Chitsauko 19
Jehovha Anonyadzisa Tire Nokuzvikudza Kwaro
1, 2. (a) Tire rekare rakanga riri guta rakadini? (b) Isaya akaprofita kuti chii pamusoro peTire?
RAKANGA “rine runako kwazvo” uye rizere “noupfumi hwemarudzi ose.” (Ezekieri 27:4, 12, An American Translation) Zvikepe zvaro gumi nefararira zvaifamba nomugungwa zvichienda kunzvimbo dziri kure. Rakasvika paku“itirwa mbiri mumwoyo yamakungwa,” uye ne“nhumbi” dzaro, ra“kapfumisa madzimambo enyika.” (Ezekieri 27:25, 33) Muzana remakore rechinomwe B.C.E., iwawo ndiwo aiva mamiriro eTire—guta reFenikiya raiva kumucheto kweMediterranean nechokumabvazuva.
2 Asi, kuparadzwa kweTire kwakanga kwava pedyo. Anenge makore 100 Ezekieri asati arirondedzera, muprofita Isaya akafanotaura nezvokuwa kwenhare yeFenikiya iyi nokurwadziwa kweavo vaivimba nayo. Isaya akaprofitawo kuti papera chinguva Mwari aizorangarirawo guta racho, achiripazve simba. Mashoko omuprofita akazadzika sei? Uye chii chatingadzidza pane zvose zvakaitika kuTire? Kunzwisisa zvakajeka zvakaitika kwariri uye kuti nei zvinhu izvozvo zvakaitika kuchasimbisa kutenda kwedu Jehovha nezvipikirwa zvake.
“Chemai, Imi, Zvikepe zveTarshishi”!
3, 4. (a) Tarshishi raivepi, uye Tire neTarshishi aiva noukama hwei? (b) Nei vanofamba nezvikepe vachitengeserana neTire vachava nechikonzero choku“chema”?
3 Pasi pomusoro wokuti, “Chirevo pamusoro peTire,” Isaya anozivisa kuti: “Chemai, imi, zvikepe zveTarshishi; nokuti raparadzwa, hapachina imba, kana pangapindwapo.” (Isaya 23:1a) Tarshishi rinodavirwa kuve rakanga riri rutivi rweSpain, iri kure neTire nechokumabvazuva kweMediterranean.a Kunyange zvakadaro, vanhu veFenikiya vakanga vari nyanzvi dzomugungwa, uye zvikepe zvavo zvakanga zviri zvihombe uye zvakakodzera kufamba mugungwa. Vamwe vanyori venhau dzakaitika vanofunga kuti vanhu veFenikiya ndivo vakanga vari vokutanga kuona kufambirana kunoita mwedzi nemafungu uye kushandisa ruzivo rwenyeredzi sechinhu chinobetsera kufamba mugungwa. Naizvozvo daro refu rokubva kuTire kuenda Tarshishi raisava chibingamupini kwavari.
4 Tarshishi iri kure inofungidzirwa kuva yaiva musika mukuru weTire, pamwe kwainyanya kubva upfumi hwaro munguva dzaro. Spain yakanga ine migodhi yakanga izere sirivha, dare, tini, nedzimwe simbi. (Enzanisa naJeremia 10:9, Ezekieri 27:12.) Vafambi vomugungwa vanobva Tarshishi, vachipfuma nokutengeserana kwavo neTire, vachava nechikonzero chinonzwika choku“chema,” vachichema kuparadzwa kwechiteshi chavo chezvikepe.
5. Vanofamba nezvikepe vanobva kuTarshishi vachaziva nezvokuwa kweTire kupi?
5 Vanofamba nezvikepe vari mugungwa vakakwira zvikepe zveTarshishi vachaziva sei nezvokuwa kweTire? Isaya anopindura kuti: “Vakaratidzwa izvozvo vari panyika yeKitimi.” (Isaya 23:1b) “Nyika yeKitimi” pamwe inoreva chitsuwa cheKupro, chiri anenge makiromita 100 kumavirira kwemhenderekedzo yeFenikiya. Apa ndipo panopedzisira kumira zvikepe zvinenge zvakananga kumabvazuva zvichibva kuTarshishi zvisati zvasvika kuTire. Saka, vanofamba nezvikepe vachanzwa mashoko okukundwa kwemumwe wavo anodiwa wavanotengeserana naye pavanombotura befu muKupro. Zvinorovesa nehana sei! Varwadziwa, vacha“chema” nokupera simba.
6. Rondedzera ukama huri pakati peTire neSidhoni.
6 Kupera simba kuchanzwikwawo nevanhu vomumhenderekedzo yegungwa reFenikiya. Muprofita anoti: “Imi mugere pamhenderekedzo yegungwa, nyararai, iyemi maipfumiswa navatengesi veSidhoni, vanofamba negungwa. Pfuma yaro zvaiva zviyo zveShihori, zvibereko zveNairi, zvaiiswako pamusoro pemvura, ndipo paitengeswa zvose zvamarudzi avanhu.” (Isaya 23:2, 3) Va“gere pamhenderekedzo yegungwa”—vavakidzani veTire—vachati zii vakabata miromo vachishama nokuwa kune nhamo kweTire. Ndivanaani “vatengesi veSidhoni” vaka“pfumisa” vagari vacho, vachivaita shoroma? Tire raimbova nzvimbo yeguta rechiteshi chengarava reSidhoni, richingova makiromita 35 bedzi nechokumusoro. Pamari yayo yesimbi Sidhoni inozvirondedzera saamai veTire. Kunyange zvazvo Tire rakapfuma kupfuura Sidhoni, richiri “mukunda weSidhoni,” uye vanogara mariri vachiri kuzviti vaSidhoni. (Isaya 23:12) Saka, mashoko okuti “vatengesi veSidhoni” pamwe anoreva vanogara muTire vachiita zvebhizimisi.
7. Vashambadzi veSidhoni vakaparadzira upfumi sei?
7 Vachiita zvebhizimisi, vatengesi veSidhoni shoroma dzeSidhoni dzinobvongodza Gungwa reMediterranean. Vanoendesa mbeu, kana kuti zviyo kunzvimbo zhinji dzeShihori, rukova rwokupedzisira nechokumabvazuva runobuda muRwizi rwaNairi nechokumadiriro kwarwo muIjipiti. (Enzanisa naJeremia 2:18.) “Zvibereko zveNairi” zvinosanganisirawo zvimwe zvibereko zvinobva Ijipiti. Kutengeserana nokuchinjana nenhumbi dzakadaro kune mari kwazvo kuvatengesi vanofamba nomugungwa ava pamwe chete nokunyika dzavanodyidzana nadzo. Vatengesi veSidhoni vanozadza Tire nemari. Zvechokwadi vacharwadziwa pakuparadzwa kwaro!
8. Kuparadzwa kweTire kuchaita kuti Sidhoni rinzwe sei?
8 Isaya anoteverera kutaura mashoko aya kuSidhoni achiti: “Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti: Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara.” (Isaya 23:4) Tire raparadzwa, mhenderekedzo yegungwa paichimbova neguta racho pachaita segwenga uye matongo. Gungwa richaratidza seriri kuchema neshungu, saamai varasikirwa nevana vavo uye vavhiringidzika kwazvo zvokuti zvino vanoramba kunyange kuti vaimbova navo. Sidhoni richanyara nezvinoitika kumwanasikana waro.
9. Kurwadziwa kwevanhu zvichitevera kuwa kweTire kuchava kwakafanana nokuvhiringidzika kunotevera zvimwe zviitiko zvipi?
9 Hungu, mashoko okuparadzwa kweTire achaparira kurwadziwa kwose kwose. Isaya anoti: “Sezvakangoitika pakasvika shoko pamusoro peIjipiti, vanhu vacharwadziwawo zvakafanana pamusoro peshoko reTire.” (Isaya 23:5, NW) Marwadzo evanochema achave akafanana neayo akaparirwa neshoko pamusoro peIjipiti. Mashoko api ayo muprofita anoreva? Pamwe kuzadzika kwe“chirevo [chake] paIjipiti”b chokutanga. (Isaya 19:1-25) Kana kuti pamwe muprofita anoreva shoko rokuparadzwa kweuto raFarao muzuva raMosesi, uko kwakavhiringidza vazhinji. (Eksodho 15:4, 5, 14-16; Joshua 2:9-11) Chero zvazvingava, vanonzwa mashoko okuparadzwa kweTire vacharwadziwa zvikuru. Vanokurudzirwa kutizira kuTarshishi iri kure nokuda kwoutiziro uye vanorayirwa kuti varatidze kurwadziwa kwavo zvinonzwika: “Yambukirai Tarshishi; chemai, imi mugere pamhenderekedzo yegungwa.”—Isaya 23:6.
Raifara “Kubva Kare Nakare”
10-12. Rondedzera upfumi, magarire ekare, nesimba zveTire.
10 Tire iguta rekare sezvatinoyeuchidzwa naIsaya paanobvunza kuti: “Gara ndiro guta renyu raifara, raivapo kubva kare nakare?” (Isaya 23:7a) Mukurumbira weTire wokubudirira wakabvira kare munguva yaJoshua. (Joshua 19:29) Kwemakore, Tire rakava rakakurumbira somugadziri wezvinhu zvesimbi, zvemagirazi, uye dhai yepepuru. Nguo dzeTire dzepepuru ndedzemitengo yapamusoro, uye machira anodhura eTire anotsvakwa nevanhu vakakwirira. (Enzanisa naEzekieri 27:7, 24.) Tire muzindawo wokutengesera wemapoka evafambi vasiri vomugungwa uye musika mukuru wokutenga nokutengesera kunze kwenyika.
11 Uyezve, guta racho rakasimba mune zvehondo. Munyori L. Sprague de Camp anonyora kuti: “Kunyange zvazvo vaisanyanya kuratidzika sevanoda zvehondo—vaiva vanhu vebhizimisi, kwete varwi—vanhu veFenikiya vaidzivirira maguta avo noushingi hwokunyanyisa nokuzvikudza. Unhu uhwu pamwe chete nesimba ravo rezvikepe, zvakagonesa vagari veTire kuti vakunde uto revaAsiria, rakanga rakasimba pane ose omunguva yaro.”
12 Zvechokwadi, Tire rinosiya mbiri munyika yeMediterranean. “Raiiswa kure-kure netsoka dzaro, kundogarako.” (Isaya 23:7b) Vanhu veFenikiya vanoenda kunzvimbo dziri kure, vachimisa nzvimbo dzavo dzokutengesera nezviteshi zvezvikepe, izvo pane dzimwe nguva zvinokura kuva nyika dzavanodzora. Somuenzaniso, Carthage, iri kumhenderekedzo yokumusoro kweAfrica, inyika inodzorwa neTire. Nokufamba kwenguva, ichapfuura Tire yokwikwidzana neRoma pasimba munyika dzeMediterranean.
Kuzvikudza Kwaro Kunomhurwa
13. Nei pachimutswa mubvunzo wokuti ndiani angada kutaura mutongo weTire?
13 Tichirangarira nezvemagariro ekare noupfumi zveTire, mubvunzo unotevera wakakodzera: “Ndianiko wakafungira Tire izvozvo, iro raipavhurira korona, vatengesi varo vaiva machinda, navashambadziri varo vaiva vanokudzwa panyika?” (Isaya 23:8) Ndiani angada kusimudza musoro kuguta rakagadza vanhu vane simba munzvimbo dzechiremera chikuru munyika dzaro nokumwewo—nokudaro richibva rava “aipavhurira korona”? Ndiani angada kusimudza musoro kuguta guru rine vashambadzi vari machinda uye rine vezvokutengeserana vanokudzwa? Maurice Chehab, aichimbova mutungamiriri wezvetsika nemagariro ekare paNational Museum yeBeirut, Lebanon, akati: “Kubva muzana remakore rechipfumbamwe kusvika mune rechitanhatu B.C., Tire rakaramba rine nzvimbo inokosha yaizivikanwa kuLondon pakutanga kwezana remakore rechimakumi maviri.” Naizvozvo ndiani angada kusimudza musoro kuguta iri?
14. Ndiani anotaura mutongo weTire, uye nei?
14 Mhinduro yakafuridzirwa inokonzera kuvhiringidzika muTire. Isaya anoti: “Jehovha wehondo ndiye wakazvifunga, kuti amhure kuzvikudza kwezvose zvinokudzwa, nokuzvidza vose vanokudzwa panyika.” (Isaya 23:9) Nei Jehovha achitonga guta rekare rakapfuma iri? Imhaka here yokuti vanogara mariri vanonamata mwari wenhema Bhaari? Imhaka here youkama hweTire naJezebheri—mwanasikana waEti-bhaari, mambo weSidhoni, kusanganisira Tire—uyo akaroorwa naMambo Ahabhi weIsraeri ndokuuraya vaprofita vaJehovha? (1 Madzimambo 16:29, 31; 18:4, 13, 19) Mhinduro yemibvunzo yacho yose ndeyokuti kwete. Tire rinotongwa nemhaka yokuzvikudza kwaro kworudado—rapfuma nokushandisa vamwe vanhu, kusanganisira vaIsraeri. Muzana remakore rechipfumbamwe B.C.E., achishandisa muprofita Joere, Jehovha akati kuTire nemamwe maguta: “Mukatengesa vana vaJudha navana veJerusarema kuvanakomana vavaGiriki, kuti muvabvisire kure nenyika yavo.” (Joere 3:6) Mwari angangosiya zvakadaro here Tire richibata vanhu vake vesungano sezvinhu zvokungotengesawo hazvo?
15. Tire richaita sei Jerusarema parichakundwa naNebhukadhinezari?
15 Kupfuura kwemakore zana hakuzochinji Tire. Uto raMambo Nebhukadhinezari parinoparadza Jerusarema muna 607 B.C.E., Tire rinofara richiti: “Toko! Raputsika [Jerusarema], iro raiva suo ramarudzi, roringira kwandiri, zvino ini ndichazadzwazve, iro zvaraitwa dongo.” (Ezekieri 26:2) Tire rinofara, richitarisira kuwana chimuko pakuparadzwa kweJerusarema. Pasisina guta guru renyika yeJudha rinokwikwidzana naro zvino, rinotarisira kutengesa zvakawanda. Jehovha achanyadzisa, vanozviidza “vanokudzwa,” vanomira nevavengi vevanhu vake vachidada.
16, 17. Chii chichaitika kuvagari veTire pachawa guta racho? (Ona mashoko omuzasi.)
16 Isaya anoenderera mberi nemashoko aJehovha okutonga Tire achiti: “Pararira panyika yako seNairi, iwe mukunda weTarshishi; hakuchina bhanire rinokusunga. Wakatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, wakazunungusa ushe; Jehovha wakarayira pamusoro pe[Fenikiya], kuti nhare dzayo dziparadzwe. Akati: Hauchazofari, iwe mukunda weSidhoni, mhandara yakamanikidzwa; simuka, uyambukire Kitimi; naikoko haungawani zororo.”—Isaya 23:10-12.
17 Nei Tire richinzi “mukunda weTarshishi”? Pamwe nemhaka yokuti kana Tire raparadzwa, Tarshishi richava rakawedzera kusimba pamaviri acho.c Vagari veTire rakaparadzwa vachapararira serwizi rwadira, mhenderekedzo dzarwo dzawondomoka uye mvura yarwo ichipfachukira kumapani ose ari pedyo. Shoko raIsaya ku“mukunda weTarshishi” rinoratidza kukomba kwezvichaitika kuTire. Jehovha pachake anotambanudza ruoko rwake opa murayiro wacho. Hapana munhu angachinja mugumisiro wacho.
18. Nei Tire richinzi “mukunda weSidhoni,” uye chimiro charo chichachinja sei?
18 Isaya anotaurawo nezveTire so“mukunda weSidhoni,” achiratidza kuti harina kumbobatwa nokuparadzwa nevakundi vokumwe uye harisati rambokundwa. (Enzanisa na2 Madzimambo 19:21; Isaya 47:1; Jeremia 46:11.) Zvisinei, zvino, rinofanira kuparadzwa, uye sevapoteri, vamwe vagari varo vachayambukira kuFenikiya nyika yeKitimi. Kunyange zvakadaro, pashure pokurasikirwa nesimba ravo roupfumi, havazowani zororo ikoko.
VaKardhea Vachariparadza
19, 20. Ndiani anoprofitwa kuva mukundi weTire, uye uprofita ihwohwo hunozadzika sei?
19 Isimba ripi rezvematongerwe enyika richaita zvakatongerwa Tire naJehovha? Isaya anozivisa kuti: “Tarirai nyika yavaKardhea; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo; vakaiita dongo. Chemai, imi zvikepe zveTarshishi; nokuti nhare yenyu yaparadzwa.” (Isaya 23:13, 14) VaKardhea—kwete vaAsiria—ndivo vachaparadza Tire. Vachamisa shongwe dzavo dzokukomba, voparadza nzvimbo dzokugara dzeTire, voita nhare yezvikepe zveTarshishi iyoyo murwi wematongo.
20 Sezvinotaurwa nouprofita, isiri nguva refu Jerusarema rawa, Tire rinopandukira Bhabhironi uye Nebhukadhinezari anokomba guta racho. Richifunga kuti haripindiki, Tire rinoramba. Mukati mokukomba kwacho vakuru vevarwi veBhabhironi vano“svotorwa” nokukweshwa nengowani dzavo nemapfudzi avo ano“svuuka” nokutakura zvinhu zvokuvakisa zvinoshandiswa pamabasa okukomba. (Ezekieri 29:18) Kukomba kwacho kunodhurira Nebhukadhinezari. Guta reTire riri kunze kwemvura rinoparadzwa, asi zvakapambwa zvaro zvinomunzvenga. Pfuma zhinji yeTire yatamisirwa kuchitsuwa chiduku inoda kusvika kiromita imwe kubva kumhenderekedzo. Nokushayiwa zvikepe, mambo wevaKardhea haakwanisi kukunda chitsuwa ichi. Pashure pemakore 13, Tire rinokanda mapfumo pasi, asi richaramba riripo kuti rione kuzadzika kwohumwe uprofita.
“Richadzokera Kumubayiro Waro”
21. Tire rino“kanganikwa” munzirai, uye kwenguva yakareba sei?
21 Isaya anoenderera mberi achiprofita kuti: “Zvino nenguva iyo Tire richakanganikwa makore makumi manomwe, zvakaenzana namakore amambo mumwe chete.” (Isaya 23:15a) Pashure pokuparadzwa kweguta riri kunze kwemvura nevaBhabhironi, guta reTire repachitsuwa richa“kanganikwa.” Sezvinotaura uprofita hwacho, kwenguva ya“mambo mumwe chete”—Umambo hweBhabhironi—guta repachitsuwa reTire harizovi simba rinokosha pane zvemari. Jehovha achishandisa Jeremia, anobatanidza Tire pakati penyika dzichatsaurwa kuti dzinwe waini yehasha Dzake. Anoti: “Marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ane makumi manomwe.” (Jeremia 25:8-17, 22, 27) Chokwadi, guta repachitsuwa reTire haritorwi neBhabhironi kwemakore 70 akazara, sezvo Umambo hweBhabhironi huchiwa muna 539 B.C.E. Sezvinooneka, makore 70 anomirira nguva huru kwazvo yokutonga kweBhabhironi apo imba youmambo yeBhabhironi yakazvikudza ichiti yakanga yakwidziridza chigaro chayo kupfuura kunyange “nyeredzi dzaMwari.” (Isaya 14:13) Marudzi akasiyana-siyana anodzorwa naro panguva dzakasiyana-siyana. Asi pakupera kwemakore 70, kudzora ikoko kuchaparara. Chii chichaitika ipapo kuTire?
22, 23. Chii chichaitika kuTire parichabva pakudzorwa neBhabhironi?
22 Isaya anoenderera mberi achiti: “Kana makore makumi manomwe apera, Tire richaitirwa sezvinoimbwa parwiyo rwechifeve, runoti: Iwe chifeve, wakanganikwa, tora mbira upote neguta; ridza zvakanaka, imba nziyo dzakanaka, kuti urangarirwe. Zvino kana makore makumi manomwe apera, Jehovha uchashanyira Tire, ipapo richadzokera kumubayiro waro, ndokufeva noushe hwose hwenyika huri pasi pose.”—Isaya 23:15b-17.
23 Zvichitevera kuwa kweBhabhironi muna 539 B.C.E., Fenikiya inova nyika inodzorwa noUmambo hweMedhia nePersia. Mambo wePersia, Koreshi Mukuru, mutongi anoshivirira. Mukutonga kutsva uku, Tire richasimudzirazve basa raro rekare ndokuedza zvakaoma kuti rionekwezve somuzinda wokutengeserana wenyika—kungofanana nechifeve chakanganikwa charasikirwa nezvikomba chinoedza kukwezva zvikomba zvitsva nokutenderera muguta, chichiridza mbira nokuimba nziyo dzacho. Tire richabudirira here? Hungu, Jehovha achariita kuti ribudirire. Nokufamba kwenguva, guta repachitsuwa richabudirira kwazvo zvokuti pedyo nokumugumo wezana remakore rechitanhatu B.C.E., muprofita Zekaria achati: “Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.”—Zekaria 9:3.
‘Mubayiro Waro Unofanira Kuva Chinhu Chitsvene’
24, 25. (a) Mubayiro weTire unova chimwe chinhu chitsvene kuna Jehovha sei? (b) Pasinei nokubatsira kweTire vanhu vaMwari, ndohupi humwe uprofita uhwo Jehovha anofuridzira nezvaro?
24 Anoshamisa sei mashoko anotevera ouprofita! “Zvarakashambadzira, nomubayiro waro, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa; nokuti zvarakashambadzira zvichava zvavanogara pamberi paJehovha, kuti vagute kwazvo, vafuke nguo dzakanaka.” (Isaya 23:18) Mubayiro weTire unova chimwe chinhu chitsvene sei? Jehovha anotungamirira zvinhu zvokuti unoshandiswa maererano nokuda kwake—nokuda kwokudya kwevanhu vake vachiguta pamwe nezvokufuka zvavo. Izvi zvinoitika zvichitevera kudzoka kwevaIsraeri kubva kuBhabhironi kwavakanga vatapwa. Vanhu veTire vanovabetsera nokutumira miti yemisidhari yokuvakisazve temberi. Vanotangazve kutengeserana neguta reJerusarema.—Ezra 3:7; Nehemia 13:16.
25 Pasinei neizvi, Jehovha anofuridzira chimwe chirevo paTire. Zekaria anoprofita nezveguta repachitsuwa zvino rave neupfumi achiti: “Tarirai, Jehovha uchakunda, uchawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto.” (Zekaria 9:4) Izvi zvinozadzika muna July 332 B.C.E. apo Alexander Mukuru anoparadza guta iroro rinozvikudza regungwa.
Dzivisa Kunyanyoda Zvenyika Norudado
26. Nei Mwari akashora Tire?
26 Jehovha akashora Tire nokuda kworudado rwaro, tsika yaanovenga. “Meso ounozvikudza” anotaurwa pokutanga pakati pezvinhu zvinomwe zvinovengwa naJehovha. (Zvirevo 6:16-19) Pauro akabatanidza rudado naSatani Dhiabhorosi, uye rondedzero yaEzekieri yeTire rinozvikudza ine zvimwe zvinorondedzera Satani pachake. (Ezekieri 28:13-15; 1 Timoti 3:6) Nei Tire raidada? Ezekieri achitaura neTire, anoti: “Wakawedzera pfuma yako nouchenjeri hwako hukuru uye nokushambadzira kwako, mwoyo wako ukazvikudza nokuda kwepfuma yako.” (Ezekieri 28:5) Guta racho rakanga rakazvipira kune zvokutengeserana nokuunganidza mari. Kubudirira kweTire mune izvi kwakaita kuti rive rinotozvikudza zvokupfuuridza. Achishandisa Ezekieri, Jehovha akati ku“muchinda weTire”: “Mwoyo wako zvawakazvikudza, iwe ukati: Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari.”—Ezekieri 28:2.
27, 28. Vanhu vanogona kuwira mumusungo wechii, uye Jesu akaenzanisira sei izvi?
27 Marudzi anogona kukurirwa norudado nokuona pfuma zvisina kururama—uye ndizvo zvinogona kuitawo vanhu. Jesu akapa muenzaniso wairatidza kuti musungo uyu unogona kuva unonyengera sei. Akataura nezvemumwe murume mupfumi ane minda yakabereka zvakanaka kwazvo. Afara, murume wacho akaronga kuvaka matura makuru ezvaaizokohwa ndokutarisira upenyu hurefu hwokugarika nomufaro. Asi izvi hazvina kuitika. Mwari akati kwaari: “Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda mweya wako. Saka, ndiani achava nezvinhu zvawakachengeta?” Hungu, murume wacho akafa, uye upfumi hwake hapana chahwakamubetsera.—Ruka 12:16-20.
28 Jesu akapedzisa muenzaniso wacho achiti: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:21) Kuva mupfumi pachakwo kwakanga kusina kuipa, uye kuita gohwo rakanaka kwakanga kusiri chivi. Chikanganiso chomurume wacho chaiva pakuita izvi zvinhu zvikuru muupenyu hwake. Chivimbo chake chose chaiva mupfuma yake. Achitarisa kunguva iri mberi, haana kurangarira Jehovha Mwari.
29, 30. Jakobho akanyevera sei nezvokuzvivimba?
29 Jakobho akanyatsosimbisa pfungwa yakafanana. Akati: “Chinzwai, zvino, imi munoti: ‘Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri uye tichapedza gore tiri ikoko, uye tichaita bhizimisi towana mubayiro,’ asi hamuzivi zvichava zvakaita upenyu hwenyu mangwana. Nokuti muri mhute inooneka nguva duku yobva yanyangarika. Panzvimbo paizvozvo, munofanira kuti: ‘Kana Jehovha achida, tichararama toitawo ichi kana icho.’” (Jakobho 4:13-15) Jakobho akabva aratidza ukama huri pakati pepfuma norudado paakaenderera mberi achiti: “Asi zvino munodada pakuzvikudza kwenyu kwokuzvitutumadza. Kudada kwose kwakadaro kwakaipa.”—Jakobho 4:16.
30 Zvakare, kuita bhizimisi hachisi chivi. Chivi rudado rwacho, kuzvikudza, uye kuzvivimba zvinogona kukonzerwa nokupfuma. Nouchenjeri, chirevo chekare chakati: “Regai kundipa urombo kana pfuma.” Urombo hunogona kuita kuti upenyu huvave. Asi pfuma inogona kuitisa kuti munhu “arambe [Mwari a]chiti: Jehovha ndianiko?”—Zvirevo 30:8, 9.
31. Mibvunzo ipi iyo muKristu anoita zvakanaka kuzvibvunza?
31 Tinogara munyika umo vazhinji vakakundwa nokukara noudyire. Nemhaka yemamiriro ezvinhu ezvokutengeserana aripo zvino, pfuma iri kunyanya kusimbiswa. Saka, muKristu anoita zvakanaka kuzviongorora kuti ave nechokwadi chokuti haasi kuwira mumusungo iwoyo wakabata guta rezvokutengeserana reTire. Anopedzera simba rake rakawanda nenguva achitevedza zvinhu zvenyama zvokuti atova hake muranda wepfuma here? (Mateu 6:24) Anochiva vamwe vangave nezvakawanda kana kuti vane zvinhu zviri nani kupfuura zvaanazvo here? (VaGaratiya 5:26) Kana akava mupfumi, anonzwa here norudado kuti ane kodzero yokunyanyofungwa kana kuti ropafadzo kupfuura vamwe? (Enzanisa naJakobho 2:1-9.) Kana asina kupfuma, a“katsunga kupfuma,” pasinei nokuti zvinodei here? (1 Timoti 6:9) Akabatikana kwazvo nenhau dzebhizimisi here zvokuti anongosiya kakona kaduku-duku muupenyu hwake kokushumira Mwari? (2 Timoti 2:4) Anobatikana kwazvo here nokutevedza pfuma zvokuti anoita seasinganzwi nheyo dzechiKristu mumibato yake yebhizimisi?—1 Timoti 6:10.
32. Johani akapa nyevero yokuti chii, uye tingaishandisa sei?
32 Pasinei neangave mamiriro edu oupfumi, Umambo hunofanira kuva nenzvimbo yokutanga nguva dzose muupenyu hwedu. Zvinokosha kuti tisambokanganwa mashoko omuapostora Johani okuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari.” (1 Johani 2:15) Chokwadi, tinofanira kushandisa gadziriro dzoupfumi dzenyika kuti tirarame. (2 VaTesaronika 3:10) Saka tino‘shandisa nyika’—asi hatiishandisi “zvizere.” (1 VaKorinde 7:31) Kana tichinyanyoda zvinhu zvenyama—zvinhu zviri munyika—hatichadi Jehovha. Kudzingana no“kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu” hazvienderani nokuita kuda kwaMwari.d Uye kuita kuda kwaMwari ndiko kunotungamirira kuupenyu husingaperi.—1 Johani 2:16, 17.
33. VaKristu vangadzivisa sei musungo wakabata Tire?
33 Musungo wokutungamidza kutsvaka zvinhu zvenyama mberi kwezvimwe zvinhu zvose wakabata Tire. Rakabudirira mupfungwa yezvinhu zvenyama, rakava norudado kwazvo, uye rakarangwa nokuda kworudado rwaro. Muenzaniso waro unomira senyevero kumarudzi nevanhu nhasi. Zviri nani sei kutevera zano romuapostora Pauro! Anokurudzira vaKristu kuti “varege kuzvikudza, uye kuti vaise tariro yavo, kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.”—1 Timoti 6:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe nyanzvi dzinoti Tarshishi ndiyo Sardinia, chimwe chitsuwa chiri kumavirira kweMediterranean. Sardinia yakangawo iri kure neTire.
b Ona Chitsauko 15, chebhuku rino mapeji 200-207.
c Neimwe nzira, “mukunda weTarshishi” angangoreva vagari veTarshishi. Rimwe bhuku rinoti: “Vanhu vokuTarshishi zvino vasununguka kufamba nokutenga nokutengesa vakasununguka serwizi rwaNairi parwunoerera ruchienda kwose kwose.” Kunyange zvakadaro, chiri kusimbiswa magumo akaoma kwazvo okuwa kweTire.
d “Kuratidzwa kwokushamisira” kushandurwa kweshoko rechiGiriki rokuti a·la·zo·niʹa, iro rinorondedzerwa so“kufungidzira kusina rukudzo uye kusina chinotsigira kwokuvimba nokugadzikana kwezvinhu zvepano pasi.”—The New Thayer’s Greek-English Lexicon.
[Mepu iri papeji 256]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
EUROPE
SPAIN (Pangadaro paripo paiva neTARSHISHI)
GUNGWA REMEDITERRANEAN
SARDINIA
KUPRO
ASIA
SIDHONI
TIRE
AFRICA
IJIPITI
[Mufananidzo uri papeji 250]
Tire raizozviisa pasi peBhabhironi, kwete Asiria
[Mufananidzo uri papeji 256]
Mari inoratidza Melkart, mwari mukuru weTire
[Mufananidzo uri papeji 256]
Chikepe chinoenzanisira cheFenikiya