-
“Mwari Rudo”Nharireyomurindi—2003 | July 1
-
-
16. Jehovha paanokanganwira zvivi zvedu, nei tichigona kunzwa chivimbo chokuti anotiona takachena pashure pacho?
16 Wakamboedza kubvisa vara retsvina pahembe chena here? Pamwe pasinei nokuedza nepose pawaigona napo, vara racho rakaramba richingooneka. Cherechedza kuti Jehovha anorondedzera sei kukwanisa kwake kukanganwira: “Kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.” (Isaya 1:18; tisu tatsveyamisa mabhii.) Mashoko okuti “mucheka mutsvuku” anoratidza ruvara rwakati piriviri kutsvuka.a “Shava” ndorumwe rwemavara akanga akajeka zvikuru rwemachira akapendwa. Isu pachedu tichiedza toga hatimbofi takakwanisa kubvisa vara rechivi. Asi Jehovha anogona kubvisa zvivi zvitsvuku nezvishava ozviita zvichena sechando kana kuti seshinda isina kupendwa. Saka Jehovha paanokanganwira zvivi zvedu, hatifaniri kunzwa sokuti tine vara rezvivi zvakadaro kwoupenyu hwedu hwose.
-
-
“Mwari Rudo”Nharireyomurindi—2003 | July 1
-
-
a Imwe nyanzvi inoti tsvuku “rwaiva ruvara rusingadzimiki. Rwaisadzimika nedova, kana mvura, kana kugezwa, kana kushandiswa kwenguva refu.”
-