RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chirevo chaJehovha kuMarudzi
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 35, 36. Mukuzadzika kwaIsaya 19:23-25, kubatana kupi kwakavapo kare pakati peIjipiti, Asiria, neIsraeri?

      35 Muprofita anobva aona chimwe chichaitika chinoshamisa: “Nezuva iro nzira huru ichavapo inobva Egipita ichienda Asiria; vaAsiria vachaenda Egipita, navaEgipita vachaenda Asiria; vaEgipita vachanamata pamwe chete navaAsiria. Nezuva iro vaIsraeri vachava rudzi rwechitatu vachitevera Egipita neAsiria, vachava ruropafadzo pakati penyika; nokuti Jehovha wehondo wakavaropafadza achiti: VaEgipita, vanhu vangu navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu, ngavaropafadzwe.” (Isaya 19:23-25) Hungu, rimwe zuva pachava noushamwari pakati peIjipiti neAsiria. Sei?

  • Chirevo chaJehovha kuMarudzi
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 38. (a) Israeri “achava rudzi rwechitatu vachitevera Egipita neAsiria” sei? (b) Nei Jehovha achiti “vanhu vangu . . . ngavaropafadzwe”?

      38 Israeri, inosvika sei zvino pakuva “rudzi rwechitatu vachitevera Egipita neAsiria”? Pakuvamba kwe“nguva yokupedzisira,” vazhinji vevaishumira Jehovha pano pasi vakanga vari vamwe va“Israeri waMwari.” (Dhanieri 12:9; VaGaratiya 6:16) Kubva kuma1930, boka guru re“mamwe makwai,” rine tariro yepano pasi, rakaonekwa. (Johani 10:16a; Zvakazarurwa 7:9) Vachibuda munyika—dzakafanofananidzirwa neIjipiti neAsiria—vanodirana vachienda kuimba yaJehovha yokunamatira uye vanokoka vamwe kuti vabatane navo. (Isaya 2:2-4) Vanoita basa rimwe chete rokuparidza sezvinoita hama dzavo dzakazodzwa, vanotsungirira miedzo yakafanana, vanoratidza kutendeka kwakafanana nokuvimbika, uye vanodya patafura yomudzimu imwe chete. Zvechokwadi, vakazodzwa ne“mamwe makwai” i“boka rimwe, nomufudzi mumwe.” (Johani 10:16b) Pane mumwe munhu angava nomubvunzo here pakuti Jehovha, achiona kushingaira nokutsungirira kwavo, anofadzwa nebasa ravo? Naizvozvo hazvishamisi kuti anotaura mashoko okukomborera kwavari achiti: “Vanhu vangu . . . ngavaropafadzwe”!

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe