RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha Anoninipisa Guta Rinozvikudza
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 17, 18. Kukundwa kweBhabhironi kuchareva zvikomborero zvechii kuna Israeri?

      17 Kukundwa kweBhabhironi kuchazorodza Israeri. Kuchareva kusunungurwa pakutapwa uye mukana wokudzokera kuNyika Yakapikirwa. Naizvozvo, Isaya zvino anoti: “Nokuti Jehovha uchanzwira Jakobho tsitsi, uchasanangura Israeri nokuvagadza munyika yavo; mutorwa uchandogara navo, vachanamatira imba yaJakobho. Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.” (Isaya 14:1, 2) “Jakobho” pano anoreva Israeri wose—ndudzi dzose 12. Jehovha acharatidza “Jakobho” tsitsi nokubvumira rudzi rwacho kudzokera kumusha. Zviuru zvevokumwe zvichaenda navo, vazhinji vaivava vachashandira vaIsraeri sevashandi vepatemberi. Vamwe vaIsraeri vachatosvika pakuva nesimba pane vaichimbova vakavapamba.c

  • Jehovha Anoninipisa Guta Rinozvikudza
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 19. Chii chinodikanwa kana Israeri achizowana kukanganwira kwaJehovha, uye izvi zvinotidzidzisei?

      19 Kunyange zvakadaro, tsitsi dzaJehovha dzine padzinoratidzwa. Vanhu vake vanofanira kuratidza kuzvidemba nokuda kwezvakaipa zvavo, izvo zvakaita kuti Mwari avarange zvakakomba kwazvo. (Jeremia 3:25) Kureurura kwemwoyo wose pasina kuvanza kuchauyisa kukanganwira kwaJehovha. (Ona Nehemia 9:6-37; Dhanieri 9:5.) Nheyo imwe chete iyi ndeyechokwadi nhasi. Sezvo kusi“na munhu usingatadzi,” tose tinoda tsitsi dzaJehovha. (2 Makoronike 6:36) Jehovha, Mwari ane tsitsi, norudo anotikumbira kuti tireurure zvivi zvedu kwaari, titendeuke, uye tirege nzira dzose dzakaipa, kuitira kuti tiporeswe. (Dheuteronomio 4:31; Isaya 1:18; Jakobho 5:16) Izvi hazvingotibetseri kuwanazve nyasha dzake asi zvinotinyaradzawo.—Pisarema 51:1; Zvirevo 28:13; 2 VaKorinde 2:7.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe