-
Chirevo chaJehovha kuMarudziUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
6 Uku kurondedzera kwakakodzera kwazvo mambo mutsva uyu. Hezekia “akakunda vaFiristia kusvikira paGaza nenyika yaro.” (2 Madzimambo 18:8) Maererano nemabhuku emabasa aMambo Seniheribhi weAsiria, vaFiristia vanova vanhu vaHezekia. “Varombo”—umambo hwenyika yeJudha hwakapedzwa simba—hunosvika pakuva hwakachengeteka nokuwana zvinhu zvizhinji, Firistia ichitambura nenzara.—Rava Isaya 14:30, 31.
-
-
Chirevo chaJehovha kuMarudziUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
8. (a) Dzimwe nyika nhasi dzave dzakaita seFiristia pakudii? (b) Sezvaakaita munguva dzekare, Jehovha akaitei kutsigira vanhu vake nhasi?
8 Kufanana neFiristia, mamwe marudzi nhasi anoshora zvinotyisa vanamati vaMwari. Zvapupu zvaJehovha zvechiKristu zvakatenherwa mumajere nomumisasa yevasungwa. Zvakarambidzwa. Zvinoverengeka zvakaurawa. Vavengi vanoramba vachi“unganira upenyu hwowakarurama.” (Pisarema 94:21) Kuvavengi vavo, boka revaKristu iri ringaratidzika se“varombo” ne“vanoshayiwa.” Zvisinei, nokutsigira kwaJehovha, vanofara nezvizhinji zvomudzimu, apo vavengi vavo vanenge vachitambura nenzara. (Isaya 65:13, 14; Amosi 8:11) Jehovha paanotambanudza ruoko rwake achirwa nevaFiristia vomuzuva ranhasi, “varombo” ava vachave vakachengeteka. Kupi? Vakabatana ne“imba yaMwari,” iyo Jesu ari nheyo yakasimba. (VaEfeso 2:19, 20) Uye vachave vakadzivirirwa ne“Jerusarema rokudenga,” Umambo hwaJehovha hwokudenga, huna Jesu Kristu saMambo.—VaHebheru 12:22; Zvakazarurwa 14:1.
-