Chitsauko 18
Zvidzidzo Pamusoro Pokusatendeka
1. Zvingadaro zvaive zvakaita sei kuva mukati meguta rekare rakanga rakakombwa?
FUNGIDZIRA kuti zvaiva zvakaita sei kuva muguta rekare rakanga rakakombwa. Kunze kwerusvingo kune muvengi—akasimba asina tsitsi. Unoziva kuti mamwe maguta akatokundwa naye. Iye zvino aronga kukunda nokuparadza guta renyu nokubata chibharo uye kuuraya vanogaramo. Mauto emuvengi akasimba kwazvo zvokusaita kumirisana nawo muhondo; ungangotarisira bedzi kuti masvingo eguta achavavharira kunze. Sezvaunotarira panze neparusvingo, unogona kuona shongwe dzokukomba dzaunzwa nomuvengi. Vanewo injini dzokukombesa dzinogona kupotsera matombo okupwanya zvakakudzivirirai. Unogona kuona simbi dzavo dzokupazisa nemanera okukwirisa, vanopfura miseve yavo nengoro dzehondo, gurusvusvu revarwi vavo. Zvinhu zvinotyisa sei kuona!
2. Kukomba kunorondedzerwa muna Isaya chitsauko 22 kunoitika rini?
2 Muna Isaya chitsauko 22, tinorava nezvekukomba kwakadaro—kukombwa kweJerusarema. Kunoitika rini? Zvakaoma kudoma kukomba kumwe chete apo zvinhu zvose zvakarondedzerwa zvinozadzika. Sezviri pachena, uprofita hwacho hunofanira kunzwisiswa sokungorondedzera kukomba kwakasiyana-siyana kuchaitwa Jerusarema, nyeverowo zvayo yezviri mberi.
3. Vagari veJerusarema vari kuita sei nokukomba uko Isaya anorondedzera?
3 Vakakombwa sezvinorondedzerwa naIsaya, vagari veJerusarema vari kuitei? Sevanhu vaMwari vesungano, vari kuchema kuna Jehovha kuti avaponese here? Aiwa, vari kuratidza pfungwa dzoufuza chaidzo, dzakaita sedzinowanikwa nhasi pakati pevazhinji vanoti vanonamata Mwari.
Guta Rakakombwa
4. (a) “Mupata wezvakaonekwa” chii, uye nei une zita iri? (b) Vagari veJerusarema vakadini mumudzimu?
4 Muchitsauko 21 chaIsaya, mashoko okutonga ose ari matatu aitangwa neshoko rokuti “Chirevo.” (Isaya 21:1, 11, 13) Isa Chitsauko 22 chinotanga nenzira iyoyowo: “Chirevo pamusoro pomupata wezvakaonekwa. Unonzweiko, zvawakwira navanhu vako vose pamatenga edzimba?” (Isaya 22:1) “Mupata wezvakaonekwa” unoreva Jerusarema. Guta racho rinonzi mupata nemhaka yokuti kunyange zvazvo riri pakakwirira, rakakomberedzwa nemakomo marefu. Rinobatanidzwa ne“zvakaonekwa” nemhaka yokuti zvakaratidzwa naMwari zvizhinji nezvakazarurwa zvinoitikira imomo. Nokuda kwechikonzero ichi, vagari veguta racho vanofanira kuteerera mashoko aJehovha. Asi, vakamuisira zvimiti munzeve ndokutsaukira kukunamata kwenhema. Muvengi ari kukomba guta racho chishandiso chokutonga kwaMwari vanhu vake vakatsauka.—Dheuteronomio 28:45, 49, 50, 52.
5. Pamwe, nei vanhu vachikwira pamatenga edzimba dzavo?
5 Cherekedza kuti vagari veJerusarema va‘kwira nevanhu vavo vose pamatenga’ edzimba dzavo. Kare, matenga emisha yevaIsraeri aiva akati sandarara uye mhuri dzaiwanzoungana ipapo. Isaya haatauri kuti nei vachiita kudaro panguva ino, asi mashoko ake anoratidza kusazvitendera. Kana zvakadaro, pamwe vakwira pamatenga kuti vateterere vanamwari vavo venhema. Iyi ndiyo tsika yavo mumakore ose anozotisvitsa pakuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E.—Jeremia 19:13; Zefania 1:5.
6. (a) Zvinhu zvakamira sei mukati meJerusarema? (b) Nei vamwe vachifara, asi chii chiri mberi?
6 Isaya anoenderera mberi achiti: “Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha une mufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa.” (Isaya 22:2) Mapoka adzvamuka achienda kuguta racho, uye riri mumhirizhonga. Vanhu vari mumigwagwa vari kuita ruzha nokutya. Zvisinei, vamwe vari kufara, pamwe nemhaka yokuti vanonzwa vakachengeteka kana kuti vanodavira kuti ngozi yacho iri kupfuura.a Zvisinei, kufara panguva ino upenzi. Vazhinji vari muguta vachafa rufu rwoutsinye hunopfuura hwokuurawa nomunondo. Guta rakakombwa rinotadziswa kuwana zvokudya kunze. Zvakachengetwa muguta zvinopera. Vanhu vari kuziya nenzara nokuungana panzvimbo imwe zvinokonzera zvirwere. Vazhinji vari muJerusarema naizvozvo vachafa nenzara uye hosha. Izvi zvinoitika muna 607 B.C.E. nomuna 70 C.E.—2 Madzimambo 25:3; Mariro aJeremia 4:9, 10.b
7. Vatongi veJerusarema vanoitei munguva yokukomba, uye chii chinoitika kwavari?
7 Munhamo iyi, vatungamiriri veJerusarema vanotungamirira sei? Isaya anopindura kuti: “Vabati vako vose vakatiza pamwe chete, vakasungwa vasina uta; vose vako, vakawanikwa, vakasungwa pamwe chete; vakatizira kure.” (Isaya 22:3) Vatongi nevarume vane simba vanotiza vobatwa! Vasina kana kumbokungirwa uta, vanobatwa voendwa navo senhapwa. Izvi zvinoitika muna 607 B.C.E. Pashure pokunge rusvingo rweJerusarema rwaputswa, Mambo Zedhekia anotiza nousiku nevarume vake vakasimba. Muvengi anozviziva, anovatevera, ovabatira pamapani eJeriko. Varume vakasimba vacho vanoita rumwe rumwe. Zedhekia anobatwa, opofumadzwa, oiswa zvisungo zvomumakumbo zvendarira, ozvuzvurudzwa kuenda kuBhabhironi. (2 Madzimambo 25:2-7) Mugumisiro une ngozi sei wokusatendeka kwake!
Kupera Simba Nenhamo
8. (a) Isaya anoita sei nouprofita hunofanotaura nezvenhamo ichauya paJerusarema? (b) Zvinhu zvichave zvakamira sei muJerusarema?
8 Uprofita uhwu hunoshungurudza Isaya zvikuru. Anoti: “Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiidza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.” (Isaya 22:4) Isaya akachema Moabhi neBhabhironi pamusoro penguva yawo yemberi yakaprofitwa. (Isaya 16:11; 21:3) Zvino kupera simba kwake nokuchema zvinotowedzera paanofunga nezvedambudziko riri kuuya pavanhu vake pachake. Haanyararidziki. Nei? “Nokuti izuva rokuvhundusa, nerokutsikira pasi, nerokukanganisa, zvinobva kunaShe, Jehovha wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamasvingo nerokudanidzira kumakomo.” (Isaya 22:5) Jerusarema richazara nebvonyongera. Vanhu vachadzivaira varohwa nehana, vasina chinangwa. Muvengi zvaanotanga kupaza masvingo eguta, pachava ne“kudanidzira kumakomo.” Izvi zvinoreva here kuti vagari veguta racho vachachema kuna Mwari mutemberi yake tsvene iri paGomo reMoria? Zvichida. Zvisinei, nemhaka yokusatendeka kwavo, pamwe zvingangoreva kuti kuchema kwavo nenhamo kuchaita maungira mumakomo akapoteredza.
9. Rondedzera uto riri kutyisidzira Jerusarema.
9 Muvengi worudzii ari kutyisidzira Jerusarema? Isaya anotiudza kuti: “Erami wakabata goba, pamwe chete namapoka avanhu navatasvi vamabhiza; Kiri wakafudugura nhoo.” (Isaya 22:6) Vavengi vacho vane zvombo zvakakwana. Vane vanopfura nomuseve vane magoba azere nemiseve. Varwi vari kugadzirira nhoo dzavo nokuda kwehondo. Kune ngoro dzehondo nemabhiza akadzidziswa hondo. Uto racho rinosanganisa varwi vanobva Erami, iri kumusoro kweyave Persian Gulf zvino, uye vanobva Kiri, pamwe iri pedyo neErami. Kutaurwa kwenyika idzodzo kunoratidza daro refu iro ava vanopinda nechisimba vanobva. Kunoratidzawo kuti vanopfura nemiseve veErami vangave vakanga vari muuto riri kutyisidzira Jerusarema muzuva raHezekia.
Kuedza Kuzvidzivirira
10. Chii chinoitika chisingarevi chakanaka nokuda kweguta racho?
10 Isaya anorondedzera mafambiro enyaya yacho achiti: “Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuo. Akabvisa chifukidziro chaJudha.” (Isaya 22:7, 8a) Ngoro dzehondo nemabhiza zvinoungana pamapani ari kunze kweguta reJerusarema uye zvinomira zvagadzirira kurwisa masuo eguta racho. “Chifukidziro chaJudha” chinobviswa chii? Pamwe, isuo reguta, iro kutorwa kwaro kungasareva chakanaka kune vari mukati.c Apo chifukidziro chokudzivirira ichi chinobviswa, guta racho razarukira vari kurirwisa.
11, 12. Matanho api okuzvidzivirira anoitwa nevagari veJerusarema?
11 Isaya zvino anotarira pakuedza kwevanhu kuzvidzivirira. Chavanotanga kufunga—zvombo! “Nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomudondo. Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji; mukachingidzira mvura yedziva rezasi.” (Isaya 22:8b, 9) Zvombo zvinochengeterwa mudura rezvombo reimba yomudondo. Dura rezvombo iri rakavakwa naSoromoni. Sezvo rakavakwa nemisidhari yakabva kuRebhanoni, yakasvika pakuzivikanwa se“imba yemiti yematondo eRebhanoni.” (1 Madzimambo 7:2-5) Pakakoromoka rusvingo panoongororwa. Mvura inotekwa—rimwe danho rinokosha rokuzvidzivira. Vanhu vacho vanoda mvura kuti vararame. Kana isipo, guta haringamiri. Zvisinei, cherekedza kuti hapana chinombotaurwa nezvokutarira kwavo kuna Jehovha kuti avanunure. Asi, vanotovimba zvavo nezvinhu zvavo pachavo. Ngatiregei kumbofa takaita chikanganiso ichocho!—Pisarema 127:1.
12 Chii chingaitwa nepakakoromoka rusvingo rweguta ipapo? “Mukaverenga dzimba dzeJerusarema, mukakoromora dzimba kuti musimbise rusvingo.” (Isaya 22:10) Dzimba dzinoongororwa kuona kuti ndedzipi dzingaputswa kuti pawanikwe zvokugadzirisa pakakoromoka. Izvi ndezvokuedza —kudzivirira muvengi kuva nesimba rokudzora rusvingo rwose.
Vanhu Vasina Kutenda
13. Vanhu vanoedza sei kuti varambe vane mvura yokushandisa, asi ndiani wavanokanganwa?
13 “Mukaitawo gangwa pakati pamasvingo maviri nokuchingidzira mvura yedziva rakare. Asi hamuna kutarira iye wakazviita, makanga musina hanya naiye wakazvifunga kare.” (Isaya 22:11) Kuedza kuchingidzira mvura kunorondedzerwa pano neIsa mundima 9 kunotiyeuchidza nezvezvakaitwa naMambo Hezekia kudzivirira guta pavaAsiria vaipinda nechisimba. (2 Makoronike 32:2-5) Zvisinei, vanhu veguta vari muuprofita huno hwaIsaya havana kutenda zvachose. Sezvavanoshandira kudzivirira guta, havambofungi nezvoMusiki, kusiyana naHezekia.
14. Pasinei neshoko raJehovha rokuyambira, ipfungwai dzisiri dzokuchenjera idzo vanhu vanadzo?
14 Isaya anoenderera mberi achiti: “Zvino nezuva iro Ishe, Jehovha wehondo, wakakudanirai kumisodzi, nokukuchema, nokukuveurwa mhanza, nokukufuka makudza; asi tarirai, makava nomufaro nokupembera, nokubayiwa kwemombe, nokushizhwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muchiti: Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.” (Isaya 22:12, 13) Vagari veJerusarema havaratidzi kusuruvara nokuda kwokumukira kwavo Jehovha. Havachemi, havaveuri bvudzi ravo, kana kuti kupfeka masaga sechiratidzo chokupfidza. Kudai vaidaro, pamwe Jehovha aizovadzivirira kuti vasaona nhamo dziri kuuya. Asi vanozvipinza kumafaro enyama. Pfungwa dzakafanana nhasi ndidzo dzine vazhinji vasingatendi Mwari. Nemhaka yokuti havana tariro—murumuko rwevakafa kana kuti muParadhiso yepasi yomunguva yemberi—vanotevedza upenyu hwokuzvifadza, vachiti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:32) Kuonera pedyo kwakadini! Kudai vaingovimba havo naJehovha, vaizova netariro isingaperi!—Pisarema 4:6-8; Zvirevo 1:33.
15. (a) Nderipi riri shoko raJehovha rokutonga Jerusarema, uye kutonga kwake kunoitwa naani? (b) Nei chiKristudhomu chichatambura nhamo yakafanana neyeJerusarema?
15 Vagari veJerusarema vakakombwa vachasara pachena. Isaya anoti: “Asi Jehovha wehondo wakazivisa munzeve dzangu, akati: Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.” (Isaya 22:14) Nemhaka yokuoma mwoyo kwevanhu vacho, hapazovi nokukanganwira. Pasina kukundikana, rufu ruchauya. Ichi chinhu chichatoitika chete. Changamire Ishe, Jehovha wehondo, akazvitaura. Mukuzadzika kwemashoko aIsaya ouprofita, nhamo inouya kaviri paJerusarema risina kutendeka. Rinoparadzwa nemauto eBhabhironi uye gare gare neeRoma. Saizvozvowo, nhamo ichauya pachiKristudhomu chisina kutendeka, icho nhengo dzacho dzinoti dzinonamata Mwari asi dzichimuramba kwazvo nemabasa adzo. (Tito 1:16) Zvivi zvechiKristudhomu, pamwe neizvo zvezvimwe zvitendero zvenyika zvinozvidza nzira dzaMwari dzakarurama, “zvatutirana kusvika kudenga.” Kufanana nechikanganiso cheJerusarema rakaramba kutenda, chikanganiso chavo chakakurisa kuti chiyananiswe.—Zvakazarurwa 18:5, 8, 21.
Mutariri ane Udyire
16, 17. (a) Ndiani zvino anowana shoko renyevero kubva kuna Jehovha, uye nei? (b) Nemhaka yekuzvikudza kwake, chii chichaitika kuna Shebna?
16 Muprofita zvino anosiya rudzi rusina kutendeka otaura nezvomunhu asina kutendeka. Isaya anonyora kuti: “Zvanzi naShe, Jehovha wehondo: Enda kumuchengeti uyu wepfuma, kuna Shebna, unotarira imba yamambo, uti: Unobateiko pano? Unaaniko pano, zvawazvivezera hwiro pano? Somunhu unozvivezera hwiro pakakwirira, unozvicherera ugaro hwake padombo!”—Isaya 22:15, 16.
17 Shebna ‘mutariri weimba,’ pamwe imba yaMambo Hezekia. Somunhu akadaro, ane nzvimbo yesimba, wechipiri kuna mambo bedzi. Zvakawanda zvinotarisirwa kwaari. (1 VaKorinde 4:2) Asi, nepo achifanira kutanga kufunga nezvezvinhu zvenyika yacho, Shebna ari kuzvitsvakira mbiri. Ari kuzvivezesera hwiro hwamaoresa padombo—hwakafanana nehwamambo. Jehovha achiona izvi, anofuridzira Isaya kunyevera mutariri asina kutendeka uyu achiti: “Tarira, Jehovha uchakurashira kure nesimba somurume; zvirokwazvo, uchakupeta-peta. Zvirokwazvo uchakupomba-pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako. Ndichakudzinga pabasa rako, iye uchakukwevera pasi ubve panzvimbo yako.” (Isaya 22:17-19) Nemhaka yokungozvifunga kwake, Shebna haazowani kunyange hwirowo zvahwo muJerusarema. Asi, achakandwa sebhora, kuti anofira kunyika iri kure. Apa pane chidzidzo kune vose vanopiwa chiremera pakati pevanhu vaMwari. Kushandisa chiremera zvisina kufanira kuchatungamirira kukurasikirwa nechiremera ichocho uye pamwe kukudzingwa.
18. Ndiani achatsiva Shebna, uye zvinorevei kuti iyeyu uchagamuchira nguo yaShebna nekiyi yeimba yaDhavhidhi?
18 Zvisinei, Shebna achabviswa sei panzvimbo yake? Achishandisa Isaya, Jehovha anotsanangura kuti: “Zvino nezuva iro ndichadana muranda wangu Eriakimi, mwanakomana waHirkia; ndichamufukidza nguo yako, nokumusimbisa nebhanire rako, ndigoisa ushe hwako muruoko rwake, iye uchava baba kuna vagere Jerusarema, nokuimba yaJudha. Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye uchazarura hapana ungazarira.” (Isaya 22:20-22) Achitsiva Shebna, Eriakimi achapiwa nguo dzebasa dzomutariri pamwe chete nekiyi yeimba yaDhavhidhi. Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “kiyi” kuratidza chiremera, hurumende, kana kuti simba. (Enzanisa naMateu 16:19.) Kare, munhu aipa mambo mazano, aipiwa makiyi angave aitarisira imba youmambo, kunyange kusarudza vaishandira mambo. (Enzanisa naZvakazarurwa 3:7, 8.) Naizvozvo, hofisi yomutariri inokosha, uye zvakawanda zvinotarisirwa upi noupi anoshanda mairi. (Ruka 12:48) Shebna angave achigona basa, asi nemhaka yokuti haana kutendeka, Jehovha achamutsiva.
Mbambo Mbiri Dzokufananidzira
19, 20. (a) Eriakimi acharatidza sei kuti chikomborero kuvanhu vake? (b) Chii chichaitika kune avo vanoramba vachitarira kuna Shebna?
19 Pakupedzisira Jehovha anoshandisa mutauro wokufananidzira kurondedzera kuchinjwa kwesimba kubva kuna Shebna kuenda kuna Eriakimi. Anoti: “Ndichamurovera [Eriakimi] pakasimba sembambo; uchava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake. Vachaturika paari kukudzwa kwose kweimba yababa vake, matavi namabukira, nemidziyo yose miduku, kubvira pamikombe kusvikira pamakate. Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha wakataura izvozvo.”—Isaya 22:23-25.
20 Mundima idzi mbambo yokutanga ndiEriakimi. Achava “chigaro chinokudzwa” kuimba yababa vake, Hirkia. Kusiyana naShebna, haazonyadzisi imba yababa vake kana kuti mukurumbira wake. Eriakimi achava mutsigiri wechigarire wemidziyo yomumba, ndiko kuti, kune vamwe vanoshandira mambo. (2 Timoti 2:20, 21) Mukupesana, mbambo yechipiri inoreva Shebna. Kunyange zvazvo angaratidzika seakachengeteka, achabviswa. Vose vanoramba vachitarira kwaari vachawa.
21. Munguva dzazvino, ndiani, kufanana naShebna, akatsiviwa, nemhaka yei, uye naani?
21 Zvakaitika kuna Shebna zvinotiyeuchidza kuti pakati pevanoti vanonamata Mwari, avo vanogamuchira ropafadzo dzebasa vanofanira kudzishandisa kushumira vamwe uye kurumbidza Jehovha. Havafaniri kushandisa nzvimbo yavo zvisina kufanira kuitira kuti vazvipfumise kana kuti vawane mukurumbira pachavo. Somuenzaniso, chiKristudhomu chakanguri chazvikwidziridza somutariri akagadzwa, mumiriri wepasi waJesu Kristu. Zvisinei, sezvakangoitawo Shebna akazvidzisa baba vake nokuzvitsvakira mbiri, vatungamiriri vechiKristudhomu vakazvidzisa Musiki nokuzviunganidzira pfuma nesimba. Saka, apo nguva yakasvika yokuti kutonga “kutange paimba yaMwari” muna 1918, Jehovha akabvisa chiKristudhomu. Mumwe mutariri akaziviswa—“mutariri akatendeka, akangwara”—uye akagadzwa pazvinhu zveimba yaJesu yepasi. (1 Petro 4:17; Ruka 12:42-44) Iri boka romubatanidzwa rakazviratidza kuva rakakodzera kubata “kiyi” youmambo yeimba yaDhavhidhi. Kufanana ne“mbambo” inogona kuvimbwa nayo, rakaratidza kuva chitsigiso chingavimbwa nacho nokuda kwe“midziyo” yose yakasiyana-siyana, vaKristu vakazodzwa vane mabasa akasiyana-siyana vanotarira kwairi nokuda kwekutsigirwa mumudzimu. “Mamwe makwai”wo, kufanana ‘nomutorwa ari mukati memasuo’ eJerusarema rekare, anovimba ne“mbambo” iyi, Eriakimi womuzuva ranhasi.—Johani 10:16; Dheuteronomio 5:14.
22. (a) Nei kutsiviwa kwaShebna somutariri kwakaitika nenguva chaiyo? (b) Munguva dzazvino, nei kugadzwa kwo“mutariri akatendeka, akangwara,” kwakaitika nenguva chaiyo?
22 Eriakimi akatsiva Shebna apo Seniheribhi nemauto ake vakanga vachityisidzira Jerusarema. Nenzira yakafanana, “mutariri akatendeka, akangwara,” akagadzwa kuti ashande munguva yomugumo, ichasvika kumugumo apo Satani nemauto ake vacharwisa kwokupedzisira “Israeri waMwari” nevamwe vavo vemamwe makwai. (VaGaratiya 6:16) Kungofanana nomuzuva raHezekia, kurwisa ikoko kuchaguma nokuparadzwa kwavavengi vokururama. Avo vanotsiga ne“mbambo yakanga yaroverwa pakasimba,” mutariri akatendeka, vachapona, kungofanana nevagari veJerusarema vakatendeka vakapona pakapinda Asiria nechisimba munyika yeJudha. Saka kuchenjera kwakadini kusaomerera ku“mbambo” isina kusimba yechiKristudhomu!
23. Pakupedzisira chii chinoitika kuna Shebna, uye tinogona kudzidzei apa?
23 Chii chinoitika kuna Shebna? Hatina pakanyorwa nezvokuti uprofita hune chokuita naye hwakanyorwa pana Isaya 22:18, hwakazadzika. Paanozvikwidziridza ozonyadziswa, anoita sechiKristudhomu, asi angave akadzidza nechirango. Apa, akasiyana zvikuru nechiKristudhomu. Apo Mukuru wevatariri veAsiria Rabhisheki anorayira kuti Jerusarema rikande mapfumo pasi, mutariri mutsva waHezekia, Eriakimi, anotungamirira boka rinoenda kunosangana naye. Zvisinei, Shebna ari parutivi rwake somunyori wamambo. Sezviri pachena, Shebna achiri kushandira mambo. (Isaya 36:2, 22) Chidzidzo chakanaka sei nokuda kweavo vanorasikirwa nenzvimbo dzebasa musangano raMwari! Panzvimbo yokushungurudzwa uye kuita pfunde pfunde, kuchenjera kuti varambe vachishumira Jehovha munzvimbo ipi neipi yaanobvumira. (VaHebheru 12:6) Nokuita kudaro vachadzivisa dambudziko, richawira chiKristudhomu. Vachafara nenyasha dzaMwari nechikomborero nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Muna 66 C.E., vaJudha vazhinji vakafara apo mauto eRoma akanga akakomba Jerusarema akadzokera.
b Maererano nomumwe munyori wenhau dzakaitika womuzana rokutanga remakore Josephus, muna 70 C.E., nzara muJerusarema yakanga yakakomba kwazvo zvokuti vanhu vaidya matehwe, uswa, neuswa hwakaomeswa. Mune imwe nyaya yakataurwa, zvinonzi amai vakagocha ndokudya mwanakomana wavo.
c Neimwe nzira, “chifukidziro chaJudha” chingangoreva chimwe chinhuwo chinodzivirira guta, senhare uko zvombo zvinochengeterwa uye kunogara varwi.
[Mufananidzo uri papeji 231]
Zedhekia paanotiza, anobatwa opofumadzwa
[Mufananidzo uri papeji 232, 233]
Hapana tariro kuvaJudha vakavharirwa muJerusarema
[Mufananidzo uri papeji 239]
Eriakimi anoitwa “mbambo yakanga yaroverwa pakasimba” naHezekia
[Mufananidzo uri papeji 241]
Kufanana naShebna, vazhinji vevatungamiriri vechiKristudhomu vakazvidzisa Musiki nokuzvipfumisa
[Mifananidzo iri papeji 242]
Muzuva ranhasi boka romutariri akatendeka rakagadzwa paveimba yaJesu