-
Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”Swedera Pedyo naJehovha
-
-
“Zvivi zvenyu . . . zvichacheneswa sechando”
10. Jehovha paanokanganwira zvivi zvedu, nei tisingafaniri kunzwa sekunge kuti pane pamwe pachasara pakasvibiswa nechivi kweupenyu hwedu hwese?
10 Wakamboedza here kuwacha hembe chena ine pamwe pane tsvina iri kuramba kubva? Pamwe tsvina iyoyo yakaramba ichionekera kunyange waedza zvese zvaunogona kuti uibvise. Cherechedza kuti Jehovha anotsanangura sei kukwanisa kwake kuregerera: “Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri, zvichacheneswa sechando; kunyange zvazvo zvakatsvuka semucheka mutsvuku, zvichaita semvere dzemakwai.” (Isaya 1:18)a Hatigoni kubvisa tsvina inenge yaiswa patiri nechivi nesimba redu tega. Asi Jehovha anogona kubvisa zvivi zvakatsvuka, zvakati piriviri, ozviita zvichena sechando kana kuti semvere dzemakwai. Kana Jehovha atikanganwira, hatifaniri kunzwa sekunge kuti pane pamwe pachasara pakasvibiswa nechivi kweupenyu hwedu hwese.
-