-
Jehovha ndiMamboUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
15, 16. (a) Isaya anonzwa sei pamusoro pezvichaitika kuvanhu vake? (b) Chii chichawira vagari venyika vasina kutendeka?
15 Zvisinei, kufara panguva ino kumedza kutsenga kuchada. Isaya anodzosa pfungwa dzevaari kurarama navo shure kunguva iyoyo achiti: “Asi ini ndakati: Ndinowonda, ndinowonda, ndine nhamo! vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru. Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika. Zvino, unotiza bope rokutyisa, uchawira mugomba; unokwira achibva mukati megomba, uchabatwa nomusungo; nokuti mawindi okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera. Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose. Nyika ichadzedzereka somunhu wakabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.”—Isaya 24:16b-20.
-
-
Jehovha ndiMamboUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
17. (a) Nei pasingazobviri kutiza? (b) Apo simba rokutonga raJehovha rinobva kumatenga, chii chichaitika kunyika?
17 Asi, muprofita anofanira kuzivisa kuti hapana matiziro. Chero kupi zvakwo uko vanhu vanoedza kutizira, vachabatwa. Vamwe vangatiza imwe ngwavaira, asi vachabatwa neimwe—kuchave kusina kuchengeteka. Zvichave zvakangoita semhuka iri kuvhimwa inonzvenga kuwira mugomba yongozobatwa nomusungo. (Enzanisa naAmosi 5:18, 19.) Simba raJehovha rokutonga richabva kudenga uye richazunungusa nheyo dzenyika yacho chaidzo. Kuita somunhu akadhakwa, nyika yacho inodzedzereka yowa, yakaremerwa nokuva nemhaka uye haikwanisi kumuka zvakare. (Amosi 5:2) Kutonga kwaJehovha ndiko kwokupedzisira. Kuparadzwa kwakakwana kuchawira nyika yacho.
-