“Temberi” ne“Muchinda” Nhasi
“Kana vachipinda, muchinda unofanira kupinda ari pakati pavo; kana vachibuda vanofanira kubuda pamwe chete.”—EZEKIERI 46:10.
1, 2. Ndechipi chokwadi chinokosha chinotibetsera kunzwisisa zvakawanda zvinorehwa nechiono chetemberi chaEzekieri?
VAMWE vanarabhi vakare vakanga vasingagutsikani nebhuku raEzekieri zvachose. Maererano neTalmud, vamwe vavo vakatofunga zvokubvisa bhuku racho mundaza yeMagwaro Matsvene. Vakaomerwa zvikuru nokutsanangura chiono chetemberi ndokutaura kuti chakanga chisingagoni kunzwisiswa navanhu. Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzakatemeswa musoro nechiono chaEzekieri chetemberi yaJehovha. Zvakadini nesu?
2 Kubva zvakatangwazve kunamata kwakachena, Jehovha akakomborera vanhu vake nenzwisiso yomudzimu yakawanda, kubatanidza kunzwisisa kuti temberi yaMwari yomudzimu chii—gadziriro yaJehovha yakaita setemberi yokunamata kwakachena.a Chokwadi ichi chinokosha chinotibetsera kunzwisisa zvakawanda zvinorehwa nechiono chetemberi chaEzekieri. Ngatinyatsoongororai zvikamu zvina zvechiono ichi—temberi, vapristi, muchinda, uye nyika. Izvozvi zvinorevei nhasi?
Temberi Newe
3. Tinodzidzei nezvedenga rakakwirira nezvakavezwa zvepamadziro zviri panopindwa napo mutemberi?
3 Fungidzira kuti tiri kutenderera tichiratidzwa iyi temberi yokufananidzira. Tinosvika tokwira nhanho nomwe kuti tisvike pane rimwe ramasuo makuru. Tiri patinopinda napo apa, tinotarira mudenga tichitya. Denga rayo riri pamusoro pedu namamita anopfuura 30! Saka tinoyeuchidzwa kuti zvinodiwa kuti tipinde mugadziriro yaJehovha yokunamata zvakakwirira. Miseve yechiedza chinobva napamahwindo inojekesa zvakavezwa zvepamadziro zvemiti yemichindwe, inoshandiswa muMagwaro kufananidzira kururama. (Pisarema 92:12; Ezekieri 40:14, 16, 22) Nzvimbo tsvene iyi ndeyevaya vakarurama mutsika nomumudzimu. Maererano neizvozvo, tinoda kuramba takarurama kuitira kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naJehovha.—Pisarema 11:7.
4. Ndivanaani vanorambidzwa kupinda mutemberi, uye izvi zvinotidzidzisei?
4 Kumativi ose omukoto, kune makamuri matatu avarindi. Varindi vachatibvumira kuti tipinde mutemberi here? Jehovha anoudza Ezekieri kuti hapana mutorwa “une mwoyo usina kudzingiswa” angapinda. (Ezekieri 40:10; 44:9) Zvinorevei izvozvo? Mwari anogamuchira savanamati avo bedzi vanoda mitemo yake ndokurarama maererano nayo. (Jeremia 4:4; VaRoma 2:29) Anogamuchira vakadaro mutende rake romudzimu, imba yake yokunamatira. (Pisarema 15:1-5) Kubvira pakadzorerwa kunamata kwakachena muna 1919, sangano raJehovha rapasi rakatsigira uye rakaramba richiisa pachena mitemo yake yetsika. Avo vanoramba kuteerera namaune havachagamuchirwizve kuti vasonganirane navanhu vake. Nhasi, muitiro wakavakirwa paBhaibheri wokudzinga vanoita zvakaipa vasingapfidzi wakashanda kuti uchengete kunamata kwedu kwakachena.—1 VaKorinte 5:13.
5. (a) Ndokupi kufanana kuri pakati pechiono chaEzekieri nechiono chaJohane chakanyorwa pana Zvakazarurwa 7:9-15? (b) Muchiono chaEzekieri, ndivanaani vanofananidzirwa nendudzi 12 dzinonamata muruvazhe rwokunze?
5 Mukoto wacho unopinda muruvazhe rwokunze umo vanhu vanonamata nokurumbidza Jehovha. Izvi zvinotiyeuchidza nezvechiono chomuapostora Johane che“vazhinji-zhinji” vanonamata Jehovha “masikati nousiku mutemberi yake.” Miti yemichindwe inoratidzwa muzviono zvose zviri zviviri. Muchiono chaEzekieri inoshongedza madziro epanopindwa napo. Muchiono chaJohane vanamati vane mapazu emichindwe mumaoko avo, zvichiratidzira kufara kwavo mukurumbidza Jehovha uye mukugamuchira Jesu saMambo wavo. (Zvakazarurwa 7:9-15) Mumashoko akapoteredza chiono chaEzekieri, ndudzi 12 dzaIsraeri dzinofananidzira “mamwe makwai.” (Johane 10:16; enzanisa naRuka 22:28-30.) Iwewo uri mumwe wevanofadzwa nokurumbidza Jehovha nokuzivisa Umambo hwake here?
6. Makamuri aiva muruvazhe rwokunze aiva eyi, uye izvi zvingayeuchidza vamamwe makwai nezveropafadzo yei?
6 Sezvatinotenderera tichiratidzwa ruvazhe rwokunze, tinoona makamuri 30 munodyira vanhu zvipiriso zvavo zvokuzvidira. (Ezekieri 40:17) Nhasi, vaya vemamwe makwai havapi zvibayiro zvemhuka, asi havauyi kutemberi yomudzimu vakabata maoko. (Enzanisa naEksodho 23:15.) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatirambe tichibayira Mwari naye [Jesu] chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake. Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibayiro zvakadai.” (VaHebheru 13:15, 16; Hosea 14:2) Kupa Jehovha zvibayiro zvakadaro iropafadzo huru.—Zvirevo 3:9, 27.
7. Kuyerwa kwetemberi kunotivimbisa nezvechii?
7 Ezekieri anotarira ngirozi zvainoyera temberi iyi yomuchiono. (Ezekieri 40:3) Nenzira yakafanana, muapostora Johane akaudzwa kuti: “Simuka, uyere temberi yaMwari, neartari, navanonamata mairi.” (Zvakazarurwa 11:1) Kuyera uku kunorevei? Zviri pachena kuti muzviitiko zvacho zvose kwakashanda sevimbiso, chiratidzo chokuti hapana chinhu chinogona kudzivisa Jehovha kuzadzika zvinangwa zvake zvine chokuita nokunamata kwakachena. Nhasiwo, tingavimbiswa kuti hapana chinhu—kunyange chishoro chinotyisa chinobva kuhurumende dzine simba—chinogona kudzivisa kutangwazve kwokunamata kwakachena.
8. Ndivanaani vanopinda napamasuo anopinda muruvazhe rwomukati, uye masuo aya anotiyeuchidza nezvechii?
8 Sezvatinofamba tichigura nomuruvazhe rwokunze, tinoona kuti pane masuo matatu anopinda muruvazhe rwomukati; masuo omukati akarongwa uye akaenzana nemasuo okunze. (Ezekieri 40:6, 20, 23, 24, 27) Vapristi bedzi ndivo vangapinda muruvazhe rwomukati. Masuo omukati anotiyeuchidza kuti vakazodzwa vanofanira kuita zvinodiwa naMwari nemitemo, asi zvinodiwa izvozvo nemitemo zvinotungamirira vaKristu vose vechokwadi. Asi basa ravapristi nderei, rinorevei nhasi?
Vapristi Vakatendeka
9, 10. “Uprist[i] hwamambo,” sezvakafanofananidzirwa neboka ravapristi muchiono chaEzekieri, hwakagovera sei murayiridzo womudzimu?
9 Munguva dzakatangira chiKristu, vapristi vakaita basa rakaoma patemberi. Kuuraya mhuka dzezvibayiro, kudzipisa paartari, uye kushandira vamwe vapristi navanhu raiva basa rainetesa zvikuru. Asi vaiva nerimwe basa rinokosha. Jehovha akarayira nezvavapristi kuti: “Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu kusiyana kwezvitsvene nezvisi zvitsvene, nokuvadzidzisa kutsaura pakati pezvisina kunaka nezvakanaka.”—Ezekieri 44:23; Maraki 2:7.
10 Unoonga basa rakaoma nerokuzvininipisa iro vakazodzwa seboka, “uprist[i] hwamambo,” vakaitira kunamata kwakachena here? (1 Petro 2:9) Savapristi vaRevhi vakare, vakatungamirira mukupa murayiridzo womudzimu, vachibetsera vanhu kuti vanzwisise zvakachena uye zvinogamuchirwa mumeso aMwari nezvisingagamuchirwi. (Mateo 24:45) Murayiridzo wakadaro, unouya nemumabhuku ezveBhaibheri nemisangano yechiKristu nekokorodzano, wakabetsera mamiriyoni kuti ayananiswe naMwari.—2 VaKorinte 5:20.
11. (a) Chiono chaEzekieri chakasimbisa sei kukosha kwokuchena kwavapristi? (b) Mumazuva okupedzisira, vakazodzwa vakacheneswa sei mupfungwa yomudzimu?
11 Zvisinei, vapristi vanofanira kuita zvakawanda kupfuura kudzidzisa vamwe kuti vave vakachena; ivo pachavo vanofanira kuva vakachena. Saka, Ezekieri akafanoona kunatswa kwavapristi vaIsraeri. (Ezekieri 44:10-16) Nenzira yakafanana, nhau inoratidza kuti muna 1918, Jehovha akagara se“munatsi” mutemberi yake yomudzimu, achiongorora boka ravapristi vakazodzwa. (Maraki 3:1-5) Avo vakanzi vakachena mumudzimu kana kuti vakapfidza kunamata zvidhori kwavaimboita vakabvumirwa kuti varambe vane ropafadzo yokushanda mutemberi yake yomudzimu. Nyange zvakadaro, kufanana navamwe vanhu vose, vakazodzwa somunhu mumwe nomumwe vanogona kuva vasina kuchena—mumudzimu nomutsika. (Ezekieri 44:22, 25-27) Vaifanira kushanda nesimba kuti varambe vasina “kusvibiswa nenyika.”—Jakobho 1:27; enzanisa naMarko 7:20-23.
12. Nei tichifanira kuonga basa revakazodzwa?
12 Mumwe nomumwe wedu angabvunza kuti, ‘Ndinoonga muenzaniso wakagadzwa navakazodzwa mumakore avo akawanda ebasa rokutendeka here? Ndinotevedzera kutenda kwavo here?’ Zvakanaka kuti vaya veboka guru vayeuke kuti havazorambi vane vakazodzwa pasi pano. Nezvevapristi vomuchiono chaEzekieri, Jehovha akati: “Hamufaniri kuvapa pfuma [yenyika] pakati paIsraeri, ini ndini pfuma yavo.” (Ezekieri 44:28) Nenzira yakafanana, vakazodzwa havana nzvimbo isingaperi pasi pano. Vane nhaka yokudenga, uye vaya veboka guru vanoiona seropafadzo yokuvatsigira nokuvakurudzira pavanenge vachiri pasi pano.—Mateo 25:34-40; 1 Petro 1:3, 4.
Muchinda—Ndiani?
13, 14. (a) Nei muchinda achifanira kuva wamamwe makwai? (b) Muchinda anofananidzira ani?
13 Zvino panomuka mubvunzo unonakidza. Saka, muchinda anomirira ani? Zvaanotaurwa nezvake semunhu uye seboka, tingafungidzira kuti anomirira boka ravarume. (Ezekieri 44:3; 45:8, 9) Asi vanaani? Zvechokwadi kwete vakazodzwa. Muchiono, anoshanda navapristi, asi haasi mumwe wavo. Kusiyana neboka ravapristi, anopiwa nhaka munyika uye nokudaro ane ramangwana pasi pano, kwete kudenga. (Ezekieri 48:21) Uyezve, Ezekieri 46:10 inoti: “Kana [ndudzi dzisiri dzavapristi] vachipinda, [muruvazhe rwokunze rwetemberi], muchinda unofanira kupinda ari pakati pavo; kana vachibuda vanofanira kubuda pamwe chete.” Haapindi muruvazhe rwomukati asi anonamata ari muruvazhe rwokunze, achipinda uye achibuda mutemberi nevanhu. Zvinhu izvi zvinoita kuti muchinda ave pakati peboka guru ramamwe makwai.
14 Zviri pachena kuti, muchinda ane basa pakati pavanhu vaMwari. Muruvazhe rwokunze, anogara mubiravira reSuo Rokumabvazuva. (Ezekieri 44:2, 3) Izvi zvingaratidza nzvimbo yokutarisira, yakafanana neiya yevarume vakuru muna Israeri vaigara pasuo reguta ndokutonga. (Rute 4:1-12; Zvirevo 22:22) Pakati pamamwe makwai ndivanaani vane nzvimbo dzokutarisira nhasi? Vakuru vane tariro yapasi pano vakagadzwa nomudzimu mutsvene. (Mabasa 20:28) Saka boka romuchinda zvino riri kugadzirirwa netarisiro yokuzoshanda munzvimbo yokutarisira munyika itsva.
15. (a) Chiono chaEzekieri chinoisa sei pachena ukama huri pakati pavakuru veboka guru neboka ravapristi vakazodzwa? (b) Ndokupi kutungamirira kwakaitwa navakuru vakazodzwa musangano raMwari rapasi?
15 Zvisinei, nhasi ukama huri pakati peboka ravapristi vakazodzwa nevarume vakuru vakadaro vari kushanda munzvimbo dzokutarisira, sevamwe veboka guru ndohwei? Chiono chaEzekieri chinenge chinoratidza kuti vakuru vari mitezo yeboka guru vane basa rokutsigira nerakaderera, nepo vakazodzwa vanotungamirira zvomudzimu. Sei? Yeuka kuti, vapristi vomuchiono vakapiwa basa rokurayiridza vanhu munhau dzomudzimu. Vakanziwo vaite savatongi munhau dzemitemo. Uyezve, vaRevhi vakaitwa “vatariri” pamasuo etemberi. (Ezekieri 44:11, 23, 24) Zviri pachena, kuti muchinda aifanira kubvuma mabasa omudzimu nokutungamirira kwavapristi. Saka, zvakafanira kuti munguva dzanhasi vakasarira vanotungamirira mukunamata kwakachena. Somuenzaniso, mitezo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha yakasarudzwa pana ivavo. Vakuru vakazodzwa vakatendeka vakadaro vave vachirovedza boka romuchinda riri kukura kwamakumi emakore, vachigadzirira mitezo inotarisirwa yeboka iri nokuda kwezuva raichapiwa simba rayo rakakwana munyika itsva yaMwari ichauya.
16. Maererano naIsaya 32:1, 2, vakuru vose vanofanira kuita sei?
16 Mitezo iyi inotarisirwa, yakamirira kupiwa mabasa akakura seboka romuchinda, vatariri vorudzii? Uporofita hunowanwa pana Isaya 32:1, 2 hunoti: “Tarirai, mambo uchabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira. Munhu mumwe nomumwe uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” Uporofita uhu huri kuzadzika nhasi sezvo vakuru vechiKristu—vakazodzwa nemamwe makwai—vanoshanda kuti vadzivirire makwai pa‘kunaya kukuru kwemvura’ kwakadai sekutambudzwa nekuodzwa mwoyo.
17. Vafudzi vechiKristu vanofanira kuzviona sei, uye makwai anofanira kuvaona sei?
17 Mashoko okuti “mambo” na“muchinda”, anoreva zvakafanana muchiHebheru, haashandiswi semazita okuremekedza anopiwa kuti akwidziridze vanhu. Panzvimbo pezvo, anorondedzera basa rine varume ava mukutarisira makwai aMwari. Jehovha anonyevera zvakasimba kuti: “Chiringaniswai nazvo, imi machinda aIsraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka.” (Ezekieri 45:9) Zvakanaka kuti vakuru vose nhasi vafungisise zano iroro. (1 Petro 5:2, 3) Makwaiwo, anoziva kuti Jesu akagovera vafudzi se“zvipo zviri varume.” (VaEfeso 4:8, NW) Zvinoita kuti vakwanise zvakanyorwa muShoko raMwari rakafuridzirwa. (1 Timotio 3:1-7; Tito 1:5-9) Saka vaKristu vanotevera kutungamirira kwavakuru.—VaHebheru 13:7.
18. Ndeapi mamwe mabasa eboka rinotarisirwa romuchinda zvino, uye basa raro munguva yemberi richava rei?
18 Munguva dzeBhaibheri mamwe machinda akanga ane simba rakawanda, mamwe ane shoma. Nhasi, vakuru veboka guru vane mabasa akasiyana-siyana zvikuru. Vamwe vanobatira muungano imwe; vamwe vanobatira ungano dzakawanda savatariri vanofambira; vamwe vanobatira nyika yose semitezo yeDare Rebazu; vamwe vanobetsera matare akasiyana-siyana eDare Rinodzora zvakananga. Munyika itsva, Jesu achagadza “machinda panyika yose” kuti atungamirire vanamati vaJehovha vari pasi pano. (Pisarema 45:16) Pasina mubvunzo achasarudza vakawanda veava pane vakuru vakatendeka vanhasi. Nemhaka yokuti varume ava vari kuzviratidza zvino, achasarudza kuti aronzese vakawanda neropafadzo dzakatokura munguva yemberi paanozivisa basa reboka romuchinda munyika itsva.
Nyika Yavanhu vaMwari Nhasi
19. Nyika yomuchiono chaEzekieri inomirirei?
19 Chiono chaEzekieri chinoratidzawo nyika yakadzorerwa yaIsraeri. Chikamu ichi chechiono chinomirirei? Humwe uporofita hwokudzorerwa hwakafanotaura kuti nyika, Israeri, yaizova paradhiso yakafanana neEdheni. (Ezekieri 36:34, 35) Nhasi, tine “nyika” yakadzorerwa, uye iyiwo, mupfungwa yakati, yakafanana neEdheni. Nenzira yakafanana, tinowanzotaura nezveparadhiso yedu yomudzimu. Nharireyomurindi yakarondedzera “nyika” yedu se“nzvimbo yemubato” wavanhu vaMwari vakasarudzwa.b Chero kupi kungava kune mubatiri waJehovha, ari munyika iyoyo yakadzorerwa chero bedzi achiedza kutsigira kunamata kwechokwadi kuburikidza nokufamba mumakwara aKristu Jesu.—1 Petro 2:21.
20. Inheyo ipi yatingadzidza mu“chipo chitsvene” chomuchiono chaEzekieri, uye tingashandisa sei nheyo iyi?
20 Zvakadini nechikamu chenyika chinonzi “chipo chitsvene”? Ichi chakanga chiri chipo chavanhu chokutsigira vapristi neguta. Nenzira yakafanana, “vanhu vose venyika” vaifanira kupa chikamu chenyika chomuchinda. Izvi zvinorevei nhasi? Chokwadi, kwete kuti vanhu vaMwari vanofanira kuremedzwa neboka ravafundisi vanohoreswa. (2 VaTesaronika 3:8) Panzvimbo pezvo, kutsigirwa kunoitwa vakuru ndekwomudzimu kunyanya. Kunobatanidza kubatsira mubasa riri kutoitwa nokuratidza chido chokushandira pamwe, chokuzviisa pasi. Asi, somuzuva raEzekieri, chipo ichi chinopiwa “Jehovha,” kwete munhu upi noupi.—Ezekieri 45:1, 7, 16.
21. Tingadzidzei mukukamurwa kwenyika yomuchiono chaEzekieri?
21 Muchinda navapristi havasivo voga vane nzvimbo dzavakagoverwa munyika iyi yakadzorerwa. Kukamurwa kwenyika kunoratidza kuti imwe neimwe yendudzi 12 ine nhaka yakachengeteka. (Ezekieri 47:13, 22, 23) Saka vaya veboka guru havana nzvimbo muparadhiso yomudzimu bedzi nhasi asiwo vachagamuchira mugove wenyika pavanogara nhaka munzvimbo yepasi pano yoUmambo hwaMwari.
22. (a) Guta romuchiono chaEzekieri rinomirirei? (b) Tingadzidzei nezvokuva nemasuo kumativi ose kweguta?
22 Pakupedzisira, guta riri muchiono rinomirirei? Harisi guta rokudenga, nokuti riri pakati penyika “yakashatiswa” (isiri tsvene). (Ezekieri 48:15-17) Saka rinofanira kuva chimwe chinhu chepasi pano. Saka, guta chii? Haripi pfungwa yokuungana kwavanhu seboka ndokuumba chimwe chinhu chakagadzirwa, chakarongeka here? Hungu. Nokudaro, guta racho rinoita serinofananidzira kutarisira kwapasi pano kunobetsera vose vachaumba nzanga yakarurama yapasi. Ichashanda zvakakwana mu“nyika itsva” iri kuuya. (2 Petro 3:13) Masuo eguta ari kumativi ose, rimwe nokuda kwendudzi yoga yoga, anonyatsoratidza kusununguka. Nhasi, vanhu vaMwari havatarisirwi zvakavanda, zvisingazivikanwi. Hama dzine mutoro dzinofanira kuva dzinotaurika nadzo; nheyo dzinodzitungamirira dzinonyatsozivikanwa navose. Chokwadi chokuti vanhu vanobva kundudzi dzose vanorima nyika inotsigira guta chinotiyeuchidza kuti mamwe makwai anotsigira, nyange nezvokunyama, gadziriro dzokutarisira dzinoitirwa vanhu vaMwari munyika yose.—Ezekieri 48:19, 30-34.
23. Tichadzidzei munyaya inotevera?
23 Zvisinei, zvakadini norwizi rwunoyerera ruchibva munzvimbo tsvene yetemberi? Zvarwunomirira nhasi uye munguva yemberi zvichava musoro wenyaya yechitatu iri yokupedzisira munhevedzano ino.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, peji 64, ndima 22, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Pfungwa Dzokuhwirudzura
◻ Temberi yomuchiono chaEzekieri inofananidzirei?
◻ Vapristi vanoshanda patemberi vanofananidzira ani?
◻ Boka romuchinda chii, uye mamwe emabasa aro ndeapi?
◻ Nyika iri muchiono chaEzekieri chii, uye inogovewa kundudzi 12 mupfungwa ipi?
◻ Guta rinomirirei?
[Mufananidzo/Mepu iri papeji 15]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Kugovewa kwenyika sezvakaratidzirwa muchiono chaEzekieri
NDUDZI GUMI NEMBIRI
Gungwa Guru
Gungwa reGarirea
Rwizi rweJoridhani
Gungwa Romunyu
DHANI
ASHERI
NAFTARI
MANASE
EFRAIMI
RUBHENI
JUDHA
MUCHINDA
BHENJAMINI
SIMEONI
ISAKARI
ZEBHURUNI
GADHI
[Mufananidzo]
CHIPO CHITSVENE CHAKAKUDZWA
A. “Jehovha Pachake Aripo” (Jehovah-Shammah); B. nyika yeguta inobereka zvibereko
Chikamu chavaRevhi
Nzvimbo Tsvene yaJehovha
Chikamu chavaPristi
B A B