-
Zvidzidzo Pamusoro PokusatendekaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
10. Chii chinoitika chisingarevi chakanaka nokuda kweguta racho?
10 Isaya anorondedzera mafambiro enyaya yacho achiti: “Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuo. Akabvisa chifukidziro chaJudha.” (Isaya 22:7, 8a) Ngoro dzehondo nemabhiza zvinoungana pamapani ari kunze kweguta reJerusarema uye zvinomira zvagadzirira kurwisa masuo eguta racho. “Chifukidziro chaJudha” chinobviswa chii? Pamwe, isuo reguta, iro kutorwa kwaro kungasareva chakanaka kune vari mukati.c Apo chifukidziro chokudzivirira ichi chinobviswa, guta racho razarukira vari kurirwisa.
-
-
Zvidzidzo Pamusoro PokusatendekaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
11, 12. Matanho api okuzvidzivirira anoitwa nevagari veJerusarema?
11 Isaya zvino anotarira pakuedza kwevanhu kuzvidzivirira. Chavanotanga kufunga—zvombo! “Nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomudondo. Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji; mukachingidzira mvura yedziva rezasi.” (Isaya 22:8b, 9) Zvombo zvinochengeterwa mudura rezvombo reimba yomudondo. Dura rezvombo iri rakavakwa naSoromoni. Sezvo rakavakwa nemisidhari yakabva kuRebhanoni, yakasvika pakuzivikanwa se“imba yemiti yematondo eRebhanoni.” (1 Madzimambo 7:2-5) Pakakoromoka rusvingo panoongororwa. Mvura inotekwa—rimwe danho rinokosha rokuzvidzivira. Vanhu vacho vanoda mvura kuti vararame. Kana isipo, guta haringamiri. Zvisinei, cherekedza kuti hapana chinombotaurwa nezvokutarira kwavo kuna Jehovha kuti avanunure. Asi, vanotovimba zvavo nezvinhu zvavo pachavo. Ngatiregei kumbofa takaita chikanganiso ichocho!—Pisarema 127:1.
-
-
Zvidzidzo Pamusoro PokusatendekaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
c Neimwe nzira, “chifukidziro chaJudha” chingangoreva chimwe chinhuwo chinodzivirira guta, senhare uko zvombo zvinochengeterwa uye kunogara varwi.
-