-
Musatya muAsiriaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
Mambo Ahazi anoedza kutsvaka dziviriro nokuda kunotsvaka kubetserwa neAsiria. Muprofita Isaya anofanotaura kuti munguva yemberi, vachapukunyuka veimba yaIsraeri havazofizve vatevera nzira youpenzi kudaro. Isaya 10:20 inotaura kuti vacha“sendamira kuna Jehovha, Mutsvene waIsraeri, nezvokwadi.” Zvisinei, Isa 10 ndima 21 inoratidza kuti, nhamba duku bedzi ichadaro: “Vakasara vachadzoka.” Izvi zvinotiyeuchidza nezvemwanakomana waIsaya Sheari-jashubhi, uyo ari chiratidzo muna Israeri ane zita rake rinoreva kuti “Vakasara Vachadzoka.” (Isaya 7:3) Isa 10 Ndima 22 yechitsauko 10 inonyevera nezvoku“paradzwa kuzere” kwakasarudzwa. Kuparadzwa kuzere ikoko kuchava kwakarurama nokuti chirango chakarurama pavanhu vanopandukira. Somugumisiro, kubva parudzi rwevanhu vazhinji kwazvo, ndiko kuti “vakaita sejecha regungwa,” vakasara bedzi vachadzoka. Isa 10 Ndima 23 inonyevera kuti kuparadzwa kuzere kuri kuuya uku kuchatapura nyika yacho yose. Jerusarema harizosari panguva ino.
-
-
Musatya muAsiriaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
Uprofita huri pana Isaya 10:20-23 hwakazadzikazve muzana rokutanga remakore, sezvinoratidzwa pana VaRoma 9:27, 28. (Enzanisa naIsaya 1:9; VaRoma 9:29.) Pauro anotsanangura kuti mupfungwa yomudzimu, “vakasara” vevaJudha ‘vakadzokera’ kuna Jehovha muzana rokutanga remakore C.E., kungofanana nenhamba duku yevaJudha vakatendeka vakava vateveri vaJesu Kristu ndokutanga kunamata Jehovha “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Gare gare vaMamwe Marudzi vaitenda vakabatana navo, vachiumba rudzi rwomudzimu, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Panguva iyi mashoko aIsaya 10:20 akazadzika: ‘Hazvina kuzoitikazve’ kuti rudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha rutsauke paari ruchienda kuvanhu kunotsvaka kutsigirwa.
-