-
Ramba Wakamirira JehovhaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
5, 6. (a) Nei mubatanidzwa neIjipiti chiri chikanganiso chikuru? (b) Rwendo rupi rwakamboitwa nevanhu vaMwari runosimbisa upenzi hwerwendo urwu rweIjipiti?
5 Sokunge kuti ari kupindura pfungwa ipi neipi yokuti chinangwa chokuenda Ijipiti chinongova kushanyawo zvakwo, Isaya anopa mamwe mashoko akazara. “Chirevo pamusoro pezvikara zvenyika yezasi. Panyika yokutambudzika neyokuchema, kunobva shumba hadzi negonho, nenyoka, nenyoka yomoto inobhururuka, ndipo pavanotakudza pfuma yavo pamusoro pamapfudzi avana vembongoro, nezvinokosha zvavo panyungwa dzamakamera.” (Isaya 30:6a) Sezviri pachena, rwendo rwacho rwakanyatsorongwa. Nhume dzinoronga mapoka emakamera nembongoro, ayo dzinotakurisa zvinhu zvinokosha dzoatinha dzakananga Ijipiti nomugwenga risina chinhu rizere shumba dzinoomba nenyoka dzine uturu. Pakupedzisira, nhume dzacho dzinosvika kwadziri kuenda dzopa zvinhu zvadzo zvinokosha kuvaIjipiti. Vatenga dziviriro—kana kuti vanofunga kudaro. Zvisinei, Jehovha anoti: “Vachizviisa kuvanhu vasingavapfumisi. Nokuti [Ijipiti] inobatsira pasina, zvisina maturo; saka ndakaitumidza zita rokuti Rahabhi unongogara zvake.” (Isaya 30:6b, 7) “Rahabhi,” “chikara,” akasvika pakufananidzira Ijipiti. (Isaya 51:9, 10) Inovimbisa zvose asi hapana zvainoita. Kuita mubatanidzwa kwenyika yeJudha nayo ingozi chaiyo.
6 Isaya zvaanorondedzera rwendo rwenhume dzacho, vateereri vake vangayeuka rwendo rwakafanana rwakaitwa mumazuva aMosesi. Madzibaba avo akafamba nomu“renje . . . rinotyisa” iroro. (Dheuteronomio 8:14-16) Zvisinei, muzuva raMosesi vaIsraeri vakanga vachifamba vachibva Ijipiti uye vachibuda muusungwa. Panguva ino nhume dzacho dzinoenda Ijipiti uye, chaizvoizvo dzichizvipereka. Upenzi hwakadini! Ngatiregei kumbofa takaita chisarudzo chakaipa kudaro totengesa rusununguko rwedu rwomudzimu nouranda!—Enzanisa naVaGaratiya 5:1.
-
-
Ramba Wakamirira JehovhaUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
[Mifananidzo iri papeji 305]
Muzuva raMosesi, vaIsraeri vakapukunyuka muIjipiti. Muzuva raIsaya, nyika yeJudha inoenda kuIjipiti kunotsvaka rubatsiro
-