-
“Hakuna Ugeremo, Uchati: Ndinorwara”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
Kuporeswa
20. Vanhu vaMwari vachaona kuporeswa kworudzii, uye rini?
20 Chikamu chino chouprofita hwaIsaya chinoguma nechipikirwa chinofadza kwazvo chokuti: “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.” (Isaya 33:24) Urwere uhwo Isaya anotaura nezvahwo kunyanya ndehwomudzimu, nokuti hwakabatana nechivi, kana kuti “zvakaipa.” Mukushanda kwokutanga kwemashoko aya, Jehovha anopikira kuti pashure pokusunungurwa kwavo pakutapwa neBhabhironi, rudzi rwacho ruchaporeswa mumudzimu. (Isaya 35:5, 6; Jeremia 33:6; enzanisa nePisarema 103:1-5.) Vakanganwirwa zvivi zvavo zvakapfuura, vaJudha vari kudzoka vachamutsiridzazve kunamata kwakachena muJerusarema.
21. Vanamati vaJehovha nhasi vanowana kuporeswa kwomudzimu munzirai?
21 Zvisinei, uprofita hwaIsaya hune kuzadzika kwazvino. Vanhu vaJehovha nhasi vakave vachiporeswawo mumudzimu. Vakasunungurwa padzidziso dzenhema dzakadai sokuti mweya haufi, Utatu, uye hero yemoto. Vanogamuchira nhungamiro mutsika, zvichivasunungura pamiitiro younzenza uye zvichivabetsera kuita zvisarudzo zvakanaka. Uye nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, vane kumira kwakachena pamberi paMwari uye vane hana yakachena. (VaKorose 1:13, 14; 1 Petro 2:24; 1 Johani 4:10) Kuporeswa kwomudzimu uku kune zvakunobetsera muviri. Somuenzaniso, kurega unzenza nokushandisa zvinobva mufodya kunodzivirira vaKristu pahosha dzinopomeranwa nokurara pamwe uye mamwe marudzi ekenza.—1 VaKorinde 6:18; 2 VaKorinde 7:1.
22, 23. (a) Isaya 33:24 ichava nokuzadzika kukuru kwechii munguva yemberi? (b) Ndokupi kuri kutsunga kwevanamati vechokwadi nhasi?
22 Uyezve, kuchava nokuzadzika kukuru kwemashoko aIsaya 33:24 pashure peAmagedhoni, munyika itsva yaMwari. Mukutonga kwoUmambo hwaMesiya, vanhu vachaporeswa miviri zvikuru pamwe nokuporeswa kwavo mumudzimu. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Gadziriro yezvinhu yaSatani ichangoparadzwa, zvishamiso zvakafanana neizvo Jesu akaita paakanga ari pano pasi pasina mubvunzo zvichaitika munyika yose. Mapofu achaona, matsi dzichanzwa, vanokamhina vachafamba! (Isaya 35:5, 6) Izvi zvichagonesa vose vanopona padambudziko guru kuitawo basa guru rokuita kuti pasi rive paradhiso.
23 Gare gare pachatanga rumuko, avo vanodzoka kuupenyu pasina mubvunzo vachamutswa vane utano hwakanaka. Asi kukosha kwechibayiro chorudzikinuro sezvakunoshandiswa zvakawedzerwa, zvimwe zvinobetsera muviri zvichatevera, kusvika vanhu vasvitswa pakukwana. Ipapo, vakarurama vacha“va vapenyu” mupfungwa yakakwana. (Zvakazarurwa 20:5, 6) Panguva iyoyo, munzira yomudzimu uye sezvazviri chaizvo, “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” Chipikirwa chinofadza sei! Vanamati vose vechokwadi nhasi ngavatsunge kuti vave pakati pevachaona kuzadzika kwacho!
-
-
“Hakuna Ugeremo, Uchati: Ndinorwara”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
[Mifananidzo iri papeji 353]
Nemhaka yechibayiro chorudzikinuro, vanhu vaJehovha vane kumira kwakachena pamberi pake
[Mufananidzo uri papeji 354]
Munyika itsva, muchava nokuporeswa kwomuviri kukuru
-