RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha ndiMambo
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 6. Nei Jehovha achibvisa chikomborero chake panyika?

      6 Kuitira kuti pasava nokusanzwisisana, Isaya anorondedzera kukwana kwedambudziko riri kuuya iri uye anotsanangura chikonzero charo achiti: “Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba. Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi. Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.” (Isaya 24:4-6) VaIsraeri pavakapiwa nyika yeKanani, vakaiwana iri “nyika inoyerera mukaka nouchi.” (Dheuteronomio 27:3) Kunyange zvakadaro, vakaramba vachirarama nechikomborero chaJehovha. Kudai vaichengeta nokutendeka mitemo yake nemirayiro, nyika yai“bereka zvibereko zvayo,” asi kudai vaidarika mitemo yake nemirayiro simba ravo rokurima raizo“perera pasina,” uye nyika yacho yaisa“berek[a] zvibereko zvayo.” (Revhitiko 26:3-5, 14, 15, 20) Kutuka kwaJehovha kwaizo‘dya nyika yacho.’ (Dheuteronomio 28:15-20, 38-42, 62, 63) Nyika yeJudha zvino inofanira kutarisira kuona kutuka ikoko.

  • Jehovha ndiMambo
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 8. (a) Vanhu vaka“darika mirayiro” sei noku“kanganisa mitemo”? (b) Mupfungwai umo “vakakudzwa” vari ivo vanotanga ‘kupera simba’?

      8 Asi vanhu vaka“putsa sungano isingaperi.” Vakadarika mirayiro yavakapiwa naMwari, vachiita sevasingaioni. “Vakakanganisa mitemo,” vachitevera tsika dzomutemo dzakasiyana nedzavakapiwa naJehovha. (Eksodho 22:25; Ezekieri 22:12) Saka, vanhu vacho vachabviswa panyika. Hapana tsitsi dzicharatidzwa mukutonga kuri kuuya. Pakati pevachatanga ku‘pera simba’ nemhaka yokubvisa kwaJehovha kudzivirira kwake nenyasha pachava ne“vanhu vakakudzwa,” voumambo. Mukuzadzika kweizvi, kuparadzwa kweJerusarema zvakunoswedera pedyo, kutanga vaIjipiti kwozouya vaBhabhironi vanoita madzimambo enyika yeJudha vatongi vari pasi pavo. Gare gare, Mambo Jehoakini nedzimwe nhengo dzemhuri youmambo vanova vamwe vevanotanga kutapwa vachiendwa navo kuBhabhironi.—2 Makoronike 36:4, 9, 10.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe