RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chipikirwa choMuchinda Worugare
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • “Chiedza Chikuru”

      17. “Chiedza chikuru” chinopenya sei muGarireya?

      17 Zvisinei, zvakadini nokutaura kwaMateu nezve“chiedza chikuru” muGarireya? Aya zvakare akanga ari mashoko akatorwa muuprofita hwaIsaya. Isaya akanyora kuti: “Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.” (Isaya 9:2) Pakasvika zana rokutanga remakore C.E., chiedza chechokwadi chakanga chavanzwa nenhema dzechihedheni. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakanga vawedzera dambudziko racho nokuomerera kutsika dzavo dzechitendero idzo vakanga va“ita kuti shoko raMwari rishaye simba” nokuda kwadzo. (Mateu 15:6) Vanozvininipisa vaidzvinyirirwa nokukangaidzwa, vachitevera “vatungamiriri vakapofumara.” (Mateu 23:2-4, 16) Apo Jesu Mesiya akaoneka, maziso evanhu vazhinji vaizvininipisa akavhurwa nenzira inoshamisa. (Johani 1:9, 12) Basa raJesu paakanga ari pano pasi nezvikomborero zvinovapo nemhaka yechibayiro chake zvinonyatsorondedzerwa muuprofita hwaIsaya “sechiedza chikuru.”—Johani 8:12.

  • Chipikirwa choMuchinda Worugare
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • [Mufananidzo uri papeji 127]

      Jesu akanga ari chiedza munyika yacho

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe