Upenyu hwaJesu Noushumiri
Ivo Vanokundikana Kumusunga
MUTAMBO waMatumba uchiri kufambira mberi, vatungamiriri vorudzidziso vanotuma mapurisa kundosunga Jesu. Iye haasati achiedza kuvanda. Jesu anoramba achidzidzisa pachena, achiti: “Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kuno wakandituma. Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; uye apo pandiri, imi hamungasvikipo.”
VaJudha havanzwisisi, naizvozvo vanotaurirana pakati pavo vamene, vachiti: “Uyu unoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko unoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaGiriki, kuti andodzidzisa vaGiriki here? Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti: ‘Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, uye, apo pandiri, imi hamungasvikipo.’?” Jesu, chokwadika, ari kutaura pamusoro porufu rwake rwosvika norumuko rwokudenga, uko vavengi vake vasingagoni kutevera.
Zuva rechinomwe nerokupedzisira rinosvika. Mangwanani mamwe namamwe omutambo, muprista akadurura mvura, iyo akatora mudziva reSiroami, zvokuti yaiyerera ichienda pasi peatari. Sezvingabvira achiyeuchidza vanhu nezveichi chinoitika chezuva nezuva, Jesu anodanidzira, achiti: “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe. Unotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, ‘Nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.’”
Zvomenemene, Jesu pano ari kutaura pamusoro pemiuyo yakaisvonaka apo mudzimu mutsvene waizodururwa. Gore rakatevera racho uku kudururwa kwomudzimu mutsvene kunoitika paPentekosta. Ipapo, nzizi dzemvura mhenyu dzinoyerera apo vadzidzi 120 vanovamba kushumira vanhu. Asi kutozosvikira panguva iyeyo, hapana mudzimu mupfungwa yokuti hapana nomumwe wavadzidzi vaKristu akazodzwa nomudzimu mutsvene ndokudanirwa kuupenyu hwokudenga.
Mumhinduro kukudzidzisa kwaJesu, vamwe vanovamba kuti: “Zvirokwazvo uyu muporofita,” sezviri pachena vachinongedzera kumuporofita mukuru kupfuura Mosesi uyo akapikirwa kuuya. Vamwe vanoti: “Uyu ndiye Kristu.” Asi vamwe vanoramba, vachiti: “Kristu ungabva Garirea here? Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu uchabva kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBhetrehema, paiva naDhavhidhi?”
Naizvozvo kupesana kunovapo pakati peboka. Vamwe vanoda kuti Jesu asungwe, asi hapana munhu anomubata. Apo mapurisa anodzokera asina Jesu, vaprista vakuru navaFarise vanobvunza, kuti: “Makaregereiko kuuya naye?”
“Hakuna munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyo,” mapurisa anopindura kudaro.
Vazadzwa nehasha, vatungamiriri vorudzidziso vanokotama kuti vanyombe, kukwenengera, uye kutuka. Ivo vanonyomba, vachiti, “Nemiwo matsauswa kanhi? Kuvakuru nokuvaFarise kuno mumwe wakatongotenda kwaari here? Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murairo, vakatukwa.”
Pana ikoku, Nikodhimo, muFarise nomutongi wavaJudha (ndiko kuti, mutezo weSanhedrini), anotsunga kutaura nokuda kwaJesu. Iwe ungayeuka kuti makore maviri nehafu pamberi pezvi, Nikodhimo akauya kuna Jesu usiku ndokuratidzira kutenda maari. Zvino Nikodhimo anoti: “Murairo wedu unotonga munhu, usati wambomunzwa, nokuziva chaanoita here?”
VaFarise vanoshatiriswa zvinotova zvikuru kuti mumwe wavo vamene anofanira kudzivirira Jesu. “Ko newewo uri weGarirea here?” ivo vanotaura kudaro nokukasharara. “Nzvera, uone kuti hakune muporofita, unobva Garirea.”
Kunyange zvazvo Magwaro asingatauri zvakananga kuti muporofita aizobuda muGarirea, anonongedzera kuna Kristu saanobvamo, achitaura kuti “Chiedza chikuru” chaizoonwa munharaunda iyoyi. Uye mukupesana nemirangariro isakarurama, Jesu akaberekwa muBhetrehema, uye aiva muzukuru waDhavhidhi. Nepo vaFarise zvimwe vachiziva ikoku, ivo sezvingabvira vane mutoro wokuparadzira mirangariro isikarurama iyo vanhu vanayo pamusoro paJesu. Johane 7:32-52; Isaya 9:1, 2; Mateo 4:13-17.
◆ Chii chinoitika mangwanani ari ose omutambo, uye Jesu angave sei achikwevera ngwariro kuna ichochi?
◆ Neiko mapurisa achikundikana kusunga Jesu, uye vatungamiriri vorudzidziso vanoita sei?
◆ Nikodhimo ndiani, chii chiri chimiro chake kuna Jesu, uye iye anobatwa sei navaFarise biyake?
◆ Hufakazii huripo hwokuti Kristu aizobuda muGarirea?