-
Jehovha Anoninipisa Guta RinozvikudzaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
10. Jehovha achashandisa ani kukunda Bhabhironi?
10 Jehovha achashandisa simba ripi kuparadza Bhabhironi? Pachine makore 200, Jehovha anozivisa mhinduro yacho yokuti: “Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia, vasingarangariri sirivha, kunyange ndarama havaifariri. Uta hwavo huchawisira pasi majaya avo, havangavi netsitsi nezvibereko zvechizvaro; ziso ravo haringadariki vana. Zvino Bhabhironi, rine mbiri paushe hwose, raizvikudza vaKardhea pamusoro pokunaka kwaro, richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora.” (Isaya 13:17-19) Bhabhironi rine mbiri richakundwa, uye chichashandiswa naJehovha kuita izvi mauto anobva kunyika yemakomo iri kure yeMedhia.a Pakupedzisira, Bhabhironi richange rave matongo semaguta aiva nounzenza zvikuru eSodhoma neGomora.—Genesi 13:13; 19:13, 24.
-
-
Jehovha Anoninipisa Guta RinozvikudzaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
13, 14. (a) Kunyange zvazvo vasingafariri zvipambwa, varwi veMedhia nePersia vanovavarira kuwanei? (b) Koreshi anopfuura sei pazvinodadiwa nazvo zvakadzivirira Bhabhironi?
13 Kunyange zvazvo varwi veMedhia nePersia vasinganyanyi kuda zvipambwa, kunyange zvakadaro vane zvavanovavarira kuita. Havadi kuenderwa pamberi neimwe nyika chero ipi zvayo munyika yose. Uyezve, Jehovha anoisa “kuparadza” mumwoyo yavo. (Isaya 13:6) Saka, nouta hwavo hwesimbi—hunogona kushandiswa kwete bedzi kukanda miseve asiwo kurova nokutsonda varwi vemuvengi, vana vemadzimai eBhabhironi—vakatsunga kukunda Bhabhironi.
-