Chitsauko 13
Ruponeso Nokufara Mukutonga kwaMesiya
1. Rondedzera mamiriro omudzimu enyika yevanhu vaMwari vesungano mumazuva aIsaya.
MUMAZUVA aIsaya, mamiriro omudzimu evanhu vaMwari vesungano akanga akaipa. Kunyange mukutonga kwemadzimambo akatendeka, akadai saUziya naJotamu, vanhu vazhinji vainamatira pamatunhu akakwirira. (2 Madzimambo 15:1-4, 34, 35; 2 Makoronike 26:1, 4) Hezekia paakava mambo, aifanira kubvisa zvinhu zvinoshandiswa pakunamata Bhaari panyika yacho. (2 Makoronike 31:1) Ndosaka Jehovha akakurudzira vanhu vake kudzokera kwaari uye akanyevera nezvechirango chaizouya!
2, 3. Jehovha anopa kurudziroi avo vanoda kumushumira pasinei nokusatendeka kwakapararira?
2 Kunyange zvakadaro, havasi vose vakapanduka zvachose. Jehovha aive nevaprofita vakatendeka, uye pamwe kune vamwe vaJudha vaivateerera. Jehovha aive nemashoko anonyaradza kuna ivava. Pashure pokurondedzera kuparadzwa kwakaipa kwazvo kwaizoitwa nyika yeJudha kusara yava matongo nokupinda nesimba kweAsiria, muprofita Isaya akafuridzirwa kunyora imwe yendima dzakanakisisa muBhaibheri rose, rondedzero yezvikomborero zvichauya mukutonga kwaMesiya.a Zvimwe zvezvikomborero izvi zvakaratidza kuva nokuzadzika kuduku vaJudha pavakadzoka kwavakatapwa neBhabhironi. Asi uprofita hwacho hwose hunozadzika zvikuru nhasi. Chokwadi, Isaya nevamwe vaJudha vakatendeka vomuzuva rake havana kuona zvikomborero izvi vasati vafa. Asi, vaizvitarisira nokutenda uye vachaona kuzadzika kwemashoko aIsaya pashure porumuko.—VaHebheru 11:35.
3 Vanhu vaJehovha vomuzuva ranhasi vanodawo kukurudzirwa. Tsika dziri kuora zvisina mwero munyika, kushorwa kunotyisa kweshoko roUmambo, uye utera hwemunhu mumwe nomumwe zvinovaedza vose. Mashoko anoshamisa aIsaya pamusoro paMesiya nokutonga kwake anogona kuvasimbisa nokubetsera vanhu vaMwari kukunda miedzo iyi.
Mesiya—Mutungamiriri Anokwanisa
4, 5. Isaya akaprofitei nezvokuuya kwaMesiya, uye Mateu akashandisa sei mashoko aIsaya?
4 Mazana emakore nguva yaIsaya isati yasvika, vamwe vanyori veBhaibheri vechiHebheru vakafanotaura nezvokuuya kwaMesiya, Mutungamiriri wechokwadi uyo Jehovha aizotumira kuna Israeri. (Genesi 49:10; Dheuteronomio 18:18; Pisarema 118:22, 26) Zvino achishandisa Isaya, Jehovha anowedzera mamwe mashoko akazara. Isaya anonyora kuti: “Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko.” (Isaya 11:1; enzanisa naPisarema 132:11.) “Bukira” ne“davi” zvose zvinoratidza kuti Mesiya achava muzukuru waJese nokumwanakomana wake Dhavhidhi, uyo akazodzwa nemafuta samambo waIsraeri. (1 Samueri 16:13; Jeremia 23:5; Zvakazarurwa 22:16) Mesiya wechokwadi paanosvika, “davi” iri, rinobva muimba yaDhavhidhi, rinofanira kubereka zvibereko zvakanaka.
5 Mesiya akapikirwa ndiJesu. Munyori weevhangeri Mateu aitaura nezvemashoko aIsaya 11:1 paakati kunzi “wekuNazareta” kwaJesu kwaizadzika mashoko evaprofita. Nokuti akarererwa mutaundi reNazareta, Jesu ainzi wekuNazareta, zita rinowirirana sezvineiwo neshoko rechiHebheru rakashandiswa muna Isaya 11:1 pana “davi.”b—Mateu 2:23, NW, mashoko omuzasi; Ruka 2:39, 40.
6. Mesiya anoprofitwa kuva mutongi werudzii?
6 Mesiya achava mutongi werudzii? Achava akaita semuAsiria ane utsinye, anongoita kuda kwake anoparadza umambo hwokumusoro hwendudzi gumi hwaIsraeri here? Zvechokwadi kwete. NezvaMesiya, Isaya anoti: “Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha. Mufaro wake uchava pakutya Jehovha.” (Isaya 11:2, 3a) Mesiya anozodzwa, kwete nemafuta, asi nomudzimu mutsvene waMwari. Izvi zvinoitika pakubhabhatidzwa kwaJesu, apo Johani Mubhabhatidzi anoona mudzimu mutsvene waMwari uchiburukira pana Jesu wakaita senjiva. (Ruka 3:22) Mudzimu waJehovha ‘unoburukira pana’ Jesu, uye anopa uchapupu hweizvi paanoita nouchenjeri, kunzwisisa, zano, simba, uye zivo. Unhu hwakanaka sei kumutongi!
7. Jesu akapikirei vateveri vake vakatendeka?
7 Vateveri vaJesu vanogonawo kugamuchira mudzimu mutsvene. Mune imwe yehurukuro dzake, Jesu akazivisa kuti: “Naizvozvo, kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!” (Ruka 11:13) Saka, hatifaniri kumbozeza kukumbira Mwari mudzimu mutsvene, uyewo hatifaniri kumbomira kushandira zvibereko zvawo zvakanaka—“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaGaratiya 5:22, 23) Jehovha anopikira kupindura chikumbiro chavateveri vaJesu che“uchenjeri hunobva kumusoro” kuvabetsera kuti vabate nokubudirira nezvinonetsa muupenyu.—Jakobho 1:5; 3:17.
8. Jesu anowana sei mufaro mukutya Jehovha?
8 Kutya Jehovha kunoratidzwa naMesiya chii? Zvechokwadi Jesu haatyiswi naMwari, kutya kutongwa zvakaipa. Asi, Mesiya anotya Mwari zvokuremekedza, kumuremekedza kworudo. Munhu anotya Mwari anoda nguva dzose ku“ita zvinhu zvinomufadza,” sezvinoita Jesu. (Johani 8:29) Neshoko nomuenzaniso, Jesu anodzidzisa kuti hakuna mufaro unopfuura wokufamba mazuva ose nokutya Jehovha kwakanaka.
Mutongi Akarurama ane Tsitsi
9. Muenzanisoi uyo Jesu anopa vanokumbirwa kutonga nhau muungano yechiKristu?
9 Isaya anowedzera kufanotaura nezveunhu hwaMesiya achiti: “Haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi.” (Isaya 11:3b) Kudai waizofanira kumira pamberi pedare redzimhosva, hawaizofarira mutongi akadaro here? Ari munzvimbo yake seMutongi wevanhu vose, Mesiya haatsauswi nokutaura kwenhema, mazano okuchenjera omudare, makuhwa, kana kuti zvinhu zvapamusoro, zvakadai seupfumi. Anoona zviri seri kwounyengeri ndokutarira kupfuura zvokunze zvisina kunaka, achiona “munhu akavanzika wemwoyo,” “munhu akavanzika.” (1 Petro 3:4, NW, mashoko omuzasi) Muenzaniso wakanakisisa waJesu unoshanda somuenzaniso wavose vanokumbirwa kuti vatonge nhau muungano yechiKristu.—1 VaKorinde 6:1-4.
10, 11. (a) Jesu anoruramisa vateveri vake munzirai? (b) Mutongoi uyo Jesu anoita kune vakaipa?
10 Unhu hwakanakisisa hwaMesiya huchatapura sei zvisarudzo zvake zvokutonga? Isaya anotsanangura kuti: “Asi uchatongera varombo nokururama, uchatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; ucharova nyika neshamhu yomuromo wake, uchauraya vakaipa nomweya wemiromo yake. Kururama richava bhanire rechiuno chake, kutendeka richava bhanire rezvidzva zvake.”—Isaya 11:4, 5.
11 Vateveri vake pavanenge vachida kururamiswa, Jesu anozviita nenzira inovabetsera kwazvo—muenzaniso wakanakisisa nokuda kwevakuru vechiKristu. Ukuwo, vaya vanoita zvakaipa vanogona kutarisira kutonga kwakaoma. Mwari paanoita kuti gadziriro ino yezvinhu izvidavirire, Mesiya acha“rova nyika” nenzwi rake rine chiremera, achibudisa mutongo wokuparadzwa kwevakaipa vose. (Pisarema 2:9; enzanisa naZvakazarurwa 19:15.) Pakupedzisira, pachave pasisina vanhu vakaipa vachasara kuti vavhiringe rugare rwevanhu. (Pisarema 37:10, 11) Jesu, nechiuno chake nezvidzva zvake zvakasungwa nokururama nokutendeka, ane simba rokuita izvi.—Pisarema 45:3-7.
Mamiriro Ezvinhu Akasandurwa Pano Pasi
12. Zvii zvinganetsa muJudha paanofunga nezvokudzokera kuNyika Yakapikirwa achibva Bhabhironi?
12 Fungidzira uchiona muIsraeri achangobva kunzwa nezvomurayiro waKoreshi wokuti vaJudha vadzokere Jerusarema kunovakazve temberi. Achasiya Bhabhironi rakachengeteka kuita rwendo rurefu kuenda kumusha here? Munguva yemakore 70 apo vaIsraeri vanga vasipo, minda yakasiyiwa yakurirwa neuswa. Mhumhi, ingwe, shumba, nemabheya zvino zvinofararira hazvo neminda iyoyo zvakasununguka. Mhungu dzava kutoitawo misha yadzo imomo. VaJudha vari kudzoka vachafanira kurarama nezvipfuwo—mapoka emakwai nemombe achavapa mukaka, shinda, nenyama, uye nzombe dzichakweva gejo. Izvi zvichangodyiwa hazvo nezvikara here? Vana vaduku vacharumwa nenyoka here? Zvakadini nenjodzi yokuvandirwa munzira?
13. (a) Mamiriroi ezvinhu anofadza anorondedzerwa naIsaya? (b) Tinoziva sei kuti rugare urwo Isaya anorondedzera runosanganisira zvinopfuura kungochengeteka pamhuka dzomusango?
13 Isaya zvino anorondedzera mamiriro ezvinhu anofadza ayo Mwari achaunza munyika yacho. Anoti: “[Mhumhi] ichagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira. Mhou neb[heya] zvichachera; vana vadzo vachavata pamwe chete; shumba ichadya uswa senzombe. Mwana unomwa, uchatamba pamwena wenyoka, uye mwana wakarumurwa uchapinza ruoko rwake mubako remvumbi. Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:6-9) Mashoko aya haabayi mwoyo here? Ona kuti rugare runorondedzerwa pano runovapo nemhaka yokuziva Jehovha. Saka, zvakawanda zvinobatanidzwa kunze kwokungochengeteka pamhuka dzomusango. Kuziva Jehovha hakuzochinji mhuka, asi kuchachinja vanhu. Vari munzira kuenda kumusha kwavo kana kuti vaveko vaIsraeri havazofaniri zvavo kutya mhuka dzomusango kana kuti vanhu vakaita semhuka.—Ezra 8:21, 22; Isaya 35:8-10; 65:25.
14. Chii chiri kuzadzika kukuru kwaIsaya 11:6-9?
14 Zvisinei, uprofita uhwu, hune kuzadzika kukuru. Muna 1914, Jesu, Mesiya, akagadzwa pachigaro choUmambo paGomo reZioni rokudenga. Muna 1919 vakasara va“Israeri waMwari” vakasununguka pakutapwa neBhabhironi ndokushanda mukudzorera kunamata kwechokwadi. (VaGaratiya 6:16) Somugumisiro, nzira yakazarurwa yokuzadzika kwomuzuva ranhasi kwouprofita hwaIsaya hweParadhiso. “Zivo yakarurama,” kuziva Jehovha, kwakachinja unhu. (VaKorose 3:9, 10) Vanhu vaichimbova vechisimba vave kufarira rugare. (VaRoma 12:2; VaEfeso 4:17-24) Zviitiko izvi zvino zvakasandura mamiriyoni nokuti uprofita hwaIsaya hwakasvika pakubatanidza nhamba iri kuwedzera nokukurumidza zvikuru yevaKristu vane tariro yepano pasi. (Pisarema 37:29; Isaya 60:22) Ava vakadzidza kumirira nguva apo pasi rose richadzorerwazve kuva paradhiso yakachengeteka, ine rugare maererano nechinangwa chaMwari chokutanga.—Mateu 6:9, 10; 2 Petro 3:13.
15. Tinogona here kutarisira nenzira ine musoro kuzadzika kwemashoko aIsaya sezvaari munyika itsva? Tsanangura.
15 MuParadhiso ichadzorerwa iyoyo, uprofita hwaIsaya huchawedzerazve kuzadzika here, pamwe sezvazviri chaizvo? Zvinoratidza sezvine musoro kufunga kudaro. Uprofita hwacho hunopikira vose vachagara mukutonga kwaMesiya zvakafanana nezvahwakapa vaIsraeri vaidzoka; ivo nevana vavo havazonzwi vachityisidzirwa nengozi inobva chero kupi zvakwo—munhu kana kuti mhuka. Mukutonga kwoUmambo hwaMesiya, vagari vose vapasi vachava nemamiriro ezvinhu orugare akafanana neayo Adhama naEvha vaiva nawo muEdheni. Chokwadi, magwaro haapedzeredzi mashoko ose pamusoro pokuti upenyu hwaiva hwakaita sei muEdheni—kana kuti huchave hwakaita sei muParadhiso. Zvisinei, tinogona kuvimba kuti mukutonga kwaMambo Jesu Kristu akachenjera ane rudo, zvinhu zvose zvichave zvakaita sezvazvinofanira kuva.
Kunamata Kwakachena Kunodzorerwa Nokuna Mesiya
16. Chii chakamira semureza nokuda kwavanhu vaMwari muna 537 B.C.E.?
16 Kunamata kwakachena kwakatanga kurwiswa muEdheni apo Satani akabudirira kunyengera Adhama naEvha kusateerera Jehovha. Nanhasi, Satani haana kukanda mapfumo pasi pavavariro yake yokutsausa vakawanda sevanobvira pana Mwari. Asi Jehovha haazombobvumiri kunamata kwakachena kuti kutsakatike pano pasi. Zita rake rinobatanidzwa, uye ane hanya nevanomushumira. Naizvozvo, achishandisa Isaya anoita chipikirwa chinobaya mwoyo: “Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.” (Isaya 11:10) Kare muna 537 B.C.E., Jerusarema, guta iro Dhavhidhi akanga aita guta guru renyika, rakashanda somureza, chaidana vanhu vechiJudha vakatendeka vakanga vasara vakapararira kuti vadzoke kuzovakazve temberi.
17. Jesu aka‘muka sei kuti atonge marudzi’ muzana rokutanga remakore uye muzuva redu?
17 Zvisinei, uprofita hwacho hunotaura nezvezvinopfuura ipapo. Sezvatoonekwa, hunotaura nezvokutonga kwaMesiya, Mutungamiriri mumwe wechokwadi wevanhu vemarudzi ose. Muapostora Pauro akadzokorora mashoko aIsaya 11:10 kuratidza kuti muzuva rake vanhu vemarudzi vaizova nenzvimbo muungano yechiKristu. Achitora mashoko eSeptuagint endima iyi, akanyora kuti: “Isaya anoti: ‘Kuchava nomudzi waJese, uye kuchava nomumwe anomuka kuti atonge marudzi; marudzi achaisa tariro yawo paari.’” (VaRoma 15:12) Uyezve, uprofita hwacho hunotoenda kure—kusvika kuzuva redu apo vanhu vemarudzi vanoratidza kuda kwavo Jehovha nokutsigira hama dzakazodzwa dzaMesiya.—Isaya 61:5-9; Mateu 25:31-40.
18. Muzuva redu, Jesu ave ari nzvimbo yokuunganira sei?
18 Mukuzadzika kwomuzuva ranhasi, “zuva iro” rinotaurwa nezvaro naIsaya rakatanga apo Mesiya akagadzwa pachigaro saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga muna 1914. (Ruka 21:10; 2 Timoti 3:1-5; Zvakazarurwa 12:10) Kubvira ipapo, Jesu Kristu ave ari Mureza wakajeka, pokuungana, nokuda kwaIsraeri womudzimu uye nokuda kwevanhu vemarudzi ose vanoda hurumende yakarurama. Mukutungamirira kwaMesiya, mashoko akanaka oUmambo akaendeswa kumarudzi ose, seizvo Jesu akafanotaura. (Mateu 24:14; Mako 13:10) Mashoko akanaka aya ane simba zvikuru. “Boka guru revanhu, . . . vasina munhu a[no]kwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose” riri kuzviisa pasi paMesiya nokubatana nevakazodzwa vasara mukunamata kwakachena. (Zvakazarurwa 7:9) Vatsva vazhinji sezvavanoramba vachibatana nevasara mu“imba . . . yokunyengetera,” yaJehovha yomudzimu, vanowedzera mbiri ku“nzvimbo . . . yokuzorora” yaMesiya, temberi huru yomudzimu yaMwari.—Isaya 56:7; Hagai 2:7.
Vanhu Vakabatana Vanoshumira Jehovha
19. Panguva mbiri dzipi apo Jehovha anodzorera vakasara vevanhu vake vakapararira munyika yose?
19 Isaya anotevera kuyeuchidza vaIsraeri kuti Jehovha akambovaponesa apo rudzi rwacho rwakanga rwatarisana nokudzvinyirira kwomuvengi ane simba. Chikamu ichocho chenhoroondo yevaIsraeri—kusunungura kwaJehovha rudzi rwacho pakutapwa neIjipiti—kunokosha mumwoyo yevaJudha vose vakatendeka. Isaya anonyora kuti: “Zvino nezuva iro Ishe uchatambanudzazve ruoko rwake rwechipiri kuti adzikinure vakasara vavanhu vake, ivo vanenge vasara, vari paAsiria, neEgipita, nePatrosi, neKushi, neErami, neShinari, neHamati, nokuzviwi zvegungwa. Uchasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsraeri, nokuunganidza vaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika.” (Isaya 11:11, 12) Achiita sokuti ari kuvatora noruoko, Jehovha achatungamirira vakasara vevaIsraeri nevaJudha vakatendeka kubva mumarudzi mavakaparadzirwa uye achavadzosa kumusha vakachengeteka. Pamwero muduku, izvi zvinoitika muna 537 B.C.E. Zvisinei, kuzadzika kukuru kuchava nembiri yakakura sei! Muna 1914, Jehovha akamutsa Jesu akagadzwa pachigaro choumambo se“mureza” wemarudzi. Kutanga muna 1919, vakasara va“Israeri waMwari” vakatanga kudirana vachienda kumureza uyu, vachida kwazvo kuvawo mukunamata kwakachena muUmambo hwaMwari. Rudzi rwomudzimu rwakasiyana urwu runobva “mudzinza rose nendimi nevanhu norudzi.”—Zvakazarurwa 5:9.
20. Kubatana kupi uko vanhu vaMwari vachava nakwo pakudzoka kwavo vachibva kuBhabhironi?
20 Isaya zvino anorondedzera kubatana kwerudzi rwakadzorerwa. Achitaura nezveumambo hwokumusoro saEfraimi uye umambo hwezasi saJudha, anoti: “Ipapo godo ravaEfraimi richapera, navanomanikidza vaJudha vachaparadzwa; vaEfraimi havangagodori vaJudha, navaJudha havangamanikidzi vaEfraimi. Asi vachabhururukira pamusoro pamafudzi avaFiristia kumavirazuva, vachapambara pamwe chete vana vamabvazuva; vachatambanudzira maoko avo kuvaEdhomi navaMoabhi, navana vaAmoni vachavateerera.” (Isaya 11:13, 14) VaJudha pavanodzoka vachibva kuBhabhironi, vanenge vasisina kukamurwa kuva marudzi maviri. Vanhu vendudzi dzose dzaIsraeri vachadzoka vakabatana munyika yavo. (Ezra 6:17) Havachazoratidzizve kuvengana nemafi. Sevanhu vakabatana vacharwa nevavengi vavo vari mumarudzi akapoteredza nokuvakunda.
21. Kubatana kwavanhu vaMwari nhasi kwakasiyana zvechokwadi sei?
21 Chinotonyanya kufadza zvikuru kubatana kwa“Israeri waMwari.” Ndudzi 12 dzokufananidzira dzaIsraeri womudzimu kwemakore anenge 2 000 dzave dzakabatana zvichiparirwa nokuda Mwari nehama dzadzo nehanzvadzi dzomudzimu. (VaKorose 3:14; Zvakazarurwa 7:4-8) Nhasi, vanhu vaJehovha—vaIsraeri vomudzimu neavo vane tariro yepano pasi—vane rugare nokubatana mukutonga kwaMesiya, mamiriro ezvinhu asingazikanwi mumachechi echiKristudhomu. Zvapupu zvaJehovha zvinorwa zvakabatana muhondo yomudzimu nokuedza kwaSatani kuvhiringidza kunamata kwazvo. Sevanhu vamwe, vanoita basa ravakapiwa naJesu rokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo hwaMesiya mumarudzi ose.—Mateu 28:19, 20.
Zvipingamupinyi Zvichakurirwa
22. Jehovha acha“paradza chose rurimi rwegungwa reEgipita” noku“simudzira ruoko rwake pamusoro poRwizi” sei?
22 Kune zvipingamupinyi zvakawanda, chaizvoizvo nezvokufananidzira, zvokuvhiringidza vaIsraeri kudzoka kubva pakutapwa. Zvichakurirwa sei? Isaya anoti: “Jehovha uchaparadza chose rurimi rwegungwa reEgipita, uchasimudzira ruoko rwake pamusoro poRwizi nemhepo yake inopisa, ndokururova ruite hova nomwe, ayambutse vanhu vakafuka shangu.” (Isaya 11:15) NdiJehovha achabvisa zvipingiridzo zvose zvokuti vanhu vake vadzokere. Kunyange chipingamupinyi chikuru serurimi rweGungwa Dzvuku (rwakadai seGulf of Suez) kana kuti rusingayambukiki seRwizi Yufratesi rukuru ruchaomeswa, nenzira yokufananidzira, zvokuti munhu anogona kuyambuka asingambobvisi shangu dzake!
23. Ku“chava nenzira huru [“kubva muAsiria,” NW]” munzirai?
23 Muzuva raMosesi, Jehovha akagadzirira vaIsraeri nzira yokupukunyuka nayo kubva kuIjipiti kuenda kuNyika Yakapikirwa. Achaita chimwe chinhu chakafanana zvino: “Vanhu vake vakasara, vakasara Asiria, vachava nenzira huru; sezvazvakaitirwa Israeri nezuva ravakabuda munyika yeEgipita.” (Isaya 11:16) Jehovha achatungamirira nhapwa dzinenge dzichidzoka sokunge dziri kufamba nenzira huru kubva kunyika yadzakatapwa dzichienda kunyika yokumusha kwadzo. Vavengi vachaedza kuvamisa, asi Mwari wavo, Jehovha, achange anavo. VaKristu vakazodzwa nevamwe vavo nhasi naivowo vanorwiswa zvinotyisa, asi vanoenderera mberi noushingi! Vakabuda muAsiria yomuzuva ranhasi, nyika yaSatani, uye vanobetsera vamwe kudarowo. Vanoziva kuti kunamata kwakachena kuchabudirira nokukura. Harisi basa romunhu, asi raMwari.
Kufara Kusina Mugumo Kwevanhu vaMesiya!
24, 25. Vanhu vaJehovha vachadanidzira nemashoko api okuonga nokurumbidza?
24 Nomutauro wokufara Isaya zvino anorondedzera mufaro wevanhu vaJehovha nokuzadzika kweshoko Rake: “Nezuva iro uchati: Ndinokuongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.” (Isaya 12:1) Kuranga kwaJehovha vanhu vake vakatsauka kwakakomba. Asi kunoita basa rakwo rokugadzirisa ukama hwerudzi rwacho naye uye rokudzorera kunamata kwakachena. Jehovha anopikira vanamati vake vakatendeka kuti pakupedzisira achavaponesa. Ndicho chikonzero nei vachiratidza kuonga!
25 Kuvimba kwavaIsraeri naJehovha kunosimbiswa zvakakwana, uye vanodanidzira kuti: “Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu. Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.” (Isaya 12:2, 3) Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “rwiyo” Isa 12 mundima 2 rinooneka sa“rumbidzo” mushanduro yeSeptuagint. Vanamati vanoshaura nziyo dzerumbidzo kuna “Jah, Jehovha,” (NW) nokuda kworuponeso runobva kwaari. Riri muchimiro chokudimburira chezita rokuti Jehovha, “Jah” rinoshandiswa muBhaibheri kuratidza kunzwa kwomukati-kati kwekurumbidza nokuonga. Kushandisa shoko rokuti “Jah, Jehovha,” (NW)—kutaura zita raMwari kaviri—kunowedzera ukuru hwokurumbidza Mwari kusvika pakatokwirira zvikuru.
26. Ndiani nhasi anozivisa mabasa aMwari pakati pemarudzi?
26 Vanamati vaJehovha vechokwadi havangangochengeti mufaro wavo vari voga. Isaya anofanotaura kuti: “Zvino nezuva iroro muchati: Ongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa. Imbirai Jehovha; nokuti wakaita zvinhu zvakaisvonaka; izvi ngazvizikanwe panyika yose.” (Isaya 12:4, 5) Kubva muna 1919, vaKristu vakazodzwa—gare gare vachibetserwa nevamwe vavo ve“mamwe makwai”—vaka‘zivisa kwose kwose kunaka kweakavadana kuti vabve murima vapinde muchiedza chake chinoshamisa.’ Ivo i“dzinza rakasarudzwa, . . . rudzi rutsvene” rwakasarudzirwa chinangwa ichi. (Johani 10:16; 1 Petro 2:9) Vakazodzwa vanozivisa kuti zita dzvene raJehovha rikwidziridzwe uye vanorizivisawo mupasi rose. Vanotungamirira vanamati vose vaJehovha mukufarira gadziriro yake yoruponeso rwavo. Zvakangoita sezvinotaura Isaya kuti: “Danidzira upururudze, iwe ugere paZioni; nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu”! (Isaya 12:6) Mutsvene waIsraeri ndiJehovha Mwari pachake.
Tarisira Remangwana Nechivimbo!
27. Vachimirira kuitika kwetariro yavo, vaKristu vanovimba nechii?
27 Nhasi mamiriyoni akadirana achienda ku“mureza wavanhu”—Jesu Kristu akagadzwa pachigaro choUmambo hwaMwari. Vanofara kudzorwa noUmambo ihwohwo uye vanofara kuziva Jehovha Mwari neMwanakomana wake. (Johani 17:3) Vanowana mufaro mukuru muushamwari hwavo hwokubatana kwechiKristu uye vanoedza zvakaoma kuchengetedza rugare ruri chiratidzo chevashumiri vaJehovha vechokwadi. (Isaya 54:13) Vachigutswa kuti Jah Jehovha ndiMwari anozadzisa zvipikirwa zvake, vane chivimbo netariro yavo uye vanofara zvikuru kuipawo vamwe. Munamati mumwe nomumwe waJehovha ngaarambe achishandisa simba rake rose kushandira Mwari uye kubetsera vamwe kuitawo saizvozvo. Vose ngavachengete mashoko aIsaya mumwoyo vafare muruponeso nokuna Mesiya waJehovha!
[Mashoko Omuzasi]
a “Mesiya” rinobva pashoko rechiHebheru rokuti ma·shiʹach, rinoreva kuti “Akazodzwa.” RechiGiriki rakafanana ndiKhri·stosʹ, kana kuti “Kristu.”—Mateu 2:4, NW, mashoko omuzasi.
b Shoko rechiHebheru ra“davi” ndineʹtser, uye nokuda kwa“wekuNazareta” ndiNots·riʹ.
[Mifananidzo iri papeji 158]
Mesiya i“bukira” rakabva kuna Jese, nokuna Mambo Dhavhidhi
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 162]
[Mufananidzo uri papeji 170]
Isaya 12:4, 5, sokuonekwa kwaanoita muMipumburu yeGungwa Rakafa (Panoonekwa zita raMwari pakaratidzwa)