, Ghana, Liberia, The Gambia, uye Nigeria. Mugore iroro George Young wokuCanada akadzika kuBrazil ndokupfuurira achienda kuArgentina, Costa Rica, Panama, Venezuela, uye kunyange Soviet Union. Panenge panguva iyoyowo, Edwin Skinner akafamba nechikepe kubva kuEngland kuenda kuIndia, uko akanoshanda kwemakore mazhinji mubasa rokukohwa.
[Mufananidzo uri papeji 411]
Vamwe vaJudha paPendekosti vakanga vari ‘hama dzakabva kumarudzi ose’
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 413]