Chitsauko 22
Isaya Anofanotaura ‘Chiito Chinoshamisa’ chaJehovha
1, 2. Nei Israeri nenyika yeJudha dzichinzwa dzakachengeteka?
KWECHINGUVA, Israeri nenyika yeJudha dzinonzwa dzakachengeteka. Vatungamiriri vadzo vaita mibatanidzwa yezvematongerwe enyika nenyika huru, dzine simba, vachiedza kutsvaka kuchengeteka munyika ine ngozi. Samaria, guta guru reIsraeri, raenda kuSiria yarakavakidzana nayo, Jerusaremawo guta guru renyika yeJudha, raisa chivimbo charo chose muAsiria isina tsitsi.
2 Kunze kwokuisa chivimbo chavo muvakutsiri vezvematongerwe enyika vatsva, vamwe vari muumambo hwokumusoro vangangotarisira Jehovha kuvadzivirira—pasinei nokupfuurira kwavo kushandisa mhuru dzendarama mukunamata. Nyika yeJudha ine chokwadiwo chokuti inogona kuvimba naJehovha kuti aidzivirire. Pamusoro pazvo, temberi yaJehovha haisi muJerusarema here, guta ravo guru? Asi kune zviitiko zvisingatarisirwi zviri mberi nokuda kwenyika dzacho dziri mbiri. Jehovha anofuridzira Isaya kuti afanotaura zvichaitika zvicharatidza sezvinoshamisa zvechokwadi kuvanhu vake vakatsauka. Uye mashoko ake ane zvidzidzo zvinokosha nokuda kwomunhu wose nhasi.
“Vakabatwa vokwaEfraimi”
3, 4. Umambo hwokumusoro hweIsraeri hunodada nei?
3 Isaya anotanga uprofita hwake nemashoko anoshamisa achiti: “Korona, inozvikudza, yavakabatwa vokwaEfraimi, ine nhamo, uye ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaorera wavakakundwa newaini. Tarirai, Ishe une mumwe une simba unokurira; uchawisira pasi noruoko rwake sedutu guru rine chimvuramabwe, . . . inokukura kwose. Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfraimi ichatsikwa pasi netsoka.”—Isaya 28:1-3.
4 Efraimi, ndudzi huru pagumi dzokumusoro, yasvika pakumirira umambo hwose hwaIsraeri. Guta rayo guru, Samaria, riri panzvimbo yakanaka kwazvo inoyevedza pa“musoro womupata wakaorera.” Vatungamiriri vokwaEfraimi vanozvikudza nokuda kwe“korona” yavo “inozvikudza” yokusununguka paushe hwaDhavhidhi muJerusarema. Asi “vakabatwa,” vakadhakwa mumudzimu nemhaka yokubatana kwavo neSiria kuti varwe nenyika yeJudha. Zvinhu zvose zvavanokoshesa zvava kuda kutsikwa pasi petsoka nevavengi.—Enzanisa naIsaya 29:9.
5. Ndeipi iri nzvimbo ine ngozi yeIsraeri, asi itariroi iyo Isaya anopa?
5 Efraimi haioni kuti iri panzvimbo ine ngozi. Isaya anoenderera mberi achiti: “Ruva, rinowoma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaorera, richava seonde rinotanga kuibva zhezha richigere kusvika; rinoti richatarirwa nowariona, ndokuridya richiri muruoko rwake.” (Isaya 28:4) Efraimi ichakundwa neAsiria, musuva unonaka unoda kungomedzwa nokuruma kamwe. Saka, hapana tariro here? Sezvinowanzoitika nguva zhinji, uprofita hwaIsaya hwokutonga hunodzikamiswa netariro. Kunyange zvazvo rudzi rwacho rukawa, vanhu vakatendeka vachapona, vachibetserwa naJehovha. “Nezuva iro Jehovha wehondo uchava korona inobwinya noukomba hwakaisvonaka kuna vakasara vavanhu vake; nomweya wokururamisa kune ugere pakutonga, nesimba kune vanodzosera vanorwa pasuo.”—Isaya 28:5, 6.
“Vanodzungunyika”
6. Israeri inoona nhamo yayo rini, uye nei nyika yeJudha isingafaniri kuti toko?
6 Zuva rokuzvidavirira kweSamaria rinouya muna 740 B.C.E. apo vaAsiria vanoparadza nyika yacho uye umambo hwokumusoro hunoguma kuvapo senyika yakazvimirira. Zvakadini nenyika yeJudha? Nyika yayo ichapindirwa nechisimba neAsiria, uye gare gare Bhabhironi richaparadza guta rayo guru. Asi munguva yaIsaya, temberi yenyika yeJudha noupristi zvicharamba zvichishanda uye vaprofita vayo vacharamba vachiprofita. Nyika yeJudha inofanira kuti toko nenhamo iri kuuya kumuvakidzani wayo wokumusoro here? Zvechokwadi kwete! Jehovha achapedzeranawo nenyika yeJudha nevatungamiriri vayo nokuda kwokusateerera kwavo nokushayiwa kutenda.
7. Vatungamiriri venyika yeJudha vakabatwa munzirai, uye nemigumisiroi?
7 Achinangisa shoko rake kunyika yeJudha, Isaya anoenderera mberi achiti: “Asi naivo vanodzungunyika newaini, vanodzedzereka nezvinobata; muprist[i] nomuprofita vanodzungunyika nezvinobata, vakamedzwa newaini, vanodzedzereka nezvinobata; vanokanganiswa pakuona, vanogumburwa pakutonga. Nokuti matafura avo azere namarutsi anosemesa, hapana pakanaka.” (Isaya 28:7, 8) Zvinosemesa sei! Kudhakwa chaiko muimba yaMwari kwakatoipa. Asi vapristi nevaprofita ava vakadhakwa mumudzimu—ndangariro dzavo dzakaputirwa nokunyanya kuvimba nevanhu vanovatsigira. Vakazvinyengera nokufunga kuti nzira yavo ndiyo bedzi inoshanda, pamwe vachifunga kuti zvino vave negadziriro yeparutivi kuitira kana kudzivirirwa naJehovha kukave kusina kukwana. Vakadhakwa mumudzimu kudaro, vatungamiriri vechitendero ava vanoomoka zvinonyadzisa, mashoko asina kuchena anoratidza kushayiwa kwavo kutenda kwechokwadi muzvipikirwa zvaMwari kwakakomba.
8. Ndeipi iri mhinduro kumashoko aIsaya?
8 Vatungamiriri venyika yeJudha vanoita sei nenyevero yaJehovha? Vanonyomba Isaya, vachimupomera mhosva yokutaura navo sotucheche: “Ndianiko waachadzidzisa zivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here? Nokuti zvinongoti chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa zvishoma napapo zvishoma.” (Isaya 28:9, 10) Vanonzwa Isaya seanongodzokorora hake uye anoshamisa! Anoramba achingodzokorora achiti: ‘Izvi ndizvo zvarayira Jehovha! Izvi ndizvo zvarayira Jehovha! Izvi ndizvo zvinodiwa naJehovha! Izvi ndizvo zvinodiwa naJehovha!’a Asi Jehovha nokukurumidza acha“taura” nevagari venyika yeJudha nechiito. Achavatumira mauto eBhabhironi—vanhu vokumwe vanototaura mutauro wakasiyana. Mauto iwawo zvechokwadi achaita “murayiro pamusoro pomurayiro” waJehovha, uye nyika yeJudha ichakundwa.—Rava Isaya 28:11-13.
Zvidhakwa Zvomudzimu Nhasi
9, 10. Mashoko aIsaya akava nezvaanoreva rini uye sei nokuda kwezvizvarwa zvaizouya?
9 Uprofita hwaIsaya hwakangozadzika kuIsraeri yekare nenyika yeJudha here? Kwete! Jesu naPauro vakatora mashoko ake ndokuashandisira kurudzi rwomuzuva ravo. (Isaya 29:10, 13; Mateu 15:8, 9; VaRoma 11:8) Nanhasiwo, mamiriro ezvinhu akamuka akafanana neomuzuva raIsaya.
10 Panguva ino, vatungamiriri vechitendero vechiKristudhomu vanovimba nezvematongerwe enyika. Vanodzedzereka vasingagoni kumira, sezvidhakwa zveIsraeri nenyika yeJudha, vachipindira muzvinhu zvematongerwe enyika, vachifara nokubvunzwa mazano nevanonzi vakuru vakuru venyika ino. Pane kutaura chokwadi chakachena cheBhaibheri, vanotaura zvisina kuchena. Vari kuona madzerere nenzira yomudzimu, uye havasi vanhu vangatungamirira vanhu zvakachengeteka.—Mateu 15:14.
11. Vatungamiriri vechiKristudhomu vanoita sei nemashoko akanaka oUmambo hwaMwari?
11 Vatungamiriri vechiKristudhomu vanoita sei Zvapupu zvaJehovha pazvinovaratidza tariro bedzi yechokwadi, Umambo hwaMwari? Havanzwisisi. Kwavari, Zvapupu zvinoita sezviri kungodzokorora kutaura zvisina basa, sevana. Vatungamiriri vechitendero vanotarisira nhume idzi pasi nokudzinyomba. Kufanana nevaJudha vomuzuva raJesu, havadi Umambo hwaMwari uye havadi kuti mapoka avo anzwe nezvahwo. (Mateu 23:13) Saka, vanonyeverwa kuti Jehovha haazorambi achitaura achishandisa nhume dzake dzisingakuvadzi. Nguva ichasvika apo avo vasingazviisi pasi poUmambo hwaMwari vacha“vhuni[wa] vabatwe nomusungo,” hungu, kuparadzwa kwakakwana.
“Sungano Norufu”
12. Chii chinonzi “sungano norufu” nenyika yeJudha?
12 Isaya anoenderera mberi nechirevo chake achiti: “Imi zvamakati: Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, takandovanda pasi [“pokunyengera,” NW].” (Isaya 28:14, 15) Vatungamiriri venyika yeJudha vanodada nokuti vavakabatana navo vezvematongerwe enyika vanovadzivirira kuti vasakundwa. Vanofunga kuti vakaita “sungano norufu” kuti ruvasiye. Asi hutiziro hwavo hwezita hauzovadziviriri. Mibatanidzwa yavo ndeyenhema, kunyengera. Nanhasiwo, ushamwari hwepedyo hwechiKristudhomu nevatungamiriri venyika hahuzochidziviriri apo nguva yaJehovha yokuti chizvidavirire inosvika. Zvechokwadi, kuchava kuparara kwacho.—Zvakazarurwa 17:16, 17.
13. “Ibwe rakaidzwa” ndiani, uye chiKristudhomu chakamuramba sei?
13 Vatungamiriri vechitendero ava zvino vanofanira kuve vachitarira kupi? Isaya zvino anonyora chipikirwa chaJehovha achiti: “Tarirai, ndinoisa paZioni ibwe rive nheyo, riri ibwe rakaidzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; unotenda haakurumidzi. Kururamisira ndichakuita rwodzi, nokururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yokuvanda.” (Isaya 28:16, 17) Nguva refu isati yapfuura Isaya ataura mashoko aya, Mambo Hezekia akatendeka anogadzwa muZioni, uye umambo hwake hunoponeswa, kwete nevakutsiri vakavakidzana naye, asi nokupindira kwaJehovha. Zvisinei, mashoko akafuridzirwa aya haazadziki pana Hezekia. Muapostora Petro, achitora mashoko aIsaya, akaratidza kuti Jesu Kristu, muzukuru chibvi waHezekia, ndiye “ibwe rakaidzwa” uye kuti hapana anotenda maAri anofanira hake kutya. (1 Petro 2:6) Zvinosuruvarisa sei kuti vatungamiriri vechiKristudhomu, nepo vachizviti vaKristu, vakaita izvo Jesu akaramba kuita! Vakatsvaka ukuru nesimba munyika ino pane kumirira Jehovha kuunza Umambo hwake hunodzorwa naJesu Kristu saMambo.—Mateu 4:8-10.
14. “Sungano norufu” yenyika yeJudha ichaparadzwa rini?
14 Apo “shamhu inokukura” yemauto eBhabhironi inopfuura nomunyika yacho, Jehovha achafumura utiziro hwenyika yeJudha hwezvamatongerwe enyika kuti ndehwenhema. “Sungano yenyu yamakaita norufu ichadzimwa,” anodaro Jehovha. “Kana shamhu, inokukura, ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo. Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, . . . kuchangotyisa bedzi kunzwisisa mharidzo yakadaro.” (Isaya 28:18, 19) Hungu, pane chidzidzo chakasimba chinofanira kudzidzwa pane zvinoitika kune avo vanoti vanoshumira Jehovha asi vachivimba nemibatanidzwa nenyika.
15. Isaya anoenzanisira sei kusakwana kwokudzivirirwa kwenyika yeJudha?
15 Funga nezvenzvimbo iyo vatungamiriri venyika yeJudha ava vanoerekana vava mairi zvino. “Nokuti mubhedha uchava mupfupi, munhu haangagoni kutandavara pamusoro pawo, nejira richava duku, munhu haangagoni kuzvifukidza naro.” (Isaya 28:20) Zvinoita sokuti vaida kurara kuti vazorore, asi hazviiti. Tsoka dzavo dzinofanira kusara panze dzichitonhorwa kana kuti vanogonya asi jira racho harina kufara zvokufuka kuti udziirwe. Aya ndiwo akanga ari mamiriro ezvinhu asingafadzi muzuva raIsaya. Uye ndiwo mamiriro ezvinhu nhasi nokuda kwevose vanovimba noutiziro hwechiKristudhomu hwenhema. Zvinosemesa sei kuti somugumisiro wokuzvibatanidza kwavo mune zvematongerwe enyika, vamwe vatungamiriri vechitendero vechiKristudhomu vakatoona vazvibatanidza noutsinye hwakaipa kwazvo hwakadai sokuparadza dzinza kana kuti kuuraya rudzi!
‘Chiito Chinoshamisa’ chaJehovha
16. ‘Chiito chinoshamisa’ chaJehovha chii, uye nei iri riri basa rinoshamisa?
16 Zvichaitika pakupedzisira zvichave zvakapesana zvachose neizvo vatungamiriri vechitendero vechiJudha vari kutarisira. Jehovha achaita chimwe chinhu chinoshamisa kuzvidhakwa zvomudzimu zvenyika yeJudha. “Nokuti Jehovha uchasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, uchatsamwa sezvaakaita pamupata weGibheoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.” (Isaya 28:21) Mumazuva aMambo Dhavhidhi, Jehovha akakundisa vanhu vake zvinoshamisa vachirwa nevaFiristia paGomo rePerazimi uye pamupata weGibheoni. (1 Makoronike 14:10-16) Mumazuva aJoshua, akatoita kuti zuva rimire pamusoro peGibheoni kuitira kuti vaIsraeri vapedze kukunda vaAmori. (Joshua 10:8-14) Izvozvo zvaishamisa zvikuru! Zvino Jehovha acharwa zvekare asi panguva ino neavo vanozviti vanhu vake. Pangava nechimwe chinhu chinotoshamisa kupfuura ichi here? Kwete kana tichirangarira kuti Jerusarema ndiwo musimboti wokunamatwa kwaJehovha uye guta ramambo akazodzwa waJehovha. Kusvika panguva ino, imba youmambo yaDhavhidhi iri muJerusarema haisati yambokundwa. Kunyange zvakadaro, Jehovha zvechokwadi achaita ‘chiito chake chinoshamisa.’—Enzanisa naHabhakuki 1:5-7.
17. Kuseka kuchachinja sei kuzadzika kwouprofita hwaIsaya?
17 Naizvozvo, Isaya anoyambira kuti: “Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kunaShe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.” (Isaya 28:22) Kunyange zvazvo vatungamiriri vacho vachiseka, shoko raIsaya nderechokwadi. Akarinzwa kuna Jehovha, uyo vatungamiriri ivavo vane ukama hwesungano naye. Nanhasiwo, vatungamiriri vechitendero vechiKristudhomu vanoseka pavanonzwa nezve‘chiito chinoshamisa’ chaJehovha. Vanotopupa nehasha. Asi shoko iro Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa nderechokwadi. Rinowanikwa muBhaibheri, bhuku iro vatungamiriri ivavo vanoti vanomirira.
18. Isaya anoenzanisira sei kuva nemwero kwaJehovha pakuranga?
18 Kana vari vanhu vakatendeka vasingateveri vatungamiriri ivavo, Jehovha achavaruramisa nokuvadzorera kunyasha dzake. (Rava Isaya 28:23-29.) Kungofanana nomurimi anoshandisa nzira dzakareruka kupura zviyo zvisina kusimba, zvakadai sekumini, saizvozvo Jehovha anodzora chirango chake maererano nomunhu wacho nemamiriro ezvinhu acho. Haamboiti utsinye kana udzvinyiriri asi anoita achirangarira kukwanisa kunaya kungaita mutadzi. Hungu, kana vanhu vakanzwa kuteterera kwaJehovha, pane tariro. Nanhasiwo, kunyange zvazvo nhamo yechiKristudhomu yakatotemwa, munhu upi noupi anozviisa pasi poUmambo hwaJehovha anogona kudzivisa kutonga kwakaoma kuri kuuya.
Nhamo kuJerusarema!
19. Jerusarema richava “choto cheatari” munzirai, uye izvi zvinoitika rini uye sei?
19 Zvisinei, chii zvino icho Jehovha ari kutaura nezvacho? “Arieri, Arieri, une nhamo, iwe guta maidzika Dhavhidhi matende ake! Wedzerai gore pagore, nguva dzemitambo ngadzisvike; ipapo ndichamanikidza Arieri, kuchema nokuwungudza zvichavapo; richava kwandiri se[“choto cheartari yaMwari,” NW].” (Isaya 29:1, 2) “Arieri” pamwe zvinoreva kuti “Choto cheAtari yaMwari,” uye pano sezviri pachena zviri kureva Jerusarema. Ndiko uko temberi neatari yayo yezvibayiro zviri. VaJudha vanotevera tsika yokuita mitambo nokupira zvibayiro ipapo, asi Jehovha haafariri kunamata kwavo. (Hosea 6:6) Asi anorayira kuti guta racho pacharo richava “choto cheartari” mupfungwa yakasiyana. Kufanana neatari, richazara ropa nokuiswa mumoto. Jehovha anotorondedzera kuti zvichaitika sei: “Ndichakukomba panhivi dzose, ndichakukomba navarwi vanorindira, ndichavaka masvingo okurwa newe. Uchawiswa pasi, uchataura uri pasi muvhu; kutaura kwako kuchabva pasi muguruva.” (Isaya 29:3, 4) Izvi zvinozadzika nokuda kwenyika yeJudha neJerusarema muna 607 B.C.E. uto reBhabhironi parinokomba nokuparadza guta racho nokupisa temberi. Jerusarema rinoderedzwa kusvika raenzana nepasi parakavakwa.
20. Chii chichaitika pakupedzisira kuvavengi vaMwari?
20 Nguva yenhamo iyoyo isati yasvika, nyika yeJudha panguva nenguva inova namambo anoteerera Mutemo waJehovha. Saka chii? Jehovha anorwira vanhu vake. Kunyange zvazvo muvengi angavhara pasi pose, vanova se“guruva rakatsetseka” ne“hundi.” Munguva yake yakafanira, Jehovha anovadzinga “nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nomubvumo mukuru, nechamupupuri, nedutu guru, nomurazvo womoto unopedza zvose.”—Isaya 29:5, 6.
21. Tsanangura muenzaniso uri pana Isaya 29:7, 8.
21 Mauto ane ukasha angatarisira kuparadza Jerusarema nokuzvipfumisa nezvakapambwa muhondo. Asi achavhurumuswa! Kufanana nomunhu ari kuziya nenzara anorota achidya machikichori asi omuka atova nenzara yakawedzera, vavengi venyika yeJudha havasi kuzonakirwa nomutambo wavari kutarisira kwazvo. (Rava Isaya 29:7, 8.) Funga nezvezvinoitika kuuto reAsiria richitungamirirwa naSeniheribhi parinotyisidzira Jerusarema muzuva raMambo Hezekia akatendeka. (Isaya, chitsauko 36 ne37) Nousiku humwe, pasina ruoko rwomunhu rwakasimudzwa, uto rinotyisa reAsiria rinodzorerwa shure—185 000 vevarwi varo vakasimba vafa! Tariro yokukunda ichakoneswa apo uto raGogi waMagogi richarwa nevanhu vaJehovha munguva yemberi iri pedyo.—Ezekieri 38:10-12; 39:6, 7.
22. Udhakwa hwomudzimu hwenyika yeJudha hunoikanganisa sei?
22 Panguva apo Isaya anotaura chikamu chino chouprofita hwake, vatungamiriri venyika yeJudha havana kutenda sekwaHezekia. Vazvidhakisa nemibatanidzwa yavo nevanhu nemarudzi asingadi Mwari zvokusaziva kana chinhu mumudzimu. “Mirai mushame! Zvipofomadzei, muve mapofu! Vakabatwa, asi havana kubatwa newaini, vanodzedzereka, asi havadzedzereki nezvinobata.” (Isaya 29:9) Vakadhakwa mumudzimu, vatungamiriri ava havakwanisi kunzwisisa zvinorehwa nezvakaratidzwa muprofita waJehovha wechokwadi. Isaya anoti: “Nokuti Jehovha wakadurura pamusoro penyu mweya wokubatwa nehope kwazvo, akafumbira meso enyu, vaprofita; nemisoro yenyu, vaoni, wakavafukidza. Kuona kwose kwava kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu unogona kurava, zvichinzi: Dorava hako izvozvi; iye ndokuti: Handigoni, nokuti rwakanamirwa; zvino rugwaro runopiwa usina kudzidza, zvichinzi: Dorava hako izvozvi; iye ndokuti: Handina kudzidza.”—Isaya 29:10-12.
23. Nei Jehovha achaita kuti nyika yeJudha izvidavirire, uye achaita kudaro sei?
23 Vatungamiriri vechitendero venyika yeJudha vanoti vakachenjera mumudzimu, asi vakasiya Jehovha. Vanodzidzisa pfungwa dzavo dzakamonyana dzezvakanaka nezvakaipa, vachipembedza mabasa avo okusatenda uye ounzenza uye kutungamirira kwavo vanhu kuti vasave nenyasha dzaMwari. Achishandisa “chishamiso”—‘chiito chake chinoshamisa’—Jehovha achavaita kuti vazvidavirire nokuda kwounyengeri hwavo. Anoti: “Ava vanhu zvavanoswedera kwandiri, vachindikudza nomuromo wavo uye nemiromo yavo, asi mwoyo yavo vakaiisa kure neni, nokunditya kwavo zvawava murayiro wavanhu wavakadzidziswa; naizvozvo tarirai, ndichapfuura ndichiita pakati pavanhu ava basa rinoshamisa, basa rinoshamisa nechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera vavo huchapera, nenjere dzavanhu vavo vakangwara dzichavanzwa.” (Isaya 29:13, 14) Kuzviidza vachenjeri nevanonzwisisa kwenyika yeJudha kuchapera apo Jehovha achafambisa zvinhu kuti gadziriro yayo yose yechitendero yakaramba kutenda itsvairwe neSimba reNyika reBhabhironi. Zvimwezvo zvakaitika muzana remakore rokutanga pashure pokunge vatungamiriri vevaJudha vazviidza vachenjeri vatsausa rudzi rwose. Zvimwezvo zvichaitika muzuva redu chairo kuchiKristudhomu.—Mateu 15:8, 9; VaRoma 11:8.
24. VaJudha vanoratidza sei kusatya kwavo Mwari?
24 Zvisinei, panguva ino, vatungamiriri vanozvikudza venyika yeJudha vanofunga kuti vakachenjera zvokuti kusvibisa kwavo kunamata kwechokwadi kuchangopera kwakadaro. Ndizvo zvavari here? Isaya anovafumura, achibudisa pachena kuti havatyi Mwari zvechokwadi saka havana uchenjeri hwechokwadi: “Vane nhamo vanotsvaka kuvanzira Jehovha mano avo pakadzika, mabasa avo ari murima, vachiti: Ndiani unotiona, ndiani unotiziva? Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muumbi wehari wakaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho: Iye haana kundiita; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho: Iye haana njere?” (Isaya 29:15, 16; enzanisa nePisarema 111:10.) Pasinei nokuti vanofunga kuti vakavanda zvakadini, vanomira “vakafukuka uye [va]ri pachena” mumaziso aMwari.—VaHebheru 4:13.
“Matsi [Dzi]chanzwa”
25. “Matsi” dzichanzwa mupfungwai?
25 Zvisinei, kune ruponeso kuvanhu vanotenda. (Rava Isaya 29:17-24; enzanisa naRuka 7:22.) “Matsi [dzi]chanzwa mashoko orugwaro,” shoko rinobva muShoko raMwari. Hungu, uku hakusi kuporeswa kwokusanzwa kwenyama. Kuporesa kwomudzimu. Isaya zvakare anofanotaura nezvokugadzwa kwoUmambo hwaMesiya nokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi pano pasi nokutonga kwaMesiya. Izvi zvakaitika munguva yedu, uye mamiriyoni evakatendeka ari kuzvibvumira kururamiswa naJehovha uye ari kudzidza kumurumbidza. Kuzadzika kunofadza sei! Pakupedzisira, zuva richasvika apo munhu wose, chinhu chose chinofema, chicharumbidza Jehovha nokutsvenesa zita rake dzvene.—Pisarema 150:6.
26. Zviyeuchidzo zvipi zvomudzimu izvo “matsi” dzinonzwa nhasi?
26 “Matsi” dzakadaro dzinonzwa Shoko raMwari nhasi dzinodzidzei? Kuti vaKristu vose, kunyanya avo ungano inotarisa semienzaniso, vanofanira kudzivisa zvakasimba ‘kutsauka nemhaka yezvinobata.’ (Isaya 28:7) Uyezve, hatifaniri kumboneta nokunzwa zviyeuchidzo zvaJehovha, izvo zvinotibetsera kuti tione zvinhu zvose nenzira yomudzimu. Kunyange zvazvo vaKristu nenzira yakafanira vari pasi pezviremera zvehurumende uye vachizvitarisira nokuda kwemamwe mabasa, ruponeso runobva, kwete kunyika, asi kuna Jehovha Mwari. Uyewo, hatifaniri kumbokanganwa kuti sokutongwa kweJerusarema rakaramba kutenda, kutonga kwaMwari pachizvarwa chino hakutiziki. Tichibetserwa naJehovha tinogona kuramba tichizivisa nyevero yake pasinei nokushorwa, sezvakaita Isaya.—Isaya 28:14, 22; Mateu 24:34; VaRoma 13:1-4.
27. VaKristu vangadzidzei nhasi muuprofita hwaIsaya?
27 Vakuru nevabereki vangadzidza panzira iyo Jehovha anoranga nayo, vachiedza nguva dzose kudzosa vatadzi kunyasha dzaMwari, kwete kungovaranga. (Isaya 28:26-29; enzanisa naJeremia 30:11.) Uye isu tose, kusanganisira vanhu vaduku, tinoyeuchidzwa nezvokuti zvinokosha sei kushumira Jehovha zvichibva pamwoyo, kwete kungoita muKristu zvechipameso kuti tifadze vanhu. (Isaya 29:13) Tinofanira kuratidza kuti kusiyana nevagari venyika yeJudha vakanga vasina kutenda, tine kutya Jehovha kwakanaka uye kumuremekedza zvikuru. (Isaya 29:16) Uyezve, tinofanira kuratidza kuti tinoda kururamiswa nokudzidziswa naJehovha.—Isaya 29:24.
28. Vashumiri vaJehovha vanoona sei mabasa ake okuponesa?
28 Zvinokosha sei kuva nokutenda nechivimbo muna Jehovha nenzira dzake dzokuita nadzo zvinhu! (Enzanisa nePisarema 146:3.) Kuvazhinji, shoko renyevero ratinoparidza richanzwika sejee. Pfungwa yokutarisira kuparadzwa kwesangano, chiKristudhomu, rinoti rinoshumira Mwari chinhu chinoshamisa chisiri chenguva dzose. Asi Jehovha achaita ‘chiito chake chinoshamisa.’ Hapana mubvunzo nezvazvo. Saka, nomumazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu, vashumiri vaMwari vanovimba zvizere noUmambo hwake naMambo wake akagadzwa, Jesu Kristu. Vanoziva kuti mabasa aJehovha okuponesa—anoitwa pamwe chete ‘nebasa rake rinoshamisa’—achaunza zvikomborero zvisingagumi kuvanhu vose vanoteerera.
[Mashoko Omuzasi]
a MuchiHebheru chapakuvamba, Isaya 28:10 idetembo rinodzokorora, rakada kuita senziyo yevana vekireshi. Saka, shoko raIsaya raingoita sokudzokorora uye jee kuvatungamiriri vechitendero.
[Mifananidzo iri papeji 289]
ChiKristudhomu chakavimba nemibatanidzwa nevatongi vevanhu panzvimbo paMwari
[Mufananidzo uri papeji 290]
Jehovha anoita ‘chiito chake chinoshamisa’ paanobvumira Bhabhironi kuparadza Jerusarema
[Mufananidzo uri papeji 298]
Avo vaichimbova matsi mumudzimu vanogona “kunzwa” Shoko raMwari