Ganhuro 15
“Ndianiko Wakafanirwa Nokuzarura Mupumburu Wamanyoro?”
1. Chii chinoitika zvino muchiono chaJohane?
CHINE MBIRI! CHINOTYISA! Chakadaro ndicho chiono chinonyandura chechigaro choumambo chaJehovha mukurongwa kwacho pakati pemwenje yomwoto, makerubhi, vakuru vane 24, uye gungwa rinoonekera. Asi Johane, unoonei chinotevera? Johane anonangidzira ngwariro pakati chaipo peichi chiono chokudenga, achitiudza, kuti: “Uye muruoko rworudyi rwoUyo agere pachigaro choumambo ndakaona mupumburu wamanyoro wakanyorwa mukati nokuseri, wakanamwa zvakasimba nezvisimbiso zvinomwe. Ipapo ndakaona ngirozi yakasimba ichidanidzira nenzwi guru ichiti: ‘Ndianiko wakafanirwa nokuzarura mupumburu wamanyoro ndokunamanura zvisimbiso zvawo?’ Asi mudenga kana kuti pamusoro papasi kana kuti pasi pepasi pakanga pasino munhu mumwe aikwanisa kuzarura mupumburu wamanyoro kana kuti kutarira mauri. Nokudaro ndakachema zvikuru kwazvo nokuti hakuno kuwanikwa munhu wakafanirwa nokuzarura mupumburu wamanyoro kana kuti kutarira mauri.”—Zvakazarurwa 5:1-4.
2, 3. (a) Neiko Johane achidisa kuti mumwe munhu ave anowanwa kuti anamanure mupumburu wamanyoro, asi chii chinoratidzika kuva kariro nokuda kwaikoku? (b) Ko vanhu vakazodzwa vaMwari vave vakamirira nokudisa munguva yedu nokuda kwechii?
2 Jehovha iye amene, Ishe Changamire wechisiko chose, akabata mupumburu wamanyoro iwowo. Unofanira kuve uzere namashoko anokosha, nokuti iwo una manyoro pamberi napashure. Kuda kuziva kwedu kunonyandurwa. Ko mupumburu wamanyoro unei? Tinoyeuka kokero yaJehovha kuna Johane: “Kwira pano, uye ini ndichakuratidza zvinhu zvinofanira kuitika.” (Zvakazarurwa 4:1) Tiine kariro inofadza, tinokarira kudzidza pamusoro pezvinhu izvozvo. Asika maiwe, mupumburu wamanyoro wakavharwa nomutoo wakasimba, wakanamwa nenamo nezvisimbiso zvinomwe!
3 Ko ngirozi yakasimba ichawana mumwe munhu akafanirwa nokuzarura mupumburu wamanyoro here? Mukuwirirana neKingdom Interlinear, mupumburu wamanyoro unowanwa “paruoko rworudyi” rwaJehovha. Ikoku kunokarakadzira kuti iye anougamuchidza uri pachanza chake chakafumbanuka. Asi kunooneka kuti mudenga kana kuti pasi pano hakuno munhu wakafanirwa nokuugamuchira ndokuzarura mupumburu wamanyoro iwowo. Kwete kunyange pasi riri pasi, pakati pavabatiri vakatendeka vaMwari avo vakafa, hapana munhu upi noupi anokwaniriswa nokuda kwourwu rukudzo rwakakwirira. Hakushamisiwo kuti Johane sezvinooneka avhiringidzika! Zvimwe iye haazati achizotongoziva hake “zvinhu zvinofanira kuitika.” Muzuva reduwo, vanhu vakazodzwa vaMwari vakamirira neshungu kuti Jehovha atumire mwenje wake nezvokwadi pamusoro paZvakazarurwa. Ikoku aizokuita nomutoo unoenderera mberi panguva yakagadzwa nokuda kwezadziko youporofita, nokuda kwokutungamirira vanhu vake nenzira yo“ruponeso rwakaisvonaka.”—Pisarema 43:3, 5.
Uyo Wakafanirwa
4. (a) Ndianiko anowanwa uyo anofanirwa nokunamanura mupumburu wamanyoro nezvisimbiso zvawo? (b) Ko boka raJohane neshamwari dzaro zvino rinogoverana mutusoi neropafadzo?
4 Hungu, kuno mumwe munhu anokwanisa kuzarura mupumburu! Johane anotsanangura, kuti: “Asi mumwe wavakuru anoti kwandiri: ‘Rega hako kuchema. Tarira! Shumba iri yorudzi rwaJudha, mudzi waDhavhidhi, yakakunda kuti izarure mupumburu wamanyoro nezvisimbiso zvawo zvinomwe.’” (Zvakazarurwa 5:5) Naizvozvo Johane, pukuta misodzi iyeyo! Boka raJohane neshamwari dzaro dzinovimbika nhasi vakatsungirirawo makumi amakore emiedzo yakakomba vachingunomirira nomutoo wokushivirira nokuda kwenzwisiso. Haiwa ituso inonyaradza sei yatinayo zvino mukunzwisisa chionocho, uye iropafadzo yakadini yokugoverana muzadziko yacho kupfurikidza nokuparidzira shoko racho kuna vamwe!
5. (a) Uporofitai hwakataurwa pamusoro paJudha, uye vazukuru vaJudha vakabata ushe kupi? (b) Shiro ndiani?
5 Ah, “Shumba iri yorudzi rwaJudha”! Johane akarovedzana nouporofita uhwo Jakobho, mukare wendudzi yechiJudha, akazivisa pamusoro pomwanakomana wake wechina, Judha, kuti: “Judha kasheche keshumba. Mwanakomana wangu, zvamazvirokwazvo iwe uchakwira, uchibva pane chawakabata. Iye akakotama, iye akazvizamura amene seshumba uye, seshumba, ndianiko hake angatsunga kumumutsa? Tsvimbo youmambo haizobvi pana Judha, uyewo mudonzvo womurairiri pakati petsoka dzake, kutozosvikira Shiro auya; uye marudzi achamuteerera iye.” (Genesi 49:9, 10) Mutsara woumambo wavanhu vaMwari wakabva kuna Judha. Kutanga naDhavhidhi, madzimambo ose akabata ushe muJerusarema kutozosvikira vaBhabhironi vaparadza guta irero vaiva vazukuru vaJudha. Asi hapana nomumwe wavo wakanga ari Shiro wakaporofitwa naJakobho. Shiro rinoreva, kuti: “Iye Ane [Maruramiro] Ari Ake.” Nomutoo wouporofita, iri zita rakanongedzera kuna Jesu, uyo Umambo hwaDhavhidhi zvino huri hwake kwechigarire.—Ezekieri 21:25-27; Ruka 1:32-33; Zvakazarurwa 19:16.
6. Ko Jesu akanga ari “bukira” raJese uyewo “mudzi waDhavhidhi” munzirai?
6 Johane nokukurumidza anoziva nongedzero ku“mudzi waDhavhidhi.” Mesiya akapikirwa nomutoo wouporofita anoidzwa zvose zviri zviviri kuti “bukira rehunde yaJese [baba vaMambo Dhavhidhi] . . . nhungirwa” uye “mudzi waJese uchava unomira sechiratidzo nokuda kwamarudzi.” (Isaya 11:1, 10) Jesu akanga ari bukira raJese, zvaakaberekerwa mumutsara woumambo waDhavhidhi, mwanakomana waJese. Kupfuurirazve, somudzi waJese, iye akanga ari Uyo akaparira mutsara waDhavhidhi kubukirazve, achiupa upenyu netsigiro nokusingaperi.—2 Samueri 7:16.
7. Chii chinoita kuti Jesu ave akafanirwa nokutora mupumburu wamanyoro muruoko rwoUyo agere pachigaro choumambo?
7 Jesu nomutoo usingaenzanisirwi ndiye uyo, somunhu akakwana, akabatira Jehovha mukuperera uye mumiedzo inotambudza zvikuru. Iye akagovera mhinduro yakakwana yechishoro chaSatani. (Zvirevo 27:11) Nokudaro, iye aigona kutaura sezvaakaita pausiku hwapamberi porufu rwake rwechibairo kuti, “Ini ndakunda nyika.” (Johane 16:33) Nokuda kweichi chikonzero, Jehovha akaronzesa Jesu akamutswa “chiremera chose . . . mudenga napasi pano.” Ndiye oga bedzi pavabatiri vose vaMwari anokwaniriswa kugamuchira mupumburu wamanyoro, aine murangariro wokuzivisa shoko rawo rinokosha.—Mateo 28:18.
8. (a) Pamusoro poUmambo, chii chinoratidzira faniro yaJesu? (b) Neiko kwakakodzera kuti mumwe wavakuru vane 24 awadzanyurire Johane munhu anofanirwa nokunamanura mupumburu?
8 Kwakakodzera, zvamazvirokwazvo, kuti Jesu anofanira kuzarura mupumburu wamanyoro. Chifo cha1914 iye akagadzwa pachigaro choumambo saMambo woUmambo hwouMesiya hwaMwari, uye mupumburu wamanyoro iwowo unowadzanyura zvakawanda zvikuru pamusoro poUmambo nezvahuchaita. Jesu akapupurira mukutendeka zvokwadi yoUmambo paaiveri pasi pano. (Johane 18:36, 37) Iye akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera kuuya kwoUmambo. (Mateo 6:9, 10) Iye akatanga kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo pamavambo ezera rechiKristu uye akaporofita mugumo webasa irero rokuparidza mukati menguva yomugumo. (Mateo 4:23; Marko 13:10) Kwakakodzerawo kuti mumwe wavakuru vane 24 anofanira kuwadzanyurira Johane kuti Jesu ndiye uyo achazarura zvisimbiso. Neiko? Nokuti ava vakuru vanogara pazvigaro zvoumambo uye vanopfeka korona, zvavari vadyi venhaka pamwe chete naKristu muUmambo hwake.—VaRoma 8:17; Zvakazarurwa 4:4.
‘Gwayana Rakauraiwa’
9. Munzvimbo meshumba, Johane anoonei chimire “pakati pechigaro choumambo,” uye iye akachirondedzera sei?
9 Johane anotarira kuti aone iyi “Shumba iri yendudzi yaJudha.” Asika haiwa kunopedza sei mate mukanwa! Chimiro chokufananidzira chakasiyana chose chose chinooneka: “Ipapo ndakaona pakati pechigaro choumambo nepezvisikwa zvipenyu zvina uye pakati pavakuru gwayana rimire sokunge kuti rakanga rauraiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, ari meso anoreva midzimu minomwe yaMwari yakatumirwa mupasi rose.”—Zvakazarurwa 5:6.
10. Ndianiko “gwayana” iro Johane akaona, uye neiko shoko racho rakakodzera?
10 Pakati chaipoipo, kurutivi rwechigaro choumambo, mukati mamadenderedzwa anoumbwa nezvisikwa zvipenyu zvina navakuru vane 24, pane gwayana! Mukusapanikira Johane anokurumidza kubatanidza iri gwayana ne“Shumba iri yorudzi rwaJudha” no“mudzi waDhavhidhi.” Iye anoziva kuti, anopfuura makore 60 pakuvamba-vamba, Johane Mubhapatidzi akashuma Jesu kuvaJudha vaicherekedza se“Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” (Johane 1:29) Muupenyu hwake hwose pasi pano, Jesu akaramba asina kusvibiswa nenyika—kungofanana negwayana risina kusvibiswa—kuti agone kupira upenyu hwake hwakachena sechibairo nokuda kwavanhu.—1 VaKorinte 5:7; VaHebheru 7:26.
11. Neiko kusati kuri kuzvidza kuratidzira Jesu akapiwa mbiri se“gwayana sokunge kuti iro rakanga rauraiwa”?
11 Ko kunenge kuzvidza kana kuti kusaremekedza here kuratidzira Jesu akapiwa mbiri se“gwayana sokunge kuti rakanga rauraiwa”? Nyangwe napaduku pose zvapo! Idi rokuti Jesu akaramba akatendeka kusvikira kurufu kwakanga kuri kukundwa kukuru kwaSatani uye rukundo rukuru rwaJehovha Mwari. Kumirira Jesu neiyi nzira kunoratidzira nomutoo wakasamarara rukundo rwake panyika yaSatani uye chiyeuchidzo chorudo rukuru urwo Jehovha naJesu vanarwo nokuda kwavanhu. (Johane 3:16; 15:13; enzanisa naVaKorose 2:15.) Nokudaro Jesu anonongedzerwa kwaari seMbeu, yakapikirwa, inokwaniriswa nomutoo wakatanhamara kuzarura mupumburu.—Genesi 3:15.
12. Ko nyanga nomwe dzeGwayana dzinofananidzirei?
12 Chiizve chinowedzera kukunzwisisa kwedu iri “gwayana”? Iro rine nyanga nomwe. Nyanga muBhaibheri dzinowanzova chiratidziro chesimba kana kuti chiremera, uye nomwe ingaratidzira kukwana. (Enzanisa na1 Samueri 2:1, 10; Pisarema 112:9; 148:14.) Nokudaro, nyanga nomwe dzeGwayana dzinomirira rukwano rwesimba urwo Jehovha akaronzesa kuna Jesu. Iye ari “kure kumusoro kwehurumende iri yose nechiremera nesimba noushe uye zita riri rose rinotumidzwa, kwete bedzi mutsika ino yezvinhu, asiwo mune iyo inouya.” (VaEfeso 1:20-23; 1 Petro 3:22) Jesu akashandisa zvikurukuru simba, simba rehurumende, chifo cha1914 apo Jehovha akamugadza pachigaro choumambo saMambo wokudenga.—Pisarema 2:6.
13. (a) Ko meso manomwe eGwayana anofananidzirei? (b) Ko Gwayana rinopfuurira kuitei?
13 Zvakare, Jesu azere nokukwana nomudzimu mutsvene, sezvakunofananidzirwa nameso manomwe eGwayana, ayo “anoreva midzimu minomwe yaMwari.” Jesu ndiye mukoto uyo kukwana kwesimba rinobate basa raJehovha kunoyererera kupfurikidza nawo kuvabatiri Vake vapasi. (Tito 3:6) Sezvinooneka, iye anoona kupfurikidza nouyu mudzimu mumwe chetewo ari mudenga chiri kuitika pasi pano. SaBaba vake, Jesu ane nzwisiso yakakwana. Hapana chinhu chinonzvenga cherekedzo yake. (Enzanisa nePisarema 11:4; Zekaria 4:10.) Nomutoo wakajeka, uyu Mwanakomana—muchengeti weperero uyo akakunda nyika; Shumba yendudzi yaJudha; mudzi waDhavhidhi; uyo akapa upenyu hwake nokuda kwavanhu; uyo ane chiremera chakakwana, kukwana kwomudzimu mutsvene, uye nzwisiso yakakwana inobva kuna Jehovha Mwari—hungu, iyeyu nomutoo wakatanhamara anofanirwa nokutora mupumburu wamanyoro muruoko rwaJehovha. Ko iye anozengurira kugamuchira uyu mugove webasa musangano rakakwira raJehovha here? Nyangwe! Panzvimbo pakwo, “iro rakaenda ndokutora [mupumburu wamanyoro] pakarepo muruoko rwoUyo agere pachigaro choumambo.” (Zvakazarurwa 5:7) Haiwa muenzaniso wakaisvonaka sei wokubvuma nokudisa!
Nziyo Dzerumbidzo
14. (a) Ko zvisikwa zvipenyu zvina navakuru vane 24 vanoita sei pakutora kwaJesu mupumburu wamanyoro? (b) Ko mashoko anogamuchirwa naJohane pamusoro pavakuru vane 24 anosimbisa sei kuzivikanwa kwavo nenzvimbo?
14 Ko vamwe avo vari pamberi pechigaro choumambo chaJehovha vanoita sei? “Ipapo apo iro rakatora mupumburu wamanyoro, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru vanamakumi maviri navana vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nomumwe ane rudimbwa nendiro dzendarama dzakanga dzizere nezvinonhuwira, uye zvinonhuwira zvinoreva minyengetero yavatsvene.” (Zvakazarurwa 5:8) Sezvisikwa zvipenyu zvina zvamakerubhi zviri pamberi pechigaro choumambo chaMwari, vakuru vane 24 vanokotamira Jesu mukubvuma chiremera chake. Asi ava vakuru ndivo voga bedzi mukuva nohudimbwa nendiro dzezvinonhuwira.a Uye ivo voga bedzi zveino vanoimba rwiyo rutsva. (Zvakazarurwa 5:9) Nokudaro ivo vanofananidzira 144 000 va“Israeri waMwari,” mutsvene, avo vakabatawo udimbwa uye vachiimba rwiyo rutsva. (VaGaratia 6:16; VaKorose 1:12; Zvakazarurwa 7:3-8; 14:1-4) Kupfuurirazve, vakuru vane 24 vanoratidzirwa kuva vanoita basa rokudenga, rouprista, rakafananidzirwa neriya ravaprista muna Israeri wekare aipisira zvinonhuwira Jehovha mutebhernakeri—basa rakaguma pasi pano apo Mwari akabvisa Mutemo waMosesi, achiuroverera padanda rokutambudzira raJesu. (VaKorose 2:14) Ko tinowana mhedzisoi muna ikoku kwose? Kuti pano vakundi vavakazodzwa vanoonwa vari mumugove wavo mukurusa sa‘vaprista vaMwari navaKristu, vachibata ushe samadzimambo pamwe chete naye kwamakore ane chiuru.’—Zvakazarurwa 20:6.
15. (a) Muna Israeri, ndiani bedzi akanga ane ropafadzo yokupinda muNzvimbo Tsvene Tsvene yetabhernakeri? (b) Neiko yakanga iri nhau youpenyu kana kuti rufu kuno muprista mukuru kupisa zvinonhuwira pamberi pokupinda muNzvimbo Tsvene Tsvene?
15 Muna Israeri wekare, kupinda muNzvimbo Tsvene Tsvene pamberi pokuvapo kwokufananidzira kwaJehovha kwakanga kuchiganhurirwa kumuprista mukuru. Kwaari, kutakura zvinonhuwira kwakanga kuri nhau youpenyu kana kuti rufu. Mutemo waJehovha waiti: “[Aroni] anofanira kutora haryana izere namazimbe anopfuta omwoto anobva paatari iri pamberi paJehovha, uye zvitsama zvaose ari maviri maoko ake azere nezvinonhuwira zvakanaka zvakamotseka, uye iye anofanira kuuya nazvo mukati mechidzitiro. Iye anofanirawo kuisa zvinonhuwira pamwoto pamberi paJehovha, uye gore routsi hwezvinonhuwira rinofanira kufukidza chifunhiro cheAreka, icho chiri pamusoro peChipupuriro, kuti iye agorega kufa.” (Revhitiko 16:12, 13) Kwakanga kusingabviriri muprista mukuru kupinda seri norubudiriro muNzvimbo Tsvene Tsvene kutoti bedzi iye akapisa zvinonhuwira.
16. (a) Mutsika yezvinhu yechiKristu, ndivanaani vanopinda muNzvimbo Tsvene Tsvene yakafananidzirwa? (b) Neiko maKristu akazodzwa achifanira ku‘pisa zvinonhuwira’?
16 Mutsika yezvinhu yechiKristu haazati achingova bedzi muPrista Mukuru wakafananidzirwa, Jesu Kristu, asiwo mumwe nomumwe wavaprista vaduku vane 144 000 pakupedzisira anopinda muNzvimbo Tsvene Tsvene yakafananidzirwa, nzvimbo yokuvapo kwaJehovha mudenga. (VaHebheru 10:19-23) Kupinda mune iyi Nzvimbo Tsvene Tsvene hakubviriri ava vaprista, savanomirirwa pano navakuru vane 24, kutoti bedzi ivo ‘vakapisa zvinonhuwira,’ ndiko kuti, kuramba vachipa minyengetero nemikumbiro kuna Jehovha.—VaHebheru 5:7; Judhasi 20, 21; enzanisa nePisarema 141:2.
Rwiyo Rutsva
17. (a) Ko vakuru vane 24 vanoimba rwiyoi rutsva? (b) Ko kutaura kwokuti “rwiyo rutsva” kunowanzoshandiswa sei muBhaibheri?
17 Rwiyo runonakidza zvino runonzwika. Runoimbirwa Gwayana navasonganiri varo vouprista, vakuru vane 24: “Uye vanoimba rwiyo rutsva, vachiti: ‘Imi makafanirwa nokutora mupumburu wamanyoro ndokunamanura zvisimbiso zvawo, nokuti imi makaurawa uye kupfurikidza neropa renyu imi makatengera Mwari vanhu vanobva mundudzi iri yose nendimi navanhu norudzi.’” (Zvakazarurwa 5:9) Kutaura kwokuti “rwiyo rutsva” kunowanika kanoverengeka muBhaibheri uye kunowanzonongedzera kukurumbidza Jehovha nokuda kwechiito chakati chesimba chorununuro. (Pisarema 96:1; 98:1; 144:9) Nokudaro, rwiyo rwacho rutsva nokuti muimbi zvino anogona kuzivisa mabasa ewedzero anoshamisa aJehovha ndokuratidzira nzwisiso yakavandudzwa nokuda kwezita Rake rine mbiri.
18. Ko vakuru vane 24 vanorumbidza Jesu norwiyo rwavo rutsva nokuda kwechii?
18 Pano, kunyange zvazvo zvakadaro, vakuru vane 24 vanoimba rwiyo rutsva pamberi paJesu panzvimbo papamberi paJehovha. Asi muitiro wacho ndimumwe chetewo. Vanorumbidza Jesu nokuda kwezvinhu zvitsva izvo iye, soMwanakomana waMwari, akaita nokuda kwavo. Kupfurikidza neropa rake, iye akarevera sungano itsva nokudaro ndokuita kuti kubereka rudzi rutsva kubvire sepfuma chaiyo yaJehovha. (VaRoma 2:28, 29; 1 VaKorinte 11:25; VaHebheru 7:18-25) Mitezo yourwu rudzi rutsva rwomudzimu yakabva mumarudzi mazhinji okunyama, asi Jesu akaibatanidza muungano imwe sorudzi rumwe.—Isaya 26:2; 1 Petro 2:9, 10.
19. (a) Ko Israeri wokunyama akakundikana kuwana chikomboreroi nokuda kwokusatendeka kwavo? (b) Ko rudzi rutsva rwaJehovha runowana chikomboreroi kuti rufarikanye?
19 Apo Jehovha akaumba vaIsraeri mukuva rudzi shure mumazuva aMosesi, iye akaita sungano navo ndokupikira kuti kana ivo vaizoramba vakatendeka kusungano iyeyo, ivo vaizova umambo hwavaprista pamberi pake. (Eksodho 19:5, 6) VaIsraeri vakanga vasina kutendeka uye havana kutongowana zadziko yechipikirwa ichecho. Kune rumwe rutivi, rudzi rutsva, runoitwa nokuda kwesungano itsva yakarevererwa naJesu, rwakaramba rwakatendeka. Mitezo yarwo nokuda kwechikonzero ichecho inosvika pakubata ushe pamusoro papasi samadzimambo uyewo kubatira savaprista, ichibetsera vane mwoyo yakanaka pakati pavanhu kuva vanoyananiswa naJehovha. (VaKorose 1:20) Kwakangofanana nokukurondedzera kunoita rwiyo rutsva, kuti: “Uye imi makavaita kuti vave umambo navaprista kuna Mwari wedu, uye ivo vachabata ushe samadzimambo pamusoro papasi.” (Zvakazarurwa 5:10) Haiwa mufaro wakadini una vakuru ivavo vane 24 mukuimba urwu rwiyo rutsva rwerumbidzo kuna Jesu akapiwa mbiri!
Kwaya Yokudenga
20. Rumboi rwerumbidzo kuGwayana runoimbwa zvino?
20 Ko vamwe vazhinji-zhinji zvikurusa vokudenga vesangano raJehovha vanoita sei kuno urwu rwiyo rutsva? Johane anofara kuona tsinhirano yavo yomwoyo wose: “Ipapo ini ndakaona, ndokunzwa inzwi rengirozi zhinji dzakakomberedza chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu zvina navakuru, uye chiverengero chadzo chakanga chiri mamiriadhi amamiriadhi nezviuru zvezviuru, dzichiti nenzwi guru: ‘Gwayana rakaurawa rakafanirwa nokugamuchira simba, pfuma, uchenjeri, umhare, rukudzo, mbiri uye rumbidzo.’” (Zvakazarurwa 5:11, 12) Haiwa rwiyo runoorora zvakadini rwerumbidzo!
21. Ko kurumbidzwa kweGwayana kunoderedza uchangamire nenzvimbo zvaJehovha here? Tsanangura.
21 Ko ikoku kunoreva here kuti zvino Jesu anenge atsiva Jehovha Mwari uye kuti chisiko chose chatendeukira kukumurumbidza panzvimbo paBaba vake? Nyangwe napaduku pose zvapo! Panzvimbo pakwo, urwu rwiyo rwerumbidzo rwuri mutsinhirano neizvo muapostora Pauro akanyora, kuti: “Mwari akasimudzira [Jesu] kunzvimbo yakakwirira zvikuru uye nomutsa akamupa zita riri pamusoro perimwe zita riri rose, kuti muzita raJesu ibvi riri rose raavo vari mudenga naavo vari pasi pano naavo vari pasi pevhu ripfugame, uye rurimi rwuri rwose rugobvuma pamhene kuti Jesu Kristu ndiye Ishe kumbiri yaMwari naBaba.” (VaFiripi 2:9-11) Jesu pano ari kurumbidzwa nokuda kworutivi rwake mukupedza chirevo chikuru pamberi pechisiko chose—revererwo youchangamire hwapamaruramiro hwaJehovha. Haiwa imbiri yakadini, zvamazvirokwazvo, yakavigirwa naikoku kuna Baba vake!
Rumbo Runowedzera
22. Ko manzwi anobva mudunhu rapasi anokumbanira murumboi?
22 Muchiono chinorondedzerwa naJohane, mapoka okudenga ari kuita rumbidzo dzinonakidza kuna Jesu mukubvuma kutendeka kwake nechiremera chake chokudenga. Muna irworwu, iwo anokumbanirwa namanzwi anobva mudunhu rapasi sezvo ivavawo vanogoverana mukurumbidza vose vari vaviri Baba noMwanakomana. Kungofanana nokubudirira kwomwanakomana womunhu kunogona kuvigira rumbidzo kuvabereki, naizvozvo nzira yokuvimbika yaJesu inoungira pakati pechisiko chose “kumbiri yaMwari Baba.” Nokudaro, Johane anopfuurira kushuma, kuti: “Uye ndakanzwa chisikwa chiri chose chiri mudenga, pasi pano, pasi pepasi napagungwa, uye zvinhu zvose zviri mazviri zvichiti: ‘Rumbidzo, rukudzo, mbiri nesimba ngazvive kuno Uyo agere pachigaro choumambo nokuGwayana nokusingaperi-peri.’”—Zvakazarurwa 5:13.
23, 24. (a) Chii chinoratidza apo rumbo rwaizovamba mudenga, uye rini pasi pano? (b) Ko rumbo runowedzera sei muchimiro chenzwi makore zvaanopfuura?
23 Ko urwu rumbo rwakaisvonaka runonzwika rini? Rwakavamba mukuvamba kwezuva raShe. Pashure pokunge Satani namadhemoni ake vabudiswa mumatenga, “chisikwa chiri chose chiri mudenga” chaigona kubatana muno urwu rwiyo rwerumbidzo. Uye, sokuratidza kunoita chinyorwa, chifo cha1919 boka rinowedzera pasi pano rakabatanidza manzwi aro mukurumbidza Jehovha, richiwedzera kubva pazviuru zvinoverengeka kusvikira kuanosanopfuura mamiriyoni matanhatu panozosvika gore ra2005.b Pashure pokunge tsika yapasi yaSatani yaparadzwa, “chisikwa chiri chose . . . pasi pano” chichave chichiimba rumbidzo dzaJehovha noMwanakomana wake. Munguva yakafanira yaJehovha amene, rumuko rwamamiriyoni asingaverengeki avakafa ruchavamba, uye ipapo “chisikwa chiri chose . . . chiri pasi pepasi” chiri muyeuko yaMwari chichava nebanza rokukumbanira mukuimba rumborwo.
24 Nechekare, “kubvira kumugumegume wapasi . . . gungwa . . . nezvitsuwa,” mamiriyoni avanhu ari kuimba rwiyo rutsva mukubatana nesangano remburumbwa yose raJehovha. (Isaya 42:10; Pisarema 150:1-6) Iyi rumbidzo inofadza ichasvika chimiro chenzwi rakakwirira pakupera kweMakore Ane Gumi Ramazana, apo vanhu vanenge vasimudzirirwa kukukwana. Nyoka iya yekare, munyengeri mukuru, Satani iye amene, pashure pacho achaparadzwa muzadziko yakakwana yaGenesi 3:15, uye mumugumo wokukurira, chisikwa chose chipenyu, chomudzimu nechohunhu, chichaimba mutsinhirano, kuti: “Rumbidzo norukudzo nembiri nesimba ngazvive kuno Uyo agere pachigaro choumambo nokuGwayana nokusingaperi-peri.” Muchisiko chose hamuzati muchizova nenzwi risingabvumirani.
25. (a) Kurava nhauro yaJohane yorumbo rwenyika yose kunotisunda kuitei? (b) Muenzanisoi wakaisvonaka unogadzwa nokuda kwedu nezvisikwa zvipenyu zvina navakuru vane 24 chiono zvachinoguma?
25 Haiwa iyeyo ichava nguva inofadza sei! Zvamazvirokwazvo, icho Johane anorondedzera pano chinoita kuti mwoyo yedu iwedzere nomufaro ndokutikuchidzira kukumbanira mapoka okudenga mukuimba nomwoyo wose rumbidzo kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu. Hatizati takashinga zvikuru here kupinda nakare kose kutsungirira mumabasa akarurama? Kana tikaita kudaro, tinogona kukarira kuti, nebetsero yaJehovha, tichavamo somunhu mumwe nomumwe pamugumo unofadza, tichiwedzera manzwi edu kurwiyo irworwo rwenyika yose rwerumbidzo. Zvamazvirokwazvo, zvisikwa zvipenyu zvina zvamakerubhi namaKristu akazodzwa akamutswa zviri mutsinhirano izere, nokuti chionocho chinoguma namashoko, anoti: “Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakaenda zvichiti: ‘Ameni!’ uye vakuru vakawira pasi ndokunamata.”—Zvakazarurwa 5:14.
26. Ko isu tinofanira kushandisa kutenda muchii, uye Gwayana riri kugadzirira kuitei?
26 Iwe, muravi anodiwa, ungashandisa kutenda muchibairo cheGwayana—‘rakafanirwa’—ndokuva anokomborerwa munhamburiko dzako dzokuzvininipisa kunamata ndokubatira Jehovha—“Uyo agere pachigaro choumambo.” Boka raJohane ngarikubetsere nhasi sezvarinogovera “mwero wemigove [inodikanwa] yezvokudya [zvomudzimu] panguva yakafanira.” (Ruka 12:42) Asika tarira! Gwayana rinogadzirira kunamanura zvisimbiso zvinomwe. Ko iwadzanyuroi dzinofadza dzakachengeterwesu zvino?
[Mashoko Omuzasi]
a Kutaura nomazvo, kutaura kwokuti “mumwe nomumwe ane rudimbwa nendiro dzendarama dzakanga dzizere nezvinonhuwira” kunogona kunongedzera kuvose vari vaviri kuvakuru nokuzvisikwa zvipenyu zvina. Zvisinei, mashoko akapoteredza anojekesa kuti kutaurakwo kunonongedzera bedzi kuvakuru 24.
b Ona chati iri papeji 64.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 86]